Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 1

“Onai! Uyu Ndiye Mwari Wedu!”

“Onai! Uyu Ndiye Mwari Wedu!”

1, 2. (a) Ungada kubvunza Mwari kuti chii? (b) Mozisi akabvunza Mwari kuti chii?

 UNGAFUNGIDZIRA uchikurukura naMwari here? Kungozvifunga chete kunototyisa, kutaura naChangamire wezvinhu zvese pasi nekudenga! Paanotanga kutaura, unombozeza asi wotaurawo. Anokuteerera, opindura, otoita kuti unzwe wakasununguka kumubvunza chero zvawada. Pakadaro, ungamubvunza kuti chii?

2 Izvi ndizvo chaizvo zvakamboitika kune mumwe murume kare kare. Zita rake ainzi Mozisi. Asi ungatoshamiswa nemubvunzo waakasarudza kubvunza Mwari. Haana kubvunza nezveupenyu hwake pachake, nezveramangwana rake, kana kuti kunyange kutambura kwevanhu vese. Panzvimbo pekubvunza izvozvo, akabvunza zita raMwari. Ungatozviona sezvisina musoro nekuti Mozisi aitoziva zita raMwari. Saka mubvunzo wake wakanga wakadzama kupfuura kungoda kuziva zita raMwari. Chokwadi ndechekuti mubvunzo wakabvunzwa naMozisi ndiwo mubvunzo unokosha kupfuura mibvunzo yese ingabvunzwa nevanhu. Mhinduro yacho inokosha kwatiri tese. Inogona kukubatsira kutora danho rinokosha pakuswedera pedyo naMwari. Nei tichidaro? Ngatimboongororai kukurukura kwakaita Mwari naMozisi musi iwoyo.

3, 4. Chii chakanga chaitika pakazotanga Mozisi kukurukura naMwari, uye vaikurukura nezvei?

3 Mozisi akanga ava nemakore 80. Akanga ava nemakore 40 akaparadzaniswa nevamwe vake, vaIsraeri, avo vakanga vari varanda muIjipiti. Rimwe zuva, achifudza makwai atezvara vake, akaona zvaakanga asati amboona. Gwenzi reminzwa rakanga richibvira, asi rakanga risiri kutsva. Raingobvira richioneka kupenya kwaro mujinga megomo imomo. Mozisi akaswedera pedyo kuti aone. Anofanira kunge akavhunduka chaizvo paakanzwa inzwi richibuda mugwenzi riri kubvira! Mwari achishandisa ngirozi, akataura naMozisi kwenguva refu. Sezvaungangodaro uchiziva, Mwari akabva atuma Mozisi kuti asiye upenyu hwake hwakanyarara hwaairarama, odzokera kuIjipiti kunonunura vaIsraeri vakanga vari varanda, asi aizeza.—Eksodho 3:1-12.

4 Mozisi aigona kubvunza Mwari chero mubvunzo waada. Asi cherechedza kuti akasarudza kubvunza mubvunzo upi. Akabvunza kuti: “Ngatitii ndasvika kuvaIsraeri ndoti kwavari, ‘Mwari wemadzitateguru enyu andituma kwamuri,’ ivo vobva vati kwandiri, ‘Anonzi ani?’ Ndinofanira kuvapindura kuti chii?”—Eksodho 3:13.

5, 6. (a) Mubvunzo waMozisi unotidzidzisa chokwadi chipi chiri pachena uye chinokosha? (b) Chii chakaipa zvikuru chakaitwa nevanhu kuzita raMwari? (c) Nei chiri chinhu chinokosha zvikuru kuti Mwari akatizivisa zita rake?

5 Chekutanga chatinodzidza pamubvunzo iwoyo ndechekuti Mwari ane zita. Ichi ichokwadi chiri pachena chatisingafaniri kurerutsa. Asi vazhinji ndizvo zvavanoita. Zita raMwari rakabviswa mushanduro zhinji dzeBhaibheri rikatsiviwa nemashoko akadai sekuti “Ishe” uye “Mwari.” Ichi ndicho chimwe chezvinhu zvakaipisisa zvakaitwa nechitendero. Ungazivana sei nemunhu usina kubvunza zita rake? Handiti zita ndiro raunototanga kubvunza? Ndizvo zvazvakaitawo pakuziva Mwari. Haasi simbawo zvaro risina zita, riri kure, risingakwanisi kuzivikanwa kana kuti kunzwisisika. Kunyange zvazvo asingaoneki, tinogona kumuziva sezvatinoita munhu chaiye watinoona. Anotova nezita uye zita iroro ndiJehovha.

6 Saka Mwari paanozivisa zita rake, anenge achitotizarurira mumwe mukana wakanaka uye unoshamisa. Ari kutikoka kuti timuzive. Anoda kuti tiite chisarudzo chakanakisisa chatingaita muupenyu, kuswedera pedyo naye. Asi Jehovha haana kungogumira pakutiudza zita rake chete. Anotibatsira kuti tinzwisise kuti rinotidzidzisei nezvake iye muridzi waro.

Zita raMwari Rinorevei?

7. (a) Zita raMwari rinofanira kunge richireva kuti chii? (b) Mozisi akanga achida kunyatsoziva chii paakabvunza Mwari zita rake?

7 Jehovha akazvisarudzira zita rake, rine zvarinoreva zvakadzama. Pane uchapupu huripo hunoratidza kuti zita raMwari rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Hapana akafanana naye pasi nekudenga, nekuti ndiye akaita kuti zvinhu zvese zvivepo. Anoitawo kuti zvinangwa zvake zvese zvizadziswe uye anogona kutoita kuti vashumiri vake vave chero zvaanosarudza iye kuti vave, kunyange zvazvo vakaberekerwa muchivi. Izvi zvinoshamisa zvechokwadi. Asi pane zvimwe here zvatingadzidza nezvaMwari kubva pane zvinorehwa nezita rake? Mubvunzo waMozisi unoratidza kuti ane zvimwe zvaaida kuziva. Tinodaro nekuti Mozisi aitoziva Musiki nezita rake. Zita raMwari rakanga risiri idzva. Vanhu vakanga vava nemazana emakore vachirishandisa. Chiripo ndechekuti Mozisi paakabvunza zita raMwari aida kuziva nezvemuridzi wezita iroro. Saka tingatoti Mozisi akanga achibvunza kuti: ‘Ndingaudza vaIsraeri kutii nezvenyu kuti vatende mamuri uye vave nechivimbo chekuti muchavanunura zvechokwadi?’

8, 9. (a) Jehovha akapindura sei mubvunzo waMozisi, uye mamwe maBhaibheri akashandura sei mhinduro yake zvisiri izvo? (b) Mashoko ekuti “Ndichava Zvandinenge Ndasarudza Kuva” anorevei?

8 Mhinduro yaJehovha yakabudisa pachena chimwe chinhu chinofadza nezvake, chatinodzidza patinoongorora zvinorehwa nezita rake. Akati kuna Mozisi: “Ndichava Zvandinenge Ndasarudza Kuva.” (Eksodho 3:14) MaBhaibheri mazhinji pano anoti: “Ndiri iye wandiri.” Asi aya akashandurwa nekungwarira anoratidza kuti Mwari akanga asiri kungoratidza kuti iye ariko. Chiripo ndechekuti Jehovha aitodzidzisa Mozisi, nesuwo tese kuti ‘aizova,’ kana kuti aizosarudza kuva, chero zvaanenge achida kuti azadzise zvaakavimbisa. Shanduro yaJ. B. Rotherham inoshandura ndima iyi ichiti: “Ndichava chero zvandinoda kuva.” Mumwe anonyatsoziva nezvechiHebheru chakashandiswa muBhaibheri anotsanangura mashoko acho achiti: “Chero mamiriro ezvinhu anenge amuka . . . , Mwari ‘achava’ zvinoenderana nezviripo kuti agadzirise nyaya yacho.”

9 Jehovha aida kuti vaIsraeri vanzwisisei nezvake? Pasinei nezvipingamupinyi zvavaizosangana nazvo, pasinei nekuomerwa kwavakanga vakaitwa, Jehovha aizova chero zvinenge zvichidiwa kuti avanunure muuranda ovaendesa kuNyika Yakapikirwa. Chokwadi zita iri raiita kuti vavimbe naMwari. Rinogona kuitawo izvozvo kwatiri nhasi. (Pisarema 9:10) Nei tichidaro?

10, 11. Zita raJehovha rinotibatsira sei kuziva kuti anokwanisa kuita zvinhu zvizhinji uye kuti ndiBaba vakanakisisa vatingava navo? Ipa muenzaniso.

10 Tinogona kuzvifananidza nezvinoitwa nevabereki, avo vanofanira kuchinja mabasa avo zvichienderana nezvinenge zvichiitika kuvana vavo. Pazuva rimwe chete anogona kuona ava kushanda semurapi, mubiki, mudzidzisi, mutongi, nezvimwewo zvakawanda zvinosanganisira kuranga kana mwana atadza. Vazhinji vanoona zvichivakurira kuita mabasa akasiyana-siyana avanotarisirwa kuita. Kuvana, dambudziko rese rinogadziriswa nababa naamai, kubvira pakurwadziwa nechironda, kudenhanha kwavo, kugadzira matoyi anenge afa, uye kupindura mibvunzo yese inomuka mupfungwa dzavo dzisingapererwi nezvekubvunza. Zvinoshamisa vabereki kuti vana vavo vanovimba navo zvakadaro. Vamwe vanoona vasingazvikwanisi uye dzimwe nguva vanotogumbuka nekuti vanenge vachitadza zvimwe zvacho, vachitozvipa mhosva.

11 Jehovha mubereki ane rudo. Asi akasiyana nesu pakuti hapana zvaasingagoni kuva paanenge achichengeta vana vake vepasi pano kuti zvinyatsovafambira zvakanaka. Saka zita rake, Jehovha, rinotikurudzira kuti tifunge nezvake saBaba vakanakisisa vatingava navo. (Jakobho 1:17) Hazvina kutora nguva kuti Mozisi nevamwe vaIsraeri vese vakatendeka vazive kuti Jehovha anoita zvinoenderana nezita rake. Vakashamiswa pavaiona Jehovha achiva zvese zvaidiwa; akakunda vavengi vavo vese, akakamura mvura yeGungwa Dzvuku, akavapa mitemo yakarurama, aitonga nyaya dzavo zvakarurama, akavapa zvekudya nemvura zvakakwana vari murenje, akaita kuti zvipfeko zvavo neshangu dzavo zvisasakare, uye akaita zvimwewo zvakawanda.

12. Mafungiro aFarao pamusoro paJehovha akanga akasiyana sei neaMozisi?

12 Saka Mwari akaita kuti zita rake rizivikanwe, akashandisawo zita iroro kuti tizive iye wacho muridzi waro, uye akatoratidza kuti zvarinotaura kuti anoita, anozviitawo zvechokwadi. Zviri pachena kuti Mwari anoda kuti timuzive. Ko isu vacho tinoda here kumuziva? Mozisi aida kuziva Mwari. Chido ichocho chakasimba chakachinja upenyu hwese hwaMozisi ndokumuswededza pedyo zvikuru naBaba vake vekudenga. (Numeri 12:6-8; VaHebheru 11:27) Chinorwadza nechekuti vakawanda vakararama panguva yaMozisi vakanga vasina chido chakadaro. Mumwe musi Mozisi akataura zita raJehovha kuna Farao, mambo wacho weIjipiti aizvikudza akatobvunza achitsvinya kuti: “Jehovha ndianiko?” (Eksodho 5:2) Izvi hazvirevi kuti Farao akanga achida kuziva zvakawanda nezvaJehovha. Aitoratidza kuti aiona Mwari wevaIsraeri seasingakoshi kana kuti seasina basa. Maonero iwayo akazara muvanhu mazuva ano. Anopofumadza vanhu kuti vasaona chimwe chokwadi chinokosha kwazvo chekuti Jehovha ndiye Changamire Ishe.

Changamire Ishe Jehovha

13, 14. (a) Nei Magwaro achidana Jehovha nemazita akawanda ekuremekedza, uye ndeapi mamwe acho? ( Ona bhokisi riri papeji 14.) (b) Nei Jehovha ari iye ega akakodzera kunzi “Changamire Ishe”?

13 Jehovha anokwanisa kuita zvinhu zvakawanda uye kuchinja maererano nezvinenge zvichidiwa, zvekuti hazvishamisi kuti Magwaro anomudana nemazita akawanda ekuremekedza. Mazita aya haatsivi zita rake chairo; asi anotidzidzisa zvakawanda pamusoro pekuti zita rake rinorevei. Rimwe ratinowana muMagwaro nderekuti “Changamire Ishe Jehovha.” (2 Samueri 7:22) Zita iroro rekuremekedza, iro rinowanika kakawanda muBhaibheri, rinotiudza nezvekukwirira kwakaita Jehovha. Iye chete ndiye ane kodzero yekuva Mutongi wezvinhu zvese pasi nekudenga. Ona kuti nei tichidaro.

14 Jehovha akasiyana nevamwe vese pakuti ndiye Musiki. Zvakazarurwa 4:11 inoti: “Jehovha, Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nekuremekedzwa nesimba, nekuti makasika zvinhu zvese, uye nekuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Mashoko aya ane simba haashandi chero kuna ani zvake kunze kwaMwari chete. Zvinhu zvese kudenga nepanyika zvakavapo nekuti Jehovha ndiye akazvisika! Zviri pachena kuti Jehovha akakodzera kukudzwa, simba, uye mbiri zvinobva pakuva kwake Changamire Ishe uye Musiki wezvinhu zvese.

15. Nei Jehovha achinzi “Mambo asingagumi”?

15 Rimwe zita rekuremekedza rakakodzera kushandiswa pana Jehovha chete nderekuti “Mambo asingagumi.” (1 Timoti 1:17; Zvakazarurwa 15:3) Izvi zvinorevei? Kunyange zvakatiomera kunzwisisa sezvo pfungwa dzedu dziine padzinogumira, Jehovha haana mavambo uye haana magumo. Pisarema 90:2 inoti: “Muri Mwari kubvira nariini kusvikira nariini.” Saka Jehovha haana paakatangira; akangogara ariko. Akakodzera kunzi “Wemazuva Mazhinji” nekuti akagara ariko kubvira riini nariini asati atombosika munhu kana chimwe chinhu pasi nekudenga! (Dhanieri 7:9, 13, 22) Zviri pachena kuti Jehovha ndiye ane kodzero yekuva Changamire Ishe wezvinhu zvese.

16, 17. (a) Nei tisingakwanisi kuona Jehovha, uye nei izvozvo zvisingafaniri kutishamisa? (b) Nei tiine chokwadi kuti Jehovha ariko kutopfuura kuva nechokwadi kwatinoita nezvinhu zvatinoona?

16 Asi vamwe havatombooni aine kodzero iyoyo, sezvakaitwa naFarao. Chimwe chinoita kuti zvidaro ndechekuti nemhaka yechivi chiri matiri, tinonyanya kuisa pfungwa dzedu pazvinhu zvatinoona nemaziso edu. Hatigoni kuona Jehovha Mwari. Iye mweya; haaoneki nemaziso evanhu. (Johani 4:24) Dai munhu wenyama neropa aizomira pamberi chaipo paJehovha Mwari, pake paimuperera. Jehovha pachake akaudza Mozisi kuti: “Haukwanisi kuona chiso changu, nekuti hakuna munhu angandiona akararama.”—Eksodho 33:20; Johani 1: 18.

17 Izvozvo hazvifaniri kutishamisa. Mozisi akangoona zvishomanana kubwinya kwaJehovha uyo anofanira kunge aimiririrwa nengirozi. Chii chakabva chaitika? Pashure pechiitiko ichi, ganda rechiso chaMozisi rakatora nguva ‘richipenya.’ VaIsraeri vakatya kunyange kunyatsotarisa chiso chaMozisi. (Eksodho 33:21-23; 34:5-7, 29, 30) Saka kana kutarisa chiso chaMozisi kwaityisa zvakadaro, ko kuzoti kutarisa Changamire Ishe nekubwinya kwake kwese! Izvi zvinoreva kuti haako here nekuti hatikwanisi kumubata uye kumuona? Aiwa, pane zvakawanda zvatinobvuma kuti zviriko asi hatikwanisi kuzviona zvakadai semhepo kana kuti masaisai enhepfenyuro. Uyezve Jehovha anogara ariko, haachinjwi nekufamba kwenguva, kunyange zviuru nezviuru zvemakore! Tichifunga izvozvo, tinoona kuti anotopfuura nekure zvinhu zvinooneka kana kubatika nekuti zvinosakara kana kuora. (Mateu 6:19) Saka tinofanira kungofunga nezvake sesimba risisinganzwisisiki rakangoita kuti zvinhu zvese zvivepo here? Ngatimbopaongororai.

Jehovha ndiMwari Akaita Sei?

18. Ezekieri akaona chiratidzo chei, uye zviso zvina ‘zvezvisikwa zvipenyu’ zviri pedyo naJehovha zvinomirirei?

18 Kunyange zvazvo tisingakwanisi kuona Mwari, pane ndima dzinofadza dziri muBhaibheri dzinoita kuti titi onei zvakaita kudenga chaiko. Chitsauko chekutanga chaEzekieri chimwe chendima dzakadaro. Ezekieri akaratidzwa chikamu chekudenga chesangano raJehovha, icho chaakaona sengoro huru yekudenga. Chinonyanya kupedza mate mukanwa irondedzero yezvisikwa zvemweya zvine simba zvakapoteredza Jehovha. (Ezekieri 1:4-10) “Zvisikwa zvipenyu” izvi zviri pedyo zvikuru naJehovha, uye chitarisiko chazvo chinotiudza chimwe chinhu chinokosha pamusoro paMwari wazvinoshumira. Chimwe nechimwe chine zviso zvina zvinoti: chemukono wemombe, cheshumba, chegondo, uye chemunhu. Zviri pachena kuti zviso zvacho zvina zviri pamwe chete, zvinomirira zvese zvakaita Jehovha.—Zvakazarurwa 4:6-8, 10.

19. Chii chinomirirwa nechiso (a) chemukono wemombe? (b) cheshumba? (c) chegondo? (d) chemunhu?

19 MuBhaibheri, mukono wemombe unowanzomirira simba, uye izvi zvakakodzera nekuti imhuka yakasimba zvikuru. Shumba inowanzomirira kutonga zvakarurama, nekuti kutonga zvakarurama kunoda ushingi sehweshumba iyo inozivikanwa nekusatya. Makondo anozivikanwa nemaziso awo anonyatsoona, achiona kunyange zvinhu zvidikidiki zviri kure kure. Saka zvakakodzera kuti chiso chegondo chifananidzire uchenjeri hwaMwari hwekuona zvinhu zvichiri kure. Ko chiso chemunhu? Munhu, akasikwa nemufananidzo waMwari, saka ndiye chete anogona kuratidza rudo kupfuura zvimwe zvese sezvinoita Mwari. (Genesisi 1:26) Jehovha ane simba, anotonga zvakarurama, ane uchenjeri, uye rudo; zvinhu izvi zvinotaurwa muMagwaro kakawanda zvekuti ndizvo zvinonyanya kumiririra zvaari.

20. Tinofanira kutyira kuti Jehovha angangodaro akachinja here, uye nei uchidaro?

20 Tinofanira kutyira kuti Mwari angangodaro akachinja here kubva paakarondedzerwa muBhaibheri? Aiwa; Mwari haachinji. Anotiudza kuti: “Ndini Jehovha; handichinji.” (Maraki 3:6) Jehovha haachinji-chinji, asi sababa vane rudo, anoita zvinoenderana nemamiriro ezvinhu anenge aripo. Panenge pachidiwa uchenjeri, anotungamidza uchenjeri, pachidiwawo simba, anotungamidza simba rake, uyewo pari kudiwa kutonga zvakarurama, anoratidza kuti anotonga zvakarurama. Asi pazvese zvaanoratidza, chinonyanya kubuda rudo. Runoonekwa mune zvese zvinoitwa naMwari. Rudo rwake runooneka pamashandisiro aanoita simba rake, matongero aanoita zvakarurama, uye maratidziro aanoita uchenjeri hwake. Bhaibheri rinototaura chimwe chinhu chinoshamisa pamusoro paMwari nezverudo. Rinoti: “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Waona here kuti Bhaibheri haritauri kuti Mwari ane rudo kana kuti Mwari anoda? Rinoti Mwari rudo. Rudo ndizvo zvaari chaizvo; ndirwo rwunoita kuti aite zvese zvaanoita.

“Onai! Uyu Ndiye Mwari Wedu!”

21. Kuwedzera kunzwisisa kuti Jehovha ndiMwari akaita sei, kuchaita kuti tinzwe sei nezvake?

21 Wati wambonzwa here kamwana kachiudza vamwe vako nezvababa vako, kachitaura kachidadirira kachiti, “Avo ndivo baba vangu avo”? Vanamati vaJehovha havangambotadziwo kudada naye saizvozvo. Bhaibheri rakagara rataura kuti pachava nenguva apo vanhu vakatendeka vachati: “Onai! Uyu ndiye Mwari wedu!” (Isaya 25:8, 9) Kuwedzera kunzwisisa kuti Jehovha ndiMwari akaita sei, kuchaita kuti uwedzerewo kumuona saBaba vakanakisisa.

22, 23. Bhaibheri rinorondedzera sei Baba vedu vekudenga, uye tinoziva sei kuti vanoda kuti tive pedyo navo?

22 Ava ndiBaba vane ushamwari, vane rudo, uye havasi Mwari akangokwindimara, ari kure nevanhu, sezvinodzidziswa nevamwe. Dai zviri izvo zvaari taisazombonzwa tiri pedyo naye. Bhaibheri haritomborondedzeri Baba vedu vekudenga saizvozvo. Rinotovadana kuti “Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Anorwadziwa nezvatinosangana nazvo uye anonzwa tsitsi. Shoko rake rinotaura kuti zvisikwa zvake zvemweya pazvakatyora mitemo yazvakapiwa yaitofanira kuzvibatsira, “mwoyo wake wakarwadziwa.” (Genesisi 6:6; Pisarema 78:41) Asi patinoita zvinhu zveuchenjeri zvinoratidzwa muShoko rake, ‘tinofadza mwoyo’ wake.—Zvirevo 27:11.

23 Baba vedu vanoda kuti tive pedyo navo. Shoko ravo rinotikurudzira kuti ‘tivatsvanzvadzire tivawane, kunyange zvazvo vasiri kure nemumwe nemumwe wedu.’ (Mabasa 17:27) Asi zvingaitika sei kuti vanhuwo zvavo vaswedere pedyo naChangamire Ishe wezvinhu zvese?