Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 7

Simba Rekudzivirira​—“Mwari Ndiye Nzvimbo Yedu Yekupotera”

Simba Rekudzivirira​—“Mwari Ndiye Nzvimbo Yedu Yekupotera”

1, 2. VaIsraeri vakanga vakatarisana nerwendo rwakaita sei pavaipinda munharaunda yeSinai muna 1513 B.C.E., uye Jehovha akavakurudzira sei?

 UPENYU hwevaIsraeri pavakanga vava kupinda munharaunda yeSinai muna 1513 B.C.E hwakanga hwava mungozi. Rwendo rwaiva mberi kwavo rwaityisa, kufamba “murenje guru rinotyisa, maiva nenyoka dzine uturu, nemarize.” (Dheuteronomi 8:15) Ukuwo marudzi aida zvekuvarwisa akanga akavamirira. Jehovha ndiye akanga aunza vanhu vake munzvimbo iyi. Aizokwanisa kuvadzivirira here saMwari wavo?

2 Jehovha akavaudza mashoko aikurudzira zvikuru paakati: “Imi makazvionera mega zvandakaitira vaIjipiti, kuti ndikutakurei pamapapiro emakondo ndichikuunzai kwandiri.” (Eksodho 19:4) Jehovha akayeuchidza vanhu vake kuti zvaiita sekuti akanga avatakura achishandisa makondo achivabvisa muIjipiti, kuti avanunure. Asi pane zvimwe zvinoita kuti tifananidze kudzivirira kwaMwari ‘nemapapiro emakondo.’

3. Nei zvakakodzera kufananidza “mapapiro emakondo” nekudzivirira kwaJehovha?

3 Gondo haringoshandisi mapapiro aro akakura pakubhururuka chete. Kana rikavhura mapapiro aro, ayo anogona kupfuura mamita maviri kana atambanudzwa ese, rinoisa mumvuri wakakura pamanyana aro kuti arege kutsva. Dzimwe nguva rinovhumbamira manyana aro kuti riadzivirire pamhepo inotonhora. Jehovha akadzivirira uye akachengetedza rudzi rwakanga ruchangotanga rwevaIsraeri sezvinongoita gondo manyana aro. Iye zvino pavakanga vava murenje, vanhu vake vaizoramba vakahwanda mumumvuri wemapapiro ake akasimba chero bedzi vaizoramba vakatendeka. (Dheuteronomi 32:9-11; Pisarema 36:7) Asi Jehovha achiri kudzivirira vanhu vake mazuva ano here?

Jehovha Anovimbisa Kudzivirira Vanhu Vake

4, 5. Nei tiine nechivimbo chakazara chekuti Jehovha anogona kutidzivirira sezvaakavimbisa?

4 Jehovha anogona kudzivirira vashumiri vake zvechokwadi. Zita rake rekuti “Mwari Wemasimbaose,” rinoratidza kuti hapana chinomutadzisa kuita zvaanoda nesimba rake. (Genesisi 17:1) Sezvinongoita mvura yemugungwa isingagoni kumiswa, hapana anogona kumisa simba raJehovha. Sezvo Jehovha achigona kuita chero chaada, mubvunzo unomuka ndewekuti, ‘Kuda kwake here kushandisa simba rake kudzivirira vanhu vake?’

5 Tichingopindura neshoko rimwe chete, mhinduro ndeyekuti hongu! Jehovha anotivimbisa kuti achadzivirira vanhu vake. Pisarema 46:1 inoti: “Mwari ndiye nzvimbo yedu yekupotera nesimba redu. Ndiye rubatsiro runowanika zviri nyore munguva yekutambudzika.” Sezvo Mwari “asingagoni kureva nhema,” tinokwanisa kuvimba naye zvakazara paanotiudza kuti achatidzivirira. (Tito 1:2) Regai timboona kuti Jehovha anoshandisa mifananidzo ipi kutibatsira kunzwisisa kuti anodzivirira sei vanhu vake.

6, 7. (a) Mumakore akanyorwa Bhaibheri, mufudzi aidzivirira sei makwai ake? (b) Bhaibheri rinopa mufananidzo upi unonyatsoratidza chido china Jehovha chemwoyo wese chekuchengetedza makwai ake?

6 Jehovha ndiye Mufudzi wedu, uye isu “tiri vanhu vake nemakwai emafuro ake.” (Pisarema 23:1; 100:3) Makwai ari pakati pezvipfuyo zvinonyanya kuda kuchengetedzwa. Makore akanyorwa Bhaibheri, mufudzi wemakwai aifanira kuva neushingi kuti arwire makwai achiadzivirira pashumba, mhumhi, mabheya, uye mbavha. (1 Samueri 17:34, 35; Johani 10:12, 13) Asi pamwe pacho kuchengetedza makwai kwaida kuti munhu ave munyoro. Kana nguva yekuti gwai ribereke yasvika, mufudzi aifanira kuchengetedza gwai racho panguva iyoyo yaraisakwanisa kuzvidzivirira, uye kuzotakura gwayana racho risingagoni kuzvifambira kuenda naro kudanga.

“Achaatakura pachipfuva chake”

7 Kana Jehovha achizvifananidza nemufudzi, ari kutipa chivimbo chekuti ane chido chekutichengetedza. (Ezekieri 34:11-16) Yeuka kuti Jehovha anorondedzerwa sei pana Isaya 40:11, iyo yakakurukurwa muChitsauko 2 chebhuku rino: “Achachengeta makwai ake sezvinoita mufudzi. Achaunganidza makwayana neruoko rwake, uye achaatakura pachipfuva chake.” Gwayana rinosvika sei pakuva “pachipfuva” chemufudzi kana kuti muhomwe yepachipfuva? Gwayana rinogona kuenda pedyo nemufudzi, pamwe rotomugunzva gumbo rake. Asi mufudzi ndiye anofanira kukotama, orisimudza, onyatsoribata zvakanaka pachipfuva chake. Izvi zvinonyatsofananidzira chido chine Mufudzi wedu mukuru chekutidzivirira uye kutichengetedza!

8. (a) Mwari anovimbisa kudzivirira vanhu vakaita sei, uye izvi zvinoratidzwa sei pana Zvirevo 18:10? (b) Tinofanira kuita sei kuti titizire kuzita raMwari?

8 Mwari haangodziviriri munhu wese wese; anodzivirira vaya vanoswedera pedyo naye chete. Zvirevo 18:10 inoti: “Zita raJehovha inhare yakasimba. Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.” Panguva dzakanyorwa Bhaibheri, nhare dzaigona kuvakwa mugwenga kuti vanhu vawane pekutizira. Asi munhu aitochengetedzwa kana atizira kunhare yacho. Ndizvo zvazviriwo kana tichida kuti zita raMwari rive nhare yedu. Haisi nyaya yekungotaura zita raMwari chete nekuti zita raMwari harishande sezango. Tinotofanira kuziva Muridzi wezita iroro tovimba naye, uye torarama maererano nemitemo yake yakarurama. Chokwadi Jehovha akaratidza tsitsi pakutivimbisa kwaakaita kuti kana tikauya kwaari nekutenda, achava nhare inotidzivirira!

“Mwari Wedu . . . Ane Simba Rekutinunura”

9. Jehovha akaratidza sei kuti haangogumiri pakuvimbisa nemuromo kuti achadzivirira vanhu vake?

9 Jehovha haana kungogumira pakuvimbisa nemashoko kuti achatidzivirira. Panguva dzakanyorwa Bhaibheri, akaita zvishamiso zvekudzivirira vanhu vake. Munhoroondo yevaIsraeri, “ruoko” rwaJehovha rune simba rwaigara rwuchivarwira pavavengi vavo. (Eksodho 7:4) Asi kuwedzera pakudzivirira vaIsraeri vese, ane vamwe vanhu vaakadzivirira mumwe nemumwe.

10, 11. Mienzaniso ipi yemuBhaibheri inoratidza kushandisa kwakaita Jehovha simba rake kudzivirira vamwe vanhu?

10 Vakomana vatatu vechiHebheru Shadreki, Misheki, naAbhedhinego, pavakaramba kupfugamira chifananidzo chegoridhe chaMambo Nebhukadhinezari, mambo akashatirwa akati aizovakanda muchoto chaipisa kwazvo. Mambo Nebhukadhinezari uyo aiva nesimba kupfuura mamwe madzimambo ese panguva iyoyo, akati kwavari: “Ndimwari upi angakununurai mumaoko angu?” (Dhanieri 3:15) Vakomana vatatu ava vaiva nechivimbo chakazara chekuti Mwari ane simba rekuvadzivirira, asi vakanga vasingatore sekuti anotofanira kuvadzivirira. Saka vakamupindura vachiti: “Kana tikakandwa mumoto, Mwari wedu watinonamata ane simba rekutinunura.” (Dhanieri 3:17) Moto wacho kunyange pawakakuchidzirwa kuti upise zvakapetwa kanomwe kupfuura zvawaisiita, wakanga usiri chinhu kana uchienzaniswa naMwari Wemasimbaose. Mwari akavadzivirira, zvekuti mambo wacho akasvika pakubvuma kuti: “Hakuna mumwe mwari anokwanisa kununura saiye.”—Dhanieri 3:29.

11 Jehovha akaratidzawo simba rake rekudzivirira zvinoshamisa paakatamisira upenyu hweMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga mudumbu remhandara yechiJudha, Mariya. Ngirozi yakaudza Mariya kuti “uchava nepamuviri, wobereka mwanakomana.” Ngirozi yacho yakamutsanangurira kuti: “Mweya mutsvene uchava pauri, uye simba reWekumusorosoro richakufukidza.” (Ruka 1:31, 35) Mwanakomana waMwari akanga asati ambosvika padanho rekuva nyore kukuvadzwa zvakadaro. Sezvo amai vake vaiva munhu akaberekerwa muchivi, zvaigona kukanganisa mwana ari mudumbu here? Satani aizokwanisa kuuraya mwana iyeye asati atomboberekwa here? Kana! Jehovha akaita seaumba rusvingo rwekudzivirira Mariya kuti pasava nechinokanganisa mwana aiva mudumbu, kubvira paakava nepamuviri pacho, chakadai sechivi chinozvarwa vanhu vainacho, vanhu vanomuponda, kana madhimoni chaiwo. Jehovha akaramba achidzivirira Jesu paaiva mudiki. (Mateu 2:1-15) Mwanakomana waMwari akanga asingaurayike kusvikira nguva yakanga yasarudzwa naMwari yasvika.

12. Nei Jehovha akaita zvishamiso zvekudzivirira vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri?

12 Nei Jehovha akaita zvishamiso zvakadaro achidzivirira vamwe vanhu? Kazhinji Jehovha aidzivirira vamwe vanhu achiitira kuchengetedza chinangwa chake chinova ndicho chinokosha kupfuura munhu upi kana upi zvake. Mumwe muenzaniso wakadaro kuchengetedzwa kwaJesu, anova ndiye aikosha pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari, icho chichabatsira munhu wese zvake. Nhoroondo dzakawanda dzekuratidza kwakaita Mwari simba rake rekudzivirira dzakafemerwa kuti dzinyorwe muMagwaro, ayo akanyorerwa “kuti tirayiridzwe, kuti tive netariro inobva pakutsungirira kwedu uye pakunyaradza kunobva muMagwaro.” (VaRoma 15:4) Mienzaniso iyi inosimbisa kutenda kwedu muna Mwari ane simba risingaenzaniswi. Ko mazuva ano tinotarisira kudzivirirwa sei naMwari?

Mwari Anotidzivirira Pazvinhu Zvese Zvakaipa Here?

13. Jehovha anotofanira kuita zvishamiso zvekutidzivirira here? Tsanangura.

13 Kana Mwari achitivimbisa kuti achatidzivirira hazvirevi kuti anotofanira kuita chishamiso kuti atidzivirire. Mwari wedu haativimbisi kuti tichava neupenyu husina kana dambudziko tichiri munyika ino yakaipa. Vashumiri vaJehovha vakawanda vakatendeka vanosangana nematambudziko akadai seurombo, hondo, urwere, uye rufu. Jesu akanyatsoudza vadzidzi vake kuti vamwe vavo vaigona kutourayirwa kutenda kwavo. Ndosaka Jesu akataura kukosha kwekutsungirira kusvika kumugumo. (Mateu 24:9, 13) Dai Jehovha aingoita zvishamiso zvekutidzivirira pese pese, Satani aitozozvishandisa kushora Jehovha achiti hatina kunyatsozvipira kuna Mwari.—Jobho 1:9, 10.

14. Mienzaniso ipi inoratidza kuti Jehovha haadziviriri vashumiri vake vese zvakafanana?

14 Kunyange nguva dzekare idzodzo, Jehovha aisangoshandisa pese pese simba rake rekudzivirira kuchengetedza mumwe nemumwe wevashumiri vake kuti asaurayiwa. Muapostora Jakobho akaurayiwa naHerodhi munenge muna 44 C.E., asi izvozvo zvangoitika, Petro akanunurwa “mumaoko aHerodhi.” (Mabasa 12:1-11) Uye Johani mukoma waJakobho, akararama makore akawanda Petro naJakobho vatofa. Saka zviri pachena kuti hatitarisiri Mwari kuti adzivirire vashumiri vake vese zvakafanana. Uyewo tese tinowirwa ‘nezvinhu zvatisingatarisiri.’ (Muparidzi 9:11) Saka Jehovha anotidzivirira sei mazuva ano?

Jehovha Anotidzivirira Kuti Tisaparadzwa Uye Tisakuvadzwa

15, 16. (a) Uchapupu hwei huripo hwekuti Jehovha anodzivirira vanamati vake sesangano? (b) Nei tiine chivimbo chekuti Jehovha achadzivirira vashumiri vake iye zvino uye ‘pakutambudzika kukuru’?

15 Ngatitangei nekuona kuti Jehovha anochengetedza sei upenyu hwedu. Sevanamati vaJehovha, tinotarisira kudzivirirwa sesangano. Dai zvisina kudaro, Satani aizotiita kanyama kanyama. Hapana chinhu chinodiwa naSatani, “mutongi wenyika ino,” kupfuura kuparadza kunamata kwechokwadi. (Johani 12:31; Zvakazarurwa 12:17) Dzimwe hurumende dzine simba pasi pano dzakarambidza basa redu rekuparidza uye dzakaedza kuparadza sangano redu zvachose. Asi vanhu vaJehovha vachiriko uye vanoramba vachiparidza! Nei nyika dzine simba dzakatadza kumisa basa revaKristu vashomanana vanoita sevasina anovadzivirira? Nekuti Jehovha anotivhumbamira nemapapiro ake akasimba!—Pisarema 17:7, 8.

16 Ko ‘pakutambudzika kukuru’ kuri kuuya achatichengetedza here? Hatifaniri kutya kuti Mwari achatiparadza paanotonga vakaipa. Tinoziva kuti “Jehovha anoziva nzira yekununura nayo mumuedzo vanhu vakazvipira kwaari, asi achava nechokwadi chekuti vanhu vasina kururama vaparadzwa pazuva rekutongwa.” (Zvakazarurwa 7:14; 2 Petro 2:9) Iye zvino tine chokwadi nezvinhu zviviri. Chekutanga, Jehovha haazombosiyi vashumiri vake vese vachiparadzwa pasi pano. Chechipiri, achapa vashumiri vake vakaperera kwaari mubayiro weupenyu husingaperi munyika itsva yakarurama, vamwe vacho achitoita zvekuvamutsa kana zvikaitika kuti vafa. Vaya vanenge vafa vanoramba vachiyeukwa naMwari, uye hapana nzvimbo yakachengeteka yavangava inopfuura ndangariro dzaMwari.—Johani 5:28, 29.

17. Jehovha anotidzivirira sei achishandisa Shoko rake?

17 Kunyange iye zvino, Jehovha anotidzivirira achishandisa “shoko” rake benyu, iro rine simba rekuporesa mwoyo inorwadziwa uye kuchinja upenyu hwevanhu. (VaHebheru 4:12) Patinenge tichirishandisa rinogona kutidzivirira pazvinhu zvinogona kutikuvadza kana kukanganisa upenyu hwedu. Isaya 48:17 inoti: “Ini, Jehovha ndini . . . iye anokudzidzisa zvinokubatsira.” Hapana mubvunzo kuti kushandisa Shoko raMwari muupenyu hwedu kunovandudza utano hwedu uye kunorebesa upenyu hwedu. Tinoona izvi panyaya dzakadai seunzenza nedzimwe tsika dzinosvibisa. Kushandisa kwatinoita zano reBhaibheri panyaya idzi kunotichengetedza pazvinhu zviri kukanganisa upenyu hwevanhu vazhinji vasingadi Mwari. (Mabasa 15:29; 2 VaKorinde 7:1) Tinotenda Mwari chaizvo nekutidzivirira kwaanoita achishandisa Shoko rake!

Jehovha Anotidzivirira Kuti Ushamwari Hwedu Naye Husaparara

18. Jehovha anotidzivirira sei kuti ushamwari hwedu naye husaparara?

18 Chinokosha zvikuru kupfuura zvimwe zvese ndechekuti Jehovha anotidzivirira kuti ushamwari hwedu naye husaparara. Mwari wedu ane rudo anotidzivirira neurongwa hwaakatipa hunotibatsira kuti titsungirire matambudziko uye tichengetedze ushamwari hwedu naye. Paanodaro Jehovha anenge achichengetedza upenyu hwedu, kwete kwemakore mashomanana, asi nekusingaperi. Funga nezvezvimwe zvatinopiwa naMwari zvinogona kutidzivirira panyaya dzekunamata.

19. Mweya mutsvene waJehovha ungatibatsira sei kutsungirira matambudziko ese atingasangana nawo?

19 Jehovha “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Patinomomoterwa nenhamo nematambudziko, kudururira mwoyo wedu kwaari kunogona kutizorodza. (VaFiripi 4:6, 7) Anogona kusaita chishamiso chekubvisa muedzo wacho, asi anogona kupindura minyengetero yedu yemwoyo wese nekutipa uchenjeri hwekuti toita sei kuti dambudziko racho risatitadzisa kumunamata. (Jakobho 1:5, 6) Kuwedzera pakutipa uchenjeri, Jehovha anopa mweya mutsvene kune vanomukumbira. (Ruka 11:13) Simba iroro rinogona kutibatsira kukurira chero dambudziko ripi zvaro ratingatarisana naro. Mweya mutsvene unotipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro” kuti titsungirire kusvikira Jehovha atibvisira matambudziko ese ari kutirwadza paachaunza nyika itsva munguva pfupi iri kutevera.—2 VaKorinde 4:7.

20. Jehovha anogona kuratidza sei simba rake rekutidzivirira achishandisa vatinonamata navo?

20 Dzimwe nguva tinogona kuona simba raJehovha rekutidzivirira pavanhu vatinonamata navo. Jehovha akaita kuti pave ‘nesangano rese rehama’ umo maanounza vanhu vake. (1 Petro 2:17; Johani 6:44) Patinenge tiri pakati pehama dzedu idzi dzinotida, tinoona uchapupu hwesimba remweya mutsvene waMwari rekuchinja vanhu kuti vave vanhu vakanaka. Mweya mutsvene iwoyo unobereka zvibereko zvakadai serudo, mutsa, uye kuita kuti vanhu vave vakanaka. (VaGaratiya 5:22, 23) Saka pfungwa dzedu padzinenge dzakaremerwa, tobva tapiwa mazano anobatsira neimwe hama kana kuudzwa mashoko anokurudzira, tinogona kutenda Jehovha nesimba rake raanenge aratidza achitidzivirira.

21. (a) Ndezvipi zvekudya zvemweya zvatinopiwa naJehovha achishandisa “muranda akatendeka, akangwara”? (b) Iwe pachako wakabatsirwa sei nezvatinopiwa naJehovha kuti atidzivirire panyaya dzekunamata?

21 Chimwezve chatinopiwa naJehovha kuti atidzivirire ndezvekudya zvemweya. Jehovha akatuma “muranda akatendeka, akangwara” kuti atipe zvekudya zvinoita kuti tiwane simba kubva muShoko rake. Muranda akatendeka iyeye anoshandisa mabhuku, akadai semagazini eNharireyomurindi neMukai!, pamwe chete nenzvimbo yedu yekubudisira mashoko paIndaneti, jw.org, uye misangano, nemagungano, kutipa “zvekudya . . . panguva yakakodzera,” kureva panguva yatinenge tichizvida chaiyo. (Mateu 24:45) Wati wambonzwa chimwe chinhu pamusangano wechiKristu chakadai semhinduro yapiwa nemumwe munhu, hurukuro, kana kuti kunyange munyengetero, chinokukurudzira kana kukupa simba rawanga uchitoda panguva iyoyo here? Wakamboverenga imwe nyaya mumagazini edu ikabva yanyatsobata zviri kuitika muupenyu hwako here? Yeuka kuti Jehovha anotipa zvinhu zvese izvi kuti atidzivirire kuti tisakanganiswe paushamwari hwedu naye.

22. Jehovha anogara achishandisa sei simba rake, uye nei izvozvo zvakatinakira?

22 Zvechokwadi Jehovha inhoo “kune vese vanopotera kwaari.” (Pisarema 18:30) Tinoziva hedu kuti haashandisi simba rake kutidzivirira kuti tisatombosangana nematambudziko iye zvino. Asi nguva dzese anoshandisa simba rake rekudzivirira kuti chinangwa chake chizadzike. Kuzadziswa kwechinangwa chake kuchazopedzisira kwabatsira vanhu vake. Kana tikaswedera pedyo naye toramba tiri murudo rwake, Jehovha achatipa upenyu husingaperi husina kana dambudziko. Tichienzanisa nezvatichawana mune ramangwana, kutambura kwese kwatiri kuita iye zvino tinokuona kuri “kwenguva diki uye kwakareruka.”—2 VaKorinde 4:17.