Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ganhuro Regumi Nena

Kukwegura Pamwe Chete

Kukwegura Pamwe Chete

1, 2. (a) Ichinjoi dzinoitika sezvo ukweguru hunosvika? (b) Vanhu voumwari vomunguva dzeBhaibheri vakawana sei gutsikano muukweguru?

CHINJO zhinji dzinoitika sezvo tinokwegura. Utera hwomuviri hunopedza simba redu. Kutarira muchionioni kunoratidza mafinya matsva nokuchena kwevhudzi pashoma napashoma—kunyange kuva nemhanza. Tingatambura nehanganwa. Ukama hutsva hunotanga apo vana vanoroora kana kuti kuroorwa, uye zvakare apo vazukuru vanosvika. Nokuda kwavamwe, kurega basa kunoguma namararamire akasiyana.

2 Chaizvoizvo, kukwegura kunogona kuva kunonetsa. (Muparidzi 12:1-8) Zvisinei, rangarira vabatiri vaMwari vomunguva dzeBhaibheri. Kunyange zvazvo ivo pakupedzisira vakafa, vakawana zvose zviri zviviri uchenjeri nenzwisiso, izvo zvakavaunzira gutsikano huru muukweguru. (Genesi 25:8; 35:29; Jobho 12:12; 42:17) Vakabudirira sei mukukwegura vachifara? Zvirokwazvo kwakanga kuri kupfurikidza nokurarama mutsinhirano nenheyo idzo isu nhasi tinowana dzakanyorwa muBhaibheri.—Pisarema 119:105; 2 Timotio 3:16, 17.

3. Izanoi iro Pauro akapa nokuda kwavakweguru nechembere?

3 Mutsamba yake kuna Tito, muapostora Pauro akapa nhungamiro yakanaka kuavo vari kukwegura. Akanyora, kuti: “Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira; saizvozvowo vakadzi vakuru ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka.” (Tito 2:2, 3) Kuteerera aya mashoko kunogona kukubetsera kutarisana nedenho dzokukwegura.

CHINJIRA KUKUZVIMIRIRA KWAVANA VAKO

4, 5. Vabereki vazhinji vanoita sei apo vana vavo vanobva pamusha, uye vamwe vanochinjira sei kumamirire ezvinhu matsva?

4 Mabasa anochinja anorayira kuchinjika. Ikoku kunobvumikisa kuva kwechokwadi sei apo vana vakura vanobva pamusha ndokuroora kana kuti kuroorwa! Nokuda kwavabereki vazhinji ichi ndicho chiyeuchidzo chokutanga chokuti vava kukwegura. Kunyange zvazvo vachifara kuti vana vavo vava vanhu vakuru, vabereki kazhinji kazhinji vanonetseka pamusoro pokuti vakaita zvose here zvavaigona kugadzirira vana nokuda kwokuzvimirira. Uye vangarasikirwa nokusava navo pamba.

5 Nenzira inonzwisisika, vabereki vanopfuurira kuzvinetsa vamene negarikano yavana vavo, kunyange pashure pokunge vana vabva pamusha. “Kudai bedzi ndingagona kunzwa kuti vakadini kazhinji kazhinji, kuti ndizvinyaradze ndimene nokuti vakasimba—ikoko kwaizondiita anofara,” vakadaro vamwe amai. Vamwe baba vanorondedzera, kuti: “Apo mwanasikana wedu akabva pamusha, yakanga iri nguva yakaoma zvikuru. Kwakasiya mukaha mukuru mumhuri yedu nemhaka yokuti nguva dzose takanga taita chinhu chiri chose pamwe chete.” Ava vabereki vakagonana sei nokusavapo kwavana vavo? Muzviitiko zvizhinji, kupfurikidza nokuitira hanya nokubetsera vamwe vanhu.

6. Chii chinobetsera kuchengeta ukama hwemhuri huri munzvimbo yahwo yakafanira?

6 Apo vana vanoroora kana kuti vanoroorwa, basa ravabereki rinochinja. Genesi 2:24 inoti: “Munhu unofanira kusiya baba vake na[a]mai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.” Kuzivikanwa kwenheyo dzoumwari dzoumusoro norunyararo kuchabetsera vabereki kuchengeta zvinhu zviri munzvimbo yazvo yakafanira.—1 VaKorinte 11:3; 14:33, 40.

7. Chimiroi chendangariro chakaisvonaka icho vamwe baba vakasakurira apo vanasikana vavo vakabva pamusha kuti varoorwe?

7 Pashure pokunge vanasikana vaviri vavaroorani varoorwa uye vaenda, varoorani vacho vakanzwa vakasuruvara muupenyu hwavo. Pakutanga, murume akashatirirwa vakuwasha vake. Asi sezvo akarangarira nheyo youmusoro, akaziva kuti varume vavanasikana vake zvino vakanga vava nomutoro wemhuri dzavo dzakatsaukana. Naizvozvo, apo vanasikana vake vaikumbira zano, aivabvunza izvo varume vavo vaifunga, uye ipapo aiva nechokwadi chokuva anotsigira sezvinobvira. Vakuwasha vake zvino vanomurangarira seshamwari ndokugamuchira zano rake.

8, 9. Vamwe vabereki vakachinjira sei kukuzvimirira kwavana vavo vakura?

8 Zvakadini kana vachangobva kuchata, nepo vasingaiti chinhu chipi nechipi chisiri chapaMagwaro, vanokundikana kuita izvo vabereki vanofunga kuti zvakanakisisa? “Nguva dzose tinovabetsera kuona murangariro waJehovha,” vanotsanangura kudaro vamwe varoorani vane vana vakaroora kana kuti vakaroorwa, “asi kana tisingabvumirani nechisarudzo chavo, tinochigamuchira ndokuvapa tsigiro yedu nekurudziro.”

9 Mudzimwe nyika dzeAsia, vamwe vanaamai vanokuwana kwakaoma zvikuru kugamuchira kuzvimirira kwavanakomana vavo. Zvisinei, kana vachiremekedza nhevedzano yechiKristu noumusoro, vanowana kuti kunetsana navaroora vavo kunoderedzwa. Mumwe mukadzi wechiKristu anowana kuti kubva kwavanakomana vake pamusha wemhuri kwave kuri “manyuko okutenda kunowedzera nguva dzose.” Anofadzwa nokuona unyanzvi hwavo hwokutarisira mhuri dzavo itsva. Uyewo, ikoku kwakareva kurerutswa kwomutoro womuviri nowendangariro uko iye nomurume wake vanofanira kutakura sezvo vanokwegura.

KUSIMBISAZVE CHISUNGO CHENYU CHEROORANO

10, 11. Izanoi rapaMagwaro richabetsera vanhu kudzivisa mimwe yemisungo yezera rapakati napakati?

10 Vanhu vanoita nenzira dzakasiyana-siyana pakusvika zera rapakati nepakati. Vamwe varume vanopfeka zvakasiyana mukuedza kuti varatidzike kuva vaduku zvikuru. Vakadzi vazhinji vanonetseka pamusoro pechinjo idzo kuguma kuenda kumwedzi kunounza. Nenzira inosuruvarisa, vamwe vanhu vezera rapakati napakati vanonyandurira vakwanyina vavo kupfundepfunde negodo kupfurikidza nokunyengana nemitezo miduku zvikuru yavane mitezo yevatano yakasiyana. Varume vakura voumwari, kunyange zvakadaro, “vakanaka mundangariro,” vachadzivisa zvishuvo zvisina kufanira. (1 Petro 4:7, NW) Vakadzi vakura nenzira yakafanana vanoshanda kuti vachengete kuterama kweroorano dzavo, nemhaka yokuda varume vavo nechishuvo chokuti vafadze Jehovha.

11 Achifuridzirwa, Mambo Remueri akanyora rumbidzo nokuda kwo“mukadzi unoita zvakanaka” uyo anotusa murume wake ne“zvakanaka, haamuitiri zvakaipa mazuva ose oupenyu hwake.” Murume wechiKristu haasati achizokundikana kuonga kuti mudzimai wake anovavarira sei kugonana nokugumbuka kupi nokupi mundangariro kwaanowana mumakore ake apakati nepakati. Rudo rwake ruchamusunda ku‘murumbidza.’—Zvirevo 31:10, 12, 28.

12. Varoorani vanogona sei kuva pedyo zvikuru sezvo makore anopfuura?

12 Mukati mamakore okubatikana okurera vana, mose muri vaviri mungave makaisa parutivi nomufaro zvishuvo zvenyu zvomunhu oga kuti mutarisire zvinodikanwa zvavana venyu. Pashure pokuenda kwavo yava nguva yokunangidzirazve ngwariro paupenyu hwenyu hwokuroorana. “Apo vanasikana vangu vakabva pamusha,” anodaro mumwe murume, “ndakavamba kunyengana nomudzimai wangu zvakare.” Mumwe murume anoti: “Tinoitira hanya utano hwomumwe nomumwe ndokuyeuchidzana kudikanwa kwokurovedza muviri.” Kuti vagorega kunzwa vane ushoma, iye nomudzimai wake vanoratidza mutsa kumimwe mitezo yeungano. Hungu, kuratidza kufarira vamwe kunounza zvikomborero. Uyezve, kunofadza Jehovha.—VaFiripi 2:4; VaHebheru 13:2, 16.

13. Rutivii urwo kujeka nokutendeseka zvinoita sezvo varoorani vanokwegura pamwe chete?

13 Usabvumira mukaha wekurukurirano kutanga pakati pako nomukwanyina wako. Taurai pamwe chete norusununguko. (Zvirevo 17:27) “Tinokudza kunzwisisana kwedu kupfurikidza nokutarisirana nokuva vanorangarira,” anotsinhira kudaro mumwe murume. Mudzimai wake anobvuma, achiti: “Sezvatakwegura, tasvika pakufarikanya kunwa tii pamwe chete, kukurukura, uye kubatira pamwe chete nomumwe nomumwe.” Kuva kwenyu vakajeka navakatendeseka kunogona kubetsera kusimbisa chisungo chenyu cheroorano, kuchichipa simba iro richadzivisa denho dzaSatani, muparadzi weroorano.

FARIKANYAI VAZUKURU VENYU

14. Rutivii urwo ambuya vaTimotio sezviri pachena vakaita mukukura kwake somuKristu?

14 Vazukuru i“korona” yavakwegura. (Zvirevo 17:6) Ushamwari hwavazukuru hunogona zvirokwazvo kuva mufaro—hunofadza nohunozorodza. Bhaibheri rinotaura zvakanaka nezvaRoisi, ambuya avo, nomwanasikana wavo Juniki, vakagoverana zvitendero zvavo nomuzukuru wavo mucheche Timotio. Uyu muduku akakura achiziva kuti vose vari vaviri amai vake naambuya vaikoshesa zvokwadi yeBhaibheri.—2 Timotio 1:5; 3:14, 15.

15. Pamusoro pavazukuru, ibetseroi inokosha iyo vanasekuru vanogona kupa, asi chii chavanofanira kudzivisa?

15 Pano, ipapoka, pane nzvimbo chaiyo umo vanasekuru vanogona kupa betsero inokosha zvikurusa. Vanasekuru, makatogoverana zivo yenyu yezvinangwa zvaJehovha navana venyu. Zvino munogona kuita zvakafanana nechimwezve chizvarwa! Vana vaduku vazhinji vanofara kunzwa vanasekuru vavo vachirondedzera nhau dzeBhaibheri. Chokwadika, hamusati muchitora basa rababa rokuroverera zvokwadi yeBhaibheri muvana vake. (Dheuteronomio 6:7) Panzvimbo pezvo, munoita kuti irori rikwane. Munyengetero wenyu ngauve uya wowezvamapisarema, wokuti: “Haiwa, kusvikira ndakwegura ndachena vhudzi, Mwari regai kundisiya; kusvikira ndadudzira simba renyu kurudzi runouya.”—Pisarema 71:18; 78:5, 6.

16. Vanasekuru vanogona sei kudzivisa kuva chisakiso chechinetso chinokura mumhuri yavo?

16 Nenzira inosuruvarisa, vamwe vanasekuru vanotunhira kwazvo vaduku zvokuti kunetsana kunotanga pakati pavanasekuru navana vavo vakura. Zvisinei, mutsa wenyu wapachokwadi ungaita kuti kuve nyore kuti vazukuru vakuudzei zvakavanzika zvichida apo vanenge vachinzwa vasingadi kuzivisa zvinhu kuvabereki vavo. Pane dzimwe nguva vaduku vanokarira kuti vanasekuru vavo vanotunhira vachavatsigira mukurwisana navabereki vavo. Chii chinoitika ipapo? Shandisai uchenjeri uye kurudzirai vazukuru venyu kusavanzira vabereki vavo. Munogona kutsanangura kuti ikoku kunofadza Jehovha. (VaEfeso 6:1-3) Kana kuri madikanwa, mungazvipira kugadzira nzira yokusvika kwavaduku kupfurikidza nokutaura navabereki vavo. Ivai vakajeka navazukuru venyu pamusoro peizvo makadzidza mumakore akapfuura. Kutendeseka kwenyu nouchokwadi zvinogona kuvabetsera.

CHINJAI SEZVAMUNOKWEGURA

17. Kutsungai kwowezvamapisarema uko vaKristu vokwegura vanogona kutevedzera?

17 Sezvo makore anopfuura, muchawana kuti hamugoni kuita zvose izvo maisiita kana kuti zvose izvo munoda kuita. Munhu anogamuchira ndokubata sei nokukwegura? Mundangariro mako unganzwa wava namakore 30, asi kutarira muchionioni kunoratidzira chokwadi chakasiyana. Usaora mwoyo. Wezvamapisarema akakumbira Jehovha, kuti: “Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; musandisiya kana ndapera simba.” Kuite chisarudzo chako kutevedzera kutsunga kwowezvamapisarema. Iye akati: “Ndicharamba ndichitarira, ndicharamba ndichiwedzera kukurumbidzai.”—Pisarema 71:9, 14.

18. MuKristu akakura mumudzimu anogona sei kushandisa kurega basa nenzira inobetsera?

18 Vazhinji vakagadzirira pachine nguva mberi kuwedzera rumbidzo yavo kuna Jehovha pashure pokurega basa rokunyika. “Ndakaronga pachine nguva mberi chandaizoita apo mwanasikana wedu akapedza chikoro,” vanotsanangura kudaro vamwe baba avo zvino vakarega basa. “Ndakasarudza kuti ndaizotanga ushumiri hwokuparidza hwenguva yakazara, uye ndakatengesa bhizimisi rangu kuti ndigova akasununguka kubatira Jehovha zvizere zvikuru. Ndakanyengeterera nhungamiro yaMwari.” Kana iwe wava kusvika pedyo nezera rokurega basa, wana nyaradzo muziviso yoMuiti wedu Mukuru, yokuti: “Kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena.”—Isaya 46:4.

19. Izanoi rinopiwa nokuda kwaavo vari kukwegura?

19 Kuchinjira kumagariro okurega basa rokunyika kungasava nyore. Muapostora Pauro akapa zano vakweguru kuva “vane mwero mutsika.” Ikoku kunorayira kuzvidzora kukuru, kwete kutera kuchimiro chendangariro chokutsvaka upenyu hwakapfava. Kungatova nokudikanwa kukuru zvikuru kwomuitiro nokuzviranga pashure pokurega basa kupfuura usati. Batikana, ipapoka, “nguva dzose uchiva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe, uchiziva kuti basa rako harisati riri risina maturo pamusoro paShe.” (1 VaKorinte 15:58, NW) Wedzera mibato yako kuti ubetsere vamwe. (2 VaKorinte 6:13) VaKristu vazhinji vanoita ikoku kupfurikidza nokuparidza mashoko akanaka nokushingaira pamwero wakagadziridzwa. Sezvaunokwegura, iva “akanaka mukutenda, murudo, mukutsungirira.”—Tito 2:2NW.

KUBATA NOKURASIKIRWA NOMUKWANYINA WAKO

20, 21. (a) Mutsika iripo yezvinhu, chii pakupedzisira chinofanira kuparadzanisa varoorani? (b) Ana anogovera sei muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavakwanyina vanofirwa?

20 Iidi rinosuruvarisa asi rechokwadi kuti mutsika iripo yezvinhu, varoorani pakupedzisira vanoparadzaniswa norufu. Vakwanyina vechiKristu vakafirwa vanoziva kuti vadiwa vavo zvino vakarara, uye vane chivimbo chokuti vachavaona zvakare. (Johane 11:11, 25) Asi kurasikirwa kwacho kuchiri kunorwadza. Mupenyu anogona sei kubata nako? *

21 Kuyeuka izvo mumwe munhu womuBhaibheri akaita kuchabetsera. Ana akafirwa nomurume pashure pamakore manomwe bedzi eroorano, uye apo tinorava nezvake, akanga ava namakore 84 okukura. Tinogona kuva nechokwadi chokuti iye akatambudzika apo akarasikirwa nomurume wake. Akagonana sei nako? Akaitira Jehovha Mwari basa rinoyera patembere usiku namasikati. (Ruka 2:36-38) Upenyu hwaAna hwebasa rokutendeseka nenzira isingapanikirwi hwakanga huri mushonga mukuru kurusuruvaro noushoma zvaainzwa sechirikadzi.

22. Dzimwe chirikadzi nedzimwe pfunda vakagonana sei nokuva noushoma?

22 “Denho hurusa nokuda kwangu kwave kuri kusava nomukwanyina wokutaura kwaari,” anotsanangura kudaro mumwe mukadzi ane makore 72 okukura uyo akafirwa nomurume makore gumi apfuura. “Murume wangu akanga ari muteereri akanaka. Taitaura pamusoro peungano negoverano yedu muushumiri hwechiKristu.” Imwe chirikadzi inoti: “Kunyange zvazvo nguva ichirapa, ndakakuwana kuva kwakarurama zvikuru kutaura kuti ndicho icho munhu anoita nenguva yake icho chinobetsera munhu wacho kupora. Unokwanisa zviri nani kubetsera vamwe.” Imwe pfunda ine makore 67 okukura inobvuma, ichiti: “Nzira yakaisvonaka yokugonana nayo nokufirwa kuzvipa umene mukunyaradza vamwe.”

VANOKOSHESWA NAMWARI MUUKWEGURU

23, 24. Inyaradzoi huru inogovera Bhaibheri nokuda kwavakwegura, zvikurukuru avo vakafirwa navakwanyina?

23 Kunyange zvazvo rufu ruchitora mukwanyina anodiwa, Jehovha anoramba akatendeka nguva dzose, ari wechokwadi nguva dzose. “Chinhu chimwe chete ndakakumbira kuna Jehovha,” akaimba kudaro Mambo Dhavhidhi wekare, “ndicho chandichatsvaka; kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutembere yake.”—Pisarema 27:4.

24 “Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo,” anokurudzira kudaro muapostora Pauro. (1 Timotio 5:3) Zano rinotevera uyu murayiridzo rinoratidzira kuti chirikadzi dzakafanira dzisina hama dzokunyama dzapedyo dzingave dzaida tsigiro yokunyama yaibva kuungano. Kunyange zvakadaro, pfungwa yomurayiridzo yokuti “kudza” inobatanidza pfungwa yokudzikoshesa. Inyaradzo yakadini iyo chirikadzi nepfunda dzoumwari dzinogona kuwana mukuziva kuti Jehovha anodzikoshesa uye achadzitsigira!—Jakobho 1:27.

25. Inharidzanoi ichiripo nokuda kwavakweguru?

25 “Vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka,” Shoko rakafuridzirwa raMwari rinozivisa kudaro. Iro “ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama.” (Zvirevo 16:31; 20:29) Pfuurira, ipapoka, kana wakaroora kana kuti kuroorwa kana kuti usisina mukwanyina zvakare, kuchengeta basa raJehovha riri pakutanga muupenyu hwako. Nokudaro uchava nezita rakanaka naMwari zvino nekariro youpenyu husingagumi munyika umo marwadzo oukweguru asati achizovapozve.—Pisarema 37:3-5; Isaya 65:20.

^ ndima 20 Nokuda kwekurukurirano ine udzame zvikuru yeiyi nhau, ona bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.