Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 8

Simba Rekudzorera Zvinhu Zvese​—Ari “Kuita Kuti Zvinhu Zvese Zvive Zvitsva”

Simba Rekudzorera Zvinhu Zvese​—Ari “Kuita Kuti Zvinhu Zvese Zvive Zvitsva”

1, 2. Tinorasikirwa nezvinhu zvipi muupenyu, uye zvinoita kuti tinzwe sei?

 MWANA anouraya kabhasikoro kake kaanotambisa, obva ati mhere kwetsu. Mhere yacho inoita kuti mubereki adzimbikane! Asi wakamboona here kufara kunoita mwana wacho paanoona mubereki wake achigadzira chinhu chaanenge achifunga kuti chatofa? Kumubereki, nyaya yekufa kwekabhasikoro inogona kusava dambudziko rakakura. Asi mwana anoshamiswa kuti vakagadzira sei uye anofara zvikuru. Chinhu chaanga achifunga kuti chatoparara chagadzirwa uye chadzorerwa zvachanga chiri chaizvo!

2 Jehovha ndiye mubereki wedu mukuru, uye ane simba rekuita kuti zvinhu zvatanga tichifunga kuti tatorasikirwa nazvo zvachose zvidzokere pazvanga zviri chaipo. Asi apa hatisi kutaura nezvekufa kana kuti kurasikirwa nechinhu chinotambiswa nemwana. Munguva dzino “dzinonetsa kurarama madziri,” tinorasikirwa nezvinhu zvinokosha chaizvo muupenyu. (2 Timoti 3:1-5) Tinogara tichityira kuti ticharasikirwa nezvinhu zvatinokoshesa zvakadai semisha yedu, midziyo, mabasa, kunyange utano hwedu chaihwo. Zvinotirwadza patinoona kuparadzwa kuri kuitwa pasi rino, zvichiita kuti mhuka nezvimwewo zvinhu zvakasikwa zvitsakatike. Asi hapana chinotisiya tichidzimbikana kupfuura kufirwa nemumwe munhu watinoda. Tinorwadziwa zvekusvika pakupererwa.—2 Samueri 18:33.

3. Itariro ipi inonyaradza inotaurwa pana Mabasa 3:21, uye Jehovha achashandisa chii kuti aizadzise?

3 Saka zvinotinyaradza zvikuru kudzidza nezvesimba raJehovha rekudzorera zvinhu pazvaiva! Muchitsauko chino, tichaona kuti zvinhu zvichadzorerwa naMwari kuvana vake pasi pano zvakawanda zvinoshamisa. Bhaibheri rinotoratidza kuti Jehovha ane chinangwa chekudzorera “zvinhu zvese.” (Mabasa 3:21) Kuti aite izvozvo, Jehovha achashandisa Umambo hwaMesiya, hunotongwa neMwanakomana wake, Jesu Kristu. Pane uchapupu hunoratidza kuti Umambo uhwu hwakatanga kutonga kudenga muna 1914. a (Mateu 24:3-14) Zvinhu zvipi zvichadzorerwa pazvaiva neUmambo hwaMwari? Ngatimbotaura nezvezvimwe zvinhu zvikuru zvinoratidza simba raJehovha rekudzorera zvinhu pazvaiva. Chimwe chezvinhu izvi tava kutochiona uye tiri kutobatsirwa nacho. Zvimwe zvacho zvichaitika mune ramangwana.

Kudzorerwa Kwekunamata Kwakachena

4, 5. Chii chakaitika kuvanhu vaMwari muna 607 B.C.E., uye Jehovha akavapa tariro yekuti chii chaizoitika?

4 Chimwe chakatoitwa naJehovha, kudzorera kunamata kwakachena. Kuti tinyatsonzwisisa kuti izvi zvinorevei, ngatimboongororai nhoroondo yeumambo hweJudha. Izvi zvichatibatsira kuti tinyatsonzwisisa simba raJehovha rekudzorera zvinhu pazvaive.—VaRoma 15:4.

5 Fungidzira kuti vaJudha vakatendeka vakanzwa sei pakaparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E. Guta ravo ravaida zvikuru rainge raparadzwa, masvingo aro akoromorwa. Chaitoita kuti zvinyanye kuipa ndechekuti temberi yavo yainge yavakwa naSoromoni, inova ndiyo yaiva muzinda wekunamata Jehovha kwakachena munyika yese, yakasiyiwa ava matongo. (Pisarema 79:1) Vakanga vapona vakaendwa navo senhapwa kuBhabhironi, vachisiya nyika yavo yavaida yangova musha wemhuka dzesango. (Jeremiya 9:11) Kuvanhu zvaigona kuoneka sekuti zvinhu zvese zvatoparara zvachose. (Pisarema 137:1) Asi Jehovha, uyo akanga agara ataura kuti izvi zvaizoitika, akapa tariro yekuti paizova nenguva yekudzorerwa kwezvinhu kuti zvive sezvazvaiva.

6-8. (a) Inyaya yei inotaurwa kakawanda mumabhuku evaprofita vechiHebheru, uye uprofita ihwohwo hwakatanga kuzadziswa sei? (b) Mazuva ano vanhu vaMwari vakaona sei kuzadziswa kukuru kweuprofita hune chekuita nekudzorera?

6 Kudzorerwa kwezvinhu zvese inyaya yaitaurwa yataurwazve mumabhuku evaprofita vechiHebheru. b Achishandisa vaprofita ava, Jehovha akataura kuti aizodzorera nyika yavo sezvayaiva, yozara nevanhu, yorimwa uye vanhu vacho vaizodzivirirwa pamhuka dzemusango nevavengi. Marondedzerero aakaita nyika yavo airatidza kuti yaizova separadhiso chaiyo! (Isaya 65:25; Ezekieri 34:25; 36:35) Chainyanya kukosha pavimbiso dzacho ndechekuti kunamata kwechokwadi kwaizodzorerwa uye temberi yaizovakwazve. (Mika 4:1-5) Uprofita uhwu hwakapa nhapwa dzechiJudha tariro, huchivabatsira kutsungirira utapwa hwavo kwemakore 70 muBhabhironi.

7 Saka nguva yekuti vachidzokera kunyika yavo yakanga yazosvika. Pavakasunungurwa muBhabhironi, vaJudha vakadzokera kuJerusarema kunovakazve temberi yaJehovha. (Ezra 1:1, 2) Pavairamba vachinamata Jehovha zvakachena, Jehovha aivakomborera nekuita kuti nyika yavo ibereke zvibereko uye vabudirire. Aivadzivirira pavavengi nezvikara zvemusango zvakanga zvazadza nyika yavo kwemakumi emakore. Vanofanira kunge vakafara chaizvo vachiona simba raJehovha rekudzorera zvinhu pazvaiva! Asi zvese izvi kwaingova kuzadzika kwekutanga uye kudiki kweuprofita hwacho. Kuzadziswa kukuru kwaizoitika “mumazuva ekupedzisira,” kureva nguva yedu chaiyo, paizogadzwa mugari wenhaka wechigaro cheumambo chaDhavhidhi.—Isaya 2:2-4; 9:6, 7.

8 Achingogadzwa pachigaro cheUmambo muna 1914, Jesu akava nechokwadi chekuti vanhu vaMwari vakatendeka pasi pano vawana zvavanoda pakunamata. Sekungosunungurwa kwakaitwa vaJudha mugore ra537 B.C.E. pakakundwa Bhabhironi naKoreshi wePezhiya, Jesu akasunungurawo vateveri vake kubva ‘muBhabhironi Guru,’ kureva zvitendero zvese zvenhema. (Zvakazarurwa 18:1-5; VaRoma 2:29) Kubvira muna 1919, vaKristu vechokwadi vanga vachinamata Mwari nenzira chaiyo yaanofanira kunamatwa nayo. (Maraki 3:1-5) Kubvira ipapo, vanhu vaJehovha vari kumunamata mutemberi yemweya yakacheneswa, iyo inoreva urongwa hwaMwari hwekunamata kwakachena. Nei izvi zvichikosha kwatiri nhasi?

Nei Kudzorerwa Kwekunamata Kwakachena Kuchikosha?

9. Pashure pekufa kwevaapostora, chechi dzechiKristu chenhema dzakatanga kuita sei nezvekunamata Mwari, asi Jehovha akaitei mazuva ano?

9 Ngatimbokurukurai nezvenhoroondo yechiKristu. VaKristu vekutanga vakanga vakakomborerwa nezvinhu zvakawanda panyaya dzekunamata. Asi Jesu nevaapostora vake vakagara vataura kuti kunamata kwechokwadi kwaizokanganisika vanhu vorega kunamata Mwari nenzira yaanoda. (Mateu 13:24-30; Mabasa 20:29, 30) Pashure pekufa kwevaapostora vaJesu, chiKristu chenhema chakamuka. Vafundisi vacho vakatora dzidziso netsika zvechihedheni. Vakaita kuti zvitonyatsooma kuti munhu anamate Mwari vachimuti mubatanidzwa usinganzwisisiki wezvinhu zvitatu uye vachidzidzisa vanhu kureurura kuvapristi uye kunyengetera kuna Mariya nevamwe vasande panzvimbo pekunyengetera kuna Jehovha. Saka Jehovha akaita sei pashure pemakore akawanda kudaro chiKristu chakasvibiswa? Akatora matanho akadzorera kunamata kwakachena munyika yakazara nekunamata kwenhema uye yakasvibiswa netsika dzaasingafariri! Hatingamboti tiri kuwedzeredza kana tikati kudzorerwa kwekunamata kwakachena ndicho chimwe chezvinhu zvinokosha zvikuru zvakaitika munguva yedu.

10, 11. (a) Paradhiso yemweya inosanganisira zvinhu zvipi zviviri? (b) Jehovha akaunganidza vanhu verudzii muparadhiso yemweya, uye vachava nechikomborero chipi?

10 Saka vaKristu vechokwadi mazuva ano vari muparadhiso yemweya iyo iri kuramba ichiwedzera kuyevedza uye kufadza kurarama mairi. Paradhiso iyi inosanganisira chii? Inosanganisira zvinhu zviviri zvinokosha. Chekutanga, kunamatwa kwakachena kwaMwari wechokwadi, Jehovha. Akatikomborera nenzira yekunamata isingadzidziswe nhema uye isingatsananguri shoko raMwari nepasipo. Takakomborerwa nezvekudya zvemweya izvo zvinoita kuti tikwanise kudzidza nezvaBaba vedu vekudenga, kuvafadza, uye kuswedera pedyo navo. (Johani 4:24) Chechipiri chinobatanidzwa muparadhiso iyi mararamiro anoita vanhu vari mairi. Sezvakataurwa naIsaya kuti zvaizoitika “mumazuva ekupedzisira,” Jehovha ari kudzidzisa vanamati vake nzira dzerugare. Akatidzidzisa kusarwa. Pasinei nekuti tiri vanhu vanotadzawo, anotibatsira kupfeka “unhu hutsva.” Anokomborera zvatinoita achishandisa mweya wake mutsvene, uyo unobereka zvibereko zvakanaka matiri. (VaEfeso 4:22-24; VaGaratiya 5:22, 23) Paunoita zvinoenderana nemweya waMwari, unenge uchitoratidza kuti uri muparadhiso iyoyo yemweya.

11 Jehovha akaunganidza muparadhiso yemweya vanhu vanoita zvaanoda, vanhu vanomuda, vanoda rugare, uye “vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.” (Mateu 5:3) Vanhu vakadaro ndivo vachawana chikomborero chekuona achidzorera zvinhu zvese pazvaive pasi rese.

“Inzwa! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvese Zvive Zvitsva”

12, 13. (a) Nei tichiti uprofita hwekudzorerwa kwezvinhu pazvaive haungogumiri pane zvekunamata chete? (b) MuEdheni, Jehovha akati chinangwa chaakasikira nyika ndechei, uye nei izvi zvichitipa tariro?

12 Uprofita hwekudzorerwa kwezvinhu zvese haungogumiri pakunamata chete. Isaya akanyora nezvenguva yapachange pasisina vanorwara, zvirema, mapofu, matsi, uye akati kunyange rufu pacharwo ruchamedzwa nekusingaperi. (Isaya 25:8; 35:1-7) Uprofita uhwu hauna kuzadziswa panguva yevaIsraeri. Uye kunyange zvazvo mazuva ano tiri kuona kuzadziswa kweuprofita uhwu pane zvekunamata, tine kutenda kwakasimba kuti zvinhu izvi zvichazadzika zvinotooneka uye zvakazara. Tinoziva sei kuti izvozvo zvichaitika?

13 Jehovha akagara ataura muEdheni chinangwa chake chaakasikira pasi rino, chekuti rigarwe nemhuri yevanhu vanofara, vane utano hwakanaka uye vakabatana. Murume nemukadzi vaifanira kuzogara pasi pano vachipachengeta nezvisikwa zvese zviripo, vachiita kuti nyika yese ive paradhiso. (Genesisi 1:28) Izvi zvasiyana nekure nezvaita nyika ino. Asi ziva kuti chinangwa chaJehovha hakuna anochimisa. (Isaya 55:10, 11) Jesu, anova ndiye Mesiya, Mambo akagadzwa naJehovha, achaunza Paradhiso iyoyo panyika.—Ruka 23:43.

14, 15. (a) Jehovha achaita sei kuti “zvinhu zvese zvive zvitsva”? (b) Upenyu huchange hwakaita sei muParadhiso, uye chii chaungati chakunonokera?

14 Fungidzira uchiona pasi rese rava Paradhiso! Jehovha anoti nezvenguva iyoyo: “Inzwa! Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.” (Zvakazarurwa 21:5) Funga kuti izvozvo zvicharevei. Kana Jehovha apedza kushandisa simba rake rekuparadza panyika ino yakaipa, pachasara “matenga matsva nenyika itsva.” Izvi zvinoreva kuti hurumende itsva ichatonga iri kudenga ichitonga vanhu vanenge vari pasi pano, vanoda Jehovha uye vanoita kuda kwake. (2 Petro 3:13) Satani nemadhimoni ake vachange vasungwa. (Zvakazarurwa 20:3) Vanhu vachange vasunungurwa pavavengi ivavo vakashata vane ruvengo, vanga vava nezviuru zvemakore vachivatambudza. Chokwadi vanhu vachatura mafemo.

15 Tichange tava kukwanisa kunyatsochengeta pasi rino rakanaka sezvazvaifanira kuva pakutanga chaipo. Pasi rino rakasikwa richikwanisa kugadzirisa rega panenge pakanganisika pariri kuti rirambe rakanaka. Makungwa nenzizi zvazara netsvina zvinogona kuzvichenesa kana vari kuzvisvibisa vakabviswa; nzvimbo dzasakadzwa nehondo dzinogona kudzokera padzaiva kana hondo dzikamiswa. Zvichafadza chaizvo kushanda zvinoenderana nechinangwa chakasikirwa nyika, tichibatsira kuti nyika ive paradhiso ine zvisikwa zvakasiyana-siyana zvatisingapedzi kuverenga, sezvakanga zvakaita Edheni! Panzvimbo pekungouraya mhuka nekutema miti zvisina musoro, vanhu vachange vava kuita zvinhu zvisingakanganisi nyika. Vana chaivo vachange vasina chekutya pamhuka dzemusango.—Isaya 9:6, 7; 11:1-9.

16. MuParadhiso, munhu wese achabatsirwa sei nesimba raJehovha rekudzorera zvinhu pazvaiva?

16 Tichaonawo simba raJehovha rekudzorera zvinhu pazvaiva richishanda pamiviri yedu pachedu. Kana Amagedhoni yapfuura, vanhu vanenge vapona vachaona chishamiso chekuporeswa kwevanhu vese pasi rese. Jesu achashandisa simba raakapiwa naMwari kusvinudza mapofu, kuita kuti matsi dzinzwe, uye kuporesa vakaremara nevanorwara, sezvaakaita paaiva pasi pano. (Mateu 15:30) Vakwegura vachafara kuona miviri yavo ichidzokera pakuva nesimba neutano zvavaiva nazvo vachiri vadiki. (Jobho 33:25) Nyama yakaunyana ichadzokera payaiva, makumbo nemaoko zvova nesimba, uye miviri yese yonyatsoti gwindiri. Vanhu vese vakatendeka vachatanga kunyatsonzwa kuti zvinhu zvaikonzerwa nechivi mumiviri yavo zviri kuenda zvichipera zvishoma nezvishoma. Tichatenda Jehovha nemwoyo wese nekushandisa kwaachaita simba rake pakudzorera miviri yedu payaifanira kuva! Iye zvino ngatimbokurukurai chimwe chinhu chinofadza zvikuru nezvenguva iyoyo ichadzorerwa zvinhu.

Simba Rekumutsa Vakafa

17, 18. (a) Nei vaSadhusi vakatsiurwa naJesu? (b) Chii chakanga chaitika kuti Eriya azokumbira Jehovha kuti amutse munhu?

17 Makore akararama Jesu pasi pano, paiva nevamwe vatungamiriri vechitendero vainzi vaSadhusi, vakanga vasingatendi kuti kune rumuko. Jesu akavatsiura achiti: “Makarasika, nekuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.” (Mateu 22:29) Saka Magwaro anoratidza kuti Jehovha ane simba rakadaro rekumutsa vanhu. Ngationei mimwe mienzaniso.

18 Fungidzira zvakaitika panguva yaEriya. Imwe chirikadzi yakanga yafirwa nemwana wayo zai regondo, yakanga yakabata chitunha chake mumaoko. Muprofita Eriya, uyo akanga ava nenguva achigara nechirikadzi iyi, anofanira kunge akapererwa. Akanga ambobatsira mwana uyu kuti asafa nenzara. Pamwe kakomana aka kakanga katova shamwari yake. Amai vacho vakadzimbikana. Pamwana iyeye ndipo pavaitoita sevari kuona murume wavo akanga afa. Vangangodaro vaitarisira kuti ndiye aizovachengetawo kana vachembera. Nekurwadziwa kwavaiitwa, amai ava vakafunga kuti pane zvakaipa zvavakaita zvavairangirwa. Eriya zvakamurwadza kuona vachitambura zvakadaro. Akatora chitunha chiya mumaoko aamai vacho, akakwira muimba yepadenga yaaigara, ndokukumbira Jehovha Mwari kuti adzorere upenyu hwemwana wacho.—1 Madzimambo 17:8-21.

19, 20. (a) Abrahamu akaratidza sei kuti aitenda kuti Jehovha aigona kumutsa vakafa, uye chii chakaita kuti ave nekutenda kwakadaro? (b) Jehovha akakomborera sei Eriya nekutenda kwake?

19 Eriya akanga asiri munhu wekutanga aitenda kuti munhu akafa anogona kumutswa. Mazana emakore akanga apfuura, Abrahamu akanga atomboratidza kuti aitenda kuti Jehovha ane simba rekumutsa munhu, uye hazvitishamisi kuti nei aiva nekutenda kwakadaro. Abrahamu paakanga ava nemakore 100 uye Sara ava ne90, Jehovha akaita chishamiso chekudzorera simba ravo rekubereka rakanga rapera, Sara akava nemwanakomana. (Genesisi 17:17; 21:2, 3) Mukomana wacho paakanga akura, Jehovha akakumbira Abrahamu kuti ape mwanakomana wake sechibayiro. Abrahamu akaratidza kutenda, achiziva kuti Jehovha aigona kumutsa mwanakomana wake waaida zvikuru, Isaka. (VaHebheru 11:17-19) Kutenda ikoko kwakasimba ndiko kunogona kunge kwakaita kuti Abrahamu audze varanda vake kuti aizodzoka naIsaka paakanga ava kukwira naye mugomo kuti anomubayira.—Genesisi 22:5.

“Ona mwanakomana wako ava mupenyu”!

20 Jehovha akazoita kuti Isaka asaurayiwa, saka hapana hapo kuzoitika rumuko. Asi panyaya yaEriya, mwanakomana wechirikadzi akanga atofa, asi zvaisazoramba zvakadaro. Jehovha akakomborera kutenda kwemuprofita uyu nekumutsa mwana wacho! Eriya akabva adzorera mwanakomana wacho kuna amai vake, achitaura mashoko aya asingakanganwiki: “Ona mwanakomana wako ava mupenyu”!—1 Madzimambo 17:22-24.

21, 22. (a) Nyaya dzerumuko dziri muBhaibheri dzinotibatsira sei? (b) Vanhu vachamutswa zvakadini muParadhiso, uye ndiani achavamutsa?

21 Saka apa ndipo patinotanga kuverenga muBhaibheri nezvekushandisa kwakaita Jehovha simba rake kudzorera upenyu kumunhu akafa. Jehovha akapawo simba rakadaro kuna Erisha, Jesu, Pauro, uye Petro kuti vamutse vakafa. Tinoziva zvedu kuti vakamutswa ivava vakazongofa zvakare. Kunyange zvakadaro, nhoroondo idzodzo dzemuBhaibheri dzinotiratidza zvinhu zvinoshamisa zviri kumberi.

22 MuParadhiso, Jesu achazadzisa zvaakataura paakati: “Ndini rumuko neupenyu.” (Johani 11:25) Achamutsa zviuru nezviuru zvevanhu, achivapa mukana wekurarama nekusingaperi muParadhiso pasi pano. (Johani 5:28, 29) Fungidzira zvichaita hama neshamwari pavachaonana pashure penguva refu vakaparadzaniswa nerufu, vachimbundirana, vachifara kunge vachabata denga! Kushandisa kuchaita Jehovha simba rake kumutsa vakafa kuchaita kuti vanhu vese vamurumbidze.

23. Ndeipi nzira yakakura kupfuura dzimwe dzese yakaratidzwa nayo simba naJehovha, uye izvozvo zvinotipa sei chivimbo chakasimba chekuti tariro yedu yeramangwana ichazadziswa?

23 Jehovha ane zvaakaita zvinotipa chivimbo chakasimba chekuti tariro iyoyo ichazadziswa. Achiratidza simba rake nenzira yakakura kupfuura zvaakamboita, akamutsa Mwanakomana wake, Jesu, ava chisikwa chemweya chine simba guru risina ani naani anomupfuura kunze kwaJehovha chete. Pane mazana evanhu akapupurira kuti Jesu akanga amutswa zvechokwadi. (1 VaKorinde 15:5, 6) Kunyange kune vanoshora, uchapupu ihwohwo hahurambiki. Jehovha ane simba rekudzorera vanhu vanenge vafa upenyu.

24. Chii chinotipa chivimbo chekuti Jehovha achamutsa vakafa, uye mumwe nemumwe wedu ane tariro yekuona chii chichiitika?

24 Jehovha ane simba rekumutsa vakafa, asi kuwedzera ipapo, anotova nechido chekuzviita. Murume akatendeka Jobho achifemerwa, akataura kuti Jehovha anotosuwa vakafa zvekuti ane chido chakasimba chekuvamutsa. (Jobho 14:15) Haunzwi uchiswededzwa pedyo naMwari wedu here, uyo ane chido chekushandisa simba rake nenzira inoratidza rudo zvakadaro? Asi yeuka kuti rumuko haisi iyo nzira yega ichashandiswa naJehovha simba rake rekudzorera zvinhu pazvaiva mune ramangwana. Pauri kuramba uchiswedera pedyo naye, gara uine tariro yekuti uchavapo uchiona Jehovha achiita “kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.”—Zvakazarurwa 21:5.

a “Nguva ichadzorerwa zvinhu zvese” yakatanga pakagadzwa Umambo hwaMesiya uyo akagara nhaka yamambo akanga akatendeka, Dhavhidhi. Jehovha akanga avimbisa Dhavhidhi kuti munhu aizomugara nhaka aizotonga nekusingaperi. (Pisarema 89:35-37) Asi kubvira pakaparadzwa Jerusarema neumambo hweBhabhironi muna 607 B.C.E., hapana munhu wedzinza raDhavhidhi akazombogara pachigaro chaMwari cheUmambo. Jesu, uyo akaberekerwa mudzinza raDhavhidhi pasi pano, ndiye akazova Mambo weUmambo hwaMwari kudenga sezvakanga zvagara zvavimbiswa.

b Vamwe vevaprofita vakataura nezvenyaya iyi ndiMozisi, Isaya, Jeremiya, Ezekieri, Hosiya, Joeri, Amosi, Obhadhiya, Mika, uye Zefaniya.