Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ganhuro Regumi Nenhatu

Kana Roorano Yava Kudokupunzika

Kana Roorano Yava Kudokupunzika

1, 2. Apo roorano inenge ichinetsa, mubvunzoi unofanira kubvunzwa?

MUNA 1988 mumwe mukadzi weItaly anonzi Lucia akanga akaora mwoyo zvikuru. * Pashure pamakore gumi roorano yake yakanga yoguma. Kakawanda iye akanga aedza kuyanana nomurume wake, asi hakuna kumboshanda zvako. Naizvozvo akaparadzana naye nemhaka yokusawirirana uye zvino akatarisana nokurera vanasikana vaviri ari oga. Achirangarira nguva iyoyo, Lucia anoyeuka, kuti: “Ndakanga ndine chokwadi chokuti hapana chinhu chaigona kuponesa roorano yedu.”

2 Kana uri kuva nezvinetso zveroorano, ungakwanisa kunzwisisa manzwire aLucia. Roorano yako ingatambudzwa uye ungave uchirangarira kana ichagona kuponeswa. Kana kwakadaro, uchakuwana kuchibetsera kurangarira uyu mubvunzo, unoti: Ndakatevera here zano rose rakanaka iro Mwari akapa muBhaibheri rokubetsera kuita kuti roorano ibudirire?—Pisarema 119:105.

3. Nepo chatanuro yazova yakakurumbira, kuitai kunoshumwa pakati pavanhu vazhinji vakachatanura nemhuri dzavo?

3 Apo kunetsana kunokomba pakati pomurume nomudzimai, kugumisa roorano kungaratidzika kuva chiito chiri nyore zvikurusa. Asi, nepo nyika dzakawanda dzakava newedzero inokatyamadza mumhuri dzakapunzika, nzvero dzenguva pfupi yapfuura dzinoratidzira kuti chikamu chikuru muzana chavarume navakadzi vakachatanura chinodemba kupunzika kwacho. Vakati kuti vanotambura zvinetso zvakawanda zvoutano, zvose zviri zviviri zvomuviri nezvendangariro, kupfuura zvinoita avo vanoramba vakaroorana. Vhiringidziko nokusafara kwavana vechatanuro zvinowanzogara kwamakore. Vabereki neshamwari dzemhuri yakapunzika vanotamburawo. Uye zvakadiniko nenzira iyo Mwari, Muvambi weroorano, anorangarira nayo mamirire acho ezvinhu?

4. Zvinetso muroorano zvinofanira kubatwa sei?

4 Sezvakacherekedzwa mumaganhuro akapfuura, Mwari akaronga kuti roorano inofanira kuva chisungo choupenyu hwose. (Genesi 2:24) Neiko, ipapoka, roorano dzakawanda kwazvo dzichipunzika? Kungasaitika kamwe kamwe. Kazhinji kazhinji pane zviratidzo zvinonyevera. Zvinetso zviduku muroorano zvinogona kukura zvikuru kutozosvikira zvaratidzira kuva zvisingakundwi. Asi kana izvi zvinetso zvikabatwa nazvo nokukurumidza neyamuro yeBhaibheri, kupunzika kuzhinji kweroorano kungagona kudziviswa.

IVA ANE MUFUNGO

5. Mamirirei ezvinhu ane mufungo anofanira kutarisanwa nawo muroorano ipi neipi?

5 Chimwe chinhu icho pane dzimwe nguva chinotungamirira kuzvinetso ikariro dzisina mufungo idzo mumwe kana kuti vakwanyina veroorano vose vari vaviri vangava nadzo. Nhau dzorudo, magazini akakurumbira, zvirongwa zveterevhizheni, uye mabhaisikopo zvinogona kuparira tariro nefungidziro zvakasiyana zvikuru noupenyu chaihwoihwo. Apo idzi fungidziro dzisingaitiki, munhu anogona kunzwa anyengedzwa, asingagutswi, kunyange kushatirwa. Kunyange zvakadaro, vanhu vaviri vasina kukwana vanogona sei kuwana mufaro muroorano? Kuwana ukama hunobudirira kunoda basa.

6. (a) Murangariroi wakadzikama weroorano uyo Bhaibheri rinopa? (b) Ndezvipi zviri zvimwe zvikonzero zvokusabvumirana muroorano?

6 Bhaibheri rinoshanda. Rinobvuma kuti roorano ine mufaro, asi rinonyeverawo kuti avo vanoroora kana kuti kuroorwa “vachava nedambudziko panyama.” (1 VaKorinte 7:28) Sezvatocherekedzwa, vakwanyina vose vari vaviri havana kukwana uye vanotadza. Kugadzirwa kwendangariro nekwemirangariro nokurerwa kwomukwanyina mumwe nomumwe zvakasiyana. Varoorani pane dzimwe nguva havabvumirani pamusoro pemari, vana, uye hama dzokunyama dzomurume nedzomudzimai. Nguva isina kukwana yokuitira zvinhu pamwe chete uye zvinetso zvevatano zvinogona kuva manyuko erwisano. * Kubata nezvinhu zvakadaro kunoda nguva, asi shinga! Varoorani vazhinjisa vanokwanisa kutarisana nezvinetso zvakadaro ndokuwana pamwe chete mhinduro dzinogamuchirika.

KURUKURAI MISIYANO

7, 8. Kana pane mirangariro yakuvadzwa kana kuti kusanzwisisana pakati pavakwanyina veroorano, ndeipi iri nzira yapaMagwaro yokuzvibata nayo?

7 Vazhinji vanokuwana kwakaoma kuramba vakaterama apo vanokurukura mirangariro yakuvadzwa, kusanzwisisana, kana kuti kundikano dzomunhu oga. Panzvimbo pokuti nenzira yakananga: “Ndinonzwa ndisinganzwisiswi,” mumwe mukwanyina angagumbuka ndokupamhidzira chinetso chacho. Vazhinji vachati: “Unongozviitira umene hanya,” kana kuti, “Haundidi.” Asingadi kubatanidzwa munharo, mumwe mukwanyina angaramba kupindura.

8 Nzira iri nani yokutevera kuteerera zano reBhaibheri, rinoti: “Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Vamwe varoorani vanofara, pakusvika kuchengeta kuchata kwavo kwegore negore kwechi60, vakabvunzwa chinokosha cheroorano yavo inobudirira. Murume wacho akati: “Takadzidza kusarara tisina kupedza misiyano, pasinei zvapo nokuti ingave yaiva miduku sei.”

9. (a) Chii chinoziviswa muMagwaro sorutivi runokosha rwekurukurirano? (b) Chii icho vakwanyina veroorano vanowanzofanira kuita, kunyange kana ikoku kuchida ushingi nokuzvininipisa?

9 Apo murume nomudzimai vanoramba kubvumirana, mumwe nomumwe anofanira ku“va anokurumidza kunzwa, anononoka kutaura, anononoka kutsamwa.” (Jakobho 1:19, NW) Pashure pokusanoteerera, vakwanyina vose vari vaviri vangaona kudikanwa kwokukumbira ruregerero. (Jakobho 5:16) Kuti nouchokwadi, “Ndine urombo nokukukuvadza,” kunoda kuzvininipisa noushingi. Asi kubata misiyano nouyu mutoo kuchava kunobudirira zvikuru mukubetsera varoorani kwete bedzi kupedza zvinetso zvavo asiwo kukudza ushamwari nokuva pedyo izvo zvichavaita kuti vawane mufarwa mukuru musonganirano yomumwe nomumwe.

KUPA CHAKAFANIRA CHEROORANO

10. Idziviriroi yakarumbidzwa naPauro kuvaKristu veKorinte ingashanda kumuKristu nhasi?

10 Apo muapostora Pauro akanyorera vaKorinte, akarumbidza kuroora kana kuti kuroorwa ‘nemhaka yokupararira kwoufeve.’ (1 VaKorinte 7:2) Nyika nhasi yakashata zvakafanana, kana kuti yakatoshata kupfuura, Korinte yakare. Nyaya dzoutere idzo vanhu venyika vanokurukura pachena, nzira isina mwero yavanopfeka nayo, uye nhau dzounzenza dzinoratidzirwa mumagazini namabhuku, muTV, uye mumabhaisikopo, zvose zvinobatana kunyandura zvishuvo zvakaipa zvevatano. KuvaKorinte vaigara mumhoteredzo yakafanana, muapostora Pauro akati: “Zviri nani kuti vawane pakutsva.”—1 VaKorinte 7:9.

11, 12. (a) Murume nomudzimai vane mungavai kune mumwe nomumwe, uye unofanira kupiwa nechimiroi chendangariro? (b) Mamirire ezvinhu anofanira kubatwa sei kana chakafanira cheroorano chichifanira kuregwa kwechinguvana?

11 Naizvozvo, Bhaibheri rinonyevera vaKristu vakaroorana, kuti: “Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi ngaadarowo kumurume.” (1 VaKorinte 7:3) Cherekedza kuti simbiso iri pakupa—kwete pakurayira. Kukwamirana muroorano kunogutsa zvirokwazvo bedzi kana mukwanyina mumwe nomumwe achiitira hanya zvakanaka zvomumwe. Somuenzaniso, Bhaibheri rinorayira varume kubata navadzimai vavo “nokuziva.” (1 Petro 3:7) Ikoku ndokwechokwadi zvikuru mukupa nokugamuchira chakafanira cheroorano. Kana mudzimai asingabatwi nounyoro, angakuwana kwakaoma kufarikanya rutivi urwu rweroorano.

12 Pane nguva apo vakwanyina veroorano vangafanira kunyimana chakafanira cheroorano. Ikoku kungava kwechokwadi nezvomudzimai panguva dzakati dzomwedzi kana kuti apo iye anenge achinzwa akaneta zvikuru. (Enzanisa naRevhitiko 18:19.) Kungava kwechokwadi nezvomurume apo iye anenge achibata nechinetso chakakomba kubasa uye achinzwa akaneta mundangariro. Zviitiko zvakadaro zvokurega kwechinguvana kupa chakafanira cheroorano zvinobatwa zvakanakisisa kana vakwanyina vose vari vaviri vakakurukura zvakajeka mamirire ezvinhu ndokubvuma noku“tenderana.” (1 VaKorinte 7:5) Ikoku kuchadzivisa mukwanyina mumwe nomumwe kusvika mhedziso dzisina kururama. Kana, kunyange zvakadaro, mudzimai achinyima noune murume wake kana kuti murume achikundikana namaune kupa chakafanira cheroorano nenzira yorudo, mukwanyina angaedzwa. Mumamirire ezvinhu akadaro, zvinetso zvingamuka muroorano.

13. VaKristu vanogona sei kushanda kuti vachengete kufunga kwavo kwakachena?

13 Kufanana navaKristu vose, vabatiri vakaroorana vaMwari vanofanira kudzivisa zvinhu zvounzenza, izvo zvinogona kuvamba zvishuvo zvisina kuchena nezvisiri zvomuzvarirwo. (VaKorose 3:5) Vanofanira kuchengetawo mifungo yavo nezviito pakubata nemitezo yose ine mitezo yevatano yakasiyana. Jesu akanyevera, kuti: “Mumwe nomumwe unotarira mukadzi achimuchiva, watoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateo 5:28) Kupfurikidza nokushandisa zano reBhaibheri pamusoro pevatano, varoorani vanofanira kukwanisa kudzivisa kupinda mumiedzo nokuita upombwe. Vanogona kupfuurira kufarikanya kukwamirana kunofadza muroorano umo vatano inokosheswa sechipo chakanaka chinobva kuMuvambi weroorano, Jehovha.—Zvirevo 5:15-19.

ZVIKONZERO ZVEBHAIBHERI ZVECHATANURO

14. Mamirirei ezvinhu anosuruvarisa pane dzimwe nguva anozvipa amene? Nei?

14 Nomufaro, muroorano zhinjisa dzechiKristu, zvinetso zvipi nezvipi zvinomuka zvinogona kupedzwa. Pane dzimwe nguva, kunyange zvakadaro, ikoku hakuna kudaro. Nemhaka yokuti vanhu havana kukwana uye vanogara munyika inotadza iyo inodzorwa naSatani, dzimwe roorano dzinosvika pakupunzika. (1 Johane 5:19) VaKristu vanofanira kubata sei nemamiriro ezvinhu anotambudza akadaro?

15. (a) Ndechipi chiri chikonzero bedzi chapaMagwaro chechatanuro chine bviro yokuroorazve kana kuti kuroorwazve? (b) Neiko vamwe vakasarudza kusachatanura mukwanyina weroorano asina kutendeka?

15 Sezvakadudzwa muGanhuro 2 rebhuku rino, ufeve ndihwo chikonzero bedzi chapaMagwaro chechatanuro nebviro yokuroorazve kana kuti kuroorwazve. * (Mateo 19:9) Kana une chibvumikiso chaichoicho chokuti mukwanyina wako weroorano ave asina kutendeka, ipapo unotarisana nechisarudzo chakaoma. Uchapfuurira here muroorano kana kuti kuwana chatanuro? Hakuna mitemo. Vamwe vaKristu vakakanganwira chose chose mukwanyina anopfidza zvapachokwadi, uye roorano yakachengetwa yakaita zvakanaka. Vamwe vakasarudza kusachatanurana nokuda kwavana.

16. (a) Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvakasunda vamwe kuchatanura mukwanyina weroorano anokanganisa? (b) Apo mukwanyina asina mhaka anoita chisarudzo chokuchatanura kana kuti kusachatanura, neiko kusingafaniri kuva nomunhu anotsoropodza chisarudzo chaiyeyo?

16 Pane rumwe rutivi, chiito chokutadza chingave chakaguma nepamuviri kana kuti hosha inopfuudzwa muvatano. Kana kuti zvichida vana vanofanira kudzivirirwa pamubereki anobata chibharo. Nenzira yakajeka, pane zvakawanda zvokurangarira chisarudzo chacho chisati chaitwa. Kana, zvisinei, ukaziva nezvokusatendeseka kwomukwanyina wako weroorano uye pashure ukavamba kuvatana nomukwanyina wako, iwe nokudaro unoratidzira kuti wakanganwira mukwanyina wako ndokushuva kupfuurira makaroorana. Zvikonzero zvechatanuro zvine bviro yapaMagwaro yokuroorazve kana kuti kuroorwazve hazvisati zvichipo. Hapana munhu anofanira kuva asingaregi zvavamwe ndokuedza kupesvedzera chisarudzo chako, uyewo munhu upi noupi haafaniri kutsoropodza chisarudzo chako apo unochiita. Uchafanira kurarama nemigumisiro yechaunosarudza. “Mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.”—VaGaratia 6:5.

ZVIKONZERO ZVEPARADZANO

17. Kana pasina ufeve, iganhuriroi dzinoisa Magwaro paparadzano kana kuti chatanuro?

17 Kune here mamirire ezvinhu angaruramisa paradzano kana kuti sezvinobvira chatanuro nomukwanyina weroorano kunyange kana iyeyo asina kuita ufeve? Hungu, asi muchiitiko chakadaro, muKristu haana kusununguka kuronda munhu wechitatu aine murangariro wokuroorazve kana kuti kuroorwazve. (Mateo 5:32) Bhaibheri, nepo richibvumidza paradzano yakadaro, rinorayira kuti munhu anobva anofanira kuti “agare asingawanikwi, kana ayanane nomurume wake.” (1 VaKorinte 7:11) Ndaapi ari mamirire ezvinhu akakomba angaita kuti paradzano iratidzike kuva ine mufungo?

18, 19. Ndeapi ari mamwe mamirire ezvinhu akakomba angatungamirira mukwanyina kuyera kuva nomufungo kweparadzano yapamutemo kana kuti chatanuro, kunyange zvazvo kuroorazve kana kuti kuroorwazve kusingabviri?

18 Eya, mhuri yacho ingava ine urombo nemhaka yousimbe hwakakomba netsika dzakaipa dzomurume. * Angabhejera mari yemhuri kana kuti kuishandisa kutsigira kupindwa muropa nemirimo kana kuti nechinodhaka. Bhaibheri rinoti: “Kana munhu asingachengeti . . . veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:8) Kana murume akadaro achiramba kuchinja nzira dzake, zvichida kunyange kutsigira zvakaipa zvake kupfurikidza nokutora mari iyo mudzimai wake anowana, mudzimai angasarudza kudzivirira garikano yake neiyo yavana vake kupfurikidza nokuwana paradzano yapamutemo.

19 Chiito chapamutemo chakadaro chingarangarirwawo kana mumwe mukwanyina ane masimba masimba zvikurusa kumukwanyina, zvichida kurova arovazve iyeyo kusvika patambanuko yokuti utano uye kunyange upenyu zviri mungozi. Mukuwedzera, kana mukwanyina achiedza nguva dzose kumanikidza mukwanyina weroorano kupunza mirayiro yaMwari munzira yakati, mukwanyina anotyisidzirwa angarangarirawo paradzano, zvikurukuru kana zvinhu zvikasvika papfundo apo upenyu hwomudzimu hunopinzwa mungozi. Mukwanyina ari mungozi angagumisa kuti nzira bedzi yoku“teerera Mwari kupfuura vanhu” kuwana paradzano yapamutemo.—Mabasa 5:29.

20. (a) Muchiitiko chokupunzika kwemhuri, chii icho shamwari dzakakura mumudzimu navakuru vangapa, uye chii chavasingafaniri kupa? (b) Vanhu vakaroorana havafaniri kushandisa nongedzero dzeBhaibheri kuparadzano nechatanuro sepembedzo yokuitei?

20 Muzviitiko zvose zvokushatiswa zvikurusa kwomukwanyina, hakuna munhu anofanira kudzvinyirira mukwanyina asina mhaka kuparadzana kana kuti zvimwe kugara naye. Nepo shamwari dzakakura mumudzimu navakuru vangapa tsigiro nezano rakavakirwa paBhaibheri, ivava havagoni kuziva udzame hwose hwechinoitika pakati pomurume nomudzimai. Jehovha bedzi anogona kuona izvozvo. Chokwadika, mudzimai wechiKristu angasava achikudza gadziriro yaMwari yeroorano kana akashandisa pembedzo dzenhando kuti abude muroorano. Asi kana mamirire ezvinhu ane ngozi zvikurusa akapfuurira, hakuna munhu anofanira kumutsoropodza kana akasarudza kuparadzana. Zvinhu zvimwe chetezvo chaizvoizvo zvingagona kutaurwa pamusoro pomurume wechiKristu uyo anotsvaka paradzano. “Isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaMwari.”—VaRoma 14:10.

KUPONESWA KWAKAITWA ROORANO YAKAPUNZIKA

21. Ndichakaitikai chinoratidza kuti zano reBhaibheri pamusoro peroorano rinoshanda?

21 Mwedzi mitatu pashure pokunge Lucia, adudzwa pakuvamba, aparadzana nomurume wake, akasangana neZvapupu zvaJehovha ndokutanga kufunda Bhaibheri nazvo. “Nokushamiswa kwangu kukuru,” anotsanangura kudaro, “Bhaibheri rakagovera mhinduro dzinoshanda kuchinetso changu. Pashure pevhiki imwe chete yefundo, ndakada nokukurumidza kuyanana nomurume wangu. Nhasi ndinogona kutaura kuti Jehovha anoziva nzira yokuponesa nayo roorano dziri munjodzi nemhaka yokuti dzidziso dzake dzinobetsera vakwanyina kuziva nzira yokuremekedzana nayo. Hakusi kwechokwadi, sezvinotaura vamwe, kuti Zvapupu zvaJehovha zvinokamura mhuri. Kwandiri, zvakapesana chaizvoizvo zvakanga zviri zvechokwadi.” Lucia akadzidza kushandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwake.

22. Varoorani vose vanofanira kuva nechivimbo muchii?

22 Lucia haasiyiwi. Roorano inofanira kuva chikomborero, kwete mutoro. Nechinangwa ichocho, Jehovha akagovera manyuko akaisvonakisisa ezano reroorano rati rambonyorwa—Shoko rake rinokosha. Bhaibheri rinogona ku“pa vasina mano njere.” (Pisarema 19:7-11) Rakaponesa roorano zhinji dzakanga dzava kudokupunzika uye rakanatsa dzimwe zhinji idzo dzaiva nezvinetso zvakakomba. Varoorani vose ngavave nechivimbo chakazara muzano reroorano iro Jehovha Mwari anogovera. Rinoshanda chaizvoizvo!

^ ndima 1 Zita rakachinjwa.

^ ndima 6 Mamwe eaya mativi akabatwa nawo mumaganhuro akapfuura.

^ ndima 15 Shoko reBhaibheri rinoshandurwa kuti “ufeve” rinobatanidza zviito zvoupombwe, ungochani, kuvatana nemhuka, uye zvimwe zviito zvamaune zvisina kururama zvinobatanidza kushandiswa kwemitezo yevatano.

^ ndima 18 Ikoku hakubatanidzi mamirire ezvinhu umo murume, kunyange zvazvo ane vavariro yakanaka, asingakwanisi kugovera mhuri yake nokuda kwezvikonzero zvaasingagoni kudzora, zvakadai sechirwere kana kuti kushayiwa mikana yebasa.