Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 3

“Mutsvene, Mutsvene, Mutsvene, Iye Jehovha”

“Mutsvene, Mutsvene, Mutsvene, Iye Jehovha”

1, 2. Muprofita Isaya akaratidzwei, uye zvinotidzidzisei nezvaJehovha?

 ISAYA akashaya kana neremuromo nezvaakaona, zvaakaratidzwa naMwari. Zvaiita sezviri kutoitika pamberi pake chaipo! Isaya akazonyora kuti ‘akaona Jehovha’ pachake ari pachigaro chake cheUmambo chaiva pakakwirira. Nguo refu yaJehovha yakanga yakazadza temberi huru yaiva muJerusarema.—Isaya 6:1, 2.

2 Isaya akashamiswawo paakanzwa manzwi ane simba achiimba zvekuti aizunungusa temberi kusvika kufaundesheni yayo chaiyo. Manzwi acho aiva ezvisikwa zvemweya zvine nzvimbo yakakwirira zvikuru zvinonzi maserafi. Manzwi awo ainyatsotsinhirana zvine simba achiimba mashoko ari nyore asi anoreva zvakadzama ekuti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wemauto. Nyika yese izere nekubwinya kwake.” (Isaya 6:3, 4) Kudzokorora kunoitwa shoko rekuti “mutsvene” murwiyo irworwo katatu kuri kusimbisa utsvene hwaJehovha, uye izvozvo zvakakodzera nekuti utsvene hwaJehovha hwakakwirira zvisingayereki. (Zvakazarurwa 4:8) Kubvira kwekutanga kusvika kwekupedzisira, Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti Jehovha mutsvene. Mazana emavhesi anotaura nezveutsvene paanotaura zita rake.

3. Kusanzwisisa utsvene hwaJehovha kunoita sei kuti vamwe vabve kwaari pane kuti vaswedere pedyo naye?

3 Saka zviri pachena kuti chimwe chezvinhu zvinoda Jehovha kuti tinzwisise nezvake ndechekuti mutsvene. Asi pfungwa iyoyo inotoita kuti vazhinji vatyire kure. Vamwe vanhu vanoona vanhu vanonyepedzera kuzviita vatsvene votofunga kuti ndozvinoreva utsvene izvozvo. Vaya vanozvitarisira pasi vanogona kunzwa vachiti ityei utsvene hwaMwari pane kuti huvakwezve. Vanogona kufunga kuti havangambokwanisi kuswedera pedyo naMwari mutsvene zvakadaro. Saka vakawanda vanotozvibvisa pana Mwari vachitya utsvene hwake. Izvozvo zvinosuwisa nekuti utsvene hwaMwari hunofanira kutoita kuti tiswedere pedyo naye. Nei tichidaro? Tisati tapindura mubvunzo iwoyo, ngatimbotangai kuona kuti utsvene hwechokwadi chii.

Utsvene Chii?

4, 5. (a) “Utsvene” hunoreva chii, uye hahurevi chii? (b) Shoko rekuti ‘kuparadzaniswa’ rinoshanda sei pana Jehovha?

4 Utsvene hwaJehovha haurevi kuti anozvitora, anozvikudza, kana kuti anosema vanhu. Anotovenga vanhu vakadaro. (Zvirevo 16:5; Jakobho 4:6) Saka shoko rekuti “mutsvene” rinonyatsorevei? MuchiHebheru chakashandiswa kunyora Bhaibheri, shoko racho rinobva pashoko rinoreva “kuparadzaniswa.” Panyaya dzekunamata, “utsvene” hunoreva chinhu chakaparadzaniswa nezvimwe kuti chisangoshandiswa nemunhu wese wese, kana kuti chinoyereswa. Utsvene hwakabatanawo nepfungwa yeutsanana uye yekuva akachena. Shoko iri rinoshanda sei pana Jehovha? Zvinoreva here kuti “akaparadzaniswa” nesu vanhu vanoberekerwa muchivi uye kuti ari kure nesu?

5 Kwete. Jehovha akazvitsanangura achiti iye, “Mutsvene waIsraeri,” aigara “pakati” pevanhu vake, kunyange zvazvo vakanga vari vatadzi. (Isaya 12:6; Hosiya 11:9) Saka utsvene hwake hahuiti kuti ave kure nevanhu. Saka “akaparadzaniswa” nechii? Pane pfungwa mbiri dzinotibatsira kuziva kuti akaparadzaniswa nei. Kutanga, Jehovha ndiye ega Wekumusorosoro, saka akaparadzaniswa nezvinhu zvese zvakasikwa. Kuchena kwake kwakakwana uye hakugumi. (Pisarema 40:5; 83:18) Chechipiri, Jehovha akaparadzana zvakakwana nechivi chese zvacho, uye pfungwa iyoyo inotinyaradza zvikuru. Nei tichidaro?

6. Nei zvichitinyaradza kuziva kuti Jehovha akaparadzana nechivi zvachose?

6 Utsvene hausi nyore kuwana munyika yatiri kurarama. Zvese zvinoitwa nevanhu vakaparadzaniswa naMwari zvinotova nepazvakasvibiswa nechivi. Tese tinofanira kurwa nechivi chiri matiri. Uye tese tinogona kukurirwa nechivi kana tikasangwarira. (VaRoma 7:15-25; 1 VaKorinde 10:12) Izvozvo hazviitiki kuna Jehovha. Sezvo ari kure nechivi zvachose, hazvizomboitiki kuti asvibiswe nechivi kana nepadiki zvapo. Ndicho chimwe chikonzero chinoita kuti titi Jehovha ndivo Baba vakanakisisa, nekuti zvinoreva kuti tinogona kuvimba naye zvizere. Kusiyana nevamwe vanababa vedu isu vanhu, Jehovha haazombochinji zvaari, otanga kuita zvakaipa, achibata vanhu zvisina kunaka. Utsvene hwake hunoita kuti izvozvo zvisatombofungika. Jehovha akatombopika neutsvene hwake pane dzimwe nguva, nekuti hapana chimwe chinhu chinogona kuvimbwa nacho kupfuura zvahuri. (Amosi 4:2) Pfungwa iyi inotikurudzira uye inotinyaradza.

7. Tsanangura kuti nei tisingagoni kuparadzanisa Jehovha neutsvene hwake.

7 Hatigoni kuparadzanisa Jehovha neutsvene hwake. Tiri kurevei? Hatigoni kuparadzanisa shoko rekuti “munhu” nerekuti “chivi.” Hatigoni kutsanangura rimwe racho, tichisiya rimwe racho. Chivi chiri matiri uye chinooneka pazvinhu zvese zvatinoita. Iye zvino chifunga nezvemamwe mashoko maviri akasiyana naiwayo zvachose, rekuti “Jehovha” nerekuti “utsvene.” Jehovha azere neutsvene. Akachena uye akarurama pazvese zvaanoita. Hatingagoni kusvika pakuziva Jehovha sezvaari chaizvo tisati tanzwisisa utsvene hwake.

“Utsvene ndehwaJehovha”

8, 9. Chii chinoratidza kuti Jehovha anobatsira vanhu vane chivi kuti vave vatsvene kunyange zvazvo vasingazosvika paari iye?

8 Sezvo Jehovha ari mutsvene zvakakwana, zvakarurama kuti titi utsvene hwese hunobva kwaari. Anopa vanhu utsvene uhwu, uye anozviita nemwoyo wese. Funga kuti paakataura naMozisi achishandisa ngirozi pagwenzi raipfuta, kunyange nenzvimbo yakapoteredza yakava tsvene nekuti Mozisi aitaura naJehovha!—Eksodho 3:5.

9 Isu vanhu vane chivi tinogona kuva vatsvene here tichibatsirwa naJehovha? Ehe zvinoita, asi kwete zvekuzova sezvakaita Mwari. Mwari akaudza vanhu vake vaIsraeri kuti vaizova “rudzi rutsvene.” (Eksodho 19:6) Akavakomborera nenzira tsvene yekunamata uye yakachena. Ndosaka utsvene huchitaurwa kakawanda muMutemo waMozisi. Mupristi mukuru aitopfeka karata kaipenya kegoridhe mberi kwengowani yake, ako kaigona kuonekwa nevanhu vese kana ari pane chiedza. Mashoko akanga akanyorwa pakari aiti: “Utsvene ndehwaJehovha.” (Eksodho 28:36) Utsanana nerucheno zvemhando yepamusorosoro zvaiita kuti kunamata kwavo uye mararamiro avo zvivasiyanise nemamwe marudzi. Jehovha akavaudza kuti: “Munofanira kuva vatsvene, nekuti ini, Jehovha Mwari wenyu, ndiri mutsvene.” (Revhitiko 19:2) Chero bedzi vaIsraeri vaiita zvese zvavaigona kuti vateerere zvavaiudzwa naMwari nezvekuva vatsvene, aizovaona sevatsvene.

10. Panyaya yeutsvene, musiyano upi wakakura waivapo pakati pevaIsraeri nemarudzi akanga akavapoteredza?

10 Kukosheswa kwaiitwa utsvene uku kwainge kwakasiyana zvachose nemanamatiro emarudzi akanga akapoteredza vaIsraeri. Marudzi iwayo ainamata vanamwari venhema vasiri chinhu, avo vaitorwa savanamwari vemhirizhonga, vemakaro, uye unzenza. Vakanga vasiri vatsvene zvachose. Kunamata vanamwari vakadaro kwaiita kuti vanhu vasava vatsvene. Saka Jehovha aiyambira vanhu vake kuti varambe vakaparadzana nevanamati ivavo venhema nemanamatiro avo akasviba.—Revhitiko 18:24-28; 1 Madzimambo 11:1, 2.

11. Utsvene hwesangano raJehovha rekudenga hunooneka sei (a) pangirozi? (b) pamaserafi? (c) pana Jesu?

11 Rudzi rwakanga rwakasarudzwa naJehovha rwevaIsraeri, kunyange parwakanga rwuchiita zvakanakisisa, rwaingoratidzira nechekure kure utsvene hwesangano raJehovha rekudenga. Mamiriyoni ezvisikwa zvemweya zvinoshumira Mwari nemwoyo wese anonzi “makumi ezviuru evatsvene” vake. (Dheuteronomi 33:2; Judha 14) Zvinonyatsoratidza kunaka uye kuchena kwakaita utsvene hwaMwari. Unoyeuka here maserafi akaonekwa naIsaya muchiratidzo? Zvaaiimba zvinoratidza kuti iwo ane basa rinokosha rekuita kuti utsvene hwaJehovha huzivikanwe pasi nekudenga. Asi pane chisikwa chemweya chiri pamusoro pezvese izvozvo, Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga. Jesu ndiye mufananidzo mukuru weutsvene hwaJehovha. Ndosaka achinzi “Mutsvene waMwari.”—Johani 6:68, 69.

Zita Dzvene, Mweya Mutsvene

12, 13. (a) Nei zvakakodzera kuti titi zita raMwari idzvene? (b) Zita raMwari rakasvibiswa sei?

12 Ko zita raMwari pachake? Sezvatakadzidza muChitsauko 1, iri harisi zitawo haro rekungomuremekedza. Rinotiratidza zvaari zvese. Ndosaka Bhaibheri richitiudza kuti “ane zita dzvene.” (Isaya 57:15) MuMutemo waMozisi, munhu aisvibisa zita raMwari aitongerwa rufu. (Revhitiko 24:16) Onawo kuti Jesu akati patinonyengetera chii chatinofanira kuisa pekutanga. Akati titi: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Kutsvenesa chimwe chinhu kunoreva kuchiparadzanisa nezvimwe zvinhu zvese tichiziva kuti chinoera, kuchikudza, uye kugara tichichibata sechitsvene. Asi ko chinhu chagara chichitova chitsvene sezita raMwari chinofanira kutsveneswa sei?

13 Zita raMwari dzvene rakashorwa uye rakasvibiswa nenhema dzakataurwa nezvake. Satani akareva nhema pamusoro paJehovha muEdheni, achiti utongi hwaMwari hauna kururama. (Genesisi 3:1-5) Kubva ipapo, Satani, mutongi wenyika ino isina utsvene, akava nechokwadi chekuti nhema pamusoro paMwari dzinowanda. (Johani 8:44; 12:31; Zvakazarurwa 12:9) Zvitendero zvinoita kuti Mwari aonekwe seanoshandisa simba rake zvisiri izvo, asina hanya nevanhu uye ane utsinye. Vanoti Mwari anovatsigira muhondo dzavo dzavanorwa vachideura ropa. Mwari anowanzotorerwa mbiri yake yekusika kwaakaita zvinhu nevanhu vanodzidzisa kuti zvinhu zvakaita zvekushanduka-shanduka. Zvese izvi zviri kuratidza kuti zita raMwari rakasvibiswa zvisingaiti. Rinofanira kutsveneswa kana kuti kudzorerwa mbiri yaro yakarikodzera. Takamirira zuva richatsveneswa zita raJehovha nekusingaperi. Achazviita achishandisa Umambo hwake hunenge huchitongwa neMwanakomana wake. Tinofara kana tikawanawo zvimwe zvatinoita pakuzadziswa kwechinangwa ichocho chinoshamisa.

14. Nei mweya waMwari uchinzi mutsvene, uye chii chinoratidza kuti kumhura mweya mutsvene inyaya yakakura?

14 Mweya mutsvene ndiwo chimwe chinhu chinobva kuna Jehovha chatisingakwanisi kuparadzanisa neutsvene hwake. (Genesisi 1:2) Jehovha anoshandisa simba rake risingakundikani kuti azadzise zvinangwa zvake. Mwari anoita zvese zvaanoita nenzira tsvene yakachena, saka simba rake raanoshandisa rakakodzera kuti rinzi mweya mutsvene. (Ruka 11:13; VaRoma 1:4) Kumhura kana kuti kushora mweya mutsvene uko kunoreva kuita nemaune zvinhu zvinopesana nechinangwa chaJehovha, chivi chisingakanganwirwi.—Mako 3:29.

Chinoita Kuti Utsvene hwaJehovha Hutiswededze Kwaari

15. Nei zvakakodzera kuti tishamiswe kana kuti titye utsvene hwaJehovha, uye kushamiswa ikoko kunosanganisirei?

15 Saka hazvishamisi kuti panotaurwa nezveutsvene hwaMwari muBhaibheri dzimwe nguva panotaurwawo nezvekumutya kana kuti kushamiswa naye. Semuenzaniso, Pisarema 99:3 inoti: “Ngaarumbidze zita renyu guru, nekuti rinoshamisa uye idzvene.” Kushamiswa uku kunoratidza kuti tinofanira kumutya uye kumuremekedza zvikuru. Izvi zvakakodzera nekuti utsvene hwaMwari hwakakwirira zvikuru. Hwakachena zvakajeka uye hunobwinya. Asi izvi hazvifaniri kuita kuti tityire Mwari kure. Zvinotofanira kuita kuti tide kuswedera pedyo naye. Nei tichidaro?

16. (a) Utsvene hwakabatana papi nerunako kana kuti kubwinya? Ipa muenzaniso. (b) Marondedzererwo akaitwa Jehovha nevanhu vakamuona muzviratidzo anobudisa sei zvakajeka pfungwa yekuchena uye chiedza?

16 Chimwe chinoita kuti tidaro ndechekuti Bhaibheri rinobatanidza utsvene nerunako. Pana Isaya 63:15, denga rinotsanangurwa richinzi inzvimbo yaMwari “yekugara yakakwirira yeutsvene nekukudzwa [kana kuti ‘nekunaka,’ mashoko emuzasi].” Zvinhu zvinobwinya uye zvakanaka zvinokwezva. Semuenzaniso, tarisa mufananidzo uri papeji 33. Haunzwi uchida kuenda panzvimbo iyoyo here? Chii chiri kuita kuti unzwe saizvozvo? Tarisa uone machenero akaita mvura yacho. Kunyange mhepo yacho inofanira kunge yakachena, nekuti mudenga hamuna kana kagore uye kune kazuva. Asi fungidzira kuti dai zvauri kuona izvi zvaizochinja, rukova urwu rwozadzwa nemarara, miti nematombo zviri pedyo zvonyorwa-nyorwa, mhepo yozara neutsi, waizonzwa uchida kuswedera pedyo nenzvimbo iyoyo here? Kwete. Zvagara zvakadaro kuti patinonzwa nezverunako kana kuti kubwinya tinofunga nezvechinhu chakachena, chakajeka, uye chinopenya. Mashoko mamwe chetewo anogona kushandiswa kurondedzera utsvene hwaJehovha. Ndosaka tichishamiswa zvikuru kana tichiverenga tsanangudzo dzevanhu vakaona Jehovha muchiratidzo! Mwari wedu mutsvene ane runako rwunobwinya zvekutadza kutarisika nemaziso emunhu, sezvinoita chiedza chine simba; runako rwake runopenya semoto, sematombo anokosha anovaima.—Ezekieri 1:25-28; Zvakazarurwa 4:2, 3.

Nzvimbo inoyevedza inoita kuti tinzwe tichida kuswedera pedyo nayo, ndizvo zvinoitawo utsvene

17, 18. (a) Pakutanga Isaya akanzwa sei nezvaakaona? (b) Jehovha akashandisa sei serafi kunyaradza Isaya, uye zvakaitwa neserafi iri zvairevei?

17 Utsvene hwaMwari hunofanira kuita kuti tinzwe tiri vadiki chaizvo here kana tichizvienzanisa naye? Zviri pachena kuti ndomanzwiro atinofanira kuita. Tagara tiri vadiki kuna Jehovha nekure zvekuti tinotopererwa nemashoko ekutsanangura kuti tiri vadiki zvakadii. Asi izvozvo zvinofanira kuita kuti tizviparadzanise naye here? Funga kuti Isaya akaita sei paakanzwa maserafi achizivisa utsvene hwaJehovha. Akati: “Ndine nhamo! Ndangofanana nemunhu afa, nekuti ndiri munhu ane miromo isina kuchena, uye ndinogara pakati pevanhu vane miromo isina kuchena; nekuti maziso angu aona Mambo, iye Jehovha wemauto pachake!” (Isaya 6:5) Isaya paakaona kuti Jehovha mutsvene zvakadini, zvakamuyeuchidza kuti akanga ari munhu wenyama ane chivi. Pakutanga munhu iyeye akatendeka akazviona asingabatsiri. Asi Jehovha haana kumusiya achinzwa saizvozvo.

18 Jehovha akabva angotuma serafi kuti rinonyaradza muprofita wacho. Rakamunyaradza sei? Chisikwa ichocho chine simba chakabhururuka chichienda paatari, chikatora zimbe remoto ipapo, ndokugumha naro muromo waIsaya. Asi paunonzwa izvozvo ungatofunga kuti yakamurwadzisa pane kumunyaradza. Asi yeuka kuti ichi chaingova chiratidzo uye chine zvachaitomuudza zvinokosha. Isaya, semuJudha akatendeka, ainyatsoziva kuti zvibayiro zvekuyananisa zvivi zvaipiwa paatari yaiva patemberi mazuva ese. Saka serafi rakanga richimuyeuchidza nerudo kuti aigona kumira pamberi paMwari akachena kunyange zvazvo aiva munhu ane chivi, “ane miromo isina kuchena.” a Izvi zvinoratidza kuti Jehovha aikwanisa kuona munhu ane chivi semutsvene kunyange zvazvo utsvene hwemunhu wacho hwaisazosvika pane hwake pachake.—Isaya 6:6, 7.

19. Zvingaita sei kuti tionekwe naMwari sevanhu vatsvene kunyange zvazvo tiri vanhu venyama vanotadza?

19 Ndizvo zvazviriwo kwatiri. Zvibayiro zvese zvaipiwa paatari muJerusarema zvaingofananidzira chinhu chikuru chaiva mberi, chibayiro chakakwana chakapiwa naJesu Kristu muna 33 C.E. (VaHebheru 9:11-14) Kana tikasiya zvivi zvedu, togadzirisa zvatinenge takanganisa, uye tikatenda muchibayiro ichocho tinokanganwirwa. (1 Johani 2:2) Nesuwo tinogona kuonekwa naJehovha sevanhu vakachena. Ndosaka muapostora Petro achitiyeuchidza kuti: “Zvakanyorwa kuti: ‘Munofanira kuva vatsvene, nekuti ini ndiri mutsvene.’” (1 Petro 1:16) Waona here kuti Jehovha haasi kuti tinofanira kuva vatsvene sezvaakaita? Haatarisiri kuti tiite zvatisingakwanisi. (Pisarema 103:13, 14) Asi Jehovha anotiudza kuti tive vatsvene nekuti iye mutsvene. “Sevana vanodiwa,” tinoedza kuita zvese zvatinogona kumutevedzera kunyange zvazvo tiri vanhu venyama vanotadza. (VaEfeso 5:1) Saka nyaya yekuva vatsvene inotoda kuti tigare tichingoedza. Ushamwari hwedu naJehovha pahunenge huchikura nesuwo tinenge “tichiwedzera kuva vatsvene” zuva nezuva.—2 VaKorinde 7:1.

20. (a) Nei zvichikosha kuziva kuti Jehovha Mwari wedu mutsvene anogona kutiona sevanhu vakachena? (b) Isaya akaita sei paakaziva kuti zvivi zvake zvakanga zvakanganwirwa?

20 Jehovha anoda zvinhu zvakarurama uye zvakachena. Anovenga chivi. (Habhakuki 1:13) Asi haavengi isu vanhu. Kana tikadzidzawo kuvenga chivi sezvaanoita, kureva kuvenga zvakaipa, tichida zvakanaka, uye tikaedza kutevera tsoka dzaJesu Kristu, Jehovha anotikanganwira zvivi zvedu. (Amosi 5:15; 1 Petro 2:21) Kunzwisisa kuti tinogona kuonekwa naMwari wedu mutsvene sevanhu vakachena kunochinja maonero atinoita zvatinoudzwa naMwari kuti tiite. Yeuka kuti utsvene hwaJehovha hwakaita kuti Isaya aone kuti akanga ari munhu asina kuchena. Akachema-chema achiti: “Ndine nhamo!” Asi paakangonzwisisa kuti zvivi zvake zvakanga zvakanganwirwa, maonero ake akabva achinja. Paakanzwa Jehovha achibvunza kuti ndiani angada kuzvipira, Isaya akakurumidza kupindura, kunyange zvazvo akanga asingazivi zvaida kuitwa zvacho. Akati: “Ndiri pano! Nditumei!”—Isaya 6:5-8.

21. Chii chinotipa chivimbo chekuti tinokwanisa kuva vatsvene?

21 Takasikwa nemufananidzo waMwari mutsvene, tichikwanisa kumutevedzera uye tiine chido chekumunamata. (Genesisi 1:26) Tese tinokwanisa kuva vatsvene kana tikasarudza kudaro. Jehovha anoda zvikuru kutibatsira patinenge tichiedza kuva vatsvene. Patinenge tichidaro, tinenge tichitowedzera kuswedera pedyo naJehovha. Uyezve, muzvitsauko zvinotevera tichaona kuti pane zvimwe zvikonzero zvakawanda zvakanaka zvekuswedera pedyo naye!

a Mashoko ekuti “ane miromo isina kuchena” akakodzera, nekuti miromo inowanzoshandiswa muBhaibheri kufananidzira zvatinotaura kana kuti mutauro. Kwatiri vanhu vane chivi, zvakawanda zvatinokanganisa zvinowanzotangira pamashandisiro atinoita muromo.—Zvirevo 10:19; Jakobho 3:2, 6.