Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 14

Jehovha Anoita Urongwa Hwekuti “Adzikinure Vanhu Vazhinji”

Jehovha Anoita Urongwa Hwekuti “Adzikinure Vanhu Vazhinji”

1, 2. Bhaibheri rinoti vanhu vari mumamiriro ezvinhu akaita sei, uye ndeipi nzira imwe chete yekubuda nayo?

 “ZVISIKWA zvese zviri kungogomera pamwe chete uye zviri kurwadziwa pamwe chete.” (VaRoma 8:22) Mashoko aya emuapostora Pauro anoratidza kuti tiri mumamiriro ezvinhu anonzwisa tsitsi zvakadini. Kana tichitarisa nyaya iyi isu vanhu, tinoona sepasina pekubuda napo pakutambura kwatiri kuita, pachivi, uye parufu. Asi Jehovha haasi munhu zvekuti angapererwe nezano. (Numeri 23:19) Sezvo achitonga zvakarurama, Mwari akatiitira urongwa hwekuti tibude mudambudziko redu. Urongwa ihwohwo hunonzi rudzikinuro.

2 Rudzikinuro ndicho chipo chikuru pazvipo zvese zvakapiwa vanhu naJehovha. Ndirwo runoita kuti tikwanise kusunungurwa muchivi nerufu. (VaEfeso 1:7) Ndipo panobva tariro yedu yekurarama nekusingaperi, kungava kudenga kana kuti muparadhiso pasi pano. (Ruka 23:43; Johani 3:16; 1 Petro 1:4) Asi chii chinombonzi rudzikinuro? Rwunotidzidzisei pamusoro pekutonga kwaJehovha zvakarurama?

Chakaita Kuti Rudzikinuro Rwudiwe

3. (a) Chii chakaita kuti pazodiwa rudzikinuro? (b) Nei Mwari asina kungonzwira vana vaAdhamu tsitsi obvisa chirango cherufu?

3 Chakaita kuti rudzikinuro rwudiwe chivi chakaitwa naAdhamu. Kusateerera Mwari kwakaitwa naAdhamu, kwakaita kuti apfuudzire kuvana vake zvirwere, kusuwa, marwadzo, nerufu. (Genesisi 2:17; VaRoma 8:20) Mwari aisagona kungonzwira vanhu tsitsi obvisa chirango cherufu. Dai akaita izvozvo aizotyora mutemo wake pachake unoti: “Mubayiro wechivi ndirwo rufu.” (VaRoma 6:23) Kutyora mitemo yake pachake yekutonga zvakarurama, kwaizoita kuti pave nenyonganyonga nekusateerera mutemo pasi nekudenga!

4, 5. (a) Satani akasvibisa sei zita raMwari, uye nei Jehovha aitofanira kupindura kupomerwa kwaakaitwa? (b) Satani akati chii nezvevashumiri vaJehovha vakavimbika?

4 Sezvatakaona muChitsauko 12, kupanduka kwaAdhamu kwakamutsa dzimwe nyaya dzakatokura. Satani akasvibisa zita raMwari rakanaka. Akapomera Jehovha kuti murevi wenhema uye mutongi ane utsinye anonyima zvisikwa zvake rusununguko. (Genesisi 3:1-5) Kuvhiringidza kwaakaita chinangwa chaMwari chekuti nyika izare nevanhu vakarurama kwakaita kuti Mwari aonekwe seakundikana. (Genesisi 1:28; Isaya 55:10, 11) Dai Jehovha akarega kupindura kupomera kwese uku, zvisikwa zvake zvizhinji zvaisazovimba neutongi hwake.

5 Satani akataurawo zvakaipa nezvevashumiri vaJehovha vakavimbika, achiti vanoshumira Jehovha kuti vawane zvimwe zvinhu uye kuti kana vakaomerwa, hapana aizoramba achishumira Jehovha akavimbika. (Jobho 1:9-11) Nyaya idzi dzaikosha zvikuru kupfuura matambudziko ese evanhu. Jehovha akaona zvakanyatsokodzera kuti apindure nyaya idzi dzaaipomerwa naSatani. Asi Mwari aizopindura sei nyaya idzi, uku achiponesa vanhu?

Rudzikinuro Runoenzanirana Nezvakakanganiswa

6. Ndeapi mamwe mashoko anoshandiswa muBhaibheri ekurondedzera nzira yaMwari yekuponesa nayo vanhu?

6 Magadzirisiro akaita Jehovha nyaya idzi anoratidza tsitsi dzisingaenzaniswe uye kutonga kwake zvakarurama kwakakwirira zvikuru, zvekuti hakuna munhu aigona kunge akafunga kugadzirisa nyaya idzi nenzira iyoyo. Nzira yaakasarudza inoratidza uchenjeri hunonwisa mvura, asi iri nyore kunzwisisa. Nzira iyi inowanzotaurwa nezvayo ichinzi mutengo, kutenga, uye kuyananisa. (Pisarema 49:8; VaGaratiya 3:13; VaKorose 1:20; VaHebheru 2:17) Asi pamwe shoko rinonyatsorondedzera nzira iyi nemazvo nderakashandiswa naJesu pachake. Akati Mwanakomana wemunhu akauya “kuzoshumira nekupa upenyu hwake kuti adzikinure [kubva pashoko rechiGiriki, lyʹtron] vanhu vazhinji.”—Mateu 20:28.

7, 8. (a) Shoko rekuti “rudzikinuro” rinorevei muMagwaro? (b) Rudzikinuro rwunobudisa sei pfungwa yekuenzana?

7 Chii chinonzi rudzikinuro? Shoko racho rechiGiriki rinobva pashoko rechiito rinoreva “kusunungura, kubudiswa.” Shoko iri raishandiswa richireva mari yaibviswa kuti vanhu vainge vasungwa muhondo vasunungurwe. Saka tinogona kuti rudzikinuro mutengo unobhadharwa kuti munhu awanezve chinhu chaanga arasikirwa nacho. MuMagwaro echiHebheru, shoko rekuti “rudzikinuro” (koʹpher) rinobva pashoko rinoreva “kufukidza.” Ndiro rakashandiswa naMwari paaiudza Noa kuti aifanira ‘kunama’ areka netara. (Genesisi 6:14) Izvi zvinotibatsira kunzwisisa kuti kudzikinura kunoreva kufukidza zvivi.—Pisarema 65:3.

8 Rimwe bhuku rinonzi Theological Dictionary of the New Testament rinotaura kuti shoko iri (koʹpher) “pese parinoshandiswa rinoreva chinhu chakaenzana,” kana kuti chinoenderana nechinenge chichifukidzwa chacho. Saka kuti vanhu vadzikinurwe, kana kuti chivi chavo chifukidzwe, panodiwa mutengo unonyatsoenderana kana kuti unonyatsofukidza zvinhu zvakakanganiswa nechivi. Ndokusaka Mutemo waMwari kuvaIsraeri waitaura kuti: “Upenyu huchatsiviwa neupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko neruoko, tsoka netsoka.”—Dheuteronomi 19:21.

9. Nei varume vaitenda muna Mwari vaipa zvibayiro zvemhuka, uye Jehovha aizviona sei?

9 Varume vaitenda muna Mwari kubvira kuna Abheri zvichienda mberi vaipa Mwari zvibayiro zvemhuka. Pavaiita izvozvo vairatidza kuti vaiziva kuti vane chivi uye vaida kudzikinurwa, uye vairatidzawo kuti vaitenda zvakanga zvavimbiswa naMwari kuti aizovasunungura achishandisa “mwana” wake. (Genesisi 3:15; 4:1-4; Revhitiko 17:11; VaHebheru 11:4) Jehovha akafarira zvibayiro izvozvo uye akagamuchira vanhu vaizvipa sevanamati vake. Asi zvibayiro zvemhuka, zvaitongogona kushanda sechinhu chiri kufanobatsira. Mhuka dzaisagona kufukidza zvivi zvevanhu nekuti upenyu hwadzo hwakaderera pane hwevanhu. (Pisarema 8:4-8) Ndosaka Bhaibheri richiti: “Hazviiti kuti ropa remombe nerembudzi ribvise zvivi.” (VaHebheru 10:1-4) Zvibayiro zvakadaro zvaingofananidzira chibayiro cherudzikinuro chaizouya.

“Rudzikinuro Runoenzanirana Nevanhu Vese”

10. (a) Mudzikinuri aifanira kuenzana naani, uye nei zvaifanira kunge zvakadaro? (b) Nei chibayiro chemunhu mumwe chete chaikwana?

10 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Vese vari kufa muna Adhamu.” (1 VaKorinde 15:22) Saka rudzikinuro rwaifanira kuva rufu rwemunhu chaiye akaenzana naAdhamu. (VaRoma 5:14) Hapana chimwe chisikwa chaigona kuenzanisa chikero chaMwari chekutonga zvakarurama. Paitongodiwa munhu akaita sezvakanga zvakaita Adhamu asati atadza, munhu asiri pasi pechirango cherufu, kuti ave “rudzikinuro runoenzanirana nevanhu vese.” (1 Timoti 2:6) Saka pakanga pasingadiwe zviuru nezviuru zvevanhu vasina chivi kuti vapiwe sezvibayiro zvinoenzana nemumwe nemumwe wevana vaAdhamu. Muapostora Pauro akatsanangura kuti: “Chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu rwakapinda nechivi.” (VaRoma 5:12) Uye sezvo “rufu rwakauya kuburikidza nemunhu,” Mwari akaita kuti kudzikinurwa kwevanhu kuuyewo “kuburikidza nemunhu.” (1 VaKorinde 15:21) Akazviita sei?

“Rudzikinuro runoenzanirana nevanhu vese”

11. (a) Kuzvipira kufa kwaizoita kuti mudzikinuri aite sei? (b) Nei Adhamu naEvha vakanga vasingakwanisi kubatsirwa nerudzikinuro? (Ona mashoko emuzasi.)

11 Jehovha akaronga kuti munhu akanga akafanana naAdhamu paakanga asati atadza, azvipire kuuya kuzopa upenyu hwake sechibayiro. Maererano naVaRoma 6:23, “mubayiro wechivi ndirwo rufu.” Paaizozvipira kufa, mudzikinuri aizoravira “rufu nekuda kwemunhu wese.” Kureva kuti aizoripa mubayiro wechivi chaAdhamu. (VaHebheru 2:9; 2 VaKorinde 5:21; 1 Petro 2:24) Panyaya dzemutemo, izvi zvaizobatsira zvikuru. Kubviswa kwakaitwa chirango cherufu pavana vaAdhamu kwakaita kuti rudzikinuro rwudzure chivi nesimba racho kubva pamudzi wacho chaipo. aVaRoma 5:16.

12. Ipa muenzaniso unoratidza kuti kubhadharwa kwechikwereti chimwe chete kunogona kubatsira sei vanhu vakawanda.

12 Fungidzira kuti unogara mune rimwe guta rine vanhu vanoshanda pane imwe kambani hombe. Iwe nevavakidzani vako ndipo pamunoshanda uye muri kubhadharwa zvakanaka, muchirarama upenyu hwakanaka. Asi mumwe musi kambani iya inovharwa. Ko chii chaitika? Maneja wekambani yacho akapindwa nepfungwa yakaipa akaba mari, zvikaita kuti kambani ibhuroke. Musingatombozvifungiri mava marovha uye hamuchakwanisi kubhadhara zvinhu zvinodiwa pakurarama. Pamusana pemunhu mumwe chete iyeye vakawanda vanopinda mudambudziko, kusanganisira madzimai enyu, vana venyu, uye kunyange vamwe vanhuwo vanga vachifanira kubhadharwa zvimwe zvinhu nekambani iyoyo. Pane nzira yekugadzirisa nayo zvinhu here? Ehe iripo! Mumwe murume akapfuma anosarudza kupindira munyaya yacho. Anonzwisisa kukosha kwekambani iyi muguta iri. Anonzwirawo tsitsi vashandi vacho nemhuri dzavo. Saka anosarudza kubhadhara chikwereti chekambani yacho oivhura zvakare. Kudzimwa kwechikwereti ichocho kunobatsira vashandi vazhinji nemhuri dzavo uye vamwe vanhu vaifanira kubhadharwa nekambani iyi. Ndizvo zvakaitawo kudzimwa kwechikwereti chaAdhamu kuzviuru nezviuru zvevana vake.

Ndiani Akapa Rudzikinuro?

13, 14. (a) Jehovha akaita sei kuti vanhu vadzikinurwe? (b) Rudzikinuro runobhadharwa kunaani, uye nei kubhadhara kwakadaro kuchikosha?

13 Jehovha chete ndiye aigona kupa vanhu “Gwayana . . . rinobvisa chivi chenyika.” (Johani 1:29) Asi Mwari haana kungotumira chero ngiroziwo zvayo kuti izonunura vanhu. Asi waakatuma ndeuya aigona kupa mhinduro inogutsa, inopedza nyaya pazvinhu zvaipomerwa vashumiri vaJehovha naSatani. Jehovha akazvipira zvinoshamisa paakatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, “waaida kwazvo” kuti ave chibayiro. (Zvirevo 8:30) Mwanakomana waMwari akabvuma ‘kuzvidurura’ kubva pakuva chisikwa chemweya. (VaFiripi 2:7) Jehovha akaita chishamiso chekuisa upenyu hwemwanakomana wake wedangwe mudumbu yemhandara yechiJudha yainzi Mariya. (Ruka 1:27, 35) Vanhu vaizomuziva nezita rekuti Jesu. Asi panyaya dzemutemo, aigona kunzi Adhamu wechipiri, nekuti akanga akanyatsoenzana naAdhamu. (1 VaKorinde 15:45, 47) Saka Jesu akanga ava kukwanisa kuzvipira kuti ave chibayiro chekudzikinura vanhu pachivi.

14 Rudzikinuro irworwo rwaizobhadharwa kunaani? Pisarema 49:7 inonyatsotaura kuti rudzikinuro runobhadharwa kuna “Mwari.” Asi Jehovha haasi iye akaita urongwa hwacho hwekuti pave nerudzikinuro here? Ndiye. Asi izvi hazvirevi kuti rudzikinuro runobva rwangova kungotambidzana zvinhu kusina zvakunoreva, semunhu ari kubvisa mari kubva mune imwe homwe achiisa mune imwe. Tinofanira kuziva kuti rudzikinuro haisi nyaya yekungochinjanisa zvinhu asi inotova nyaya yekuzadzisa zvinofanira kuitwa pamutemo. Jehovha paakapa rudzikinuro, kunyange zvazvo zvaireva kurasikirwa zvakakura, airatidza kuti nyange zvikadini haachinje mitemo yake yekutonga zvakarurama.—Genesisi 22:7, 8, 11-13; VaHebheru 11:17; Jakobho 1:17.

15. Nei Jesu aifanira kusvika pakutambura nekufa?

15 Muna 33 C.E., Jesu Kristu akabvuma kutambudzwa kwakazoguma nekubhadhara kwake rudzikinuro. Akabvuma kusungwa achipomerwa nhema, akarovererwa padanda. Asi Mwari aifanira kusiya Jesu achitambura kusvika ipapo here? Aitofanira kudaro nekuti nyaya yekuti vanhu havakwanisi kuramba vakavimbika kuna Mwari kana vatambudzwa yaidawo mhinduro. Ndosaka Mwari asina kubvumira kuti Jesu aurayiwe naHerodhi achiri karusvava. (Mateu 2:13-18) Asi Jesu paakanga ava munhu mukuru, akakwanisa kutsungirira zvese zvaaiitwa naSatani achinyatsonzwisisa chikonzero chazvaiitikira kwaari. b Paakaramba “akavimbika, asina mhosva, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa nevatadzi,” pasinei nemabatirwo aakaitwa neutsinye, Jesu akaratidza zvisingasiyi mubvunzo kuti Jehovha ane vashumiri vanogona kuramba vakatendeka kwaari. (VaHebheru 7:26) Ndosaka paakanga ava kufa, akazoti: “Zvaitika!”—Johani 19:30.

Kupedzisa Basa Rake Rekudzikinura

16, 17. (a) Jesu akapedzisa sei basa rake rekudzikinura? (b) Nei zvakanga zvichikosha kuti Jesu anomira “pamberi paMwari achitimiririra”?

16 Jesu paakaurayiwa akanga asati apedza basa rake rekudzikinura. Pazuva rechitatu, Jehovha akamumutsa. (Mabasa 3:15; 10:40) Paakaita izvi, Jehovha akapa Mwanakomana wake mubayiro wekuramba akatendeka uye mukana wekupedzisa basa rake seMupristi Mukuru. (VaRoma 1:4; 1 VaKorinde 15:3-8) Muapostora Pauro anotsanangura kuti: “Kristu paakauya semupristi mukuru . . . , haana kupinda munzvimbo tsvene neropa rembudzi neremikono midiki yemombe, asi neropa rake pachake, kamwe chete zvikabva zvakwana, akaita kuti tiwane kununurwa kusingaperi. Nekuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakagadzirwa nemaoko, inofananidzira chinhu chaicho, asi kudenga chaiko, zvekuti ava pamberi paMwari achitimiririra.”—VaHebheru 9:11, 12, 24.

17 Zvakanga zvisingaiti kuti Kristu aende neropa rake chairo kudenga. (1 VaKorinde 15:50) Panzvimbo yekudaro, akazviita nenzira yekufananidzira paakanomira pamberi paMwari achiratidza kuti akanga apa muviri wake usina chivi sechibayiro achinunura vanhu muchivi. Jehovha akagamuchira chibayiro ichocho here? Ehe akachigamuchira. Izvi zvakaoneka paPendekosti ya33 C.E., pakadururwa mweya mutsvene pavadzidzi vangasvika 120 muJerusarema. (Mabasa 2:1-4) Chiitiko ichocho chinonakidza, kwaingova kutanga kwezvinhu zvakawanda zvaizoitwa naJehovha achishandisa rudzikinuro.

Kubatsira Kunoita Rudzikinuro

18, 19. (a) Mapoka api maviri anoyananiswa naMwari neropa raKristu? (b) “Boka guru” riri kubatsirwa sei nerudzikinuro iye zvino uye richabatsirwa sei mune ramangwana?

18 Achinyorera vaKorose, Pauro anotsanangura kuti Mwari akafadzwa nekuita kuti zvimwe zvinhu zvese zviyanane naye uye zvive nerugare naye achishandisa ropa raKristu rakadeurwa padanda rekutambudzirwa. Pauro anotsanangurawo kuti Mwari anoita kuyanana uku nemapoka maviri evanhu, “zvinhu zviri kudenga” uye “zvinhu zviri panyika.” (VaKorose 1:19, 20; VaEfeso 1:10) Boka rekutanga nderevaKristu 144 000 vane tariro yekunoshanda sevapristi kudenga, vachitonga nyika semadzimambo vaina Kristu Jesu. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 7:4; 14:1-3) Mwari achavashandisa kuunza zvikomborero zverudzikinuro zvishoma nezvishoma pavanhu vanoteerera mumakore 1 000.—1 VaKorinde 15:24-26; Zvakazarurwa 20:6; 21:3, 4.

19 “Zvinhu zviri panyika” ndivo vanhu vari kutarisira kuzowana upenyu husingaperi muParadhiso pasi pano. Vanotsanangurwa pana Zvakazarurwa 7:9-17 vachinzi “boka guru revanhu” uye kuti vachapona “mukutambudzika kukuru” kuri kuuya. Asi hazvirevi kuti vanofanira kumirira nguva iyoyo kuti vatange kubatsirwa nerudzikinuro. Vakatogeza “nguo dzavo refu, vakadziita chena muropa reGwayana.” Sezvo vachitenda murudzikinuro, vari kutobatsirwa narwo iye zvino kuwana zvinhu zvinosimbisa ushamwari hwavo naMwari. Vava kutonzi shamwari dzaMwari dzakarurama! (Jakobho 2:23) Chibayiro chaJesu chinoita kuti vakwanise kuswedera “kuchigaro cheumambo chenyasha” vaine “rusununguko rwekutaura.” (VaHebheru 4:14-16) Pavanotadza vanoregererwa. (VaEfeso 1:7) Pasinei nekuti vane zvavanombokanganisa, vanogara vaine hana yakachena. (VaHebheru 9:9; 10:22; 1 Petro 3:21) Saka kuyananiswa naMwari hachisi chinhu chavari kungotarisira, asi kuti chinhu chiri kutoitika iye zvino! (2 VaKorinde 5:19, 20) Mumakore Ane Chiuru vachasunungurwa zvishoma nezvishoma “muuranda hwekuora” vova “nerusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”—VaRoma 8:21.

20. Unonzwa sei paunofungisisa nezverudzikinuro?

20 Tinotenda “Mwari nekuna Jesu Kristu” nekutipa kwaakaita rudzikinuro! (VaRoma 7:25) Kana uchinzwa nyaya yerudzikinuro, inoita seisina kuoma kunzwisisa, asi mashandiro arwunoita anoshamisa zvikuru. (VaRoma 11:33) Uye patinofungisisa nezvarwo, tinonzwa mwoyo yedu ichifashukira nemufaro, uye tichida kuswedera pedyo naMwari anotonga zvakarurama. Hatingambotadzi kurumbidza Jehovha, Mwari “anoda kururama uye kutonga zvakarurama,” sezvakaitwa nemunyori wepisarema.—Pisarema 33:5.

a Adhamu naEvha vaisagona kubatsirwa nerudzikinuro. Mutemo waMozisi waiva nepfungwa iyi pamusoro pemunhu aiuraya munhu achiziva: “Hamufaniri kugamuchira rudzikinuro rweupenyu hwemhondi inofanira kufa.” (Numeri 35:31) Zviri pachena kuti Adhamu naEvha vaifanira kufa nemhaka yekuti vakatyora mutemo waMwari vachinyatsoziva. Saka vakarasa tariro yavo yeupenyu husingaperi.

b Jesu aifanira kufa ari munhu mukuru asina chivi, kwete kamwana kacheche, kuitira kuti chibayiro chake chinyatsoenzana zvakakwana nechivi chaAdhamu. Yeuka kuti Adhamu akatadza achinyatsoziva mutemo waakanga apiwa uye kuti kuutyora kwaizounza chii. Saka kuti Jesu ave “Adhamu wekupedzisira” anonyatsofukidza chivi ichocho, aifanira kusarudza ari munhu akura, kuti arambe akavimbika kuna Jehovha. (1 VaKorinde 15:45, 47) Saka upenyu hwaJesu hwese hwaakararama akatendeka, kusanganisira rufu rwake sechibayiro, zvakava “chiito chimwe chete chekururamisa.”—VaRoma 5:18, 19.