Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 2

Zvingaita Here Kuti ‘Uswedere Pedyo naMwari’?

Zvingaita Here Kuti ‘Uswedere Pedyo naMwari’?

1, 2. (a) Ndezvipi zvinoonekwa nevakawanda sezvisingamboitika, asi Bhaibheri rinotivimbisa kuti chii? (b) Abrahamu aiva pedyo naMwari zvakadii, uye chii chakaita kuti zvidaro?

 UNONZWA sei kana ukanzwa Musiki wedenga nenyika achiti nezvako, “Iyi ishamwari yangu”? Vakawanda vangafunga kuti izvozvo hazvingamboitika. Munhuwo zvake wenyama, angashamwaridzana naJehovha Mwari sei? Asi Bhaibheri rinotivimbisa kuti zvechokwadi tinogona kuva pedyo naMwari.

2 Abrahamu ndemumwe akava pedyo naMwari zvakadaro. Jehovha akataura nezvake achiti “shamwari yangu.” (Isaya 41:8) Kureva kuti Jehovha aitotora Abrahamu seshamwari yake yepedyo. Chakaita kuti Abrahamu aonekwe saizvozvo ndechekuti “akatenda muna Jehovha.” (Jakobho 2:23) Mazuva anowo, Jehovha ari kutsvaga mikana yekuti ave neushamwari hwepedyo nevashumiri vake uye kuti ‘aratidze kuti anovada.’ (Dheuteronomi 10:15) Shoko rake rinokurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Mashoko aya ane zvaari kutikumbira kuti tiite uye ane zvaari kutivimbisa kuti zvinozoitika kana tadaro.

3. Jehovha anotikumbira kuti tiite sei, uye iye anovimbisa kuzoitawo sei?

3 Jehovha anotikumbira kuti tiswedere pedyo naye. Akagadzirira uye anoda kutigamuchira kuti tive shamwari dzake. Anovimbisa kuti patinotora matanho ekutanga ekuti tiswedere pedyo naye, iye anobva aswederawo pedyo nesu. Izvi zvinoita kuti tive ‘neushamwari hwepedyo naJehovha,’ chinova chinhu chinokosha zvikuru. (Pisarema 25:14) Mashoko ekuti ‘ushamwari hwepedyo’ pano ari kureva kutaurirana zvakavanzika kunoita shamwari neshamwari.

4. Ungarondedzera sei shamwari yepedyo, uye Jehovha anoratidza sei kuti ishamwari yakadaro kune vanoswedera pedyo naye?

4 Une shamwari yepedyo yaunoudza zviri pamwoyo here? Shamwari yakadaro munhu ane hanya newe. Unovimba naye, nekuti anoratidza kuti akavimbika. Paunomuudza zviri kukufadza unowedzera kufara. Paanoteerera zvinokunetsa achikunzwira tsitsi, unonzwa warerukirwa. Iye anokunzwisisa kunyange pasina mumwe munhu anokunzwisisa. Izvozvo ndizvo zvinoita Mwari, nekuti paunoswedera pedyo naye unenge wava neShamwari yepedyo inokukoshesa zvechokwadi, ine hanya newe, uye inonyatsokunzwisisa. (Pisarema 103:14; 1 Petro 5:7) Unovimba naye nemwoyo wako wese, nekuti unoziva kuti akavimbika kune vakavimbika kwaari. (Pisarema 18:25) Asi takawana mukana uyu wekushamwaridzana naMwari pamusana pezvaakatiitira.

Jehovha Akavhura Nzira

5. Jehovha akaita sei kuti tikwanise kuswedera pedyo naye?

5 Sezvo tiri vatadzi taisazombokwanisa kutanga tega kuswedera pedyo naMwari. (Pisarema 5:4) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.” (VaRoma 5:8) Izvi zvinoratidza kuti Jehovha ndiye akaronga kuti Jesu ape “upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.” (Mateu 20:28) Kutenda kwedu muchibayiro cherudzikinuro ichocho ndiko kunoita kuti tikwanise kuva pedyo naMwari. Sezvo Mwari ari iye “akatanga kutida,” akaita kuti zvitiitire nyore kuti tive shamwari dzake.—1 Johani 4:19.

6, 7. (a) Tinoziva sei kuti Jehovha haasi Mwari akavanzika asingagoni kuzivikanwa? (b) Jehovha akashandisei kuti atibatsire kumuziva?

6 Rimwe danho rakatorwa naJehovha nderekuita kuti timuzive. Kuti uve shamwari yepedyo yemumwe munhu unofanira kunyatsoziva unhu hwake nezviito zvake. Saka dai Jehovha asingatitauriri nezvake kana kutidzidzisa nezvake, taisazombokwanisa kuva pedyo naye. Panzvimbo pekuzvivanza, Jehovha anotoda kuti timuzive. (Isaya 45:19) Zvaanozivisa nezvake zvinowanikwa nevanhu vese, kunyange vaya vanotarisirwa pasi nenyika.—Mateu 11:25.

Jehovha akaita kuti timuzive achishandisa zvinhu zvaakasika uye Shoko rake

7 Jehovha akazviratidza sei kwatiri? Zvinhu zvaakasika zvinotizivisa zvaari, kubvira paukuru hwesimba rake, uchenjeri hwake, uye rudo rwake. (VaRoma 1:20) Asi zvinhu zvaakasika handizvo zvega zvinotizivisa nezvake. Anotidzidzisa zvakawanda nezvake muShoko rake, Bhaibheri.

Jehovha Anoshandisa Sei Bhaibheri Kuita Kuti Timuzive?

8. Nei tingati Bhaibheri uchapupu hwekuti Jehovha anotida?

8 Bhaibheri pacharo uchapupu hwerudo rwaJehovha kwatiri. MuShoko rake, anoita kuti timuzive achishandisa nzira dzatinogona kunzwisisa, izvo zvinobva zvaratidza kuti anotida uye anoda kuti timuzive uye timude. Zvatinoverenga mubhuku iri rinokosha zvinoita kuti tikwanise kuswedera pedyo naye. (Pisarema 1:1-3) Ngatikurukurei dzimwe nzira dzaanoshandisa muShoko rake dzinonyatsotibatsira kuti timuzive.

9. Ndeapi mamwe mashoko anotsanangura kuti Jehovha ndiMwari akaita sei anotaurwa muBhaibheri?

9 Magwaro ane mashoko akawanda anonyatsotibatsira kuona kuti Jehovha ndiMwari akaita sei. Cherechedza mamwe acho. “Jehovha anoda kutonga zvakarurama.” (Pisarema 37:28) Mwari “ane simba guru.” (Jobho 37:23) “‘Ndakavimbika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.” (Jeremiya 3:12) “Iye ane mwoyo wakachenjera.” (Jobho 9:4) “Mwari ane ngoni netsitsi, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, nechokwadi.” (Eksodho 34:6) “Makanaka uye makagadzirira kukanganwira, haiwa Jehovha.” (Pisarema 86:5) Uye sezvakataurwa muchitsauko chekutanga, chinopfuura zvese ndechekuti: “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Paunenge uchifungisisa zvese izvi, haunzwi uchiswededzwa pedyo naMwari asingaenzaniswi uyu here?

10, 11. (a) Jehovha akaita kuti muShoko rake muve nechii kuti atibatsire kunyatsonzwisisa zvaari? (b) Inhoroondo ipi yemuBhaibheri inotibatsira kunyatsoona mupfungwa dzedu simba rina Mwari?

10 Kuwedzera pakutiudza kuti ane simba, uchenjeri, rudo, uye anotonga zvakarurama, Jehovha akaita kuti muShoko rake muve nenyaya dzakanyorwa dzinotidzidzisa zvine simba nezvemaratidziro aanoita zvaari izvi. Nyaya dzakadaro dzinoita kuti mupfungwa dzedu muve nemifananidzo yakajeka inotibatsira kuona zvakasiyana-siyana zvaari. Izvozvo zvinobva zvatibatsirawo kuswedera pedyo naye. Ngationei dzimwe nyaya dzakadaro.

Bhaibheri rinotibatsira kuswedera pedyo naJehovha

11 Tinogona kuverenga muBhaibheri kuti Mwari ane ‘simba rinoshamisa,’ asi patinozoverenga nhoroondo yekununura kwaakaita vaIsraeri paGungwa Dzvuku nekuzovachengeta murenje kwemakore 40, tinobva tanyatsonzwisisa simba racho. (Isaya 40:26) Unogona kuita seuri kuona mvura isina kugadzikana ichiparadzana nepakati. Unogona kufungidzira vanhu vacho vese, vangasvika 3 000 000 vachifamba pakaoma, mvura yakamira semadziro mahombe kumativi avo. (Eksodho 14:21; 15:8) Unogona kuona uchapupu hwekuti Mwari anochengetedza sei vanhu vake, paunoverenga zvaakaitira vaIsraeri murenje. Mvura yakayerera ichibuda mudombo. Zvekudya zvakaita semhodzi chena zvaingooneka zvazara pasi. (Eksodho 16:31; Numeri 20:11) Munhoroondo iyi, Jehovha anoratidza kuti ane simba uye kuti anorishandisa kubatsira vanhu vake. Hazvitipi chivimbo here kuziva kuti minyengetero yedu inoenda kuna Mwari ane simba watinoziva kuti ndiye “nzvimbo yedu yekupotera nesimba redu . . . rubatsiro runowanika zviri nyore munguva yekutambudzika?”—Pisarema 46:1.

12. Jehovha anotibatsira sei “kumuona” nenzira dzatinonzwisisa?

12 Jehovha Mweya, asi akatoita zvakawanda kuti atibatsire kuti timuzive. Sezvo tiri vanhu tinongoona zvinooneka nemaziso chete saka hatigoni kuona zvinhu zvemweya. Kuti Mwari azvirondedzere kwatiri sezvaari chaizvo kwakangofanana nekutsanangurira mumwe munhu akazvarwa ari bofu kuti uri mutsvuku, uye une bvudzi dema kana kuti jena. Panzvimbo pekudaro, Jehovha anotibatsira “kumuona” nenzira yatinogona kunzwisisa. Dzimwe nguva anoshandisa fananidzo, achizvifananidza nezvinhu zvatinoziva. Pamwe pacho anotozvirondedzera seane nhengo dzemuviri wemunhu. a

13. Isaya 40:11 inoita kuti uve nemufananidzo upi mupfungwa, uye zvinoita kuti unzwe sei?

13 Inzwa matsanangurirwo anoitwa Jehovha pana Isaya 40:11 panoti: “Achachengeta makwai ake sezvinoita mufudzi. Achaunganidza makwayana neruoko rwake, uye achaatakura pachipfuva chake.” Pano Jehovha ari kufananidzwa nemufudzi anotakura makwayana mumaoko ake. Izvi zvinoratidza kuti Mwari anodzivirira uye anotsigira vanhu vake, kunyange vaya vasina simba rekuzvidzivirira. Kana tiri mumaoko ake tinonyatsonzwa kuti takachengetedzwa, nekuti haazombosiyi vanhu vake vakavimbika. (VaRoma 8:38, 39) Mufudzi Mukuru anotakura makwayana “pachipfuva chake,” izvo zvinoreva mipendero yekumusoro kwenguo, iyo yaishandiswa nemufudzi kutakura gwayana rinenge richangoberekwa. Saka tinonyatsopiwa chivimbo chekuti Jehovha ane hanya nesu zvechokwadi uye anotibata neunyoro. Hatingambotadzi kunzwa tichida kuva pedyo naye.

‘Mwanakomana Anoda Kuratidza Zvavakaita’

14. Nei tingati Jehovha anonyatsoratidza zvaari achishandisa Jesu?

14 MuShoko rake, Jehovha anonyatsoratidza zvaari, achishandisa Mwanakomana wake waanoda, Jesu. Hapana aigona kuratidza mafungiro aMwari nemanzwiro ake kana kutitsanangurira nezvake kupfuura Jesu. Hazvingambotadzi kudaro nekuti Mwanakomana wedangwe iyeye aivapo naBaba vake zvimwe zvisikwa zvemweya nezvimwe zvinhu zvese zvinooneka zvisati zvasikwa. (VaKorose 1:15) Jesu ainyatsoziva Jehovha zvakakwana. Ndosaka akazoti: “Hapana anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hapana anoziva kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana nemunhu wese uyo Mwanakomana anenge achida kuratidza zvavakaita.” (Ruka 10:22) Paakanga ari pasi pano, Jesu ane nzira mbiri dzinokosha dzaakatiratidza nadzo zvakaita Baba.

15, 16. Jesu akaratidza zvakaita Baba vake achishandisa nzira dzipi mbiri?

15 Nzira yekutanga inotibatsira kuziva Baba idzidziso dzaJesu. Jesu akarondedzera Jehovha nenzira inonyatsobata-bata mwoyo yevanhu. Funga nezvemarondedzerero aakaita tsitsi dzaMwari pakugamuchira vatadzi vanenge vapfidza. Jesu akafananidza Jehovha nababa vanokanganwira, vakarwadziwa mwoyo nekuona mwanakomana wavo ainge apanduka achidzoka kumba vakabva vamhanya kunomutambira vachimumbundira nekumutsvoda zvinyoronyoro. (Ruka 15:11-24) Jesu akataurawo nezvaJehovha saMwari ‘anokweva’ vanhu vane mwoyo yakarurama nekuti anoda mumwe nemumwe wavo. (Johani 6:44, mashoko emuzasi.) Anoziva kunyange panowira pasi kashiri kadiki. Jesu akatsanangura kuti: “Musatya; munokosha kupfuura tushiri twakawanda.” (Mateu 10:29, 31) Hatingambotadza kunzwa tichida kuswedera pedyo naMwari akadaro.

16 Nzira yechipiri yakashandiswa naJesu kutiratidza zvakaita Jehovha, ndeyemararamiro aakaita. Jesu akanyatsoratidza zvakaita Baba vake zvekuti akatoti: “Munhu wese anenge aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Saka patinoverenga mabhuku eEvhangeri pamusoro paJesu, mabatiro aaiita vanhu, kuvanzwira tsitsi kwaaiita, tinenge tichitoona zvakaita Baba vake. Jehovha aisagona kutipa mufananidzo wakajeka kupfuura ipapo wezvaari. Nei tichidaro?

17. Tingaenzanisira sei zvakaitwa naJehovha kutibatsira kunzwisisa zvaari?

17 Ngatitii uri kuda kubatsira mumwe munhu kuti azive kuti chii chinonzi tsitsi. Unogona kuita zvekumutsanangurira nemashoko. Asi kana ukaita zvekumuratidza mumwe munhu ari kutoratidza tsitsi dzacho wobva wati, “Idzi ndidzo dzinonzi tsitsi,” anobva anyatsonzwisisa zvazvinoreva. Izvozvo ndizvo zvakaitwa naJehovha kuti atibatsire kunzwisisa kuti ndiMwari akaita sei. Haana kungogumira pakutsanangura kuti ndiMwari akaita sei, asi akatipawo muenzaniso weMwanakomana wake achiwedzera patsanangudzo idzodzo. Jesu anonyatsotiratidza kuti dai ari Mwari aiva pasi pano aizoita sei. Jehovha anoita seari kushandisa nhoroondo yeupenyu hwaJesu iri mumabhuku eEvhangeri kutiudza kuti, “Izvi ndizvo zvandiri.” Nhoroondo dzakafemerwa dzinotsanangura kuti Jesu aiva munhu akaita sei paaiva pasi pano?

18. Jesu akaratidza sei simba, uchenjeri, uye chido chekuti vanhu vatongwe zvakarurama?

18 Zvinhu zviya zvina zvinonyanya kuratidzwa naMwari zvinoti rudo, kutonga zvakarurama, uchenjeri, uye simba zvinonyatsooneka pana Jesu. Aiva nesimba pazvirwere, nzara, kunyange rufu. Jesu haana kumboshandisa simba rake rekuita zvishamiso kuti rimubatsire iye pachake kana kuti kukuvadza vamwe sezvingaitwa nevanhu vanoda kuti zvinhu zvivafambire ivo pachavo. (Mateu 4:2-4) Aida kuti vanhu vatongwe zvakarurama. Zvakamugumbura chaizvo paakaona vatengesi vaibiridzira vanhu. (Mateu 21:12, 13) Aibata varombo nevakadzvinyirirwa zvakanaka asingavasaruri, uye aivabatsira kuti ‘vawane zororo.’ (Mateu 11:4, 5, 28-30) Zvinhu zvaidzidziswa naJesu, uyo ‘aipfuura Soromoni,’ zvairatidza uchenjeri husingaenzaniswi. (Mateu 12:42) Asi akanga asingashamisiri neuchenjeri hwake. Mashoko ake aisvika pamwoyo yevanhu vakaderera, nekuti dzidziso dzake dzakanga dzakajeka, dziri nyore kunzwisisa uye dzichishanda muupenyu.

19, 20. (a) Jesu akaratidza sei kuti aiva muenzaniso mukuru werudo? (b) Patinenge tichiverenga uye tichifungisisa muenzaniso waJesu, tinofanira kuramba tichiyeukei?

19 Jesu aiva muenzaniso mukuru werudo. Makore ake ese aaiita ushumiri airatidza rudo nenzira dzakasiyana-siyana kusanganisira kunzwira vanhu tsitsi uye kuva netsiye nyoro. Aisakwanisa kungotarisa vanhu vachitambura. Tsitsi dzake dzaiita kuti anzwe achida kuita chimwe chinhu pese paaiona vanhu vachitambura. (Mateu 14:14) Kunyange zvazvo akaporesa vairwara nekupa vaiva nenzara zvekudya, Jesu akaratidza tsitsi neimwe nzira inokosha kupfuura ipapo. Akaita kuti vanhu vazive, vabvume uye vade chokwadi pamusoro peUmambo hwaMwari, hunova ndihwo huchaunza makomborero asingaperi kuvanhu. (Mako 6:34; Ruka 4:43) Kupfuura zvese izvi, Jesu akaratidza rudo nekuzvipira kwaakaita kupa upenyu hwake kuti anunure vanhu.—Johani 15:13.

20 Ndosaka zvisingatishamisi kuti vanhu vemazera ese uye vane mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vaida kuva pedyo nemurume uyu aiva nerudo netsiye nyoro. (Mako 10:13-16) Asi ngatiregei kukanganwa kuti patiri kuverenga uye kufungisisa nezvemuenzaniso waJesu, tiri kutoona zvakaita Baba vake chaizvo.—VaHebheru 1:3.

Bhuku Richatibatsira Pakudzidza

21, 22. Kutsvaga Jehovha kunosanganisirei, uye bhuku rino rinei chingatibatsira pakuita izvi?

21 Jehovha akatiratidza zvakajeka kuti ndiMwari werudzii muShoko rake, izvo zvinosiya pasina mubvunzo kuti anoda kuti tive pedyo naye. Asi haatimanikidzi kuti tive neushamwari naye. Zviri kwatiri kuti ‘titsvage Jehovha achiri kuwanika.’ (Isaya 55:6) Kutsvaga Jehovha kunosanganisira kudzidza muShoko rake zvaari uye nzira dzaanoita nadzo zvinhu. Bhuku rino rauri kuverenga rakagadzirirwa kukubatsira kuita izvozvo.

22 Uchaona kuti bhuku rino rakakamurwa kuita zvikamu zvina zvinoenderana nezvinhu zvina zvikuru zvinoratidza kuti Jehovha ndiMwari akaita sei zvinoti: simba, kutonga zvakarurama, uchenjeri, uye rudo. Chikamu chimwe nechimwe chinotanga nekutsanangura muchidimbu kuti ndechipi pazvinhu zvina zvacho chinenge chichizokurukurwa muchikamu ichocho. Zvitsauko zvishomanana zvinozotevera zvinotaura kuti Jehovha anoratidza sei zvaari izvozvo munzira dzakasiyana-siyana. Chikamu chimwe nechimwe chine chitsauko chinozoratidza kuti Jesu akaratidza sei zvakaita Jehovha zvinenge zvichikurukurwa muchikamu ichocho, uye chimwe chitsauko chinozotiratidza kuti tingazviratidza sei muupenyu hwedu.

23, 24. (a) Tsanangura kuti chikamu chakanzi “Mibvunzo Yekufungisisa” chinobatsira sei. (b) Kufungisisa kunotibatsira sei kuramba tichiswedera pedyo naMwari?

23 Kutanga nechitsauko chino, pane chikamu chinokosha chine musoro unoti “Mibvunzo Yekufungisisa.” Kuti uone bhokisi rakadaro  tarisa papeji 24. Magwaro nemibvunzo yacho hazvina kuitirwa kudzokorora pfungwa huru dziri muchitsauko chacho. Asi chinangwa chazvo ndechekukubatsira kufungisisa dzimwe pfungwa dzinokosha dzakabatana nenyaya yacho. Ungaita sei kuti mibvunzo neMagwaro zviri mubhokisi iri zvinyatsokubatsira? Vhura mavhesi ese anenge arimo wonyatsoaverenga. Pashure pekuverenga mavhesi acho tarisa mibvunzo inoenderana nemavhesi acho. Fungisisa mhinduro dzemibvunzo yacho. Unogona kutsvakurudza mamwe mashoko. Zvibvunze mimwe mibvunzo yekuwedzera yakadai sekuti: ‘Mashoko aya anondiudzei nezvaJehovha? Anoshanda sei muupenyu hwangu? Ndingaashandisa sei kubatsira vamwe?’

24 Kufungisisa kwakadaro kunogona kutibatsira kuramba tichiswedera pedyo naJehovha. Nei tichidaro? Bhaibheri rinoti mwoyo ndiwo unofungisisa. (Pisarema 19:14) Patinodzamisa pfungwa tichifungisisa zvatinenge tadzidza nezvaMwari, mashoko acho anopinda mumwoyo medu, ochinja mafungiro edu, otipa shungu dzekuita zvatinenge tadzidza zvacho. Kuda kwatinoita Mwari kunokura, kwoita kuti tide kumufadza seshamwari yedu yepamwoyo. (1 Johani 5:3) Kuti tisvike pakuva pedyo naye zvakadaro, tinofanira kusvika pakuziva kuti Jehovha ndiMwari akaita sei uye nzira dzake. Asi ngatitangei nekukurukura utsvene hwaMwari, nekuti ndicho chimwe chinhu chikuru chinoita kuti tide kuswedera pedyo naye.

a Bhaibheri rinotaura kuti Mwari ane chiso, maziso, nzeve, mhino, muromo, maoko, netsoka. (Pisarema 18:15; 27:8; 44:3; Isaya 60:13; Mateu 4:4; 1 Petro 3:12) Mashoko ekufananidzira akadaro haafaniri kubva atorwa sezvaari, kungofananawo neanotaura kuti Jehovha “iDombo” kana kuti “nhoo.”—Dheuteronomi 32:4; Pisarema 84:11.