Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 12

“Mwari Haatongi Zvakarurama Here?”

“Mwari Haatongi Zvakarurama Here?”

1. Tinogona kunzwa sei kana mumwe munhu akabatwa zvisina kunaka?

 CHIRIKADZI yakwegura inotsotswa mari yayakaunganidza kweupenyu hwayo hwese. Kamwana kacheche kasina zvakanoziva kanoraswa naamai vane mwoyo wakashata. Mumwe murume anokandwa mujeri pasina chaapara. Unonzwa sei nenyaya dzese idzi? Pamwe dzese hadzo dzinokubata-bata, uye tinozvinzwisisa. Vanhu tagara tinoda zvakanaka uye tinovenga zvakaipa. Panobatwa mumwe munhu zvisina kunaka, zvinotigumbura. Tinoda kuti atadzirwa aripwe uye kuti atadza wacho arangwe. Kana izvozvo zvikasaitika, tinowanzozvibvunza kuti: ‘Mwari haasi kuonawo zviri kuitika here? Sei ari kungozvitarisa?’

2. Habhakuki akaita sei paakaona zvinhu zvisina kururama, uye nei Jehovha asina kumugumbukira?

2 Kubva kare nakare, vashumiri vaJehovha vakatendeka vagara vachibvunza mibvunzo yakadai. Mumwe akadaro ndiHabhakuki uyo akanyengetera kuna Mwari achiti: “Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvakaipa? Nei muchingosiya udzvinyiriri huripo? Nei ndichingogara ndichiona kuparadzwa kwezvinhu nemhirizhonga? Uye nei paine kupopotedzana nekunetsana kwakanyanya kudai?” (Habhakuki 1:3) Jehovha haana kutsiura Habhakuki kuti ari kumubvunzirei zvinhu zvakadaro, nekuti ndiye akaisa muvanhu pfungwa yekuda zvakarurama. Jehovha akatikomborera nekutiita kuti tikwanisewo kuona kuti ichi chakanaka, ichi chakaipa, kunyange zvazvo tisingazosviki hedu paari.

Jehovha Anovenga Kubatwa Kwevanhu Zvisina Kururama

3. Nei tingati Jehovha anotoziva nezvekubatwa kwevanhu zvisina kururama kupfuura zvatinoita?

3 Jehovha anozviziva kuti panyika vanhu vari kubatwa zvisina kunaka. Anoona zviri kuitika. Bhaibheri rinotaura nezvemazuva aNoa richiti: “Jehovha akaona kuti uipi hwemunhu hwakanga hwanyanya panyika uye kuti zvese zvaaifunga uye zvaiva mumwoyo make zvakanga zvakangoipa nguva dzese.” (Genesisi 6:5) Funga kuti mashoko iwayo anorevei. Kazhinji isu tinongonzwisisa chinonzi kubatwa zvisina kururama kubva panyaya dzatinonzwa vamwe vachitaura, kana kuti pane zvinenge zvaitika kwatiri pachedu. Asi Jehovha anoziva zvinenge zvichiitika pasi rese. Anozviona zvese! Kuwedzera ipapo, anonyatsonzwisisa kuipa kwemwoyo yevanhu, panova ndipo panobva pfungwa yekuzobata vamwe zvisina kunaka.—Jeremiya 17:10.

4, 5. (a) Bhaibheri rinoratidza sei kuti Jehovha ane hanya nevaya vanobatwa zvisina kururama? (b) Panyaya yekubatwa zvisina kururama Jehovha pachake akarwadziswa sei?

4 Asi Jehovha haangogumiri pakungoziva chete kuti vanhu vanobatwa zvisina kunaka. Anotova nehanya nevanenge vabatwa zvisina kunaka vacho. Pakabatwa vanhu vake neutsinye nedzimwe nyika, Jehovha akarwadziwa “nekugomera kwavaiita kwaikonzerwa nevaya vaivadzvinyirira nevaya vaivaitira utsinye.” (Vatongi 2:18) Pamwe wakacherechedza kuti kana vamwe vanhu vakaramba vachiona vanhu vachibatwa zvisina kunaka, vanopedzisira vajairira kuzviona zvekuti vanenge vasisina tsitsi nevari kuzviitirwa. Asi Jehovha haadaro! Ava makore 6 000, Jehovha achingoona vanhu vachibatwa zvisina kururama, asi haana kumbochinja mavengero aanozviita. Bhaibheri rinotiudza kuti anovenga “rurimi runoreva nhema,” “maoko anodeura ropa risina mhosva,” uye “chapupu chenhema chinongotaura zvekunyepa chete.”—Zvirevo 6:16-19.

5 Fungawo kuti Jehovha akatsoropodza zvakadini vatungamiriri veIsraeri vakanga vasingatongi zvakarurama. Akafemera muprofita wake kuvabvunza kuti: “Hamufaniri kunge muchiziva zvinhu zvakarurama here?” Pashure pekurondedzera mashandisiro avaiita simba ravo zvisiri izvo, Jehovha akavaudza zvaizoitika kwavari achiti: “Vachashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire, asi haazovapinduri. Achavavanzira chiso chake panguva iyoyo nemhaka yemabasa avo akaipa.” (Mika 3:1-4) Zvechokwadi Jehovha anovenga kubatwa kwevanhu zvisina kururama! Haangambotadza kudaro nekuti iye pachake anozviitirwawo! Ava nezviuru zvemakore achingoshorwa naSatani. (Zvirevo 27:11) Jehovha akatowedzera kurwadziswa paakaona Mwanakomana wake, uyo ‘asina kuita chivi,’ achiurayiwa semunhu apara mhosva, chinova chiito chakaipisisa chekubatwa kwemunhu zvisina kururama. (1 Petro 2:22; Isaya 53:9) Saka zviri pachena kuti Jehovha anozviona uye anobatwa-batwa nazvo kana vanhu vachibatwa zvisina kururama.

6. Tinowanzoita sei patinobatwa zvisina kururama, uye nei tichidaro?

6 Asi patinoona mumwe munhu achibatwa zvisina kunaka, kana kuti isu tikabatwa zvisina kunaka, zvinongova matiri kuti tinoshatirwa. Takasikwa nemufananidzo waMwari, uye kusarurama kunopesana zvachose naJehovha. (Genesisi 1:27) Saka nei Mwari achibvumira kuti zvisina kururama zviitike?

Nyaya Inokosha Yekodzero yaMwari Yekutonga

7. Tsanangura kuti zita raJehovha rakasvibiswa sei uye kuti nzira yake yekutonga yakashorwa sei.

7 Mhinduro yemubvunzo uyu yakabatana nenyaya yekodzero yaMwari yekutonga. Sezvataona, Musiki ane kodzero yekutonga nyika nevanhu vese vanogara pairi. (Pisarema 24:1; Zvakazarurwa 4:11) Asi vanhu vachangosikwa, zita raJehovha rakasvibiswa, uye akapomerwa kuti nzira yake yekutonga haina kururama. Izvi zvakaitika sei? Jehovha akapa munhu wekutanga, Adhamu, murayiro wekuti asadya muchero wemumwe muti waiva mumunda weEdheni. Chii chaizoitika kana akasateerera? Mwari akamuudza kuti “chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:17) Murayiro waMwari wakanga usingaomeseri Adhamu nemudzimai wake Evha. Asi kunyange zvakadaro, Satani akakwanisa kuita kuti Evha afunge kuti Mwari akanga achivaomesera. Saka akamuudza kuti chii chaizoitika kana Evha akadya muchero wacho? Satani akaudza Evha zviri pachena kuti: “Chokwadi hamumbofi. Nekuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”—Genesisi 3:1-5.

8. (a) Mashoko aSatani kuna Evha airevei? (b) Chii chakarambwa naSatani nezveutongi hwaMwari?

8 Mashoko akataurwa naSatani aireva kuti Jehovha akanga audza Evha mashoko achisiyirira anokosha acho, uye kuti akanga amurevera nhema. Muedzi akaita kuti Evha asava nechokwadi naMwari ane zita rekuti Jehovha. Saka izvi zvakaitwa naSatani zvaishoresa zita raMwari. Akashorawo kodzero yaJehovha yekutonga uye matongero ake. Nekunyatsongwarira Satani haana kuramba kuti Jehovha ndiye mutongi wezvinhu zvese. Chaakaramba ikodzero yaJehovha yekutonga uye kuti kutonga kwake kwakarurama. Zvakangofanana nekuti aiti Jehovha akanga asiri kutonga zvakarurama uye zvakanakira vanhu vaanotonga.

9. (a) Kusateerera kwaAdhamu naEvha kwakavasvitsa papi, uye mibvunzo ipi yakabva yamuka? (b) Nei Jehovha asina kungoparadza vapanduki vacho?

9 Adhamu naEvha vakabva vatyora mutemo wavakanga vapiwa, vakadya muchero wavakarambidzwa. Kusateerera kwavo kwakaita kuti vakodzere chirango cherufu sezvavakanga vaudzwa naMwari. Nhema dzaSatani dzakamutsa mibvunzo inokosha. Ichokwadi here kuti Jehovha ane kodzero yekutonga vanhu, kana kuti vanhu vanofanira kuzvitonga vega? Matongero anoita Jehovha akanyatsonakira vanhu vaanotonga here? Jehovha aigona kungoshandisa simba rake risingaenzaniswi kuparadza vavengi vake pakare ipapo. Asi mibvunzo yakamutswa yakanga isinei nesimba raMwari; yaiva nechekuita nezita rake uye nzira yake yekutonga. Saka kuparadza Adhamu, Evha, naSatani kwakanga kusingazoratidzi kuti utongi hwaMwari hwakarurama. Izvozvo zvaigona kutozowedzera kutsigira pfungwa yekuti kutonga kwake hakuna kururama. Saka nzira yaingovapo yekuratidza kuti vanhu vanogona kuzvitonga vasingatungamirirwi naMwari here, yaiva kumbovasiya vachizvitonga.

10. Kuzvitonga kwaita vanhu vega kwabudisa chokwadi chipi?

10 Kusiyiwa kwevanhu vachizvitonga kwabudisa pachena chokwadi chipi? Kwezviuru nezviuru zvemakore vanhu vaedza mhando dzakasiyana-siyana dzeutongi kubvira pane dzinotongwa namambo, dzinogadzwa neruzhinji rwevanhu, uye dzimwe dzinongogadzwa neboka diki revagari vemunyika macho, nedzimwewo. Zvadzaita izvi zvinonyatsoratidza chokwadi chemashoko emuBhaibheri ekuti ‘munhu anotonga munhu achimubata zvakaipa.’ (Muparidzi 8:9) Regai muprofita Jeremiya azoti: “Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yemunhu haisi yake. Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.”—Jeremiya 10:23.

11. Nei Jehovha akarega vanhu vachiita zvinhu zvaizovaunzira matambudziko?

11 Jehovha akagara achitoziva kuti kana vanhu vakazvitonga vega zvaizoguma nekutambura kwakanyanya. Saka hakusi kusarurama here kusiya vanhu vachitora nzira yaaiziva kuti yaizokundikana? Kwete! Ngatitii une mwana ane chirwere chinogona kumuuraya ari kufanira kuvhiyiwa. Unoziva kuti acharwadziwa uye iwe zvinotokurwadzawo. Asi unozivawo kuti kana avhiyiwa achange ava neutano huri nani. Ndizvo zvakaitawo Mwari, nekuti aiziva kuti kubvumira kwaaita vanhu kuti vazvitonge kwaizovaunzira nhamo nematambudziko, uye izvi akagara azvitaura. (Genesisi 3:16-19) Asi aizivawo kuti rusununguko rwechokwadi rwaizovapo kana abvumira vanhu kuti vaone vega kuti kumupandukira kwakaipa zvakadini. Izvi zvichabva zvagadzirisa nyaya yacho zvachose, nekusingaperi.

Nyaya Yekuti Munhu Akaperera Zvakadini Kuna Mwari

12. Zvakaitika kuna Jobho zvinoratidza kuti Satani anopomerei vanhu?

12 Pane chimwezve chikonzero chakaita kuti Mwari asiye kusarurama kuchienderera mberi. Satani paakashora kodzero yaMwari uye kururama kweutongi hwake akanga asiri kungoshora kodzero yaJehovha nezita rake chete, asi akanga ari kutoshorawo kuperera kwevashumiri vake. Izvi tinozviona pamashoko aakataura kuna Jehovha nezvemurume akarurama Jobho, achiti: “Handiti makamupoteredza neruzhowa pamwe chete nemba yake nezvinhu zvese zvaainazvo? Makakomborera basa remaoko ake, uye zvipfuwo zvake zvakaita fararira panyika. Asi chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu murove zvinhu zvese zvaainazvo, uye achakutukai chete, pamberi penyu chaipo.”—Jobho 1:10, 11.

13. Satani airevei nezvaakapomera Jobho, uye izvi zvinobata-bata sei vanhu vese?

13 Satani akapomera Jehovha kuti ari kushandisa simba rake rekudzivirira kutenga Jobho kuti azvipire kwaari. Izvi zvairevawo kuti kuperera kwaJobho kwaingova kwekubata kumeso, achinamata Mwari kuti angowana zvaaida. Satani aitaura kuti kana Mwari akatorera Jobho zvinhu zvaainge amukomborera nazvo, aizotuka Musiki wake. Satani aiziva kuti Jobho aiva nemukurumbira wakanaka wekuva “murume akarurama uye asina chaanopomerwa, anotya Mwari uye anosiyana nezvakaipa.” a Satani aiva nechokwadi chekuti kana akakwanisa kubvisa Jobho pana Mwari, aizokwanisa kuzviita kuvanhu vese. Saka Satani aireva kuti vanhu vese vanoshumira Mwari havazviiti nekuti vanomuda. Satani akatoratidza kuti akanga asingarevi munhu mumwe chete paakati kuna Jehovha: “Munhu achapa zvese zvaainazvo achiitira upenyu hwake.”—Jobho 1:8; 2:4.

14. Tikaongorora nhoroondo yevanhu, tinoonei nezvemashoko akapomerwa vanhu naSatani?

14 Tikaongorora nhoroondo yevanhu tinoona, kuti kune vakawanda vakaramba vakaperera kuna Jehovha pavaisangana nemiedzo, zvichiratidza kuti Satani aireva nhema. Kutendeka kwavo kwakaita kuti mwoyo waJehovha ufare, uye izvi zvakaita kuti Jehovha ave nemhinduro kumashoko aSatani ekuzvikudza ekuti vanhu vachasiya kunamata Mwari kana vaomerwa. (VaHebheru 11:4-38) Vanhu vakarurama vakaramba kusiya Jehovha. Kunyange pavanosangana nematambudziko anopedza simba, vanobva vatowedzera kuvimba naJehovha kuti avape simba rekutsungirira.—2 VaKorinde 4:7-10.

15. Mubvunzo upi watingava nawo pamusoro pemitongo yakapiwa naJehovha uye yaachapa?

15 Asi kuratidza kwaJehovha kuti anotonga zvakarurama hakungogumiri panyaya yekodzero yake yekutonga uye yekuperera kwevanhu chete. Bhaibheri rine nhoroondo yemitongo yakapiwa naJehovha kune vamwe vanhu uye kunyange kudzimwe nyika. Mariri tinowanawo mitongo yaachapa mune ramangwana. Chii chingatipa chivimbo chekuti mitongo yakapiwa naJehovha yakanga yakarurama, uye kuti kunyange yaachapa ichange yakarurama?

Kutonga kwaMwari Kwakakwirira

Jehovha haazomboparadzi “vakarurama pamwe chete nevakaipa”

16, 17. Ndezvipi zvakaitika zvinoratidza kuti vanhu havagoni kunyatsonzwisisa chinonzi kutonga zvakarurama?

16 Bhaibheri rinoti nezvaJehovha: “Nzira dzake dzese dzakarurama.” (Dheuteronomi 32:4) Izvi hazvigoni kutaurwa nezvaani naani wedu nekuti chivi chiri matiri chinotitadzisa kunyatsonzwisisa kuti zvakarurama ndezvipi. Funga nezvaAbrahamu. Akateterera kuna Jehovha kuti Sodhomu rirege kuparadzwa, pasinei nekuti rakanga rakazara neuipi. Akabvunza Jehovha kuti: “Mungaparadza vakarurama pamwe chete nevakaipa here?” (Genesisi 18:23-33) Mhinduro yaiva pachena ndeyekuti kwete. Jehovha akatozonayisa “sarufa nemoto paSodhomu neGomora” Roti nevanasikana vake vasvika zvakanaka kuguta reZoari. (Genesisi 19:22-24) Asi Jona haana kufunga saizvozvo nekuti “akatsamwa kwazvo” pakanzwirwa tsitsi vanhu vemuNinivhi naMwari. Sezvo Jona akanga atozivisa nezvekuparadzwa kwavo, hapana chaizomunetsa dai aizoona vachiparadzwa vese, kunyange vatendeuka nemwoyo wese.—Jona 3:10–4:1.

17 Jehovha akavimbisa Abrahamu kuti paanopa mutongo wake haangoparadzi vakaipa chete asi anochengetedzawo vakarurama. Asi Jona aitofanira kudzidza kuti Jehovha ane tsitsi. Kana vakaipa vakasiya nzira dzavo, iye ‘akagadzirira kukanganwira.’ (Pisarema 86:5) Jehovha akasiyana nevanhu vanenge vachida kuchengetedza zvinzvimbo zvavo pakuti haapi mutongo unorwadza achida kuratidza kuti ane simba, kana kurega kunzwira tsitsi achityira kuti anozodhererwa. Anonzwira tsitsi pese paanoona paine chikonzero chakanaka chekudaro.—Isaya 55:7; Ezekieri 18:23.

18. Bhaibheri rinoratidza sei kuti Jehovha haangopi mutongo nekungonzwira tsitsi zvisina musoro?

18 Asi Jehovha haangonzwiri tsitsi zvisina musoro. Vanhu vake pavakanga vanyura mukunamata zvidhori, Jehovha akavaudza zvakasimba kuti: “Ndichakutonga zvinoenderana nenzira dzako, ndoita kuti uzvidavirire pamabasa ako ese anosemesa. Ziso rangu harizokunzwiri urombo; uye handizonzwi tsitsi, nekuti ndichaunza pauri zvinoenderana nezvawakaita, uye uchatambura nemhaka yemabasa ako anosemesa.” (Ezekieri 7:3, 4) Saka kana vanhu vanyura mumaitiro akaipa, Jehovha anotonga zvinoenderana nezviito zvavo. Asi anenge achizviita zvichitsigirwa neuchapupu hwakasimba. Ndokusaka Jehovha paakanzwa kuchema kwaiitwa pamusoro peSodhomu neGomora, akati: “Ndichaburuka kuti ndione kana kuchema kwakasvika kwandiri nezvezvavari kuita chiri chokwadi.” (Genesisi 18:20, 21) Tinotenda zvikuru kuti Jehovha haana kufanana nevanhu vazhinji vanokurumidza kupa mutongo vasati vawana mashoko ese! Regai Bhaibheri rizoti nezvaJehovha, “ndiMwari akatendeka, asingaiti zvisina kururama.”—Dheuteronomi 32:4.

Iva Nechivimbo Chekuti Jehovha Anotonga Zvakarurama

19. Tingaite sei kana tiine mibvunzo pamusoro pematongero akaita Jehovha dzimwe nyaya?

19 Bhaibheri harititsananguriri kuti nei Jehovha akapa mutongo mumwe nemumwe, uye harititsananguririwo kuti achatonga sei munhu mumwe nemumwe mune ramangwana. Kana paine imwe nhoroondo kana kuti uprofita huri muBhaibheri zvatisinganzwisisi nekuti pane mamwe mashoko asina kutaurwa, tinogona kuratidza kuvimbika sekwemuprofita Mika, uyo akanyora kuti: “Ndichamirira Mwari weruponeso rwangu.”—Mika 7:7.

20, 21. Chii chinotipa chivimbo chekuti Jehovha achagara achiita zvakarurama?

20 Tine chokwadi chekuti Jehovha anoita zvakarurama pamamiriro ese ezvinhu. Kunyange paya patinoona sekuti vanhu vari kungosiya zvakaipa zvichiitika, Jehovha anovimbisa kuti: “Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza.” (VaRoma 12:19) Kana tikamirira Jehovha, tichanyatsova nechokwadi sezvakanga zvakaita Pauro uyo akanyora kuti: “Mwari haatongi zvakarurama here? Kwete, handizvo!”—VaRoma 9:14.

21 Asi iye zvino tiri kurarama munguva “dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri.” (2 Timoti 3:1) Kubatwa kwevanhu zvisina kunaka uye “mabasa ese eudzvinyiriri,” zviri kuita kuti vanhu vakawanda vaitirwe utsinye. (Muparidzi 4:1) Asi Jehovha haana kuchinja. Achiri kuvenga kubatwa kwevanhu zvisina kururama, uye anonzwira tsitsi zvikuru vari kubatwa saizvozvo. Kana tikaramba takavimbika kuna Jehovha neutongi hwake, achatipa simba rekutsungirira zvakaipa zvese, kusvikira nguva yaachazviruramisa mukutonga kweUmambo hwake.—1 Petro 5:6, 7.

a Jehovha akati nezvaJobho: “Hakuna akafanana naye panyika.” (Jobho 1:8) Saka Jobho anofanira kunge akararama Josefa afa uye Mozisi asati ava mutungamiriri weIsraeri. Ndokusaka panguva iyoyo zvaigona kunzi hapana munhu akanga akaperera kuna Mwari saJobho.