Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ganhuro Renomwe

Mumba Mune Mupandukiri Here?

Mumba Mune Mupandukiri Here?

1, 2. (a) Muenzanisoi wakapa Jesu kusimbisa kusatendeka kwavatungamiriri vorudzidziso vechiJudha? (b) Ipfundoi pamusoro pavayaruki ratinogona kudzidza mumuenzaniso waJesu?

MAZUVA mashomanene asati afa, Jesu akabvunza boka ravatungamiriri vorudzidziso vechiJudha mubvunzo unonyandura mufungo. Iye akati: “Zvino munofungeiko? Mumwe munhu wakanga ana vana vaviri; akaenda kune wokutanga, akati: Mwana, enda nhasi kundobata mumunda wangu wemizambiringa. Iye akapindura, akati: Handidi; asi pashure akazvidya mwoyo, akaenda. Akaenda kune wechipiri, akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati: Ndinoenda, ishe; akasaenda. Ndoupiko kuna ivavo vaviri wakaita kuda kwababa vake?” Vatungamiriri vechiJudha vakapindura vachiti: “Wokutanga.”—Mateo 21:28-31.

2 Jesu pano akanga achisimbisa kusatendeka kwavatungamiriri vechiJudha. Ivo vakanga vakafanana nomwanakomana wechipiri, kupika kuita kuda kwaMwari uye ipapo vasingachengeti chipikirwa chavo. Asi vabereki vakawanda vachaziva kuti muenzaniso waJesu wakanga wakavakirwa pakunzwisiswa kwakanaka kwoupenyu hwemhuri. Seizvo akaratidza zvakanaka kwazvo, kunowanzova kwakaoma kuziva icho vanhu vaduku vari kufunga kana kuti kufanoziva chavachaita. Munhu muduku angaparira zvinetso zvakawanda mukati mokuyaruka kwake uye ipapo kukura kuva munhu mukuru akavimbika, anosanoremekedzwa. Ichi ndichimwe chinhu chokuyeuka apo tinokurukura chinetso chokupandukira kwavechiduku.

MUPANDUKIRI CHII?

3.Neiko vabereki vachifanira kusakurumidza kuratidzira mwana wavo somupandukiri?

3 Panguva nenguva, unganzwa nezvevechiduku vanopandukira vabereki vavo zvakananga. Ungatoziva somunhu oga nezvemhuri umo wechiduku anoratidzika kuva asingabviri kudzora. Zvisinei, hakusi nyore nguva dzose kuziva kana mwana ari mupandukiri chaizvoizvo. Uyezve, kunogona kuva kwakaoma kunzwisisa chikonzero nei vamwe vana vachipandukira uye vamwe—kunyange vanobva mumhuri imwe cheteyo—vasati. Kana vabereki vachifungidzira kuti mumwe wavana vavo angave achitanga kuva mupandukiri chose chose, chii chavanofanira kuita? Kupindura ikoku, tinofanira kutanga kutaura pamusoro paari mupandukiri.

4-6. (a) Mupandukiri chii? (b) Vabereki vanofanira kuyeukei kana wechiduku wavo asingateereri panguva nenguva?

4 Kukataurwa zvakapfava, mupandukiri munhu asingateereri namaune uye nguva dzose kana kuti anodzivisa uye anozvidza chiremera chakakwirira. Chokwadika, ‘upenzi huri mumwoyo womwana.’ (Zvirevo 22:15) Naizvozvo vana vose vanodzivisa chiremera chavabereki nechavamwe panguva yakati. Ikoku ndokwechokwadi zvikuru mukati menguva yokukura kwomuviri nendangariro kunozivikanwa sokuyaruka. Chinjo muupenyu hwomunhu upi noupi ichaparira dzvinyiriro, uye kuyaruka inguva yechinjo dzakawanda. Mwanakomana wako wechiduku kana kuti mwanasikana ari kubuda muuhwana ndokupinda munzira yokuva munhu mukuru. Nokuda kweichi chikonzero, mukati memakore okuyaruka, vamwe vabereki navana vane nguva yakaoma yokuwirirana. Kazhinji kazhinji vabereki vanoedza nenzira yomuzvarirwo kudzora kuchinja kwacho, nepo vechiduku vachida kukukurumidzisa.

5 Wechiduku uyo ari mupandukiri anoramba mipimo yavabereki. Yeuka, kunyange zvakadaro, kuti zviito zvishomanene zvokusateerera hazviiti mupandukiri. Uye pamusoro penhau dzomudzimu, vamwe vana pakutanga vangaratidza fariro shomanene kana kuti kusafarira zvokwadi yeBhaibheri, asi vangasava vapandukiri. Somubereki, usakurumidza kuisa mwana wako muboka racho.

6 Makore okuyaruka avanhu vaduku vose anoratidzirwa nokupandukira chiremera chavabereki here? Aiwa, nyangwe. Zvirokwazvo, ufakazi hungaratidzira kuti vashomanene bedzi vavechiduku vanoratidzira kupandukira kwokuyaruka kwakakomba. Zvisinei, zvakadini nezvomwana anopandukira nechisimbwa uye nguva dzose? Chii chingaparira kupandukira kwakadaro?

ZVISAKISO ZVOKUPANDUKIRA

7. Mhoteredzo yaSatani inogona sei kupesvedzera mwana kupandukira?

7 Chisakiso chikuru chokupandukira imhoteredzo yenyika yaSatani. “Nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Nyika iri musimba raSatani yakatanga tsika inokuvadza iyo vaKristu vanofanira kurwisana nayo. (Johane 17:15) Uzhinji hwetsika iyoyo hwakaipa zvikuru, hune ngozi zvikuru, uye hwakazadzwa nepesvedzero dzakaipa zvikuru nhasi kupfuura munguva yakapfuura. (2 Timotio 3:1-5, 13) Kana vabereki vasingadzidzisi, kunyevera, uye kudzivirira vana vavo, vaduku vanogona kusatana kukurirwa no“mudzimu unoshanda zvino muvana vokusateerera.” (VaEfeso 2:2, NW) Inowirirana naiwoyu idzvinyiriro yavaenzani. Bhaibheri rinoti: “Shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Nenzira yakafanana, uyo anosonganirana naavo vakazadzwa nomudzimu wenyika ino sezvingabvira achapesvedzerwa nomudzimu iwoyo. Vaduku vanoda betsero yenguva dzose kana vachizonzwisisa kuti kuteerera nheyo dzoumwari hwaro hwenzira yakanakisisa zvikuru youpenyu.—Isaya 48:17, 18.

8. Zvinhui zvingatungamirira kukupandukira kwomwana?

8 Chimwe chisakiso chokupandukira chingava mamiriro ezvinhu ari mumusha. Somuenzaniso, kana mubereki mumwe ari chidhakwa, achishandisa mirimo zvisakafanira, kana kuti ane masimba masimba kune mumwe mubereki, murangariro wowechiduku woupenyu unogona kushatiswa. Kunyange mumisha yakanyarara zvikuru, kupandukira kungatanga apo mwana anorangarira kuti vabereki vake havamufariri. Zvisinei, kupandukira kwavechiduku hakuparirwi nguva dzose nepesvedzero dzokunze. Vamwe vana vanofuratira mipimo yavabereki pasinei zvapo nokuva navabereki vanoshandisa nheyo dzoumwari uye avo vanovadzivirira, kusvikira patambanuko huru, panyika yakavapoteredza. Neiko? Zvichida nemhaka yechimwe chisakiso chezvinetso zvedu—kusakwana kwavanhu. Pauro akati: “Zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe [Adhama], norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.” (VaRoma 5:12) Adhama akanga ari mupandukiri ane udyire, uye akasiyira vana vake vose nhaka yakashata. Dzimwe pwere dzinongosarudza hadzo kupandukira, sezvakaita sekuru vadzo.

ERI AIBVUMIRA MADIRO UYE REHOBHOAMI AIGANHURIRA

9. Kunyanyisai mukurera mwana kunganyandura mwana kuti apandukire?

9 Chimwezve chakatungamirira kukupandukira kwavechiduku murangariro usina kudzikama wokurera vana una vabereki. (VaKorose 3:21) Vamwe vabereki vanongwarira vanoganhurira zvakakomba ndokuranga vana vavo. Vamwe vanobvumira madiro, vasingagoveri nhungamiro dzingadzivirira muyaruki wavo asina ruzivo rwokuzviwanira. Hakusi nyore nguva dzose kuva akadzikama pakati pouku kunyanyisa kuviri. Uye vana vakasiyana-siyana vane zvinodikanwa zvakasiyana-siyana. Mumwe angada kutarisirwa kukuru kupfuura mumwe. Zvisinei, mienzaniso miviri yeBhaibheri ichabetsera kuratidza ngozi dzokunyanyisa mukuganhurira kana kuti zvimwe mumadiro.

10. Neiko Eri, kunyange zvazvo sezvingabvira akanga ari muprista mukuru akatendeka, akanga ari mubereki akashata?

10 Muprista mukuru waIsraeri wakare Eri akanga ari baba. Akabatira kwamakore 40, pasina panikiro achiva aisanoziva Mutemo waMwari. Eri sezvingabvira aiita mabasa ake ouprista enguva dzose nokutendeka zvikuru uye angatove akadzidzisa zvakakwana Mutemo waMwari kuvana vake, Hofni naPinehasi. Zvisinei, Eri ainyanyotunhira vanakomana vake. Hofni naPinehasi vakabatira savaprista vanoshanda, asi vakanga “vari vanhu vakaisvoipa,” vaingofarira bedzi kugutsa zvido zvavo nezvishuvo zvounzenza. Bva, apo vaiita mabasa anonyadzisa panzvimbo inoyera, Eri haana kuva noushingi hwokuvadzinga pabasa. Akangovatuka zvake zvisina simba. Kupfurikidza nokubvumira kwake madiro, Eri akakudza vanakomana vake kupfuura Mwari. Somugumisiro, vanakomana vake vakapandukira kunamatwa kwakachena kwaJehovha uye imba yose yaEri yakatambura ngwavaira.—1 Samueri 2:12-17, 22-25, 29; 3:13, 14; 4:11-22.

11. Vabereki vanogona kudzidzei mumuenzaniso usina kururama waEri?

11 Vana vaEri vakanga vatova vanhu vakura apo izvi zviitiko zvakaitika, asi iyi nhau inosimbisa nhau yokurega chirango. (Enzanisa naZvirevo 29:21.) Vamwe vabereki vangavhiringidza rudo nokubvumira madiro, vachikundikana kugadza nokuita kuti mitemo yakajeka, ine tsinhano, uye ine mifungo iteererwe. Vanoregeredza kushandisa chirango chine rudo, kunyange apo nheyo dzoumwari dzinopunzwa. Nemhaka yokubvumira madiro kwakadaro, vana vavo vanoguma vasisapi ngwariro kuchiremera chavabereki kana kuti chorumwe rudzi rupi norupi.—Enzanisa naMuparidzi 8:11.

12. Chikanganisoi chakaita Rehobhoami mukushandiswa kwechiremera?

12 Rehobhoami anoratidzira kumwe kunyanyisa mukushandisa chiremera. Iye akanga ari mambo wokupedzisira woumambo hwakabatana hwaIsraeri, asi akanga asiri mambo akanaka. Rehobhoami akanga agara nhaka nyika yaiva navanhu vakanga vasingagutswi nemhaka yemitoro yakaiswa pavari nababa vake, Soromoni. Rehobhoami akaratidza kunzwisisa here? Aiwa. Apo nhume dzakamukumbira kubvisa mimwe yemitemo inodzvinyirira, akakundikana kuteerera zano rechikuru rakabva kuvapi vezano vake vakuru ndokurayira kuti joko ravanhu riitwe kuti rireme zvikuru. Kuzvikudza kwake kwakaparira kupandukira kwakaitwa namarudzi gumi okuchamhembe, uye umambo hwacho hwakatsemurwa kuva huviri.—1 Madzimambo 12:1-21; 2 Makoronike 10:19.

13. Vabereki vanogona sei kudzivisa chikanganiso chaRehobhoami?

13 Vabereki vanogona kudzidza zvidzidzo zvinokosha munhoroondo yeBhaibheri yaRehobhoami. Vanofanira “kutsvaka Jehovha” mumunyengetero nokunzvera mitoo yavo yokurera vana nebetsero yenheyo dzeBhaibheri. (Pisarema 105:4, NW) “Kumanikidza kunoita muchenjeri benzi,” anodaro Muparidzi 7:7. Miganhu yakasanofungwa inopa vayaruki mukana wokukura ichivadzivirira pakuvadziko. Asi vana havafaniri kugara vari mumhoteredzo yorumano kwazvo uye inoganhurira zvokuti vanodziviswa kuva nomwero une mufungo wokuzvimirira nokuzvivimba. Apo vabereki vanovavarira nokuda kwedzikamo pakati porusununguko rwakanaka nemiganhu yakasimba iyo inoratidzirwa zvakajeka, vechiduku vakawanda zvikurusa vachanzwa vasingadi kupandukira.

KUITA ZVINODIKANWA ZVIKURU KUNOGONA KUDZIVISA KUPANDUKIRA

14, 15. Vabereki vanofanira kurangarira sei kukura kwomwana wavo?

14 Kunyange zvazvo vabereki vachifara kuona muduku wavo achikura mumuviri kubva paucheche kusvika kumunhu mukuru, vanganzwa vachivhiringidzwa apo mwana wavo anoyaruka anovamba kubva pakutsamira achienda kukuzvimirira kwakafanira. Mukati meiyi nhambo yokuchinja, musashamiswa kana wechiduku wenyu achiti sindimarei kana kuti asingabatiri pamwe panhambo nenhambo. Yeukai kuti nharidzano yavabereki vechiKristu inofanira kuva yokurera muKristu akakura mumudzimu, akadzikama, uye akavimbika.—Enzanisa na1 VaKorinte 13:11; VaEfeso 4:13, 14.

15 Kunyange zvazvo kungava kwakaoma, vabereki vanofanira kurega tsika yokuramba chikumbiro chipi nechipi chinobva kumuyaruki wavo chokuzvimirira kukuru. Nenzira yakanaka, mwana anofanira kukura somunhu oga. Zvirokwazvo, pazera duku zvikuru, vamwe vechiduku vanovamba kukudza murangariro woukuru zvikuru. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti nezvaMambo muduku Josia: “Achiri muduku [wamakore anenge 15], wakatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi.” Uyu wechiduku akatanhamara akanga ari nenzira yakajeka munhu akavimbika.—2 Makoronike 34:1-3.

16. Sezvo vana vanopiwa basa rakawedzerwa, chii chavanofanira kuziva?

16 Zvisinei, rusununguko runouya nokuzvidavirira. Naizvozvo, bvumirai mukuru wako ari kukura kuva nemigumisiro yezvimwe zvezvisarudzo zvake nezviito. Nheyo yokuti, “izvo zvinodzvara munhu, ndizvo zvaanochekazve,” inoshanda kuvechiduku pamwe chete nokuvanhu vakuru. (VaGaratia 6:7) Vana havagoni kudzivirirwa nokusingaperi. Zvakadini, kunyange zvakadaro, kana mwana wako achida kuita chimwe chinhu chisingagamuchiriki chose chose? Somubereki akavimbika, unofanira kuti, “Aiwa.” Uye, nepo ungatsanangura zvikonzero, hapana chinhu chinofanira kuchinja aiwa wako kuva hungu. (Enzanisa naMateo 5:37.) Kunyange zvakadaro, edza kuti “Aiwa” nomutoo wakaterama noune mufungo, sezvo “mhinduro nyoro i[chi]dzora kutsamwa.”—Zvirevo 15:1.

17. Ndezvipi zviri zvimwe zvinodikanwa zvowechiduku izvo mubereki anofanira kuita?

17 Vanhu vaduku vanoda chengeteko yechirango chinotsinhirana kunyange zvazvo kana nguva dzose vasingabvumirani nyore nyore neganhuriro kana mitemo. Kunovhiringidza kana mitemo ichichinjwa kazhinji kazhinji, kuchitsamira panzira iyo mubereki anorangarira nayo panguva yacho. Uyezve, kana vechiduku vakagamuchira kurudziro nebetsero, sezvinodikanwa, mukugonana nekuzengurira, manyadzi, kana kuti kushayikwa kwokuzvivimba, sezvingabvira vachakura kuva vakadzikama zvikuru. Vechiduku vanoongawo apo vanogamuchira chivimbo icho vakawana.—Enzanisa naIsaya 35:3, 4; Ruka 16:10; 19:17.

18. Ndedzipi dziri zvokwadi dzinokurudzira pamusoro pevechiduku?

18 Vabereki vanogona kunyaradzwa nokuziva kuti apo rugare, kuterama, uye rudo zvinenge zviri mukati memhuri, vana vanowanzobudirira. (VaEfeso 4:31, 32; Jakobho 3:17, 18) Chokwadi, vaduku vakawanda vakatokurira mhoteredzo yomusha yakashata, vachibva mumhuri dzoudhakwa, masimba masimba, kana kuti imwe pesvedzero yakati inokuvadza, uye vakakura kuva vanhu vakuru vakaisvonaka. Nokudaro, kana uchigovera musha umo vechiduku vako vanonzwa vakakotsekana uye vachiziva kuti vachagamuchira rudo, chidakadaka, uye ngwariro—kunyange kana tsigiro iyoyo ichiperekedzwa neganhuriro dzine mufungo nechirango chiri mutsinhirano nenheyo dzapaMagwaro—sezvingabvira zvikuru vachakura kuva vanhu vakuru vauchadada navo.—Enzanisa naZvirevo 27:11.

APO VANA VANOPINDA MUDAMBUDZIKO

19. Nepo vabereki vachifanira kurovedza mukomana munzira yaanofanira kufamba nayo, ibasai rine mwana?

19 Kurera kwakanaka zvirokwazvo kunoita musiyano. Zvirevo 22:6 inoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” Zvisinei, zvakadini nezvavana vane zvinetso zvakakomba pasinei zvapo nokuva navabereki vakanaka? Ikoku kunobvira here? Hungu. Mashoko echirevo anofanira kunzwisiswa nokurangarira nedzimwe ndima dzinosimbisa basa romwana roku“teerera” vabereki. (Zvirevo 1:8) Vose vari vaviri mubereki nomwana vanofanira kubatira pamwe mukushandisa nheyo dzapaMagwaro kana kuchizova netsinhirano yemhuri. Kana vabereki navana vakasashandira pamwe chete, kuchava nematambudziko.

20. Apo vana vanoita mhosho nemhaka yokuva vasina kufunga, ndokupi kungava kuita kwouchenjeri kunoitwa navabereki?

20 Vabereki vanofanira kuita sei apo wechiduku anokanganisa uye anopinda muchinetso? Ipapo, zvikurukuru, muduku anoda betsero. Kana vabereki vakayeuka kuti vari kubata nepwere isina ruzivo rwokuzviwanira, vachadzivisa zviri nyore zvikuru chimiro chendangariro chokupfuura mwero. Pauro akapa zano vakakura mumudzimu muungano, kuti: “Kunyange munhu akabatwa pane kumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomwoyo wounyoro.” (VaGaratia 6:1) Vabereki vanogona kutevera muitiro mumwe chetewo pakubata nomunhu muduku anoita chikanganiso nemhaka yokuva asingafungi. Vachitsanangura zvakajeka chikonzero nei mufambiro wake wakanga usina kururama uye nzira yokudzivisa nayo kudzokorora mhosho yacho, vabereki vanofanira kujekesa kuti ndiwo mufambiro usina kururama, kwete pwere, wakashata.—Enzanisa naJudhasi 22, 23.

21. Vachitevera muenzaniso weungano yechiKristu, vabereki vanofanira kuita sei kana vana vavo vakaita chivi chakakomba?

21 Zvakadini kana usindimari hwomuduku wacho hwakakomba zvikuru? Muchiitiko ichocho mwana anoda betsero chaiyo nenhungamiro ine unyanzvi. Apo mutezo weungano unoita chivi chakakomba, unokurudzirwa kupfidza ndokusvika vakuru nokuda kwebetsero. (Jakobho 5:14-16) Akangopfidza bedzi, vakuru vanoshanda naye kuti vamudzorere mumudzimu. Mumhuri basa rokubetsera wechiduku anokanganisa nderavabereki, kunyange zvazvo vangada kukurukura nhau yacho navakuru. Ivo zvirokwazvo vanofanira kusaedza kuvanzira mutumbi wavakuru zvivi zvakakomba zvipi nezvipi zvakaitwa nomumwe wavana vavo.

22. Mukutevedzera Jehovha, chimiroi chendangariro icho vabereki vachaedza kuchengeta kana mwana wavo akaita chikanganiso chakakomba?

22 Chinetso chakakomba chinobatanidza vana vomunhu amene chinonetsa zvikuru. Vakangaidzwa mundangariro, vabereki vanganzwa vachida kutyisidzira vakatsamwa mwana akasindimara; asi ikoku kungangomuita bedzi kuti akasharare. Rangarirai kuti ramangwana rouyu munhu muduku ringatsamira pakuti iye anobatwa sei mukati meiyi nguva inotambudza. Yeukaiwo kuti Jehovha akanga akagadzirira kukanganwira apo vanhu vake vakabva pachakanga chakarurama—kana bedzi vaizopfidza. Teerera aya mashoko ake orudo: “Chiuyai zvino, titaurirane, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.” (Isaya 1:18) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kwevabereki!

23. Pasinei zvapo nechivi chakakomba chaparwa nomumwe wavana vavo, vabereki vanofanira kuita sei, uye chii chavanofanira kudzivisa?

23 Nokudaro, edzai kukurudzira akasindimara kuchinja nzira yake. Tsvakai zano rakanaka kuvabereki vane ruzivo rwokuzviwanira navakuru veungano. (Zvirevo 11:14) Edzai kusaita nokukurumidza ndokutaura kana kuti kuita zvinhu zvingakuita kuti kuve kwakaomera mwana wenyu kudzokera kwamuri. Dzivisai kutsamwa kusingadzorwi nokukasharara. (VaKorose 3:8) Musakurumidza kurega. (1 VaKorinte 13:4, 7) Nepo muchivenga ushati, dzivisai kuva vakaoma ndokushatirirwa mwana wenyu. Chinokosha zvikuru, vabereki vanofanira kuvavarira kugadza muenzaniso wakaisvonaka nokuchengeta kutenda kwavo muna Mwari kwakasimba.

KUBATA NOMUPANDUKIRI AKATSUNGA

24. Mamiriroi ezvinhu anosuruvarisa anomuka pane dzimwe nguva mumhuri yechiKristu, uye mubereki anofanira kuita sei?

24 Muzvimwe zviitiko kunova pachena kuti pwere yakaita chisarudzo chaicho chokupanduka ndokuramba chose chose nheyo dzechiKristu. Ipapo ngwariro inofanira kuchinja ichienda kuiya yokuchengeta kana kuti kuvakazve upenyu hwemhuri hwaavo vasara. Ngwarirai kuti hamunangidziri simba renyu rose kumupandukiri, muchiregeredza vamwe vana. Panzvimbo pokuedza kuvanza chinetso kuvasara vemhuri, kurukurai nhau yacho navo kusvikira kutambanuko yakafanira uye nenzira inokurudzira.—Enzanisa naZvirevo 20:18.

25. (a) Vachitevera muenzaniso weungano yechiKristu, vabereki vangafanira kupfuurira sei kana mwana akapfuurira kuva mupanduki akatsunga? (b) Vabereki vanofanira kuyeukei kana mumwe wavana vavo akapandukira?

25 Muapostora Johane akati nezvomunhu anova mupandukiri asingaruramisiki muungano: “Musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, Kwaziwa!” (2 Johane 10) Vabereki vanganzwa kuri madikanwa kuva nechimiro chakafanana kumwana wavo vamene kana iye ava wezera rapamutemo uye achiva anopandukira chose chose. Kunyange zvavo chiito chakadaro chingave chakaoma uye chakaipa, pane dzimwe nguva chinokosha nokuda kwokudzivirira vasara vemhuri. Mhuri yako inoda dziviriro yako netarisiro inopfuurira. Nokudaro, ramba uchichengeta miganhu yomufambiro inorondedzerwa zvakajeka, bva ine mufungo. Kurukura navamwe vana. Farira zvavari kuita muchikoro nomuungano. Uyewo, ita kuti vazive kuti kunyange zvazvo usingatenderi zviito zvomwana anopandukira, haumuvengi. Shora chiito chakashata panzvimbo pomwana. Apo vanakomana vaviri vaJakobho vakaita kuti mhuri yacho idzingwe nemhaka yechiito chavo choutsinye, Jakobho akatuka kutsamwa kwavo kwamasimba masimba, kwete vanakomana vamene.—Genesi 34:1-31; 49:5-7.

26. Vabereki vanongwarira vanogona kuwana nyaradzo muchii kana mumwe wavana vavo akapandukira?

26 Unganzwa une mhaka nokuda kwechakaitika mumhuri yako. Asi kana wakaita nenzira yokunyengetera zvose zvawaigona, kutevera zano raJehovha zvakanaka sezvawaikwanisa, hapana kudikanwa kwokuzvitsoropodza umene nenzira isina mufungo. Nyaradzwa neidi rokuti hakuna munhu anogona kuva mubereki akakwana, asi wakaedza nokungwarira kuva akanaka. (Enzanisa naMabasa 20:26.) Kuva nomupandukiri chaiye mumhuri kunorwadza, asi kana kukafanira kuitika kwauri, iva nechokwadi chokuti Mwari anonzwisisa uye haasati achizotongosiya vabatiri vake vakazvipira. (Pisarema 27:10) Naizvozvo runda kuchengeta musha wako wakakotsekana, nzvimbo yomudzimu youpi noupi wavana vasara.

27. Vachiyeuka mufananidzo womwanakomana anopambadza, vabereki vomwana anopandukira nguva dzose vanogona kuva netariro yechii?

27 Uyezve, hausati uchitongofanira kurasa tariro. Nhamburiko dzako dzapakuvamba mukurovedza kwakafanira pakupedzisira dzingatapurawo mwoyo womwana anotsauka ndokumuita kuti afunge zvakanaka. (Muparidzi 11:6) Mhuri dzakati dzechiKristu dzakava nechakaitika chimwe chetecho nechako, uye dzimwe dzakaona vana vadzo vanopanduka vachidzoka, zvakafanana zvikuru nezvakaita baba vomumufananidzo waJesu womwanakomana anopambadza. (Ruka 15:11-32) Chinhu chimwe chetecho chingaitika kwauri.