Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 2

‘Jehovha Anoda Zvakarurama’

‘Jehovha Anoda Zvakarurama’

Kusabatwa kwevanhu zvakanaka kwakazara munyika nhasi, uye vakawanda vanorasika vachipa Mwari mhosva yacho. Asi Bhaibheri rine chokwadi chinofadza charinodzidzisa chekuti ‘Jehovha anoda . . . zvakarurama.’ (Pisarema 37:28) Muchikamu chino tichadzidza kuti akaratidza sei kuti mashoko iwayo ndeechokwadi, achipa tariro kuvanhu vese.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 11

“Nzira Dzake Dzese Dzakarurama”

Nei kutonga kwaMwari zvakarurama kuchiita kuti timude?

CHITSAUKO 12

“Mwari Haatongi Zvakarurama Here?”

Kana Jehovha achivenga zvinhu zvisina kururama, nei zvakazara munyika?

CHITSAUKO 13

“Mutemo waJehovha Wakakwana”

Bumbiro remutemo rinogona kukurudzira sei vanhu kuti varatidze rudo?

CHITSAUKO 14

Jehovha Anoita Urongwa Hwekuti “Adzikinure Vanhu Vazhinji”

Nyaya yerudzikinuro inoita seisina kuoma kunzwisisa, asi mashandiro arwunoita anoshamisa zvikuru uye rwunotibatsira kuswedera pedyo naMwari.

CHITSAUKO 15

Jesu Achaita “Kuti Panyika Pave Nekururama”

Jesu akatsigira sei kutonga kwaJehovha zvakarurama munguva yakapfuura? Ari kuzviita sei iye zvino? Uye achazviita sei mune ramangwana?

CHITSAUKO 16

‘Ita Zvakarurama’ Pakufamba naMwari

Kutonga zvakarurama kunosanganisira maonero edu panyaya yemaonero atinoita zvakarurama nezvisina, uyewo mabatiro atinoita vamwe.