Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 10

“Ivai Vatevedzeri vaMwari” Pamashandisiro Amunoita Simba

“Ivai Vatevedzeri vaMwari” Pamashandisiro Amunoita Simba

1. Vanhu vane simba vanowanzobatwa nemusungo upi nyore nyore?

 “KANA munhu akangova nesimba hapamboshayiki kamusungo kanenge kakamuhwandira.” Mashoko iwayo akanyorwa nemumwe mudetembi akararama makore ekuma1800. Anoratidza musungo unowanzobata vanhu vese vane masimba, kushandisa simba zvisiri izvo. Zvinorwadza kuziva kuti vazhinji vane simba vakabatwa nemusungo iwoyo. Munhoroondo yese yevanhu, ‘munhu anotonga munhu achimubata zvakaipa.’ (Muparidzi 8:9) Kushandiswa kwesimba pasina rudo kwakonzera kutambura kwevanhu kusingatauriki.

2, 3. (a) Chii chinoshamisa pamashandisiro anoita Jehovha simba rake? (b) Simba redu rinogona kusanganisira zvinhu zvipi, uye tinofanira kurishandisa sei?

2 Asi chinoshamisa ndechekuti Jehovha Mwari, uyo ane simba risingaperi, haatomborishandisi zvisiri izvo. Muzvitsauko zvakapfuura takaona kuti anogara achishandisa simba rake zvinoenderana nechinangwa chake cherudo, ringava simba rekusika, rekuparadza, rekudzivirira, kana kuti rekudzorera zvinhu pazvaiva. Patinofungisisa nezvemashandisiro aanoita simba rake, tinonzwa tichida kuswedera pedyo naye. Izvozvo zvinogona kuzotikurudzirawo kuva “vatevedzeri vaMwari” pamashandisiro atinoita simba redu. (VaEfeso 5:1) Asi isu vanhuwo zvavo venyama tine simba ratiinaro here?

3 Yeuka kuti munhu akasikwa “nemufananidzo waMwari.” (Genesisi 1:26, 27) Saka nesuwo tine simba, kunyange zvazvo ringasaenzana nerake. Simba redu rinogona kusanganisira kukwanisa kwatinoita kuita zvinhu zvakadai sekushanda; kuva nemasimba kana chiremera pamusoro pevamwe vanhu; simba rekuita zvinhu zvinoita kuti vamwe vade kutitevedzera, zvikuru vaya vari pedyo nesu; simba chairo remuviri wedu; uye pfuma yedu. Mumwe munyori wepisarema akati nezvaJehovha: “Kwamuri ndiko kunobva upenyu.” (Pisarema 36:9) Saka tinogona kuti simba rese ratiinaro takaripiwa naJehovha kana kuti akatibvumira kuva naro. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kurishandisa nenzira inomufadza. Tingazviita sei?

Rudo Ndirwo Runokosha

4, 5. (a) Chii chinokosha pakushandisa simba zvakanaka, uye tinozviona sei pamashandisiro anoita Jehovha simba rake? (b) Rudo runooneka sei pamashandisiro atinoita simba redu?

4 Rudo ndirwo runokosha pakushandisa simba zvakanaka. Tinogona kuona kuti ichi ichokwadi patinotarisa zvinoitwa naJehovha pachake. Yeuka zvatakakurukura muChitsauko 1 kuti Jehovha ndiMwari ane simba, anotonga zvakarurama, ane uchenjeri, uye rudo. Ndechipi chikuru pane zvese? Rudo. Pana 1 Johani 4:8 panoti: “Mwari rudo.” Kureva kuti Jehovha pachake rudo; ndirwo musimboti wezvese zvaanoita. Saka pese paanoratidza simba rake zvinenge zvichibva parudo, uye anozviitira vaya vanomuda.

5 Isuwo rudo ruchatibatsira kuti tishandise simba redu zvakanaka. Bhaibheri rinotiudza kuti rudo “rune mutsa” uye “harutsvagi zvakarunakira.” (1 VaKorinde 13:4, 5) Saka kana tiine rudo hatizobati zvisina kunaka vaya vangave vari pasi pedu. Panzvimbo pekudaro tichabata vamwe neruremekedzo, tichifunga zvakavanakira, uye kuti vanonzwawo sei.—VaFiripi 2:3, 4.

6, 7. (a) Chii chinonzi kutya Mwari, uye kunotibatsira sei kushandisa simba redu zvakanaka? (b) Ipa muenzaniso unoratidza kuti kutya Mwari kwakabatana sei nekumuda.

6 Rudo rwakabatana nechimwezve chinhu chingatibatsira kushandisa simba zvakanaka, kutya Mwari. Kutya Mwari kunokosha zvakadini? Pana Zvirevo 16:6 panoti, “kutya Jehovha kunoita kuti munhu abve pane zvakaipa.” Zvechokwadi kushandisa simba zvisiri izvo chimwe chezvinhu zvakaipa zvatinofanira kusiyana nazvo. Kutya Mwari kuchatidzora kuti tisabata vamwe vangave vari pasi pedu zvakaipa. Nei tichifanira kudaro? Chikonzero chikuru ndechekuti tinoziva kuti tichazvidavirira kuna Mwari pamusoro pemabatiro atinoita vanhu vakadaro. (Nehemiya 5:1-7, 15) Asi kutya Mwari hakungogumiri ipapo. Shoko rakashandurwa muBhaibheri kuti “kutya” rinowanzoreva kuremekedza Mwari zvakadzama. Saka Bhaibheri rinobatanidza kutya Mwari nekumuda. (Dheuteronomi 10:12, 13) Kutya Mwari uku kunobva pakumuremekedza; kunosanganisira kutya kumugumbura nekuti tinomuda, kwete nekuti tinenge tichitya matambudziko atinozosangana nawo kana tamutadzira.

7 Funga muenzaniso wekamukomana nababa vako. Mwana wacho anonyatsoziva kuti baba vake vanomuda zvechokwadi. Asi anozivawo kuti vane zvavasingadi, uye kuti kana akaita misikanzwa vanomuranga. Mwana wacho haagari achingotya baba vake. Anotovada zvikuru. Anofarira kuita zvinhu zvinofadza baba vake. Ndizvo zvazviriwo kana tichitya Mwari. Sezvo tichida Baba vedu vekudenga, Jehovha, tinotya kuita chero chinhu chingavarwadza. (Genesisi 6:6) Chido chedu ndechekufadza mwoyo wavo. (Zvirevo 27:11) Ndosaka tichida kushandisa simba redu zvakanaka. Ngationei kuti tingazviita sei.

Mumhuri

8. (a) Varume vakapiwa masimba api mumhuri, uye vanofanira kuashandisa sei? (b) Murume angaratidza sei kuti anokudza mudzimai wake?

8 Ngatimbotangai nemumhuri. VaEfeso 5:23 inoti, “murume ndiye musoro wemudzimai wake.” Murume anofanira kushandisa sei masimba aya akaiswa paari naMwari? Bhaibheri rinoti kuvarume: “Rambai muchigara nemadzimai enyu nekuziva. Vabatei nerukudzo sezvamunoita mudziyo usina kusimba.” (1 Petro 3:7) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “rukudzo” rinoreva “mutengo, ukoshi, . . . ruremekedzo.” Rinomboshandiswa pamashoko akadai sekuti “zvipo” kana kutsanangura munhu “anokosha.” (Mabasa 28:10; 1 Petro 2:7) Murume anokudza mudzimai wake haazombomurovi, kana kumunyadzisa, zvichiita kuti azvione seasingakoshi. Anoziva kuti anokosha, saka anomubata neruremekedzo. Anomuratidza kuti anokosha nezvaanotaura uye zvaanoita, vangava vari vega kana kuti pane vanhu. (Zvirevo 31:28) Murume akadaro anodiwa nemudzimai wake uye anomuremekedza, asi chinotonyanya kukosha ndechekuti anofarirwa naMwari.

Varume nemadzimai vanoshandisa simba ravo zvakanaka kana vachiratidzana rudo uye ruremekedzo

9. (a) Madzimai ane simba rei mumhuri? (b) Chii chichabatsira mudzimai kushandisa unyanzvi hwake kutsigira murume wake, uye izvozvo zvakanakirei?

9 Madzimai ane simbawo mumhuri. Bhaibheri rinotaura nezvevakadzi vaitya Mwari, vakapa mazano akabatsira varume vavo kana kuti akaita kuti varume vavo vasaite zvimwe zvinhu zvaizokanganisa mhuri, asi vakazviita vasingapfuuri miganhu yekuziva kuti musoro wemba ndiani. (Genesisi 21:9-12; 27:46–28:2) Mudzimai anogona kunge aine pfungwa dzakapinza kupfuura dzemurume wake, kana kuti achigona zvimwe zvinhu kumupfuura. Asi anofanira “kuremekedza murume wake zvikuru” uye kuzviisa pasi pake “sezvaanoita kunaShe.” (VaEfeso 5:22, 33) Kuisa pfungwa dzake pakufadza Mwari kuchaita kuti mudzimai ashandise unyanzvi hwake kutsigira murume wake pane kumushora kana kumutonga. ‘Mukadzi akachenjera’ saizvozvo anoshandira pamwe nemurume wake kuti avake mhuri. Izvi zvichaita kuti ave nerugare naMwari.—Zvirevo 14:1.

10. (a) Mwari akapa vabereki masimba ekuita sei? (b) Shoko rekuti “kuranga” rinorevei, uye mwana anofanira kurangwa sei? (Onawo mashoko emuzasi.)

10 Vabereki vane masimba avakapiwawo naMwari. Bhaibheri rinovakurudzira kuti: “Vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi varerei muchivaranga uye muchivarayira sezvinodiwa naJehovha.” (VaEfeso 6:4) MuBhaibheri, shoko rekuti “kuranga” rinogona kureva “kurera, kudzidzisa, kurayira.” Vana vanoda kurangwa, uye kana vachiisirwa miganhu yakanaka uye vachipiwa mitemo yakanyatsojeka, vanokura zvakanaka. Bhaibheri rinoratidza kuti vana vanofanira kurangwa uye kurayirwa zvine rudo. (Zvirevo 13:24) Saka “shamhu yekurayira” haifaniri kutomboshandiswa kushungurudza mwana kana kumukuvadza. a (Zvirevo 22:15; 29:15) Kuranga mwana zvisina tsitsi nerudo kunogona kuita kuti mwana aore mwoyo. (VaKorose 3:21) Asi kana mwana achirangwa zvakanaka anobva aona kuti vabereki vake vanomuda uye vane chido chekuti akure zvakanaka.

11. Vana vangashandisa sei simba ravo zvakanaka?

11 Ko vana vangashandisa sei simba ravo zvakanaka? Zvirevo 20:29 inoti: “Kukudzwa kwemajaya ndiro simba rawo.” Pangava here neimwe nzira ingashandiswa nemunhu wechidiki simba rake inopfuura kushumira ‘Musiki wedu Anokudzwa?’ (Muparidzi 12:1) Vechidiki vanofanira kuyeuka kuti zvavanoita zvinogona kufadza kana kugumbura vabereki vavo. (Zvirevo 23:24, 25) Kana vana vachiteerera vabereki vavo, voramba vachifamba munzira yakarurama, vanofadza mwoyo yevabereki vavo. (VaEfeso 6:1) “Izvi zvinofadza Ishe zvikuru.”—VaKorose 3:20.

Muungano

12, 13. (a) Vakuru vanofanira kuona sei masimba avakapiwa muungano? (b) Ipa muenzaniso unoratidza kuti nei vakuru vachifanira kubata makwai neunyoro.

12 Jehovha akaita kuti pave nevatariri vanotungamirira muungano yechiKristu. (VaHebheru 13:17) Varume ava vanofanira kushandisa masimba avakapiwa naMwari kuti vabatsire makwai ake kuti arambe ari pedyo naye. Kana vachinzi vakuru zvinoreva here kuti vanofanira kuva semadzishe ehama dzavo? Kwete! Vakuru vanofanira kukoshesa basa ravo muungano asi havafaniri kuzozvikudza. (1 Petro 5:2, 3) Bhaibheri rinoudza vatariri kuti: “Mufudze ungano yaMwari, yaakatenga neropa reMwanakomana wake.” (Mabasa 20:28) Ipapa ndipo pane chikonzero chikuru chekubata makwai neunyoro.

13 Tinogona kuzvifananidza nekuchengeteswa neshamwari yako chimwe chinhu chainokoshesa. Unoziva kuti chinhu ichocho chakaidhurira zvakadini. Handizvo here kuti unochibata nekungwarira uchinyatsochichengetedza? Izvozvo ndizvo zvakaitwawo naMwari kuvakuru; akaisa mumaoko avo ungano yake yaanokoshesa, iyo yaanofananidza nemakwai. (Johani 21:16, 17) Makwai aJehovha anokosha kwaari zvekuti akaatenga neropa rinokosha reMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu. Pane mumwe mutengo unopfuura ipapo waangadai akabhadhara here? Vakuru vanozvininipisa vanogara vachiyeuka izvozvo pamabatiro avanoita makwai aMwari.

“Simba Rerurimi”

14. Rurimi rune simba rekuita sei?

14 Bhaibheri rinoti: “Rufu neupenyu zviri musimba rerurimi.” (Zvirevo 18:21) Zvechokwadi rurimi runogona kukanganisa zvinhu zvakawanda. Ndiani wedu asati amborwadziswa nekutaurirwa mashoko anorwadza kana kuti asina kufungwa? Asi rurimi rune simba rekuporesawo. Zvirevo 12:18 inoti: “Rurimi rweakachenjera runoporesa.” Izvi zvinoreva kuti mashoko akanaka uye anovaka, anogona kurapa oita kuti mwoyo unyevenuke sezvinoita ganda rikazorwa mafuta. Ngationei kuti izvozvo zvinodaro sei.

15, 16. Tingashandisa sei rurimi kukurudzira vamwe?

15 Pana 1 VaTesaronika 5:14, Bhaibheri rinotikurudzira kuti, “Munyaradze vaya vakaora mwoyo.” Kunyange vashumiri vaJehovha vakatendeka dzimwe nguva vanomboorawo mwoyo. Tingabatsira sei vanhu vakadaro? Funga nezvechimwe chinhu chavari kuita zvakanaka wovarumbidza nezvacho kuti uvabatsire kuona kuti vanokosha kuna Jehovha. Verenga navo mavhesi eBhaibheri anonyaradza anoratidza kuti Jehovha ane hanya navo uye anoda “vakaora mwoyo” uye “vaya vakasuruvara.” (Pisarema 34:18) Patinoshandisa simba rerurimi rwedu kunyaradza vamwe, tinenge tichiratidza kuti tinotevedzera Mwari wedu ane tsitsi, “anonyaradza vakaora mwoyo.”—2 VaKorinde 7:6.

16 Tinogona kushandisawo simba rerurimi rwedu kukurudzira vamwe vanenge vari mumatambudziko. Pane hama yedu yechiKristu yakafirwa here? Tinogona kumunyaradza kana tikataura naye tichiratidza kumunzwira tsitsi uye tichiratidza kuti tinomuda. Pane hama kana hanzvadzi yakura iri kuona sekuti vanhu havasisina basa nayo here? Mashoko aunotaura uchiratidza kuti wanyatsofunga nezvavo, anowanzopa vanhu vechikuru chivimbo chekuti vanokosha uye vanodiwa. Pane mumwe munhu ane dambudziko rechirwere chisingarapiki here? Kungovafonera, kuvanyorera mashoko anonyaradza, kana kuvashanyira kunogona kuvasiya vakurudzirwa. Musiki wedu anofanira kunge achifara zvikuru paanoona tichishandisa simba redu rerurimi kutaura mashoko ‘akanaka anovaka.’—VaEfeso 4:29.

17. Ndeipi nzira inokosha yatingashandisa nayo rurimi rwedu kubatsira vamwe, uye nei tichifanira kudaro?

17 Hakuna imwe nzira yekushandisa nayo simba rerurimi inokosha kupfuura kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Zvirevo 3:27 inoti: “Usarega kuitira zvakanaka vaya vanoda kubatsirwa kana uchikwanisa kubatsira.” Tine chikwereti kune vamwe chekuvaudza mashoko akanaka anoponesa. Kungava kukanganisa chaiko kana tikachengeta mashoko atakapiwa naJehovha kuti tiasvitse kuvanhu nekukurumidza. (1 VaKorinde 9:16, 22) Asi Jehovha anoda kuti tishande nesimba zvakadini pakuudza vamwe mashoko akanaka?

Kuparidza mashoko akanaka ndiyo nzira yakanakisisa yekushandisa simba redu

Kushumira Jehovha ‘Nesimba Redu Rese’

18. Jehovha anotarisirei kwatiri?

18 Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti tiite ushumiri hwedu nemwoyo wese. Jehovha anotarisira kuti tiite zvakadini basa iri? Zvaanotarisira hapana mumwe wedu anozvitadza kunyange tiri mumamiriro api zvawo ezvinhu. Bhaibheri rinoti: “Zvese zvamunoita, zviitei nemweya wese sekunge muri kuitira Jehovha, kwete vanhu.” (VaKorose 3:23) Achitaura murayiro mukuru pane yese, Jesu akati: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.” (Mako 12:30) Jehovha anotarisira kuti mumwe nemumwe wedu amude uye amushumire nemwoyo wese.

19, 20. (a) Sezvo shoko rekuti mweya richisanganisira mwoyo wedu, pfungwa dzedu, nesimba redu, nei zvimwe izvi zvichizotaurwawo pana Mako 12:30? (b) Kushumira Jehovha nemweya wese kunorevei?

19 Zvinorevei kushumira Mwari nemweya wese? Mweya zvinoreva munhu wacho wese sezvaari, kusanganisira pfungwa dzake, nesimba rake. Sezvo mweya uchisanganisira mwoyo, pfungwa, nesimba, nei zvimwe izvi zvichitaurwa pana Mako 12:30? Funga nezvemuenzaniso uyu. Kare ikako munhu aigona kuzvitengesa, kureva kutengesa mweya wake, ova muranda. Asi zvaigona kuitika kuti muranda iyeye atadze kushandira tenzi wake nemwoyo wese, atadze kushandisa simba rake rese kana kuti pfungwa dzake dzese pakuita zvido zvatenzi wake. (VaKorose 3:22) Saka Jesu anofanira kunge akataura zvimwe izvi achida kusimbisa pfungwa yekuti hapana chatinofanira kusiya pakushumira kwedu Mwari. Kushumira Mwari nemweya wese kunoreva kuzvipira zvakazara, tichiita zvese zvatinogona kushandisa simba redu mubasa rake.

20 Kushumira nemweya wese kunoreva here kuti tese tinofanira kuita nguva yakaenzana muushumiri? Hazvingamboiti nekuti mamiriro edu ezvinhu uye zvatinokwanisa zvinosiyana-siyana. Munhu wechidiki achiri kuzvinzwa anogona kuita nguva yakawanda muushumiri kupfuura munhu akura ane nyama dzisingachadi. Munhu asina mhuri anokwanisa kuita zvakawanda kupfuura uya ane mhuri. Kana tiine simba uye mamiriro ezvinhu anotibvumira kuita zvakawanda muushumiri, tinofanira kutenda Mwari zvikuru! Asi hatizodi kuva nepfungwa dzekutsoropodza vamwe, tichivaenzanisa nezvatinoita. (VaRoma 14:10-12) Tinoda kushandisa simba redu kukurudzira vamwe.

21. Ndeipi nzira yakanakisisa uye inokosha kupfuura dzese yekushandisa nayo simba redu?

21 Jehovha akatiratidza chinonzi kushandisa simba zvakanaka. Kunyange zvazvo tiri vanhu vanotadza, tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti timutevedzere. Tinogona kushandisa simba redu zvakanaka nekubata vaya vari pasi pedu neruremekedzo. Tinodawo kushanda nemweya wese pakuita basa richaita kuti vanhu vazopona rekuparidza ratakapiwa naJehovha. (VaRoma 10:13, 14) Yeuka kuti Jehovha anofadzwa paunoita zvakanakisisa zvaunokwanisa. Handizvo here kuti mumwoyo mako unoda kuita zvese zvaunogona pakushumira Mwari wedu ane rudo uye anonzwisisa? Hapana nzira yekushandisa nayo simba rako inopfuura iyoyo.

a Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “shamhu” raireva tsvimbo yaishandiswa nemufudzi kutungamirira makwai ake. (Pisarema 23:4) Saka “shamhu yekurayira” inoreva masimba akapiwa mubereki ekuti atungamirire nerudo, kwete kuranga zveutsinye.