Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 4

“Jehovha . . . Ane Simba Guru”

“Jehovha . . . Ane Simba Guru”

1, 2. Eriya akanga aona zvinhu zvipi zvinoshamisa muupenyu hwake, asi zviitiko zvipi zvinoshamisa zvaakaona ari mubako muGomo reHorebhi?

 ERIYA akanga amboona zvinhu zvinoshamisa. Akanga aona makunguo achimuvigira zvekudya kaviri pazuva paakanga akahwanda. Akanga aona midziyo miviri isingaperi furawa nemafuta nguva yese yenzara. Akanga atomboona moto chaiwo uchibva kudenga pakapindurwa munyengetero wake naJehovha. (1 Madzimambo, zvitsauko 17, 18) Asi kunyange zvakadaro, zvaakaona musi uyu akanga asati ambozviona.

2 Akaona zviitiko zvinoshamisa zvakatevedzana akagonya pedyo nemuromo webako muGomo reHorebhi. Pakatanga nemhepo. Inofanira kunge yaivhuvhuta neruzha rwakakura zvekuvhara nzeve, nekuti yakanga ichitsemura makomo nekuputsa matombo. Pakazotevera kudengenyeka kwenyika kune simba rinotyisa. Pashure pekudengenyeka, pakauya moto. Pawakanga uchiroromesa nzvimbo yainge yakapoteredza, Eriya anofanira kunge akanzwa kupisa kwawaiita.—1 Madzimambo 19:8-12.

3. Zvinhu zvakaonekwa naEriya zvinopa uchapupu hupi nezvaJehovha, uye isu tinoona uchapupu ihwohwo kupi?

3 Zviitiko zvese izvi zvakaonekwa naEriya zvinoratidza chinhu chimwe chete nezvaJehovha, simba rake rinoshamisa. Hazvirevi hazvo kuti tinofanira kutanga taona chishamiso kuti tizive kuti Mwari ane simba. Riri nyore kuriona. Bhaibheri rinotiudza kuti zvinhu zvakasikwa zvinoratidza “simba rake risingagumi uye kuva kwake Mwari.” (VaRoma 1:20) Imbofunga kupenya kwemheni nekutinhira kwemabhanan’ana, simba remvura yemapopoma, uye kukura kwedenga rizere nenyeredzi rakangoita zienda nakuenda! Hauoni simba raMwari here muzvinhu zvakadaro? Asi havasi vakawanda mazuva ano vanoona simba raMwari. Pane vanoriona vacho vazhinji havarinzwisisi. Asi kunzwisisa simba raJehovha kunotibatsira kuswedera pedyo naye. Muchikamu chino tiri kuda kudzidza zvakadzama nezvesimba raJehovha risingaenzaniswi.

“Jehovha akanga achipfuura nepo”

Simba Rese Rinobva Kuna Jehovha

4, 5. (a) Zita raJehovha rinotsanangurwa sei? (b) Nei zvakakodzera kuti Jehovha akasarudza kushandisa mukono wemombe kufananidzira simba rake?

4 Simba raJehovha ndiro rinomusiyanisa nesu tese. Jeremiya 10:6 inoti: “Hapana akaita semi, haiwa Jehovha. Muri mukuru, uye zita renyu iguru uye rine simba.” Waona here kuti zita raMwari riri kutsanangurwa richinzi iguru uye rine simba. Yeuka kuti zita iri rinofanira kunge richireva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Chii chinoita kuti Jehovha akwanise kusika chero chaada, uye kuva zvaanenge asarudza kuva? Chimwe chacho isimba. Izvi zvinoreva kuti simba raJehovha rekuita kuda kwake hapana parinogumira. Simba rakadaro ndiro chimwe chezvinhu zvinomusiyanisa nesu tese.

5 Sezvo tisingakwanisi kunzwisisa ukuru hwesimba rake, Jehovha anoshandisa mifananidzo kuti atibatsire kurinzwisisa. Sezvatakaona, anoshandisa mukono wemombe kufananidzira simba rake. (Ezekieri 1:4-10) Fananidzo iyoyo yakanyatsokodzera nekuti kunyange mukono wemombe wepamusha chaiwo chisikwa chine simba risingaiti. Vanhu vemunzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri, vakanga vasina mhuka dzakawanda dzavaiziva dzaiva nesimba kupfuura mukono wemombe wepamusha. Asi vane rumwe rudzi rwemukono wemombe wemusango waityisa wavaiziva usingachawaniki mazuva ano. (Jobho 39:9-12) Mambo weRoma Julius Caesar akambotaura kuti mikono iyi yaitoda kuenzana nenzou. Akanyora kuti ‘ine simba guru uye inomhanya chaizvo.’ Imbofungidzira kuti waizozviona sei uchizvienzanisa nechisikwa chakadaro; waiita kunge kanhunzi chaiko!

6. Nei Jehovha ari iye chete anonzi “Wemasimbaose”?

6 Ndozvakaitawo munhu kana achienzaniswa naMwari ane simba Jehovha; anoita seasipo zvachose. Kwaari kunyange vanhu vemunyika dzese dzine simba vakangoita setuguruva tushomanana turi pachikero. (Isaya 40:15) Jehovha akasiyana nechisikwa chero chipi zvacho pakuti simba rake harigumi, nekuti ndiye ega anonzi “Wemasimbaose.” a (Zvakazarurwa 15:3) Jehovha ane ‘simba guru kwazvo uye rinoshamisa.’ (Isaya 40:26) Kwaari kunobva simba rakawandisa, risingaperi. Haawane simba rake kubva kune chimwe chinhu nekuti “simba nderaMwari.” (Pisarema 62:11) Asi Jehovha anoshandisei pakuita zvaanenge achida?

Mashandisiro Anoita Jehovha Simba Rake

7. Mweya mutsvene waJehovha chii, uye mashoko echiHebheru nechiGiriki anoshandurwa kuti “mweya” anoratidzei?

7 Mweya mutsvene unobva kuna Jehovha haupere. Ndiwo waanoshandisa zvekuti pana Genesisi 1:2, Bhaibheri rinotouti “simba raMwari raanoshandisa.” Mashoko echiHebheru nechiGiriki akashandurwa kuti “mweya” anogona kushandurwa achinzi “mhepo,” kana kuti “mweya wekufema.” Vanyori vemaduramanzwi vanoti isimba risingaoneki. Kungofanana nemhepo, hatikwanisi kuriona nemaziso edu, asi zvarinoita tinozviona.

8. MuBhaibheri, mweya waMwari unofananidzwa nechii, uye nei izvozvo zvakakodzera?

8 Mabasa anokwanisa kuitwa nemweya mutsvene waMwari haaperi. Jehovha anogona kuushandisa kuita chero chaafunga. Ndosaka zvisingashamisi kuti muBhaibheri mweya waMwari unofananidzwa “neruoko rune simba,” “ruoko rwakatambanudzwa,” uye “minwe.” (Ruka 11:20; Dheuteronomi 5:15; Pisarema 8:3) Sezvinongoita munhu anokwanisa kuita mabasa anoda simba neunyanzvi zvakasiyana-siyana, Mwari anogona kushandisa mweya wake kuzadzisa chero chinangwa chaainacho, zvakadai sezvaakaita paakagadzira tunhu tudiki-diki tusingaoneki nemaziso, kana paakaparadzanisa mvura yeGungwa Dzvuku, kana kuti paakaita kuti vaKristu vekutanga vakwanise kutaura nendimi.

9. Simba raJehovha rekutonga rakakura zvakadini?

9 Jehovha anoratidzawo simba rake nekushandisa masimba ake saChangamire wezvinhu zvese zvakasikwa. Fungidzira uine zviuru nezviuru zvezvisikwa pasi nekudenga zvakagadzirira kuteerera zvaunotaura? Jehovha ane simba rakadaro. Ane vanhu vanomushumira, avo vanofananidzwa muMagwaro neuto. (Pisarema 68:11; 110:3) Asi munhu haana simba kana achienzaniswa nengirozi. Funga kuti mauto eAsiriya paakada kurwa nevanhu vaMwari, ngirozi imwe chete yakauraya varwi 185 000 muusiku humwe chete! (2 Madzimambo 19:35) Ngirozi dzaMwari “dzine simba guru.”—Pisarema 103:19, 20.

10. (a) Nei Wemasimbaose achinzi Jehovha wemauto? (b) Ndiani chisikwa chaJehovha chine simba kupfuura zvimwe zvese?

10 Kune ngirozi ngani? Muprofita Dhanieri akaona muchiratidzo chekudenga mamiriyoni engirozi akamira pamberi pechigaro chaJehovha cheUmambo, asi hapana chinoratidza kuti ndidzo dzese dzaakaona. (Dhanieri 7:10) Saka kunogona kunge kuchitova nezviuru zvemazana akazanirana engirozi. Ndosaka Mwari achinzi Jehovha wemauto. Zita iroro rekuremekedza rinotsanangura nzvimbo yake seMutungamiriri wengirozi dzakawanda dzakarongeka. Waakagadza semukuru wezvisikwa zvese izvozvo Mwanakomana wake waanoda, “dangwe rezvisikwa zvese.” (VaKorose 1:15) Sezvo ari iye mukuru padzimwe ngirozi dzese dzakadai semaserafi nemakerubhi, Jesu ndiye chisikwa chine simba kupfuura zvimwe zvese.

11, 12. (a) Shoko raMwari rine simba rekuita sei? (b) Jesu akati chii nezvaJehovha kuratidza kuti ane simba zvikuru?

11 Jehovha ane imwezve nzira yaanoratidza nayo simba rake. VaHebheru 4:12 inoti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” Wakamboona kuti Shoko raMwari Bhaibheri rine simba rakadii here? Rinogona kutisimbisa, kuvaka kutenda kwedu, uye kutibatsira kuchinja upenyu hwedu zvinoshamisa. Muapostora Pauro akayambira vaKristu kuti vasiyane nemararamiro evanhu vaiita zveunzenza. Akazowedzerawo kuti: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita.” (1 VaKorinde 6:9-11) Kureva kuti simba ‘reshoko raMwari’ rakanga rashanda mavari, rikavabatsira kuchinja.

12 Simba raJehovha rakawanda zvikuru uye nzira dzaanoshandisa kuriratidza dzinobudirira zvekuti hapana chinogona kumutadzisa kuita zvaanenge achida. Jesu akati: “Zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.” (Mateu 19:26) Jehovha anoshandisa simba rake pakuita zvinhu zvakaita sezvipi?

Anoshandisa Simba Rake Maererano Nechinangwa

13, 14. (a) Nei tichiti Jehovha haasi tsime resimbawo haro risingafungi? (b) Jehovha anoshandisa simba rake sei?

13 Mweya mutsvene waJehovha une simba rinopfuura rechinhu chipi zvacho chinooneka. Jehovha haangobudisi simba zvisina chinangwa asingafungi, sekunge kuti anongovawo hake tsime resimba. Anotodzora simba rake. Asi anorishandisa nechinangwa chei?

14 Sezvatichaona, Mwari anoshandisa simba rake pakusika, kuparadza, kudzivirira, kudzorera zvinhu zvinenge zvaparadzwa; muchidimbu tingati anoita naro chero zvinokodzerana nechinangwa chake. (Isaya 46:10) Dzimwe nguva Jehovha anomboshandisa simba rake kuratidza vanhu kuti ndiMwari akaita sei uye kuti anoda kuti vanhu vaite sei. Asi anonyanya kurishandisa kuzadzisa kuda kwake, kureva kutsveneswa kwezita rake achishandisa Umambo hwaMesiya izvo zvicharatidza kuti ndiye mutongi akanakisisa. Hapana chinofa chakamisa chinangwa ichocho.

15. Jehovha anoratidza sei vashumiri vake simba rake, uye izvi akazviratidza sei pana Eriya?

15 Jehovha anoshandisawo simba rake kubatsira mumwe nemumwe wedu. Cherechedza kuti 2 Makoronike 16:9 inotii: “Maziso aJehovha ari kutarisa-tarisa pasi pese kuti aratidze simba rake achibatsira vaya vane mwoyo wakaperera kwaari.” Muenzaniso wacho tinouona pane zvakaitika kuna Eriya zvatsanangurwa patangira chitsauko chino. Jehovha akamuratidza simba rake nenzira inoshamisa. Akazviitirei? Mambokadzi akaipa Jezebheri akanga apika kuti aida kuuraya Eriya. Saka Eriya aitiza kuurayiwa. Akanzwa kusurukirwa, kutya, uye kuora mwoyo, achiona sekuti akanga ashandira pasina. Kuti anyaradze murume uyu ainetseka, Jehovha akamuita kuti anyatsoona kuti ane simba zvakadii. Mhepo, kudengenyeka kwenyika, uye moto zvairatidza Eriya kuti Wemasimbaose akanga ainaye. Jezebheri aiva chii kana tichienzanisa naMwari wemasimbaose aiva kurutivi rwake?—1 Madzimambo 19:1-12. b

16. Nei kuziva nezvesimba guru raJehovha kuchitinyaradza?

16 Kunyange iye zvino isiri nguva yake yekuita zvishamiso, Jehovha haana kuchinja kubva panguva yaEriya. (1 VaKorinde 13:8) Nanhasi achiri kungoda kushandisa simba rake achibatsira vaya vanomuda. Kunyange zvazvo achigara kudenga, haasi kure nesu. Ane simba chaizvo; zvekuti anogara kure hazvimutadzise kuita zvaanenge achida. “Jehovha ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari.” (Pisarema 145:18) Muprofita Dhanieri akambodana kuna Jehovha achida kubatsirwa, ngirozi ikabva yangosvika asati atombopedza kunyengetera! (Dhanieri 9:20-23) Hapana chinotadzisa Jehovha kubatsira uye kusimbisa vaanoda.—Pisarema 118:6.

Simba raMwari Rinofanira Kuita Kuti Timutye Here?

17. Simba raJehovha rinoita kuti timutye sei, asi kutya kupi kwatisingafaniri kuva nako?

17 Simba raMwari rinofanira kuita kuti timutye here? Mhinduro ndeyekuti hongu uye kwete. Hongu, pakuti simba iri rinoita kuti timutye zvakadzama nekumuremekedza sezvakataurwa muchidimbu muchitsauko chapfuura. Bhaibheri rinotiudza kuti kutya kwakadaro ndiko “kutanga kweuchenjeri.” (Pisarema 111:10) Asi tinotiwo kwete pakuti simba raMwari hariite kuti timutye sekunge kuti achatikuvadza kana kuita kuti tizeze kusvika kwaari.

18. (a) Nei vanhu vakawanda vasingavimbi nevanhu vane masimba? (b) Tinoziva sei kuti hazviiti kuti Jehovha akanganiswe nesimba rake?

18 Mumwe murume airemekedzwa wekuEngland anonzi Lord Acton muna 1887 akanyora kuti: “Kazhinji simba rinokanganisa munhu; kuva nesimba rakawanda kunokanganisa zvakawanda.” Mashoko ake anowanzotaurwa nevanhu kakawanda, nekuti vakawanda vanoatora sekuti ichokwadi chisingarambiki. Nemhaka yechivi chavanoberekwa nacho, vanhu vava nemakore nemakore vachishandisa simba zvisizvo. (Muparidzi 4:1; 8:9) Izvi zvinoita kuti vakawanda vasavimba nevanhu vane masimba uye vasada kuva pedyo navo. Asi Jehovha ane simba rese. Simba rake rakambomukanganisa here? Kana! Sezvatakaona, iye mutsvene; hazviite kuti akanganisike. Jehovha akasiyana nevarume nevakadzi vane masimba munyika ino yakaipa. Haasati amboshandisa simba rake zvisizvo, uye haazombodaro.

19, 20. (a) Jehovha anogara achishandisa simba rake zvinoenderana nei, uye nei izvozvo zvichitikurudzira? (b) Ungaenzanisira sei kuzvidzora kwaJehovha, uye nei izvozvo zvichiita kuti ude kuswedera pedyo naye?

19 Yeuka kuti simba handiro rega rina Jehovha. Tichafanira kudzidza nezvekubata vanhu zvakarurama kwaanoita, uchenjeri hwake, uye rudo rwake. Asi hatifaniri kufunga kuti kana Jehovha ava kuratidza zvaari, zvakadai sesimba rake, ndiro chete raanobva angoratidza panguva. Muzvitsauko zvinotevera tichatoona kuti nguva dzese Jehovha anoshandisa simba rake richienderana nekubata kwake vanhu zvakarurama, uchenjeri hwake, uye rudo rwake. Chimwe chinhu chinowanzosiyanisa Mwari nevatongi venyika, kuzvidzora.

20 Fungidzira uchisangana nerino zihofori rerume rine simba zvekuti unenge uchimutya. Asi nekufamba kwenguva unozocherechedza kuti murume uyu munhu munyoro. Anogara akagadzirira kushandisa simba rake kubatsira vanhu nekuvadzivirira, kunyanya vaya vasingagoni kuzvidzivirira uye vasina simba. Haamboshandisi simba rake zvisizvo. Unonzwa vanhu vachitaura zvakaipa nezvake pasina zvaamboita, asi anoramba akadzikama, achizvibata zvinoremekedzeka, uye achiratidza kuti ane tsitsi nevanhu. Zvinotokunetsawo kuti waizogona kuzvibata zvakadaro here dai waiva nesimba rakadaro. Paunenge wava kunyatsoziva murume iyeye, haunzwe uchida kuva shamwari yake here? Tine zvikonzero zvakatowanda zvekuswedera pedyo naJehovha wemasimbaose. Tarisa mutsara wakatorwa mashoko emusoro wechitsauko chino wakazara. Unoti: “Jehovha anononoka kutsamwa uye ane simba guru.” (Nahumi 1:3) Jehovha haakurumidzi kushandisa simba rake kurwisa vanhu, kunyange vakaipa. Munyoro uye ane tsitsi. Akaratidza kuti “anononoka kutsamwa” paaipandukirwa kakawanda.—Pisarema 78:37-41.

21. Nei Jehovha asingadi kumanikidza vanhu kuita kuda kwake, uye izvi zvinotidzidzisei nezvake?

21 Pane chimwezve chinhu chatinodzidza pakuzvidzora kwaJehovha. Dai waiva nesimba seraJehovha, hauoni paine muedzo wekumanikidza vamwe kuti vaite zvinhu nenzira yaunoda here? Jehovha ane simba rese, asi haaiti zvekumanikidza vanhu kuti vamushumire. Kunyange zvazvo kushumira Jehovha iri iyo nzira yega yekuwana nayo upenyu husingaperi, haatimanikidzi kumushumira. Anoremekedza mumwe nemumwe wedu nekutipa mukana wekuzvisarudzira tega. Anotiudza zvakaipa zvinogona kuitika kana tikatadza kusarudza uye zvakanaka zvinoitika kana tikagona kusarudza. Asi anozvisiyira kwatiri. (Dheuteronomi 30:19, 20) Jehovha haatombofariri kuti vanhu vamushumire vachimanikidzwa kana kuti vachitya. Anoda vanhu vanomushumira nekuzvidira uye zvichibva parudo.—2 VaKorinde 9:7.

22, 23. (a) Chii chinoratidza kuti Jehovha anofarira kupa vamwe simba? (b) Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

22 Ngationei chikonzero chekupedzisira nei tisingafaniri kurarama tichidedera Mwari Wemasimbaose. Vanhu vane simba vanowanzotya kupawo vamwe mamwe masimba. Asi Jehovha anofarira kupa vanamati vake vakavimbika mamwe masimba. Anopa vamwe vakadai seMwanakomana wake masimba akatokura. (Mateu 28:18) Jehovha anopawo vashumiri vake simba neimwe nzira. Bhaibheri rinoti: “Haiwa Jehovha, ukuru nesimba nerunako nekubwinya nekukudzwa ndezvenyu, nekuti zvinhu zvese zviri kudenga nepanyika ndezvenyu. . . . Muruoko rwenyu mune simba neukuru, uye ruoko rwenyu runogona kusimudzira munhu uye kupa vanhu vese simba.”—1 Makoronike 29:11, 12.

23 Jehovha anofarira kukupa simba. Kana tichida kumushumira anotipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro.” (2 VaKorinde 4:7) Haunzwi uchida kuva pedyo naMwari ane simba rakadaro here, uyo anoshandisa simba rake nenzira dzakarurama kudaro? Muchitsauko chinotevera, tichanyanya kutaura pamusoro pekuti Jehovha anoshandisa sei simba rake pakusika.

a Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “Wemasimbaose” rinoreva kuti “Mutongi Wezvese; Ane Simba Rese.”

b Bhaibheri rinotaura kuti “Jehovha akanga asiri mumhepo yacho . . . , mukudengenyeka kwacho . . . , asiri mumoto wacho.” Vanamati vaJehovha havamutsvage muzvinhu zvakasikwa, sezviya zvinoitwa nevanozvinamata vachiti chinhu chimwe nechimwe chinotova Mwari. Mukuru zvekuti haangakwane muchinhu chipi zvacho chaakasika.—1 Madzimambo 8:27.