Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sumo

Sumo

Muverengi Anodiwa:

Unonzwa uri pedyo naMwari here? Vakawanda vanofunga kuti izvozvo hazvitomboiti. Vamwe vanofunga kuti ari kure nevanhu, vamwewo vachifunga kuti havabatsiri zvachose zvekuti haangambovada. Asi Bhaibheri rinotikurudzira nerudo kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Anovimbisa vanhu vanomunamata kuti: “Ini Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rwerudyi, uye ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ndichakubatsira.’”—Isaya 41:13.

Tingaita sei kuti tive pedyo naMwari zvakadaro? Pese patinoita ushamwari nemumwe munhu, tinotanga tazivana naye, toona zvimwe zvinhu zvatinoyemura uye zvatinokoshesa paari. Saka kuti tive shamwari dzaMwari tinofanira kudzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvake, kuti ndiMwari akaita sei. Jehovha ndiMwari ane simba, akarurama, akachenjera uye ane rudo. Kufungisisa kuti Jehovha anoratidza sei zvese izvi uye kuti Jesu Kristu akazviratidzawo sei zvakakwana, uye kunzwisisa kuti isuwo tinogona kuvatevedzera kuchatiswededza pedyo naMwari. Tichaona kuti Jehovha ndiye Mutongi akakodzera kutonga zvisikwa zvese pasi nekudenga. Uye tichatoona kuti ndiBaba vatinoda tese. Havambosiyi vana vavo vakatendeka.

Chido chedu ndechekuti bhuku rino rikubatsire kuramba uchiswedera pedyo naJehovha Mwari, mova neushamwari husingambozofi hwakaparadzwa, zvekuti ucharamba uchimurumbidza nekusingaperi.

Vabudisi