Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ganhuro Regumi Neimwe

Chengetai Rugare Mumhuri Yenyu

Chengetai Rugare Mumhuri Yenyu

1. Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvingaparira kukamukana mumhuri?

VANOFARA avo vari mumhuri mune rudo, nzwisiso, uye rugare. Tinokarira kuti yenyu imhuri yakadaro. Kunosuruvarisa kutaura kuti, mhuri dzisingaverengeki dzinokundikana kukodzera rondedzero iyoyo uye dzakakamurwa nokuda kwechikonzero chakati. Chii chinokamura mhuri? Muganhuro rino tichakurukura zvinhu zvitatu. Mudzimwe mhuri, mitezo haigoverani yose rudzidziso rumwe cheterwo. Mune dzimwe, vana vangasava navabereki vamwe chetevo vakavabereka. Mudzimwezve, kuparapatika kuwana chokurarama nacho kana kuti chishuvo chezvinhu zvakawanda zvokunyama chinoratidzika kuva chinomanikidza mitezo yemhuri kuparadzana. Bva, mamirire ezvinhu anokamura mhuri imwe angasakamura imwe. Chii chinoparira musiyano wacho?

2. Vamwe vanotsvaka kupi nhungamiro muupenyu hwemhuri, asi ndaapi ari manyuko akanakisisa enhungamiro yakadaro?

2 Murangariro chimwe chisakiso. Kana ukaedza zvapachokwadi kunzwisisa murangariro womumwe munhu, sezvingabvira zvikuru uchanzwisisa nzira yokuchengeta nayo mhuri yakabatana. Chisakiso chechipiri manyuko ako enhungamiro. Vanhu vakawanda vanotevera zano ravashandi biyavo, vavakidzani, vanyori venhau dzomumapepanhau, kana kuti vamwe vatungamiriri vari vanhu. Vamwe, kunyange zvakadaro, vakawana icho Shoko raMwari rinotaura pamusoro pemamirire avo ezvinhu, uye ipapo vakashandisa zvavakadzidza. Kuita izvozvi kunogona sei kubetsera mhuri kuchengeta rugare mumhuri?—2 Timotio 3:16, 17.

KANA MURUME WAKO ANE RUDZIDZISO RWAKASIYANA

3. (a) Nderipi riri zano reBhaibheri pamusoro pokuroorana nomunhu ane rudzidziso rwakasiyana? (b) Ndedzipi dziri nheyo huru dzakati dzinoshanda kana mukwanyina mumwe ari mutendi uye mumwe wacho asiri?

3 Bhaibheri rinotipa zano zvakasimba pamusoro pokusaroorana nomumwe munhu ane kutenda kworudzidziso kwakasiyana. (Dheuteronomio 7:3, 4; 1 VaKorinte 7:39) Zvisinei, kungava kuti, wakadzidza zvokwadi yomuBhaibheri pashure peroorano yenyu asi murume wako haana. Ipapo chii chinoitika? Chokwadika, mhiko dzeroorano dzichiri dzakasunga. (1 VaKorinte 7:10) Bhaibheri rinosimbisa kugara kwechisungo cheroorano uye rinokurudzira vanhu vakaroorana kupedza misiyano yavo panzvimbo pokuitiza. (VaEfeso 5:28-31; Tito 2:4, 5) Zvakadini, kunyange zvakadaro, kana murume wako achiramba zvakasimba kushandisa kwako rudzidziso rweBhaibheri? Angaedza kukudzivisa kuenda kumisangano yeungano, kana kuti angataura kuti haadi kuti mudzimai wake aende paimba neimba, achitaura pamusoro porudzidziso. Chii chauchaita?

4. Mudzimai anogona kuratidza kunzwira tsitsi kana murume wake asingagoverani kutenda kwake munzirai?

4 Zvibvunze umene kuti, ‘Neiko murume wangu achinzwa nenzira yaanonzwa nayo?’ (Zvirevo 16:20, 23) Kana asinganzwisisi chaizvoizvo chauri kuita, anganetseka pamusoro pako. Kana kuti angava achidzvinyirirwa nehama dzokunyama nemhaka yokuti hausati uchagoverana mudzimwe tsika idzo dzinokosha kwadziri. “Ndiri ndoga mumba, ndakanzwa ndasiyiwa,” mumwe murume akadaro. Uyu murume akarangarira kuti akanga achirasikirwa nomudzimai wake achienda kurudzidziso. Bva rudado rwakamudzivisa kubvuma kuti akanga achirasikirwa. Murume wako angada vimbiso yokuti kuda kwako Jehovha hakurevi kuti iwe zvino unoda murume wako zvishoma kupfuura zvawaiita munguva yakapfuura. Iva nechokwadi chokupedza nguva unaye.

5. Idzikamoi inofanira kuchengetwa nomudzimai ane murume ari worudzidziso rwakasiyana?

5 Zvisinei, chimwe chinhu chinotokosha zvikuru chinofanira kurangarirwa kana uchizobata nemamirire acho ezvinhu nokuchenjera. Shoko raMwari rinokurudzira vadzimai, kuti: “Muzviise pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira munaShe.” (VaKorose 3:18) Nokudaro, rinonyevera pamusoro pomudzimu wokuzvimirira. Mukuwedzera, kupfurikidza nokuti “sezvazvakafanira munaShe,” rugwaro urwu rwunoratidzira kuti kuzviisa pasi pomurume wako kunofanirawo kubatanidza kuzviisa pasi paShe. Panofanira kuva nedzikamo.

6. Inheyoi dzinofanira kuyeukwa nomudzimai wechiKristu?

6 Nokuda kwomuKristu, kupinda misangano yeungano nokupupura kuvamwe pamusoro pokutenda kwako kwakavakirwa paBhaibheri mativi anokosha okunamata kwechokwadi ayo asingafaniri kuregeredzwa. (VaRoma 10:9, 10, 14; VaHebheru 10:24, 25) Chii chawaizoita, ipapoka, kudai mumwe munhu akakurayira zvakananga kusawirirana nechinodikanwa chakati chaMwari? Vaapostora vaJesu Kristu vakazivisa, kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.” (Mabasa 5:29) Muenzaniso wavo unogovera nhungamiro inoshanda kumamirire ezvinhu akawanda muupenyu. Kuda Jehovha kuchakusunda here kumupa kuzvipira uko kuri kwake nenzira yakarurama? Panguva imwe cheteyo, kuda kwako nokuremekedza murume wako kuchakuparira here kuedza kuita ikoku nenzira inogamuchirika kwaari?—Mateo 4:10; 1 Johane 5:3.

7. Kutsungai uko mudzimai wechiKristu anofanira kuva nako?

7 Jesu akataura kuti ikoku hakusati kwaizobvira nguva dzose. Akanyevera kuti nemhaka yechishoro kukunamata kwechokwadi, mitezo inotenda yedzimwe mhuri yaizonzwa yaparadzaniswa, sokunge kuti munondo wavaparadzanisa norutivi rwose rwasara rwemhuri. (Mateo 10:34-36) Mumwe mukadzi muJapan akatambura ikoku. Akashorwa nomurume wake kwamakore 11. Aimubata zvakaipa nehasha uye aiwanzomukiyira kunze kwemba. Asi akatsungirira. Shamwari dzomuungano yechiKristu dzaimubetsera. Ainyengetera nguva dzose uye aiwana nyaradzo yakawanda muna 1 Petro 2:20. Uyu mukadzi wechiKristu akapwiswa kuti kana akaramba akasimba, rimwe zuva murume wake aizomukumbanira mukubatira Jehovha. Uye akadaro.

8, 9. Mudzimai anofanira kuita sei kuti adzivise kuisa mhinganidzo dzisiri madikanwa pamberi pomurume wake?

8 Kune zvinhu zvakawanda zvinoshanda zvaunogona kuita kuti utapure chimiro chendangariro chomukwanyina wako. Somuenzaniso, kana murume wako achiramba rudzidziso rwako, usamupe zvikonzero zvakanaka zvokunyunyuta mudzimwe nzvimbo. Chengeta musha wakachena. Tarisira chitarisiko chako pachako. Ratidzira rudo nokuonga kwakawanda. Panzvimbo pokutsoropodza, iva anotsigira. Ratidza kuti unotarira kwaari nokuda kwoumusoro. Usatsive kana uchirangarira kuti watadzirwa. (1 Petro 2:21, 23) Bvumira kusakwana kwomunhu, uye kana gakava rikamuka, nokuzvininipisa iva wokutanga kukumbira ruregerero.—VaEfeso 4:26.

9 Usabvumira kuti kupinda kwako misangano kuve chikonzero chokunonoka kwezvokudya zvake. Ungasarudzawo kugoverana muushumiri hwechiKristu panguva apo murume wako anenge asiri pamusha. Kuchenjera kuti mudzimai wechiKristu arege kuparidza kumurume wake apo ikoku kunenge kusingafarirwi. Panzvimbo pezvo, anotevera zano romuapostora Petro, rinoti: “Imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambire wavakadzi vavo pasina shoko rinorehwa, kana vachiona mufambire wenyu, wakachena pamwe chete nokutya Mwari.” (1 Petro 3:1, 2) Vadzimai vechiKristu vanoshandira pakuratidzira zvizere zvikuru zvibereko zvomudzimu waMwari.—VaGaratia 5:22, 23.

APO MUDZIMAI ANENGE ANE RUDZIDZISO RWAKASIYANA

10. Murume anotenda anofanira kuita sei kumudzimai wake kana ari wechitendero chakasiyana?

10 Zvakadini kana murume ane rudzidziso rwakasiyana norwomudzimai wake?” Bhaibheri rinopa nhungamiro nokuda kwamamiriro ezvinhu akadaro. Rinoti: “Kana hama ine mukadzi usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasha.” (1 VaKorinte 7:12) Rinopawo zano varume, kuti: “Idai vakadzi venyu.”—VaKorose 3:19.

11. Murume anogona sei kuratidza nzwisiso ndokushandisa nenzira yokungwarira umusoro pamudzimai wake kana ane rudzidziso rwakasiyana?

11 Kana iwe uri murume womudzimai ane rudzidziso rwakasiyana norwako, iva anongwarira zvikuru kuratidza kuremekedza mudzimai wako nokurangarira mirangariro yake. Somukuru, iye akafanirwa nomwero wakati worusununguko rwokushandisa zvitendero zvake zvorudzidziso, kunyange kana usingabvumirani nazvo. Nguva yokutanga yaunotaura kwaari pamusoro porudzidziso rwako, usamukarira kurega zvitendero zvaaiva nazvo kwenguva refu achida chimwe chinhu chitsva. Panzvimbo pokutaura nokukurumidza kuti miitiro iyo iye nemhuri yake vakakoshesa kwenguva refu ndeyenhema, edza nenzira yokushivirira kurangarira naye muMagwaro. Kungava kuti iye anonzwa achiregeredzwa kana uchipa nguva yakawanda zvikuru kumibato yeungano. Angashora nhamburiko dzako dzokubatira Jehovha, bva pfundo guru ringava zvaro rokuti: “Ndinoda nguva yako yakawanda!” Shivirira. Nerangariro yako yorudo, pashure penguva yakati angabetserwa kugamuchira kunamata kwechokwadi.—VaKorose 3:12-14; 1 Petro 3:8, 9.

KUROVEDZA VANA

12. Kunyange kana murume nomudzimai wake vari vamarudzidziso akasiyana, nheyo dzapaMagwaro dzinofanira kushandiswa sei mukurovedza vana vavo?

12 Mumhuri isina kubatana mukunamata, murayiridzo worudzidziso wavana pane dzimwe nguva unova chinetso. Nheyo dzapaMagwaro dzinofanira kushandiswa sei? Bhaibheri rinogovera baba mutoro mukuru wokurayiridza vana, asi amai vanewo basa rinokosha rokuita. (Zvirevo 1:8; enzanisa naGenesi 18:19; Dheuteronomio 11:18, 19.) Kunyange kana vasingagamuchiri umusoro hwaKristu, baba vachiri musoro wemhuri.

13, 14. Kana murume achirambidza mudzimai wake kuenda navana kumisangano yechiKristu kana kuti kufunda navo, chii chaanogona kuita?

13 Vamwe vanababa vasingatendi havarambi kana amai vachirayiridza vana muzvinhu zvorudzidziso. Vamwe vanoramba. Zvakadini kana murume wako asingakubvumidzi kuenda navana kumisangano yeungano kana kuti kunyange kukurambidza kufunda Bhaibheri navo pamusha? Zvino unofanira kudzikamisa misengwa yakati—musengwa wako kuna Jehovha Mwari, kuumusoro hwomurume wako, uye kuvana vako vanodiwa. Unogona sei kutsinhiranisa iyoyi?

14 Zvirokwazvo uchanyengetera pamusoro penhau yacho. (VaFiripi 4:6, 7; 1 Johane 5:14) Asi pakupedzisira, ndiwe unofanira kusarudza nzira yokutora. Kana ukapfuurira nokungwarira pakutaura, uchijekesa kumurume wako kuti hausi kudenha umusoro hwake, chishoro chake chingaderera pakupedzisira. Kunyange kana murume wako achikurambidza kuenda navana vako kumisangano kana kuti kuva nefundo yakarongwa yeBhaibheri navo, unogona kungovadzidzisa. Kupfurikidza nekurukurirano yako yezuva nezuva nomuenzaniso wako wakanaka, edza kuroverera mavari mwero wakati wokuda Jehovha, kutenda Shoko rake, kuremekedza vabereki—kubatanidza baba vavo—kuitira hanya vamwe kworudo, uye kunzwisisa tsika dzokushanda dzokungwarira. Pashure penguva yakati, baba vangacherekedza migumisiro yakanaka uye vangaonga ukoshi hwenhamburiko dzako.—Zvirevo 23:24.

15. Ndoupi uri mutoro wababa vanotenda mudzidzo yavana?

15 Kana iwe uri murume ari mutendi uye mudzimai wako asiri, ipapo unofanira kuita mutoro wokurera vana vako “muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4, NW) Uchiita saizvozvo, unofanira, chokwadika, kuva ane mutsa, ane rudo, uye ane mufungo mukubata nomudzimai wako.

KANA RUDZIDZISO RWAKO RWUSIRI URWO RWAVABEREKI VAKO

16, 17. Inheyoi dzeBhaibheri idzo vana vanofanira kuyeuka kana vakagamuchira rudzidziso rwakasiyana nourwo rwavabereki vavo?

16 Hakuchisiri kusingazivikanwi navose kuti kunyange vana vaduku vagamuchire mirangariro yorudzidziso yakasiyana neiyo yavabereki vavo. Wakaita izvozvo here? Kana zvakadaro, Bhaibheri rine zano rako.

17 Shoko raMwari rinoti: “Teererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama. Kudza baba vako na[a]mai vako.” (VaEfeso 6:1, 2) Ikoko kunobatanidza kuremekedza vabereki kwakanaka. Zvisinei, nepo kuteerera vabereki kuchikosha, hakufaniri kupiwa pasina kurangarira Mwari wechokwadi. Apo mwana anokura zvakakwana kuti avambe kuita zvisarudzo, anova nomwero wakawedzerwa womutoro wezviito zvake. Ikoku ndokwechokwadi kwete bedzi pamusoro pomutemo wenyika asi zvikurukuru pamusoro pomutemo waMwari. “Mumwe nomumwe wedu uchazvidavirira kuna Mwari,” Bhaibheri rinodaro.—VaRoma 14:12.

18, 19. Kana vana vane rudzidziso rwakasiyana nourwo rwavabereki vavo, vanogona sei kubetsera vabereki vavo kunzwisisa kutenda kwavo zviri nani?

18 Kana zvitendero zvako zvichikuparira kuita chinjo muupenyu hwako, edza kunzwisisa murangariro wavabereki vako. Ivo sezvingabvira vachafadzwa kana, somugumisiro wokudzidza kwako nokushandisa dzidziso dzeBhaibheri, ukava anoremekedza zvikuru, anoteerera zvikuru, anoshingaira zvikuru muizvo vanokukumbira. Zvisinei, kana rudzidziso rwako rutsva ruchiparira kuramba zvitendero netsika izvo ivo pachavo vanokoshesa, vangarangarira kuti uri kuramba nhaka yavakatsvaka kukupa. Vangatyirawo garikano yako kana zvauri kuita zvisina kukurumbira munzanga kana kuti zvichibvisa ngwariro yako pazvirondwa zvavanorangarira kuti zvingagona kukubetsera kubudirira mune zvokunyama. Rudado rungagonawo kuva mhinganidzo. Vangarangarira kuti iwe, chaizvoizvo, uri kutaura kuti wakarurama uye ivo havana kururama.

19 Nokukurumidza sezvinobvira, naizvozvo, edza kuronga kuti vabereki vako vasangane navamwe vavakuru kana kuti zvimwe Zvapupu zvakakura mumudzimu zvomuungano yomunzvimbomo. Kurudzira vabereki vako kushanyira Horo yoUmambo kuti vazvinzwire vamene zvinokurukurwa nokuona nenzira yakananga kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vorudzii. Pashure penguva yakati, chimiro chendangariro chavabereki vako chingapfava. Kunyange apo vabereki vanenge vachishora zvakasimba, vanoparadza mabhuku eBhaibheri, uye vanorambidza vana kupinda misangano yechiKristu, kazhinji kazhinji pane mikana yokuravira kune imwe nzvimbo, yokutaura kuvaKristu biyako, uye yokupupurira ndokubetsera vamwe nenzira isina kurongwa. Unogonawo kunyengetera kuna Jehovha. Dzimwe pwere dzinofanira kumira kutozosvikira dzakura zvakakwana kuti dzigare kunze kwomusha wemhuri dzisati dzagona kuita zvakawanda. Api kana api ari mamirire ezvinhu pamusha, zvisinei, usakanganwa ku“kudza baba vako na[a]mai.” Ita rutivi rwako kuparira rugare mumusha. (VaRoma 12:17, 18) Kupfuura zvose, ronda rugare naMwari.

DENHO YOKUVA MUBEREKI WOKURERA

20. Mirangariroi iyo vana vangava nayo kana baba vavo kana kuti amai vari mubereki wokurera?

20 Mumisha yakawanda mamirire ezvinhu ayo anopa denho hurusa haasi orudzidziso asi emhuri yokurera. Mhuri dzakawanda nhasi dzinobatanidza vana vakabva kuroorano dzekare dzomubereki mumwe kana kuti dzavose vari vaviri. Mumhuri yakadaro, vana vangatambura godo nepfundepfunde kana kuti zvichida kurwisana kworuvimbiko. Somugumisiro, vangaramba nhamburiko dzapachokwadi dzomubereki wokurera dzokuva baba vakanaka kana kuti amai. Chii chinogona kubetsera kuita kuti mhuri yokurera ibudirire?

21. Pasinei zvapo namamirire avo chaiwo ezvinhu, neiko vabereki vokurera vachifanira kutarira kunheyo dzinowanwa muBhaibheri nokuda kwebetsero?

21 Ziva kuti pasinei zvapo nemamirire chaiwo ezvinhu, nheyo dzeBhaibheri idzo dzinounza budiriro mudzimwe mhuri dzinoshanda munowo. Kufuratira nheyo idzodzi, panguva yacho, kungaratidzika kuva kunorerutsa chinetso asi sezvingabvira kuchatungamirira kuchinetso gare gare. (Pisarema 127:1; Zvirevo 29:15) Sakurira uchenjeri nenzwisiso—uchenjeri hwokushandisa nheyo dzoumwari uchirangarira betsero dzinosvika kure, uye nzwisiso yokuziva chikonzero nei mitezo yemhuri ichitaura nokuita zvinhu zvakati. Panewo kudikanwa kwokunzwira tsitsi.—Zvirevo 16:21; 24:3; 1 Petro 3:8.

22. Neiko vana vangakuwana kwakaoma kugamuchira mubereki wokurera?

22 Kana uri mubereki wokurera, ungayeuka kuti seshamwari yemhuri, iwe zvichida waigamuchirwa navana. Asi apo wakava mubereki wavo wokurera, chimiro chavo chendangariro chingave chakachinja. Vachirangarira mubereki wokubereka uyo asichiri kugara navo, vana vangave vachinetsana nerwisano yoruvimbiko, sezvinobvira vachirangarira kuti unoda kutora chidakadaka chavanacho chomubereki asipo. Padzimwe nguva, vangakuyeuchidza zvakananga kuti hausati uri baba vavo kana kuti amai vavo. Kutaura kwakadaro kunokuvadza. Zvisinei, “usakurumidza pamweya wako kutsamwa.” (Muparidzi 7:9) Nzwisiso nokunzwira tsitsi zvinodikanwa kuti ubate nemirangariro yavana.

23. Chirango chingapiwa sei mumhuri ina vana vokurera?

23 Mavara iwayo anokosha apo munhu anenge achipa chirango. Chirango chinotsinhirana chinokosha. (Zvirevo 6:20; 13:1) Uye sezvo vana vasina kufanana vose, chirango chingasiyana kubva pamwana mumwe kuenda kune mumwe. Vamwe vabereki vokurera vanowana kuti, pakutanga, kungava kuri nani kuti mubereki wokubereka atarisire rutivi urwu rwokurera. Kunokosha, kunyange zvakadaro, kuti vabereki vose vari vaviri vabvumirane pachirango ndokuchitsigira, kwete kuda mwana wokubereka kupfuura mwana wokurera. (Zvirevo 24:23) Kuteerera kunokosha, asi kubvumira kusakwana kunofanira kuitwa. Usanyanyisa. Ranga norudo.—VaKorose 3:21.

24. Chii chinogona kubetsera kudzivisa zvinetso zvetsika pakati pemitezo ine mitezo yokubereka nayo yakasiyana mumhuri yokurera?

24 Kurukurirano dzemhuri dzinogona kuita zvakawanda kudzivisa nhamo. Idzodzi dzinogona kubetsera mhuri kuchengeta mumurangariro zvinhu zvinokosha zvikurusa muupenyu. (Enzanisa naVaFiripi 1:9-11.) Dzinogona kubatsirawo mumwe nomumwe kuona kuti anogona sei kubetsera kusvika nharidzano dzemhuri. Mukuwedzera, kurukurirano dzemhuri dzakajeka dzinogona kudzivisa zvinetso zvetsika. Vasikana vanofanira kunzwisisa mupfekero ndokuzvibata vamene zvakafanira pana baba vavo vokurera nehanzvadzi dzipi nedzipi dzokurera, uye vakomana vanoda zano pamusoro pomufambiro wakafanira kuna amai vavo vokurera nehanzvadzi dzipi nedzipi dzokurera.—1 VaTesaronika 4:3-8.

25. Mavarai anogona kubetsera kuchengeta rugare mumhuri yokurera?

25 Mukutarisana nedenho chaiyo yokuva mubereki wokurera, shivirira. Kunoda nguva kutanga ukama hutsva. Kuwana rudo noruremekedzo zvavana avo usina kubereka kunogona kuva basa guru. Asi kunobvira. Mwoyo wakachenjera nounonzwisisa, pamwe chete nechishuvo chakasimba chokufadza Jehovha, ndizvo zvinokosha kurugare mumhuri yokurera. (Zvirevo 16:20) Mavara akadaro anogonawo kukubetsera kugonana namamwe mamirire ezvinhu.

KURONDA ZVOKUNYAMA KUNOKAMURA MUSHA WENYU HERE?

26. Zvinetso nezvimiro zvendangariro pamusoro pezvinhu zvokunyama zvinogona kukamura mhuri munzirai?

26 Zvinetso nezvimiro zvendangariro pamusoro pezvinhu zvokunyama zvinogona kukamura mhuri munzira dzakawanda. Nenzira inosuruvarisa, dzimwe mhuri dzinoparadzwa nenharo pamusoro pemari nechishuvo chokupfuma—kana kuti toti zvedu kuti pfumei. Kukamukana kungatanga apo vakwanyina vose vari vaviri vanoshanda munyika ndokusakurira chimiro chendangariro chokuti “mari yangu, mari yako.” Kunyange kana nharo dzikadziviswa, apo vakwanyina vose vari vaviri vanoshanda vangazviwana vamene vane rudungwe runosiya nguva shomanene yomumwe nomumwe. Chimiro chendangariro chiri kukura munyika ndechokuti vanababa vagare kure nemhuri dzavo kwenhambo refu—mwedzi yakati kana kuti kunyange makore—kuti vawane mari yakawanda inopfuura yavasingambogoni kuwana vari pamusha. Ikoku kunogona kutungamirira kuzvinetso zvakakomba zvikuru.

27. Ndedzipi dziri dzimwe nheyo dzinogona kubetsera mhuri iri muchinetso chemari?

27 Hakuna mitemo inogona kuiswa yokupedza nayo aya mamirire ezvinhu, sezvo mhuri dzakasiyana-siyana dzichifanira kubata nedzvinyiriro dzakasiyana-siyana nezvinodikanwa. Zvisinei, zano reBhaibheri rinogona kubetsera. Somuenzaniso, Zvirevo 13:10, (NW) inoratidzira kuti kuparapatika kusiri madikanwa pane dzimwe nguva kunogona kudziviswa no“kurangana.” Ikoku kunobatanidza kwete kungotaurawo zvako mirangariro yako umene asi kutsvaka zano nokuwana kuti mumwe munhu anorangarira sei nhau yakati. Uyezve, kuronga mari ine mufungo yakarongwa kushandiswa kunogona kubetsera kubatanidza nhamburiko dzemhuri. Pane dzimwe nguva kuri madikanwa—zvichida kwechinguvana—kuti vakwanyina vose vari vaviri vashande kunze kwomusha kuti vatarisire ndyiko dzakawedzerwa, zvikurukuru apo kunenge kune vana kana kuti vamwe vanotarisirwa. Apo ikoku kunenge kwakadaro, murume anogona kuvimbisa mudzimai wake kuti achine nguva yake. Iye pamwe chete navana vanogona nenzira yorudo kubetsera nerakati kuti rebasa iro iye angaita oga kazhinji kazhinji.—VaFiripi 2:1-4.

28. Zviyeuchidzoi, kana zvikachengetwa, zvichabetsera mhuri kushandira chinzwano?

28 Zvisinei, yeuka kuti nepo mari ichidikanwa mutsika ino yezvinhu, haiunzi mufarwa. Zvirokwazvo haipi upenyu. (Muparidzi 7:12) Zvirokwazvo, kunyanyosimbisa zvinhu zvokunyama kungagona kuparira ruparadziko rwomudzimu nerwetsika. (1 Timotio 6:9-12) Kuri nani zvikuru sei kutanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake, nevimbiso yokuva nechikomborero chake panhamburiko dzedu dzokuwana zvinodikanwa zvoupenyu! (Mateo 6:25-33; VaHebheru 13:5) Kupfurikidza nokuchengeta fariro dzomudzimu dziri pakutanga uye kupfurikidza nokutanga kuronda rugare naMwari, ungawana kuti mhuri yako, kunyange zvazvo yakakamurwa namamirire ezvinhu akati, ichava yakabatana zvirokwazvo munzira dzinokosha zvikurusa.