Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 16

‘Ita Zvakarurama’ Pakufamba naMwari

‘Ita Zvakarurama’ Pakufamba naMwari

1-3. (a) Nei tiine chikwereti naJehovha? (b) Mununuri wedu ane rudo anoda kuti timuitireiwo?

 FUNGIDZIRA uri mungarava iri kunyura mausiri kukwanisa kubuda. Paunenge wava kufunga kuti wava kutongofa hako, panobva pangosvika munhu okununura. Unonzwa sei paanokubatsira kuti upinde mune chimwe chikepe, wonyatsoona kuti wapona? Haunzwi seune chikwereti nemunhu iyeye here? Chokwadi ndechekuti dai pasina munhu iyeye, ungadai watofa.

2 Izvi zvakada kuti fananei nezvatakaitirwa naJehovha. Chokwadi ndechekuti tine chikwereti naye. Ndiye akaita kuti pave nerudzikinuro, urwo rwunoita kuti tikwanise kununurwa pachivi nerufu. Tinonyatsoona kuti takanunurwa, sezvo tichiziva kuti kana tichitenda muchibayiro tinoregererwa zvivi zvedu, uye ramangwana redu rakajeka. (1 Johani 1:7; 4:9) Sezvatakaona muChitsauko 14, rudzikinuro inzira ine simba yakaratidzwa nayo naJehovha kuti ane rudo uye anotonga zvakarurama. Tingaratidza sei kuti tinotenda zvatakaitirwa?

3 Hatingambotadzi kuzvibvunza kuti Mununuri wedu ane rudo anoda kuti timuitirewo chii nezvaakatiitira. Achishandisa muprofita Mika, Jehovha anoti: “Mwari akakuudza kuti zvakanaka ndezvipi, iwe munhu. Jehovha anoda kuti uitei? Chaanongoda ndechekuti uite zvakarurama, ukoshese kuvimbika, uye kuti uve nemwero pakufamba naMwari wako!” (Mika 6:8) Wacherechedza here kuti chimwe chezvatinonzi naJehovha timuitire kuita “zvakarurama.” Tingaita sei izvozvo?

Kutevera “Kururama Kwechokwadi”

4. Tinoziva sei kuti Jehovha anotitarisira kurarama tichitevedzera mitemo yake yakarurama?

4 Jehovha anotitarisira kurarama tichitevedzera mitemo yake inotiratidza kuti izvi zvakarurama, izvi hazvina. Sezvo mitemo yake yakarurama, patinenge tichiitevedzera, tinonzi tiri kutevera kururama. Isaya 1:17 inoti: “Dzidzai kuita zvakanaka, tsvagai kururama.” Shoko raMwari rinotikurudzirawo ‘kutsvaga kururama.’ (Zefaniya 2:3) Rinozotiwo tinofanira “kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nekuda kwaMwari mukururama kwechokwadi.” (VaEfeso 4:24) Vanhu vanotevera kururama kwechokwadi vanosiyana nenyaya dzemhirizhonga, zvinhu zvisina kuchena, uye upombwe, nekuti zvinhu izvi zvinosvibisa zvinhu zvitsvene.—Pisarema 11:5; VaEfeso 5:3-5.

5, 6. (a) Nei tisingaoni kurarama tichitevedzera mitemo yaMwari sekunotiremedza? (b) Bhaibheri rinoratidza sei kuti kutevera kururama hachisi chinhu chinongoitwa kamwe chete zvopera?

5 Kurarama tichitevedzera mitemo yaJehovha yakarurama kunotiremedza here? Aiwa. Kana munhu aine mwoyo unoda Jehovha haaoni seari kuremedzwa nemitemo yake. Tinoda kurarama nenzira inomufadza nekuti tinomuda, nezvese zvaari. (1 Johani 5:3) Yeuka kuti Jehovha “anoda mabasa akarurama.” (Pisarema 11:7) Kana tichida zvechokwadi kutevedzera kururama kwaMwari, tinofanira kusvika pakuda zvaanoda uye kuvenga zvaanovenga.—Pisarema 97:10.

6 Hazvisi nyore kuti titevere kururama nekuti takaberekerwa muchivi. Tinotofanira kubvisa unhu hwekare nemabasa ahwo akaipa, topfeka unhu hutsva. Bhaibheri rinoti unhu uhwu, “huri kuitwa hutsva kuburikidza neruzivo rwakarurama.” (VaKorose 3:9, 10) Mashoko ekuti “huri kuitwa hutsva” anoratidza kuti kupfeka unhu hutsva chinhu chinoramba chichiitwa, chinotoda kushanda nesimba. Kunyange tikaedza zvakadini kuita zvakarurama, pane nguva dzatinokanganisa pazviito, pakutaura, uye pakufunga, nemhaka yechivi chiri matiri.—VaRoma 7:14-20; Jakobho 3:2.

7. Tinofanira kuona sei kukundikana kwatinomboita patinenge tichiedza kutevera kururama?

7 Ko kana tikambokundikana patinenge tichiedza kutevera kururama, tinofanira kuzviona sei? Hatifaniri hedu kuona sepasina chatatadza. Asiwo hatifaniri kuneta, tichiona sekuti kukanganisa kwatinomboita kunoita kuti tisakodzere kushumira Jehovha. Mwari wedu ane nyasha akaita kuti pave neurongwa hunobatsira vaya vanopfidza nemwoyo wese kuti vadzokezve kwaari. Funga nezvemashoko anokurudzira akanyorwa nemuapostora Johani ekuti: “Ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti murege kutadza.” Asi anozowedzera mamwe mashoko anoratidza kunzwisisa zvinoitika kumunhu wese paanoti: “Asi kana munhu akatadza, [izvo zvinokonzerwa nechivi chiri matiri] tine mubatsiri ari kuna Baba, iye Jesu Kristu.” (1 Johani 2:1) Kureva kuti Jehovha akaita kuti chibayiro chaJesu cherudzikinuro chivepo kuitira kuti tikwanise kumushumira pasinei nekuti takaberekerwa muchivi. Izvi zvinoita kuti tide kuita zvese zvatinogona kuti tifadze Jehovha, handizvo here?

Mashoko Akanaka Anoratidza Kutonga kwaMwari Zvakarurama

8, 9. Kuziviswa kwemashoko akanaka kunoratidza sei kuti Jehovha anotonga zvakarurama?

8 Unogona kuratidza kuti wakarurama, kana kuti kutevedzera Mwari pakutonga zvakarurama, kana uchiita zvese zvaunogona pakuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Ko kutonga kwaJehovha zvakarurama kwakabatana papi nemashoko akanaka?

9 Jehovha haazoparadzi nyika ino yakaipa asati ambotanga ayambira vanhu nezvazvo. Achiprofita nezvenguva yemugumo, Jesu akati: “Mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ese.” (Mako 13:10; Mateu 24:3) Kushandisa kwaakaita shoko rekuti “kutanga” kunoratidza kuti pane zvimwe zvichazotevera pashure pebasa rekuparidza munyika yese. Izvi zvinosanganisira kutambudzika kukuru, uko kunoreva kuparadzwa kwevakaipa, uko kunozoteverwa nenyika itsva yakarurama. (Mateu 24:14, 21, 22) Zvechokwadi, hapana munhu angambopa Jehovha mhosva kana vanhu vakaipa vazoparadzwa. Kuyambira kwaari kuita vakaipa kuri kuita kuti vawane mukana wakakura wekuchinja zvavari kuita kuti vazopona paanenge ava kuparadza.—Jona 3:1-10.

10, 11. Kuparidza kwedu mashoko akanaka kunoratidza sei kuti tiri kutevedzera Mwari anotonga zvakarurama?

10 Kuparidza kwedu mashoko akanaka kunoratidza sei kuti tiri kutevedzera Mwari anotonga zvakarurama? Chekutanga, nezvatakaitirwa, hatingambotadza kuudzawo vamwe vanhu mashoko akanaka kuti vapone. Ngatidzokerei kumuenzaniso uya wengarava iri kunyura. Munhu abatsirwa angatadza here kuitawo zvaanogona kuti abatsirewo vamwe vari kunyura kana ava kuziva kuti ava mune chimwe chikepe, atopona? Nesuwo hatingambotadzi kununura vanhu vari kunyura munyika ino yakaipa. Ichokwadi kuti vamwe vanoramba shoko redu. Asi kana Jehovha achiri kuvaitira mwoyo murefu, tichiine basa rekuita kuti vawane mukana wekuti “vasvike pakutendeuka” kuti vazoponeswa.—2 Petro 3:9.

11 Tinotevedzerawo Mwari anotonga zvakarurama pakuti tinoparidzira munhu wese watinosangana naye tisingasaruri. Yeuka kuti “Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.” (Mabasa 10:34, 35) Kana tichida kumutevedzera hatifaniri kugara tatonga vanhu. Tinofanira kuudza vanhu mashoko akanaka pasinei nerudzi rwavo, mukurumbira wavo, kana kuti mawaniro avo. Saka tinoita kuti munhu wese ave nemukana wekunzwa mashoko akanaka kana achida hake kuteerera.—VaRoma 10:11-13.

Mabatiro Atinoita Vamwe

12, 13. (a) Nei tisingafaniri kukurumidza kutonga vamwe? (b) Zano raJesu rekuti “regai kutonga” uye “regai kuwanira vamwe mhosva” rinorevei? (Onawo mashoko emuzasi.)

12 Tinogonawo kuratidza kuti takarurama nekubata vamwe semabatirwo atinoitwa naJehovha. Zviri nyore kuti tingogara tichitonga vamwe, tichivatsoropodza kana vakanganisa, uye kuvafungira kuti vari kuita zvinhu nezvikonzero zvisina kunaka. Asi ndiani angade kuti Jehovha agare achimuitirawo izvozvo asingamunzwire tsitsi? Jehovha haatidaro. Munyori wepisarema akati: “Nhai Jah, kudai maitarisa zvikanganiso, ndiani aizomira, nhai Jehovha?” (Pisarema 130:3) Chokwadi tinotenda zvikuru Mwari wedu akarurama, ane tsitsi, asingagari achitarisa zvatinokanganisa. (Pisarema 103:8-10) Saka isu tinofanira kubatawo vamwe sei?

13 Kana tichitenda kuti Mwari anotibata netsitsi uye zvakarurama, hatizokurumidzi kutonga vamwe panyaya dzisinei nesu, kana kuti dzisina basa. MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo.” (Mateu 7:1) Maererano nenhoroondo yaRuka, Jesu akawedzera kuti: “Regai kuwanira vamwe mhosva, kuti imi murege kuwanirwawo mhosva.” a (Ruka 6:37) Jesu akaratidza kuti anoziva kuti nemhaka yechivi chatiinacho, tinowanzoda kutonga vamwe. Kana paine aiva netsika iyi pakati pevanhu vainge vakamuteerera aifanira kusiyana nayo.

Tinoratidza kuti tinotevedzera Mwari pakutonga zvakarurama patinenge tichiudza vanhu mashoko akanaka tisingasaruri

14. Nei tichifanira kusiyana netsika yekutonga vamwe?

14 Nei tichifanira kusiyana netsika yekutonga vamwe? Chekutanga, hatina kupiwa masimba ekuzviita. Mudzidzi Jakobho anotiyeuchidza kuti: “Pane mumwe chete anopa mitemo uye Mutongi,” achireva Jehovha. Saka Jakobho anobvunza kuti: “Ndiwe ani kuti utonge hama yako?” (Jakobho 4:12; VaRoma 14:1-4) Uyewo sezvo tiri vatadzi, tinogona kutonga vamwe zvisiri izvo. Pane zvakawanda zvinogona kukanganisa maonero atinoita vamwe zvakadai serusaruraganda, kuzvikudza, godo, uye kuzviita vatsvene. Chimwe chingatibatsira kuti tisakurumidza kutonga vamwe kufungisisa nezvezvatisingagoni kuita. Hatigoni kuona zviri mumwoyo mevanhu, uye hatigoni kuziva zvese zviri kuitika kwavari. Saka tiri vanaani kuti tifungire vamwe zvakaipa kana kuti tishoropodze zvavari kuedza kuita mubasa raMwari? Zvinenge zvakanaka kuti titevedzere Jehovha nekutsvaga zvakanaka zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu pane kungogara ziso redu riri pazvinhu zvavanokanganisa.

15. Panyaya yematauriro kana kuti mabatiro atinoita vamwe, zvinhu zvipi zvisingafaniri kuwanika pakati pevanhu vaJehovha, uye nei tichidaro?

15 Ko kana tiri mumhuri? Zvinorwadza kuti mazuva ano mumba, umo munofanira kunge muri imo mekuwanira zororo, ndimo munotonyanya kutongwa vamwe zvakaipisisa. Hazvishamisi kunzwa nezvevanhu vanozviita sevatongi mumhuri dzavo, varume vachishusha vakadzi uye vakadzi vachishusha varume, uye vana vachishungurudza vabereki, vese vachirwadzisana nemashoko kana kutorovana chaiko. Asi mashoko eutsinye, kutsvinyirana, nekubata vamwe zvakashata, hazvifaniri kutombowanika pakati pevanhu vaMwari. (VaEfeso 4:29, 31; 5:33; 6:4) Mashoko aJesu ekuti “regai kutonga” uye “regai kuwanira vamwe mhosva” haagumi kushanda kana tava kumba. Yeuka kuti kubata vamwe zvakarurama kunosanganisira kubata vamwe sezvatinoitwa naJehovha. Uye Mwari wedu haambotibati nehasha kana kuti neutsinye. “Ane tsitsi huru” kune vaya vanomuda. (Jakobho 5:11) Uyu ndiwo muenzaniso wekutevedzera!

Vakuru Vanoshumira Kuti “Pave Nekururama”

16, 17. (a) Jehovha anotarisira kuti vakuru vaite sei? (b) Vakuru vanoita sei kana mutadzi aratidza kuti haana chido chakasimba chekusiya nzira dzake, uye nei vachidaro?

16 Munhu wese anofanira kubata vamwe zvakarurama, asi vakuru vari muungano yechiKristu vanofanira kuva pamberi panyaya iyi. Inzwa kuti uprofita hwakanyorwa naIsaya hunotsanangura sei vakuru, avo vari kunzi “machinda.” Hunoti: “Inzwai! Mambo achatonga kuti pave nekururama, uye machinda achatonga zvakarurama.” (Isaya 32:1) Izvi zvinoreva kuti Jehovha anotarisira vakuru kuti vashumire vachitsigira kururama. Vangazviita sei izvozvo?

17 Varume ava, avo vanogadzwa maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, vanonyatsoziva kuti ungano inofanira kugara yakachena kuti pave nekururama. Dzimwe nguva, vakuru vanofanira kutonga vanhu vanenge vaita zvivi zvakakura. Pavanenge vachitonga, vanoyeuka kuti kutonga zvakarurama kunosanganisira kunzwira tsitsi pazvinenge zvakakodzera. Saka vanenge vachiedza kubatsira mutadzi kuti asiye nzira dzake. Asi ko kana mutadzi akaratidza kuti haana chido chakasimba chekuchinja pasinei nekuti vari kumubatsira? Shoko raJehovha rinoratidza kuti vakuru vanotonga zvakarurama nekuvaudza kuti vatore danho rakasimba richiti: “Bvisai munhu akaipa pakati penyu.” Izvi zvinoreva kumudzinga muungano. (1 VaKorinde 5:11-13; 2 Johani 9-11) Zvinorwadza vakuru kuti vasvike pakutora danho rakadaro, asi vanoziva kuti vanofanira kuzviita kuitira kuti vachengetedze vanhu vari muungano vachizvibata uye vachinamata zvakachena. Kunyange kana zvasvika ipapo, vanotarisira kuti mumwe musi mutadzi iyeye achapengenuka odzoka muungano.—Ruka 15:17, 18.

18. Chii chinofanira kuyeukwa nevakuru pavanenge vachibatsira munhu anenge akanganisa?

18 Kutonga zvakarurama kunosanganisirawo kushandisa Bhaibheri kubatsira munhu kana paine paanofanira kugadzirisa. Hazvirevi hazvo kuti vakuru vanogara vachitsvagira vamwe mhosva. Uyewo havangogadzirisi kese kese kavanoona kachiitwa nemunhu. Asi mumwe wavanonamata naye anogona “kurasika asingazivi.” Vakuru vanoyeuka kuti kururama kwaMwari hakuratidzwe neutsinye uye tisingafunge kuti mumwe munhu ari kunzwa sei, saka vanoedza “kururamisa munhu akadaro neunyoro.” (VaGaratiya 6:1) Saka vakuru havatuke munhu anenge akanganisa kana kushandisa mashoko anorwadza. Asi mashoko anotaurwa nerudo anobatsira munhu anenge akanganisa. Kunyange kana vachitsiura munhu vachinyatsomujekesera kuti zvinhu zvaari kuita zvinogona kumupinza muna taisireva, vakuru vanoyeuka kuti munhu anenge atadza igwai raJehovha. b (Ruka 15:7) Kana munhu achitsiurwa nerudo zviri nyore kuti agamuchire zvaari kuudzwa.

19. Vakuru vanowanzofanira kusarudza panyaya dzipi, uye vanofanira kushandisa chii pakusarudza kwavo?

19 Vakuru vanowanzokumbirwa kuti vaite zvimwe zvisarudzo zvinobata-bata upenyu hwehama nehanzvadzi dziri muungano. Zvimwe zvacho ndezvavanoita nguva nenguva vachiongorora kuti hama dzinokodzera here kushanda sevakuru kana kuti vashumiri veungano. Vakuru vanoziva kuti zvakakosha zvakadini kuti vasasarure. Vanorega Shoko raMwari richivabatsira pakusarudza, pane kungofunga kuti vari kunzwa sei nezvemumwe munhu ivo pachavo. Kana vachidaro vanoratidza kuti vanoita zvinhu ‘vasina divi ravakarerekera kana kuita rusarura.’—1 Timoti 5:21.

20, 21. (a) Vakuru vanoedza kuva vanhu vakaita sei kuungano, uye nei? (b) Vakuru vangaitei kuti vabatsire “vaya vakaora mwoyo”?

20 Vakuru vanotevedzera kutonga kwaMwari zvakarurama neimwe nzira zvakare. Paakanga ataura mashoko ekuti vakuru vaizoshumira vachiita kuti “pave nekururama,” Isaya akaenderera mberi achiti: “Mumwe nemumwe achaita senzvimbo yekuhwanda mhepo, nzvimbo yekuhwanda mvura ine dutu, sehova dzemvura munyika isina mvura, semumvuri wedombo guru munyika yakaoma.” (Isaya 32:1, 2) Saka vakuru vanoedza kunyaradza uye kuzorodza vavanonamata navo.

21 Nekuwanda kuri kuita zvinhu zvinoita kuti vanhu vaore mwoyo, vazhinji vanoda kunyaradzwa. Vakuru, mungaitei kuti mubatsire “vaya vakaora mwoyo”? (1 VaTesaronika 5:14) Vateererei netsitsi pavanenge vachitaura. (Jakobho 1:19) Vanogona kunge vari kutsvaga munhu wekuvimba naye kuti vamuudze zviri kuvanetsa mumwoyo. (Zvirevo 12:25) Itai kuti vazive kuti vanodiwa, uye vanokosheswa naJehovha uye nehama nehanzvadzi dzavo. (1 Petro 1:22; 5:6, 7) Munogonawo kunyengetera navo uye kuvanyengeterera. Kunzwa mukuru achitaura nezvako mumunyengetero unobva pamwoyo kunogona kunyaradza zvikuru. (Jakobho 5:14, 15) Zvamunoita zvese muchiedza kubatsira vanhu vakaora mwoyo zvinoonekwa naMwari wedu anoda zvakarurama.

Vakuru vanotevedzera Jehovha pakutonga zvakarurama pavanokurudzira vaya vanenge vakaora mwoyo

22. Ungatevedzera sei Jehovha pakutonga zvakarurama, uye izvozvo zvinoita kuti anzwe sei?

22 Zvechokwadi, patinoramba tichitevedzera Jehovha pakubata vamwe zvakarurama, tinoramba tichiswedera pedyo naye! Patinotsigira mitemo yake yakarurama, patinoudza vamwe mashoko akanaka kuti vapone, uye patinosarudza kutarisa zvakanaka zvinoitwa nevamwe panzvimbo pekungotsvaga zvavanokanganisa, tinenge tichiratidza kuti tiri kutevedzera Mwari pakutonga zvakarurama. Vakuru, pamunochengetedza ungano yakachena, pamunoshandisa Magwaro kutsiura vanenge vava kurasika, pamunoita zvisarudzo musingasaruri, uye pamunonyaradza vakaora mwoyo, munenge muchitoratidza kutonga zvakarurama kwaMwari. Jehovha anofanira kunge achifara zvikuru paanoona ari kudenga vanhu vake vachiedza zvese zvavanogona kuti ‘vaite zvakarurama’ pakufamba naMwari wavo!

a Mamwe maBhaibheri anoti “musatonga” uye “musapa mhosva.” Izvi zvinobva zvapa pfungwa yekunge vaingopiwa mutemo wekuti vasazoita zvinhu izvi. Asi mashoko acho akashandiswa nevanyori veBhaibheri anotoratidza kuti Jesu aitaura kuti vanhu vasiyane nezvavaitoita. Saka zviri kutsanangurwa apa zvaitoitika asi zvaifanira kuregwa.

b Pana 2 Timoti 4:2, Bhaibheri rinoti vakuru pane dzimwe nguva vanofanira ‘kutsiura, kuranga, kukurudzira.’ Shoko rechiGiriki pa·ra·ka·leʹo rinoshandurwa kuti “kukurudzira” rine rimwe rakada kufanana naro, pa·raʹkle·tos, rinoshandiswa pane zvinoitwa negweta kana richimiririra munhu ari kutongwa. Saka kunyange pavanenge vachitsiura munhu zvakasimba, vakuru vanoyeuka kuti chinangwa chavo chinofanira kuva chekubatsira munhu.