Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 11

“Nzira Dzake Dzese Dzakarurama”

“Nzira Dzake Dzese Dzakarurama”

1, 2. (a) Josefa akabatwa sei? (b) Jehovha akaruramisa sei mabatirwo akaitwa Josefa?

 ZVAAKAITIRWA zvakanga zvisina kana kumbonaka. Jaya iroro rakanga rakatsvinda rakanga risina mhosva yarapara, asi rakangoona rapfigirwa, richipomerwa mhosva yekubata chibharo. Aka kakanga kasiri kekutanga kuti abatwe zvakadaro. Paakanga achiine makore 17, mukomana uyu, Josefa, akapotsa aurayiwa nevakoma vake, avo vakazomutengesa. Pavakamutengesa akava muranda kune imwe nyika. Ari ikoko akaramba zvaidiwa nemudzimai watenzi wake uyo airamba achimunetsa achida kuti vaite upombwe. Mukadzi uyu akaronga kumupomera zvenhema, zvikaita kuti Josefa akandwe mujeri. Chinorwadza ndechekuti hapana aigona kumiririrawo Josefa.

2 Asi Mwari, uyo “anoda kururama uye kutonga zvakarurama,” aizviona. (Pisarema 33:5) Jehovha akatora matanho ekuti agadzirise nyaya iyi yakanga isina kutongwa zvakanaka, akafambisa zvinhu zvekuti Josefa akazopedzisira asunungurwa. Hazvina kungogumira pakubudiswa chete; murume uyu wekumbokandwa mujeri, akatozopedzisira ava nebasa repamusorosoro uye ava kukudzwa zvikuru. (Genesisi 40:15; 41:41-43; Pisarema 105:17, 18) Zvakazonyatsobuda pachena kuti Josefa akanga asina mhosva, uye akazoshandisa chinzvimbo chake kufambisira mberi chinangwa chaMwari.—Genesisi 45:5-8.

Josefa haana kubatwa zvakanaka paakaiswa mujeri

3. Nei zvisingatishamisi kuti tese tinoda kubatwa zvakanaka uye zvakarurama?

3 Nyaya dzakaita seiyi dzinotibata-bata tese, handizvo here? Ndiani wedu asati ambobatwa zvisina kunaka, kana kuona vamwe vachizviitirwa? Chokwadi ndechekuti tese tinoda kubatwa zvakanaka uye zvakarurama. Izvi hazvishamisi nekuti takasikwa nemufananidzo waJehovha, uye kubata vanhu zvakarurama chimwe chezvinhu zvikuru zvaanoratidza. (Genesisi 1:27) Kuti tinyatsoziva Jehovha, tinofanira kunzwisisa maonero aanoita kubata vamwe zvakarurama uye kutonga zvakarurama. Kana tadaro tinenge tava kukwanisa kunzwisisa nzira dzake dzakarurama, zvoita kuti tide kuswedera pedyo naye.

Kutonga Zvakarurama Kunorevei?

4. Vanhu vanonzwisisa sei chinonzi kutonga zvakarurama?

4 Kwatiri isu vanhu, kana zvichinzi munhu atongwa zvakarurama, panenge patevedzerwa mutemo, pasingaitwe zvechizivano. Rimwe bhuku rinotsanangura kuti “kutonga zvakarurama kwakabatana nemutemo, nekodzero, kuchiita kuti vanhu vabatwe zvakaenzana uye zvinoenderana nezvavanenge vaita.” Asi kutonga kwaJehovha hakungogumiri pakutarisa kuti mutemo unoti chii nekungoutevedzera.

5, 6. (a) Mashoko emutauro wakashandiswa pakatanga kunyorwa Bhaibheri ayo anowanzoshandurwa kuti “kutonga zvakarurama” anorevei? (b) Zvinorevei kuti Mwari anotonga zvakarurama?

5 Tinogona kunyatsonzwisisa kutonga kwaJehovha zvakarurama kana tikanyatsoongorora mashoko acho mumutauro wakashandiswa pakatanga kunyorwa Bhaibheri. MuMagwaro echiHebheru, pfungwa iyi inobudiswa nemashoko matatu. Rimwe shoko racho rinogonawo kushandurwa richibudisa pfungwa yekuti “kutonga zvakarurama” kana kuti “chinhu chakarurama.” (Genesisi 18:25) Mamwe mashoko acho anowanzoshandurwa achinzi “kururama.” MuMagwaro echiKristu echiGiriki, shoko rinoshandurwa kuti “kururama” rinorondedzerwa richireva “kuva munhu akati twasu anoita zvakarurama.” Saka shoko rinoshandurwa richinzi kutonga zvakarurama nerinoshandurwa richinzi “munhu akarurama,” anoreva zvakada kufanana.—Amosi 5:24.

6 Izvi zviri kureva kuti kana Bhaibheri richitiudza kuti Mwari anotonga zvakarurama zviri kureva kuti iye akarurama pazvese zvaanoita uye haasaruri. (VaRoma 2:11) Hazvitomboiti kuti aite zvinopesana naizvozvo. Murume akanga akatendeka, Erihu, akambotaura kuti: “Hazviiti zvachose kuti Mwari wechokwadi aite zvakaipa, uye kuti Wemasimbaose atadze!” (Jobho 34:10) Zvechokwadi Jehovha haakwanisi kuita zvakaipa. Nei asingakwanisi kuita zvakaipa? Pane zvikonzero zviviri zvinokosha.

7, 8. (a) Nei Jehovha asingakwanisi kuita zvinhu zvisina kururama? (b) Chii chinoita kuti Jehovha abate vanhu zvakarurama?

7 Chekutanga, Mwari mutsvene. Sezvatakakurukura muChitsauko 3, Jehovha mutsvene zvakakwana uye akarurama. Saka haakwanisi kuita zvinhu zvisina kururama. Funga kuti izvozvo zvinorevei. Utsvene hwaBaba vedu vekudenga hunotipa chivimbo chekuti haatombobati vana vake zvisina kukodzera. Jesu aiva nechivimbo chakadaro. Pausiku hwake hwekupedzisira pasi pano, akanyengetera achiti: “Baba Vatsvene, vachengetedzei nekuda kwezita renyu.” (Johani 17:11) MuBhaibheri, mashoko ekuti “Baba Vatsvene” anongoshandiswa achireva Jehovha chete. Izvi zvakakodzera nekuti pakati pedu isu vanhu, hakuna baba vangaenzana naMwari pautsvene. Jesu aitenda zvakakwana kuti hapana chaizoitika kuvadzidzi vake vari mumaoko maBaba, avo vakachena zvakakwana uye vakaparadzana nechivi zvachose.—Mateu 23:9.

8 Chechipiri, Mwari ane rudo uye anoita zvinhu zvese achifunga zvakanakira vamwe. Rudo rwakadaro runoita kuti abate vanhu zvakarurama. Kubata vanhu zvisina kururama, uko kunosanganisira kusarura mumwe munhu zvichibva paganda rake, rudzi rwake, kana kuti zvaari, kunowanzokonzerwa nekungozvifunga uye makaro, izvo zvinonyatsopesana nerudo. Bhaibheri rinotaura nezvaMwari werudo richiti: “Nekuti Jehovha akarurama; anoda mabasa akarurama.” (Pisarema 11:7) Jehovha pachake anoti: “Ini Jehovha, ndinoda zvakarurama.” (Isaya 61:8) Hazvitinyaradze here kuziva kuti Mwari wedu anofarira kuita zvakarurama?—Jeremiya 9:24.

Jehovha Ane Tsitsi Uye Anotonga Zvakarurama

9-11. (a) Kutonga kwaJehovha zvakarurama kunofambirana sei netsitsi dzake? (b) Mabatiro anoita Jehovha vanhu vanotadza anoratidza sei matongero ake zvakarurama uye tsitsi dzake?

9 Kutonga kwaJehovha zvakarurama kwakakwana, sezvaanongoita pane zvimwe zvinhu zvese, zvekuti hapana kana patingamboti apa hapana kururama. Mozisi akarumbidza Jehovha achiti: “Iye iDombo, basa rake rakakwana, nekuti nzira dzake dzese dzakarurama. NdiMwari akatendeka, asingaiti zvisina kururama; iye akarurama uye akatendeseka.” (Dheuteronomi 32:3, 4) Pese panotonga Jehovha anenge akarurama zvakakwana, hapana paanonzwira tsitsi dzisina kufanira, uye hapana paanozoranga zvakapfurikidza.

10 Kutonga kwaJehovha zvakarurama kwakabatana netsitsi dzake. Pisarema 116:5 inoti: “Jehovha ane tsitsi uye akarurama; Mwari wedu ane ngoni.” Jehovha ane tsitsi uye anotonga zvakarurama. Tsitsi dzake hadzimutadzise kutonga zvakarurama. Haashandise tsitsi dzake kudira mvura mitongo yaanopa, sekunge kuti dai dzisipo mitongo yake yaizopfuura mwero. Tsitsi dzake nekutonga kwake zvakarurama zvinongoshanda pamwe chete, kana kutoratidzwa panguva imwe chete. Chimbofunga nezvemuenzaniso unotevera.

11 Sezvo vanhu vese vakaberekerwa muchivi, vakakodzera mubayiro werufu. (VaRoma 5:12) Asi Jehovha haafariri kufa kwevatadzi. Iye ndiMwari “akagadzirira kukanganwira, ane tsitsi nengoni.” (Nehemiya 9:17) Asi kunyange zvakadaro, sezvo ari mutsvene, haangosiyi zvinhu zvisina kururama zvichiitwa. Saka anoratidza sei tsitsi kuvanhu vakaberekerwa muchivi? Mhinduro yacho iri parudzikinuro rwakapiwa naJehovha kuti vanhu vapone, chinova ndicho chimwe chechokwadi chinokosha chiri muShoko raMwari. Tichanyatsodzidza zvimwe nezveurongwa uhwu hwerudo muChitsauko 14. Urongwa uhwu hunoratidza zvese zviri zviviri, kutonga zvakarurama uye tsitsi dzake. Uhwu ndihwo urongwa hunoshandiswa naJehovha kuratidza tsitsi kuvatadzi vanopfidza, uku asingabvi pakutonga kwake zvakarurama.—VaRoma 3:21-26.

Kutonga kwaJehovha Zvakarurama Kunozorodza

12, 13. (a) Nei matongero aJehovha ichiita kuti tide kuswedera pedyo naye? (b) Dhavhidhi akasvika pakuziva chii nezvaJehovha, uye zvingatinyaradza sei?

12 Matongero aJehovha haasi ekuti tinofanira kumutya, asi anototiswededza pedyo naye. Bhaibheri rinorondedzera zvakajeka kuti kururama kwaJehovha anokuratidza netsitsi uye murudo. Ngatimboonai mienzaniso inoratidza kuti anozviita sei.

13 Kutonga kwaJehovha zvakarurama kunoita kuti ave akatendeka uye akavimbika kuvashumiri vake. Munyori wepisarema Dhavhidhi akasvika pakunzwisisa izvozvo nezvaJehovha. Zvakaitika kwaari uye kudzidza kwake Shoko raMwari zvakaita kuti asvike pakutaura kuti: “Jehovha anoda kutonga zvakarurama, uye haazosiyi vanhu vake vakavimbika. Vacharamba vakachengetedzwa.” (Pisarema 37:28) Mashoko aya anonyaradza zvikuru! Mwari wedu haazomborasi vanhu vakavimbika kwaari chero zvodini. Saka tinogara tichiziva kuti anogara ari pedyo nesu uye achitichengetedza. Tinoziva izvi nekuti ndiMwari anotonga zvakarurama!—Zvirevo 2:7, 8.

14. Mutemo wakapiwa vaIsraeri naJehovha unoratidza sei kuti ane hanya nevakaderera uye vakadzvinyirirwa?

14 Kutonga kwaMwari zvakarurama kunoita kuti afunge nezvevanhu vanenge vachitambudzika. Mutemo wakapiwa vaIsraeri naJehovha unoratidza kuti ane hanya nevanhu vakadzvinyirirwa. Tinogona kuona izvi pakuti Mutemo waichengetedza sei chirikadzi nenherera. (Dheuteronomi 24:17-21) Achiziva kuti upenyu hunogona kuomera zvakadini mhuri dzakadaro, Jehovha akaratidza kuti iye pachake ndiye aizova Mutongi wavo uye Mudziviriri wavo, “anotonga zvakarurama nyaya dzenherera nechirikadzi.” a (Dheuteronomi 10:18; Pisarema 68:5) Jehovha akaudza vaIsraeri kuti kana vakatambudza vakadzi nevana vasina mudziviriri aitoti avanzwe kana vakachema kwaari. Akataura kuti: “Ndichatsamwa kwazvo.” (Eksodho 22:22-24) Kunyange zvazvo Jehovha asingadi kunyanya kuzivikanwa nenyaya yehasha, anotsamwa kana akaona vanhu vachibatwa zvisina kunaka, zvikurukuru vaya vakaderera uye vasina anovabatsira.—Pisarema 103:6.

15, 16. Jehovha anoratidza sei kuti haasaruri?

15 Jehovha anotivimbisawo kuti iye ndiMwari “asina waanosarura uye asingabvumi chiokomuhomwe.” (Dheuteronomi 10:17) Jehovha akasiyana nevanhu vane masimba, avo vanowanzokurirwa nekuda pfuma kana kukoshesa zvakaita munhu nechekunze. Haana rusaruro zvachose. Chimwe chinoratidza izvozvo ndechekuti mukana wekuva vanamati vake vechokwadi, vane tariro yekurarama nekusingaperi, unowanikwa nevanhu vese kwete nevapfumi nevakakurumbira chete. “Anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.” (Mabasa 10:34, 35) Mukana uyu unoshamisa unowanikwa nevanhu vese pasinei nemukurumbira wavo, ganda ravo, kana kuti nyika yavanobva. Chokwadi uku ndiko kunonzi kutonga zvakarurama.

16 Jehovha anobata sei vatadzi vanenge vatyora mitemo yake yakarurama? Iyi ndiyo imwe nzira yaanoratidza nayo kuti anotonga zvakarurama sezvatava kuda kuongorora.

Haaregi Kupa Chirango

17. Tsanangura kuti nei zvinhu zvisina kururama zviri panyika pano zvisingarevi kuti Jehovha haatongi zvakarurama.

17 Vamwe vangabvunza kuti: ‘Kana Jehovha asingadi zvinhu zvisina kururama, ko zvino sei munyika makazara kutambura neuori?’ Uipi hwese ihwohwo hautomborevi kuti Jehovha haana kururama. Kusabatwa kwevanhu zvakanaka kwakazara munyika iye zvino kunokonzerwa nechivi chakabva kuna Adhamu. Sezvo vanhu vakasarudza nzira dzavo dzechivi, zvinhu zvisina kururama zvakawandisa, asi hazvisi kuzoramba zvakadaro.—Dheuteronomi 32:5.

18, 19. Chii chinoratidza kuti Jehovha haasi kuzosiya vanhu vachityora mitemo yake nemaune nekusingaperi?

18 Kunyange zvazvo Jehovha achinzwira tsitsi vaya vanoswedera pedyo naye nemwoyo wese, haasi kuzosiya zvinhu zvinosvibisa zita rake dzvene nekusingaperi. (Pisarema 74:10, 22, 23) Mwari akarurama haasi wekuseka; haasi kuzodzivirira vanhu vanotadza nemaune pachirango chakakodzerana navo. Jehovha ndiMwari “ane ngoni netsitsi, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, nechokwadi, . . . asi haazombosiyi munhu ane mhosva asina kurangwa.” (Eksodho 34:6, 7) Achiita zvinoenderana nemashoko aya, Jehovha pane dzimwe nguva akaona zvakakodzera kuti aparadze vanhu vanotyora mitemo yake nemaune.

19 Tinoona izvozvo pamabatiro aakaita vaIsraeri. Kunyange pavakanga vanyatsogadzikana muNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vakaramba vachidzokera kumaitiro avo ekusatendeka. Kunyange zvazvo “vaimurwadzisa” nenzira dzavo, haana kukurumidza kuvarasa. (Pisarema 78:38-41) Airamba achiratidza tsitsi nekuvapa mikana yekuchinja nzira dzavo. Akavateterera achiti: “Handifariri kuti munhu akaipa afe, asi ndinoda kuti asiye nzira yake, oramba achirarama. Tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nekuti mungadirei kufa, imi imba yaIsraeri?” (Ezekieri 33:11) Nekukoshesa kwaanoita upenyu, Jehovha akatumira atumirazve vaprofita vake kuvaIsraeri achida kuti vatendeuke panzira dzavo dzakaipa. Asi vazhinji vavo nekuomesa mwoyo, vakaramba kuteerera uye kutendeuka. Achiitira zita rake dzvene nezvese zvarinomiririra, Jehovha akazopedzisira avarega vachitapwa nevavengi vavo.—Nehemiya 9:26-30.

20. (a) Mabatiro akaita Jehovha vaIsraeri anotidzidzisei nezvake? (b) Nei shumba iri pakati pezvinhu zvinoratidzira kuvapo kwaJehovha uye chigaro chake?

20 Mabatiro akaita Jehovha vaIsraeri anotidzidzisa zvakawanda nezvake. Tinodzidza kuti kana vanhu vachiita zvisina kururama, maziso ake anozviona zvese, uye zvinomubata-bata zvikuru. (Zvirevo 15:3) Zvinotikurudzirawo kuziva kuti anotsvaga mikana yekuratidza tsitsi pazvinenge zvakakodzera. Tinodzidzawo kuti haangopi mutongo zvekukurumidzira. Vamwe pavanoona mwoyo murefu waJehovha, vanobva vatofunga kuti haasi kuzotonga vanhu vakaipa. Asi ichocho hachisi chokwadi, nekuti zvakaitwa naMwari kuvaIsraeri zvinotidzidzisa kuti mwoyo murefu wake une paunogumira. Jehovha haabve pakururama kwake. Haamboshayiwi ushingi hwekuita zvakarurama sezvinoitwa nevanhu vanopedzisira vatonga zvisina kururama nekutya. Ndosaka shumba, iyo inofananidzira ushingi hwaMwari pakutonga zvakarurama, iri pakati pezvinhu zvinoratidzira kuvapo kwaJehovha uye chigaro chake. b (Ezekieri 1:10; Zvakazarurwa 4:7) Saka tine chokwadi chekuti achazadzisa zvaakavimbisa kuti achabvisa kusarurama kwese kuri pasi pano. Kureva kuti matongero ake anogona kupfupikiswa nemashoko anotevera: chirango pachinenge chichidiwa, kunzwira tsitsi pese pazvinenge zvakakodzera.—2 Petro 3:9.

Kuswedera Pedyo naMwari Anotonga Zvakarurama

21. Patinofungisisa matongero anoita Jehovha zvakarurama tinofanira kumuona sei, uye nei tichifanira kumuona saizvozvo?

21 Patinofunga nezvaJehovha semutongi, hatifaniri kungomuona semutongi anongofunga nezvekupa mitongo yakaoma kune vanotadza. Tinofanira kufunga nezvake saBaba vasingadi kubva pane zvakarurama vachibata vana vavo nenzira yakanakisisa inokwanisika. SaBaba vakarurama, Jehovha haabvi pane zvakarurama, asiwo ane tsitsi nevana vake vanenge vachida kubatsirwa uye kukanganwirwa.—Pisarema 103:10, 13.

22. Kutonga kwaJehovha zvakarurama kwakaita kuti atipe tariro yei, uye nei achitibata saizvozvo?

22 Tinofara zvikuru kuziva kuti kutonga kwaMwari hakurevi kungoranga vanenge vatadza! Sezvo achitonga zvakarurama, Jehovha akaita kuti tive netariro inofadza zvikuru yeupenyu husingaperi munyika itsva, “muchagara muine kururama.” (2 Petro 3:13) Mwari wedu anotibata seizvi nekuti kutonga kwake ndekwekutsvaga kuponesa kwete kupa mhosva. Chokwadi kunyatsonzwisisa matongero aJehovha zvakarurama kunotiswededza pedyo naye! Muzvitsauko zvinotevera, tichanyatsoona kuti Jehovha anoratidza sei kuti anotonga zvakarurama.

a Jehovha ane hanya nevana vese vasina vabereki, vangava vakomana kana vasikana. MuMutemo mune mutongo wakapiwa naJehovha panyaya yevanasikana vaZerofehadhi achivapa kodzero yekuwana nhaka. Mutongo iwoyo wakava muenzaniso, uchichengetedza kodzero dzevanasikana nherera.—Numeri 27:1-8.

b Sezvineiwo, Jehovha anozvifananidza neshumba pakutonga vaIsraeri vasina kutendeka.—Jeremiya 25:38; Hosiya 5:14.