Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 5

Simba Rekusika—“Musiki Wedenga Nenyika”

Simba Rekusika—“Musiki Wedenga Nenyika”

1, 2. Zuva rinoratidza sei simba raJehovha rekusika?

 WAKAMBODZIYA moto usiku kuchitonhora here? Pamwe wakatambanudza maoko ako uri nechekure zvishomanana nemarimi acho. Kana ukanyanya kuswedera padhuze nemoto wacho, unogona kutsva. Asi ukazonyanyawo kuenda kure, unotanga kutonhorwa.

2 Pane imwe mhando yemoto inotidziyisa kana ari masikati. Moto iwoyo uri kubvira uri kure nesu nemakiromita angasvika mamiriyoni 150! a Zuva rinofanira kunge riine simba rakakura chaizvo kuti tinzwe kupisa kwaro riri kure zvakadaro! Asi nyika inotenderera choto ichocho iri kure nacho zvakanyatsokodzera. Ikangoswedera pedyo naro zvishomanana, mvura yese iri panyika inooma; uye kana ikangoswedera kure naro zvishoma, mvura yese inoita chando. Zvese zvaizoita kuti panyika pasararamike. Zuva rinokosha kuti zvinhu zvirarame pasi pano uye rinoitawo kuti upenyu hufadze.—Muparidzi 11:7.

3. Zuva rinopa uchapupu hwechokwadi chipi chinokosha?

3 Asi vanhu vakawanda havatombooni kukosha kwezuva, kunyange zvazvo vaisazogona kurarama risipo. Izvi zvinoita kuti varasikirwe nechimwe chidzidzo chatinowana pazuva. Bhaibheri rinoti nezvaJehovha: “Makagadzira chiedza uye zuva.” (Pisarema 74:16) Zuva rinopa mbiri kuna Jehovha, “Muiti wedenga nenyika.” (Pisarema 19:1; 146:6) Rinongova chimwe chezvinhu zvisingaverengeki zviri mudenga zvinotidzidzisa nezvesimba guru raJehovha rekusika. Ngatimbonyatsoongororai zvimwe zvacho zviri mudenga, tozotarisawo pasi pano nezvinhu zvipenyu zvakazarapo.

Jehovha ‘akagadzira chiedza uye zuva’

“Simudzai Maziso Enyu Mutarise Kudenga”

4, 5. Tsanangura kuti zuva rine simba rakadini uye rakakura zvakadini, asi riri papi kana richienzaniswa nedzimwe nyeredzi?

4 Unogona kunge uchitoziva kuti zuva rinotova nyeredzi. Kungoti iro riri pedyo nenyika kupfuura dzimwe nyeredzi saka rinoita serakakura kupfuura dzimwe nyeredzi. Rine simba rakadini? Nechepamwoyo paro, zuva rinopisa madhigirii 15 000 000. Dai waizotora kamedu kezuva kakaenzana nekatsanga kejecha wokaisa pasi pano, waisazogona kumira pedyo nako nemakiromita ari pasi pe140 ukasakuvadzwa! Sekondi imwe neimwe, zuva rinobudisa simba rakaenzana nekuputika kwemazana emamiriyoni emabhomba enyukireya.

5 Zuva rakakura chaizvo zvekuti munokwana mapuraneti 1 300 000 akaenzana nepasi rino. Saka zvinoreva kuti zuva inyeredzi yakakurisa here? Aiwa. Nyanzvi dzinoongorora nyeredzi dzinototi ndiko kamwe ketunyeredzi tudiki zvikuru zvekuti vanotokapa zita rekuti yellow dwarf. Muapostora Pauro akanyora kuti “nyeredzi imwe neimwe inosiyana neimwe pakubwinya.” (1 VaKorinde 15:41) Anogona kunge aisaziva kuti mashoko iwayo akafemerwa aiva echokwadi zvakadini. Kune nyeredzi yakakura chaizvo zvekuti dai yaizoiswa pane zuva chaipo, pasi redu raizodai riri mukati mayo. Kune imwezve yekuti ikaiswa pane zuva ipapo yaizosvika kupuraneti riri kure rinonzi Saturn. Saturn iri kure chaizvo nepasi zvekuti zvakatora makore 4 kuti chitundumusere-musere chaimhanya nesipidhi yebara yakapetwa ka40 chisvikeko!

6. Bhaibheri rinoratidza sei kuti kumunhu hazvisi nyore kuverenga nyeredzi?

6 Panyaya yenyeredzi, chimwe chinotopedza mate mukanwa kupfuura ukuru hwadzo, mawandiro adzakaita. Bhaibheri rinotoratidza kuti kumunhu zvakaoma kuverenga nyeredzi, sekuoma kwazvakaita kuverenga “jecha regungwa.” (Jeremiya 33:22) Mashoko aya anoratidza kuti kune nyeredzi dzakawanda kupfuura dzatinenge tichiona nemaziso edu. Dai munyori weBhaibheri akaita saJeremiya aitarisa mudenga oedza kuverenga nyeredzi, aizongokwanisa kuverenga zviuru zvitatu, nekuti ndizvo chete zvinokwanisa kuonekwa neziso remunhu kana kusina makore. Nhamba iyoyo inogona kungoenzana netsanga dzejecha dzinongokwana muruoko. Zvino nyeredzi dzakatowandisa sejecha regungwa. b Ndiani angakwanisa kuverenga zvinhu zvakawanda kudaro?

“Anozvishevedza zvese nemazita azvo”

7. Ungatsanangura sei mawandiro akaita nyeredzi muboka renyeredzi ratinoti Gwara Renzou uye mawandiro akaita mapoka enyeredzi?

7 Isaya 40:26 inopindura kuti: “Simudzai maziso enyu mutarise kudenga. Ndiani akasika zvinhu izvi? Ndiye uya anobudisa uto razvo muuwandu hwazvo; anozvishevedza zvese nemazita azvo.” Pisarema 147:4 inoti: “Anoverenga uwandu hwenyeredzi.” Kune nyeredzi ngani? Mubvunzo iwoyo hausi nyore. Vanodzidza nezvenyeredzi vanofungidzira kuti kune nyeredzi dzinopfuura mabhiriyoni 100 muboka renyeredzi ratinoona isu tiri pano pasi ratinoti Gwara Renzou. c Vamwe vanoti dzakatowanda kupfuura ipapo. Asi boka renyeredzi iri ratinoona isu rinongova rimwe remapoka akawanda ariko anotova nenyeredzi dzakatowandisa. Kune mapoka enyeredzi mangani? Vanodzidza nezvenyeredzi vanofungidzira kuti kune mazana emabhiriyoni, kana matiririyoni chaiwo. Zvinoita sekuti kusvika pari zvino hapana anoziva mapoka enyeredzi ariko, ndoda kutozoziva nhamba yenyeredzi dzese dziri mumapoka iwayo. Asi Jehovha anoziva nhamba iyoyo. Anotopa imwe neimwe zita!

8. (a) Ungatsanangura sei makuriro akaita boka renyeredzi rinonzi Gwara Renzou? (b) Jehovha anodzora sei mafambiro anoita nyeredzi?

8 Tinotowedzera kushamiswa patinofunga nezvemakuriro akaita mapoka enyeredzi. Kubva kumucheto kuenda kumucheto kweboka renyeredzi rinonzi Gwara Renzou kunofungidzirwa kuti kwakareba makiromita 100 000 anofambwa nechiedza pagore. Chiedza chinomhanya makiromita 300 000 pasekondi yega yega. Chichimhanya zvakadaro, chiedza ichocho chinotora makore 100 000 kuti chiyambuke kubva kumucheto kuenda kumucheto weGwara Renzou! Uye kunotova nemamwe mapoka enyeredzi akakura kudarika redu zvakapetwa kakawanda. Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha anotambanudza “matenga” semucheka mutete. (Pisarema 104:2) Ndiye anodzorawo mafambiro anoita zvinhu izvi zvaakasika. Kubva pakanhu kadiki-diki kuenda kumapoka makuru enyeredzi, zvese zvinofamba maererano nemitemo yakaiswa naMwari. (Jobho 38:31-33) Ndosaka masayendisiti achishamiswa nekurongeka kwakaita mafambiro anoita zvinhu izvozvo! Saka funga nezveakasika zvinhu izvozvo. Hauome mate mukanwa here paunofunga nezvaMwari ane simba rakadaro rekusika?

“Akasika Nyika Nesimba Rake”

9, 10. Simba raJehovha rinooneka sei patinoona pakaiswa mapuraneti anotenderera zuva, puraneti yeJupiter, pasi redu, uye mwedzi?

9 Simba raJehovha rekusika rinoratidzwa nezvakaita pasi rino rinova ndiro musha wedu. Pasi rino rakaiswa pakanyatsokodzera. Mamwe masayendisiti anofunga kuti mamwe mapoka enyeredzi anogona kusakwanisa kuchengetedza puraneti rine upenyu rakaita sepasi rino. Nzvimbo dzakawanda muGwara Renzou hadzina kugadzirirwa kuti dzichengetedze upenyu. Pakati peGwara Renzou pakazara nyeredzi. Simba rinobva panyeredzi idzodzo rinokuvadza rakawanda, uye nyeredzi dzacho dzakawanda zvekuti dzinomboenda pedyo nepedyo zvinotyisa. Nechekumuchetocheto kweboka redu renyeredzi kune zvimwe zvinhu zvisiko zvinokosha kuti pave neupenyu. Saka mapuraneti anotenderera zuva, ayo anosanganisira pasi rino, akaiswa nechepakati nepakati penzvimbo idzi dzine ngozi.

10 Pasi rinodzivirirwa nepuraneti huru inonzi Jupiter. Jupiter ine simba rekukweva zvinhu rakawandisa nekuti yakakura zvekupeta pasi rino ka1 000. Izvi zvinobatsira sei? Pane zvinhu zvakawanda zvinenge zvichimhanya muchadenga saka iyo inogona kuzvikweva kana kuti kuzvichinja kwazvakananga. Masayendisiti anofungidzira kuti dai pasina Jupiter, zvinhu zvinowira pasi pano zvichibva muchadenga zvaizowedzera zvakapetwa ka10 000 kupfuura zvazviri iye zvino. Pedyo nesu, pasi redu rakakomborerwa nemwedzi uyo unotipa chiedza. Mwedzi haungogumiri pakuva “chiedza cheusiku,” asi unoita kuti pasi rirambe rakarereka uye rakadzikama. Kurereka uku kunodzikamisa pasi redu kuti tive nemwaka iyo inokosha kuti tive neupenyu panyika.

11. Mhepo yakapoteredza pasi rino inoshanda sei kuridzivirira?

11 Simba raJehovha rinoonekawo patinoona magadzirirwo akaitwa pasi rino nezvakaripoteredza. Funga nezvemhepo yakapoteredza pasi rino, iyo inoridzivirira. Rimwe simba rinobva kuzuva rinobatsira asi rimwe rinokuvadza kana rikasvika pasi pano. Simba riya rinokuvadza parinosvika pamhepo yakapoteredza nyika rinochinja oxygen yova mhepo inonzi ozone. Mhepo iya yeozone layer ndiyo inoita kuti simba riya rinobva kuzuva risasvika panyika. Saka tingati pasi redu rakagadzirwa riine amburera yaro inoridzivirira!

12. Kusimuka kunoita mvura ichidzoka zvakare panyika kunoratidza sei simba raJehovha?

12 Ichi chinongova chinhu chimwe chete chatadzidza pamusoro pemhepo yakapoteredza pasi redu iyo inoita kuti zvisikwa zvipenyu zvirarame. Chimwe chezvinhu zvinoshamisa chinoitika mumhepo yakapoteredza pasi rino kutenderera kunoita mvura. Gore negore zuva rinosimudza mabhiriyoni nemabhiriyoni emarita emvura. (Nhamba yacho yemarita ingasvika 4 achiteverwa nemazero 17.) Mvura yacho inoita makore, ayo anozotenderedzwa nekuparadzirwa nemhepo iri mudenga. Mvura iya painenge yacheneswa inotanga kunaya semadonhwe kana kuti setumagodo twechando, ichiwedzera pamvura inenge yatapudzika pasi pano. Zvakangoita sezvinotaurwa naMuparidzi 1:7, kuti: “Nzizi dzese dzinoyerera dzichipinda mugungwa, asi gungwa racho harizari. Kunobva nzizi dzichiyerera, ndiko kwadzinodzokera, dzoyerera zvakare.” Jehovha chete ndiye aigona kuronga kuti izvozvo zviitike nenzira iyi.

13. Uchapupu hupi hwesimba reMusiki hwatinoona pazvinhu zvinomera uye muvhu?

13 Pese patinoona zvinhu zvipenyu, tinoona uchapupu hwesimba reMusiki. Tinogona kuriona kubvira pamiti mikuru yakareba zvekusvika mamita 100, kusvika kutunhu tupenyu tusingaoneki nemaziso turi mugungwa, tunova nditwo tunotipa yakawanda yemhepo yatinofema. Ivhu chairo rakazara nezvinhu zvipenyu zvinobvira pamakonye, chakwindi, nezvimwe zvisingaoneki nemaziso emunhu; zvese zviri kushanda pamwe kuti zvinhu zvinomera zvirarame. Regai Bhaibheri richizotaura nezveivhu richiti rine simba.—Genesisi 4:12, mashoko emuzasi.

14. Mukaatomu mune simba rakawanda zvakadini?

14 Hapana mubvunzo kuti Jehovha ndiye “akasika nyika nesimba rake.” (Jeremiya 10:12) Simba raMwari rinooneka kunyange patunhu tudukusa pane zvaakasika. Semuenzaniso, maatomu akarongwa akaita mutsara ari miriyoni haatombosviki pakuenzana nekukora kwebvudzi rimwe chete remunhu. Asi kamwoyo keatomu rimwe chete ndiko kanoshandiswa kugadzira zvombo zvine simba zvenyukireya!

“Chinhu Chese Chinofema”

15. Jehovha aidzidzisa Jobho chidzidzo chipi paaimuudza nezvemhuka dzemusango dzakasiyana-siyana?

15 Humwe uchapupu hwakajeka hwesimba raJehovha rekusika tinohuona pamhuka dziri pasi pano. Pisarema 148 inotaura zvinhu zvizhinji zvinorumbidza Jehovha, uye ndima 10 inosanganisira “mhuka dzesango” uye “zvipfuwo.” Jehovha akamboratidza Jobho kuti nei vanhu vachifanira kutya Musiki, paakamutaurira nezvemhuka dzakadai seshumba, mbizi, mukono wemombe wemusango, Bhehemoti (kana kuti mvuu), uye Revhiatani (rinogona kunge riri garwe). Saka pfungwa yacho ndeipi? Kana munhu achityiswa nezvinhu izvi zvakasikwa zvine simba uye zvisingapfuyiki, anofanira kunzwa sei pamusoro peMusiki wazvo?—Jobho, zvitsauko 38-41.

16. Chii chinokushamisa padzimwe shiri dzakasikwa naJehovha?

16 Pisarema 148:10 rinotaurawo ‘nezveshiri dzine mapapiro.’ Imbofunga nezvekuti kune marudzi mangani eshiri! Jehovha akaudza Jobho nezvemhou, iyo “inoseka bhiza nemutasvi waro.” Shiri iyi yakareba mamita maviri nehafu uye haibhururuki. Asi inomhanya makiromita 65 paawa, ichiita nhanho yakareba mamita mana nehafu panguva! (Jobho 39:13, 18) Panewo imwe shiri inonzi neChirungu albatross. Kazhinji shiri iyi inenge ichibhururuka nepamusoro pemakungwa. Ine mapapiro anosvika mamita matatu kana akatambanudzwa. Inogona kuita maawa akawanda iri mumhepo isingabhabhame mapapiro ayo. Asiwo kune kamwe kashiri kanonzi tsodzo kakangoreba masendimita mashanu chete. Ndiko kashiri kadiki kupfuura dzimwe dzese. Kanogona kufambisa mapapiro ako kanosvika ka80 pasekondi! Katsodzo kane minhenga inoyevedza uye kanogona kuyengerera seherikoputa, kunyange kubhururuka nenhendeshure.

17. Mhuka inonzi blue whale yakakura zvakadini, uye izvi zvinoita kuti tinzwe sei nezvezvisikwa zvaJehovha?

17 Pisarema 148:7 inoti kunyange “zvisikwa zvikuru zvemugungwa” zvinorumbidza Jehovha. Funga nezvemhuka inonzi blue whale iyo inonzi ndiyo yakakura kupfuura dzimwe mhuka dzese panyika. Chisikwa ichi chinoshambira ‘mumvura yakadzika’ chinogona kureba mamita 30 kana kupfuura. Inogona kuva neuremu hwakaenzana nehwenzou hombe 30. Rurimi rwayo chete rune uremu hwakaenzana nehwenzou imwe chete. Mwoyo wayo wakaenzana nemotokari diki. Unorova kapfumbamwe chete paminiti kusiyana nemwoyo wetsodzo, uyo unogona kurova kanosvika ka1 200 paminiti. Imwe yetsinga dzemhuka iyi yakakura kwazvo zvekuti mwana anogona kutokambaira mukati mayo. Chokwadi hatingambotadzi kudzokororawo mashoko akapedziswa nawo bhuku raMapisarema ekuti: “Chinhu chese chinofema ngachirumbidze Jah.”—Pisarema 150:6.

Tinodzidzei Pasimba raJehovha Rekusika?

18, 19. Zvinhu zvipenyu zvakasikwa naJehovha pasi pano zvakawanda zvakadini, uye zvisikwa zvinotidzidzisei nezvekodzero yaJehovha yekutonga?

18 Tinodzidzei pamashandisiro anoita Jehovha simba rake rekusika? Tese tinoshamiswa nekusiyana-siyana kwakaita zvinhu zvakasikwa. Mumwe munyori wepisarema akati: “Haiwa Jehovha! . . . Nyika yakazara nezvinhu zvamakaita.” (Pisarema 104:24) Zvaakataura ichokwadi! Vanoongorora zvinhu zvipenyu vakawana marudzi anopfuura miriyoni ezvinhu zvipenyu panyika; asi havatombobvumirani kuti kungava nemamwe mamiriyoni mangani avasati vava kutoziva. Munhu anodhirowa kana kuti ane humwe unyanzvi hwekuita zvinhu zvitsva zvakadai sekunyora nhetembo kana nziyo anogona kupererwa nemazano ezvekuita. Asi izvozvo hazviitiki kuna Jehovha; simba rake rekugadzira zvinhu zvitsva harimbofi rakapera.

19 Kushandisa kunoita Jehovha simba rake rekusika kunotidzidzisa kuti ndiye ane kodzero yekutitonga. Shoko rekuti “Musiki” pacharo rinobva ratosiyanisa Jehovha nezvimwe zvinhu zvese nekuti izvo “zvisikwa.” Kunyange Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe oga, uyo aiva “mhizha” panguva yakasikwa zvinhu, haambonzi Musiki muBhaibheri. (Zvirevo 8:30; Mateu 19:4) Anotonzi “dangwe rezvisikwa zvese.” (VaKorose 1:15) Nzvimbo yaJehovha seMusiki inomupa kodzero yekutonga zvisikwa zvese pasi nekudenga.—VaRoma 1:20; Zvakazarurwa 4:11.

20. Chii chinenge chichirehwa panonzi neBhaibheri Jehovha akazorora?

20 Jehovha akamira kushandisa simba rake rekusika here? Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha paakapedza basa rake rekusika pazuva rekusika rechitanhatu, “akatanga kuzorora pazuva rechinomwe pabasa rake rese raakanga achiita.” (Genesisi 2:2) Muapostora Pauro akaratidza kuti “zuva” rechinomwe rakareba zviuru zvemakore, nekuti panguva yake rakanga richiri kutoenderera mberi. (VaHebheru 4:3-6) Asi “kuzorora” kunoreva here kuti Jehovha akamira kushanda zvachose? Aiwa. Jehovha haambomiri kushanda. (Pisarema 92:4; Johani 5:17) Saka kuzorora kuri kurehwa kunofanira kunge kuri kwekumira kusika zvinhu zvepasi pano. Asi basa rake rekuita kuti zvinangwa zvake zvizadziswe riri kungoenderera mberi. Basa iroro rinosanganisira kufemerwa kwakaitwa Magwaro Matsvene. Rinosanganisirawo kuberekwa ‘kwechisikwa chitsva,’ chatichakurukura nezvacho muChitsauko 19.—2 VaKorinde 5:17.

21. Vanhu vakatendeka vachabatsirwa sei nekusingaperi nesimba raJehovha rekusika?

21 Zuva raJehovha rekuzorora parichazopera, achakwanisa kutaurawo nezvebasa rake rese repasi pano kuti, “zvakanaka chaizvo,” sezvaakangoita pakapera mazuva matanhatu ekusika. (Genesisi 1:31) Hatizivi kuti achaenderera mberi achishandisa sei simba rake rekusika kana izvozvo zvaitika. Chatinongoziva ndechekuti ticharamba tichingoshamiswa nemashandisiro anoita Jehovha simba rake rekusika. Ticharamba tichingodzidza nezvaJehovha nekusingaperi kubva pazvinhu zvaakasika. (Muparidzi 3:11) Kudzidza kwatinenge tichiita nezveMusiki wedu anokudzwa kuchawedzerawo kutya kwatinomuita kuchitiswededza pedyo naye.

a Kuti unyatsonzwisisa kukura kwenhamba iyoyo: Fungidzira uchityaira mota uchimhanya makiromita 160 paawa, usingambozorori masikati neusiku, zvaizokutorera makore anopfuura 100 kuti usvikeko!

b Vamwe vanofunga kuti vanhu vekare vanotaurwa muBhaibheri vanofanira kunge vaiva neteresikopu yepanguva iyoyo isina kunyanya kuoma. Vanoti dai pasina izvozvo, vaizoziva sei kuti nyeredzi dzakawanda kudaro zvekuti hadziverengeki? Fungidziro dzakadaro dzisina musoro dzinoitwa nevanhu vasingatombofungi nezveMunyori weBhaibheri, Jehovha.—2 Timoti 3:16.

c Funga kuti zvaizokutorera nguva yakareba sei kungoverenga nyeredzi mabhiriyoni 100 chete. Dai waida kuverenga imwe chete pasekondi yega yega, masikati neusiku usingazorori, zvaizokutorera makore 3 171!