Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 18

“Shoko raMwari” Rinoratidza Uchenjeri Hwake

“Shoko raMwari” Rinoratidza Uchenjeri Hwake

1, 2. Itsamba ipi yatakanyorerwa naJehovha, uye anotiudza nezvei mairi?

 WAKAMBOTAMBIRA tsamba yaibva kune mumwe munhu waunoda here? Tsamba yakadaro inofadza chaizvo, zvekuti hakuna zvinhu zvakawanda zvinofadza kupfuura ipapo. Zvinotifadza kunzwa kuti munhu wacho akadini, chii chiri kuitika kwaari, uye ari kurongei. Kugamuchira mashoko akadaro kunotiswededza pedyo nemunhu watinoda, kunyange ari kure.

2 Kana tichifara zvakadaro netsamba inobva kumunhu, ko kuzoti patinowana mashoko anobva kuna Mwari wedu watinoda? Jehovha akatinyorerawo tsamba yeimwe mhando, Shoko rake Bhaibheri. Rinotiudza nezvake kuti iye ndiani, ane chinangwa chei, zvinhu zvipi zvaakaita uye zvii zvaachaita mune ramangwana, nezvimwe zvakawanda. Jehovha akatipa Shoko rake nekuti anoda kuti tive pedyo naye. Mwari wedu akachenjera akatsvaga nzira yakanakisisa yekusvitsa nayo mashoko ake kwatiri. Tinoona uchenjeri hunoshamisa panzira yakanyorwa nayo Bhaibheri uye pamashoko ari mariri.

Nei Rakaita Zvekunyorwa?

3. Jehovha akasvitsa sei Mutemo kuna Mozisi?

3 Vamwe vanogona kubvunza kuti, ‘Nei Jehovha asina kushandisa imwe nzira inoshamisa yakadai sekutuma inzwi rinobva kudenga kuti asvitse mashoko ake kuvanhu?’ Chokwadi ndechekuti akatombotaura nevanhu ari kudenga achishandisa ngirozi. Pamwe pacho ndepaya paakapa Mutemo kuvaIsraeri. (VaGaratiya 3:19) Inzwi raibva kudenga raityisa zvekuti vaIsraeri vakakumbira kuti Jehovha asataura navo iye pachake asi kuti ashandise Mozisi. (Eksodho 20:18-20) Saka Mutemo waiva nemirayiro 600 wakasvitswa kuna Mozisi uchiita zvekutaurwa.

4. Tsanangura kuti nei kuita kuti Mutemo ungogara uchiita zvekutaurwa yakanga isiri nzira yakanaka yekuita kuti Mwari asvitse mashoko ake kuvanhu vese.

4 Asi dai Jehovha asina kuita kuti Mutemo uite zvekunyorwa, chii chaizoitika? Mozisi aizokwanisa kunyatsouyeuka Mutemo iwoyo shoko neshoko here, onyatsousvitsa kumuIsraeri wese pasina chaasiyirira kana kuwedzeredza? Ko zvizvarwa zvaizoteverawo? Zvaizoita here kuti vangorarama neMitemo yekungoudzwa nemuromo? Zvechokwadi iyi yaisazova nzira yakanaka yekuti Mwari ave nechokwadi chekuti Mutemo wake wasvika kuvanhu vese. Fungidzira kuti chii chaizoitika kudai waizotaura imwe nyaya kumunhu wekutanga pavanhu vakamira mumutsetse murefu, mumwe nemumwe achiudza anenge achimutevera, kusvikira kune wekupedzisira. Pamwe munhu wekupedzisira aitozonzwa zvakati siyanei nezvawatanga kutaura. Izvozvo zvaisakwanisa kuitika kuMutemo waMwari.

5, 6. Jehovha akaudza Mozisi kuti aite sei nemashoko aaimuudza, uye nei chiri chikomborero kwatiri kuti Jehovha akasarudza kuti Shoko rake riite zvekunyorwa?

5 Neuchenjeri hwake, Jehovha akasarudza kuita kuti mashoko ake aite zvekunyorwa. Akaudza Mozisi kuti: “Nyora mashoko aya, nekuti ndinoita sungano newe uye naIsraeri maererano nemashoko aya.” (Eksodho 34:27) Saka ndiwo matangiro akaita kunyorwa kweBhaibheri, muna 1513 B.C.E. Kwemakore 1 610 akatevera, Jehovha “akataura kakawanda uye nenzira dzakawanda” kuvanyori 40 vaakashandisa kunyora Bhaibheri. (VaHebheru 1:1) Mumakore akazotevera, vanhu vakanga vakazvipira vairamba vachinyora patsva mashoko akanga anyorwa nevanyori ava, kuti vachengetedze Magwaro.—Ezra 7:6; Pisarema 45:1.

6 Zvechokwadi Jehovha akatikomborera nekusvitsa mashoko ake kwatiri akaita zvekunyorwa. Wakambonyorerwa tsamba yaikosha zvikuru, pamwe yaikunyaradza zvekuti waingoramba uchiivhura uchiiverenga here? Ndizvo zvazviriwo netsamba yatakanyorerwa naJehovha. Tinokwanisa kugara tichiverenga uye tichifungisisa Shoko raJehovha nekuti akaita zvekurinyora. (Pisarema 1:2) Tinogona kubatsirwa nekunyaradza “kunobva muMagwaro” pese patinenge tichida.—VaRoma 15:4.

Nei Akashandisa Vanhu?

7. Uchenjeri hwaJehovha hunooneka sei pakushandisa kwaakaita vanhu kunyora Shoko rake?

7 Kushandisa kwakaita Jehovha vanhu kunyora Shoko rake kunoratidza uchenjeri hwake. Funga kuti dai Jehovha akasarudza kushandisa ngirozi kunyora Bhaibheri, ringadai richitinakidza sezvarinoita here? Ichokwadi kuti ngirozi dzaizorondedzera Jehovha nemaonero adzo akakwirira, dzaizotsanangura kuzvipira kwadzo kwaari, uye dzaizotiudza nezvevamwe vashumiri vaMwari vakatendeka. Asi taizokwanisa kuona semaonero adzinoita here idzo dziine ruzivo nesimba zvakakwirira kupfuura zvedu uye tisinganzwisise zvadzinosangana nazvo?—VaHebheru 2:6, 7.

8. Jehovha akabvumira sei vanyori veBhaibheri kushandisa pfungwa dzavo? (Onawo mashoko emuzasi.)

8 Achishandisa vanhu Jehovha akaita kuti tinyatsova neShoko ‘rakafemerwa naMwari,’ asi riine pfungwa dzatinonzwisisa isu sevanhu. (2 Timoti 3:16) Akaita sei kuti izvi zvikwanisike? Kazhinji kacho akabvumira vanyori kuti vazvifungire vega vachisarudza “mashoko anofadza” uye kuti vanyore “mashoko akarurama echokwadi.” (Muparidzi 12:10, 11) Ndosaka mabhuku eBhaibheri akanyorwa nezvidavado zvakasiyana-siyana; anotiratidza zvakanga zvakaita vanyori vacho nemakuriro avakaita. a Kunyange zvakadaro, varume ivavo “vakataura zvichibva kuna Mwari, vachitungamirirwa nemweya mutsvene.” (2 Petro 1:21) Saka chakazobuda ipapo ‘ishoko raMwari.’—1 VaTesaronika 2:13.

“Magwaro ese akafemerwa naMwari”

9, 10. Nei kushandiswa kwakaitwa vanhu kuti vanyore Bhaibheri kuchiita kuti tinyatsorinzwisisa?

9 Kushandiswa kwakaitwa vanhu kunyora Bhaibheri kunoita kuti rinyatsosvika pamwoyo pedu nekuti tinokwanisa kunyatsozviisa munzvimbo yevanhu vanenge vachitaurwa imomo tichinyatsovanzwisisa. Vanyori veBhaibheri vaingovawo vanhu sesu. Sezvo vaiva vanhu vakaberekerwa muchivi, vakasanganawo nemiedzo nematambudziko akafanana needu. Pamwe pacho mweya waJehovha waivafemera kuti vanyatsonyora kuti vainzwa sei uye kuti matambudziko api avaisangana nawo. (2 VaKorinde 12:7-10) Saka vaitonyora vachitotaura nezvavo pachavo, izvo zvaisakwanisa kuitwa nengirozi ipi neipi.

10 Funga nezvaMambo Dhavhidhi weIsraeri. Paakanga atadza, Dhavhidhi akanyora pisarema raaidurura zviri mumwoyo make, achikumbira Mwari kuti amuregerere. Akanyora kuti: “Ndichenesei pachivi changu. Nekuti ndinonyatsoziva zvitadzo zvangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu. Onai! Ndakaberekwa ndichikanganisa, uye amai vangu vakandinambira muchivi. Regai kundirasira kure nemi; uye musanditorera mweya wenyu mutsvene. Zvibayiro zvinofadza Mwari ndiwo mweya wakaputsika; haiwa Mwari, hamuzorambi mwoyo wakaputsika newakapwanyika.” (Pisarema 51:2, 3, 5, 11, 17) Haunzwe sekuti ndiwe munyori uyu ari kutambudzika here? Pane mumwe aizogona kunyora zvinosvika pamwoyo zvakadai kupfuura munhu wacho ane chivi here?

Nei Richitaura Nezvevanhu?

11. Zvinhu zvipi zvakanyatsoitika kuvanhu zvatinowana muBhaibheri “kuti tirayiridzwe”?

11 Pane chimwe chinhu chinoita kuti Bhaibheri riwedzere kunzwisisika nesu vanhu. Ibhuku rinonyanya kutaura nezvevanhu chaivo, vanoshumira Mwari nevasingamushumiri. Tinoverenga nezvezvakaitika kwavari, kuomerwa kwavakamboitwa neupenyu, uye mufaro wavakava nawo. Tinoonawo zvakaitika kwavari zvichibva pane zvavaisarudza muupenyu hwavo. Nhoroondo dzakadaro dzakanyorwa “kuti tirayiridzwe.” (VaRoma 15:4) Jehovha anotidzidzisa zvinonyatsosvika pamwoyo pedu achishandisa zvinhu zvakaitika muupenyu hwevanhu chaivo. Ngatimboongororai zvimwe zvacho.

12. Nhoroondo dziri muBhaibheri dzevanhu vasina kutendeka dzinotibatsira sei?

12 Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vasina kutendeka, kunyange vakaipa, uye zvakazoitika kwavari. Munhoroondo idzi, tinogona kuona vanhu vachiita zvinhu zvinorambidzwa neShoko raMwari tobva tanyatsonzwisisa kuti zvakaipirei. Mutemo upi ungava nesimba rekutikurudzira kuva vakavimbika kupfuura zvakaitika kuna Judhasi paakatengesa Jesu? (Mateu 26:14-16, 46-50; 27:3-10) Nhoroondo dzakaita seidzi dzinonyatsosvika pamwoyo yedu, dzichitibatsira kuona uye kuramba kuita zvinhu zvinosemwa naJehovha.

13. Bhaibheri rinotibatsira sei kuziva zvatinofanira kuita kuti tiswedere pedyo naMwari?

13 MuBhaibheri tinowanawo nhoroondo dzakawanda dzevashumiri vaMwari vakatendeka. Tinoverenga nezvekuzvipira kwavo uye kuvimbika kwavo. Tinodzidza pavanhu ivavo zvatinofanira kuita kuti tiswedere pedyo naMwari. Funga nezvekuva nekutenda. Bhaibheri rinorondedzera kuti chii chinonzi kutenda uye rinotiudza kuti kuva nako kunokosha zvakadini kuti tifadze Mwari. (VaHebheru 11:1, 6) Asi Bhaibheri rinozoitawo mienzaniso yevanhu vakanyatsoratidza kutenda kwacho. Funga nezvekutenda kwakaratidzwa naAbrahamu paakaedza kupa Isaka sechibayiro. (Genesisi, chitsauko 22; VaHebheru 11:17-19) Nhoroondo dzakadaro dzinowedzera manzwisisiro atinoita shoko rekuti “kutenda.” Chokwadi Jehovha akachenjera pakuti anotiudza rudzi rwevanhu rwaanoda kuti tive obva atipa vamwe vanhu vekutevedzera!

14, 15. Bhaibheri rinotiudzei nezvemumwe mukadzi akauya kutemberi, uye tinodzidzei nezvaJehovha panyaya iyi?

14 Nhoroondo dzezvakaitika muupenyu hwevamwe vanhu vari muBhaibheri dzinowanzotidzidzisa chimwe chinhu nezvekuti Jehovha ndiMwari akaita sei. Funga nezvenyaya iri muBhaibheri yemumwe mukadzi akacherechedzwa naJesu mutemberi. Jesu akanga akagara pedyo nebhokisi remipiro achiona vanhu vaikanda mari imomo. Kwakauya vapfumi vakawanda, “vachibvisa pamari yavo yakawandisa.” Asi pane imwe chirikadzi yaishayiwa yakacherechedzwa naJesu. Chipo chayo chaiva “tumari tuviri tusinganyanyi kukosha.” b Ndiko kamari kayakanga yasara nako. Semunhu anonyatsotiratidza maonero anoita Jehovha, Jesu akati: “Chirikadzi iyi murombo yabvisa zvakawanda kupfuura vamwe vese vaisa mari mumidziyo yekuisira mari.” Mashoko aya anoratidza kuti mari yayakapa yakatowanda kupfuura yevamwe vese yabatanidzwa.—Mako 12:41-44; Ruka 21:1-4; Johani 8:28.

15 Hazvishamisi here kuti pavanhu vese vakauya kutemberi musi iwoyo, chirikadzi iyi ndiyo yakangosarudzwa ndokutaurwa nezvayo muBhaibheri? Muenzaniso uyu unotiratidza kuti Jehovha anokoshesa kunyange zvidiki zvatinenge taita. Anogamuchira nemufaro zvipo zvedu zvatinopa nemwoyo wese, asingazvienzanisi nezvinenge zvapiwa nevamwe. Hapana imwe nzira ine simba kupfuura iyi yaigona kushandiswa naJehovha kutidzidzisa chokwadi ichi chinokosha!

Mamwe Mashoko Atisingawani muBhaibheri

16, 17. Uchenjeri hwaJehovha hunoonekwa sei kunyange pazvinhu zvaakasarudza kusaisa muShoko rake?

16 Kana uchinyorera mumwe munhu waunoda tsamba, haugoni kungonyora zvese zvese nekuti hazvikwani mutsamba iyoyo. Saka unotosarudza zvekunyora nekungwarira. Ndizvo zvakaitwawo naJehovha paakasarudza kutaura nezvevamwe vanhu uye zvimwe zviitiko muShoko rake. Asi nhoroondo idzodzo dziri muBhaibheri hadzibva dzataura zvese zvakaitika. (Johani 21:25) Bhaibheri rinogona kutaura nezvemumwe mutongo wakapiwa naMwari, asi rinogona kusapindura mibvunzo yese yatinenge tiinayo. Uchenjeri hwaJehovha hunoonekwa pamasarudziro aakaita zvekusaisa muShoko rake. Nei tichidaro?

17 Bhaibheri rakanyorwa nenzira inotibatsira kuongorora zviri mumwoyo medu. VaHebheru 4:12 inoti: “Nekuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa rinocheka nekwese uye rinobaya kusvika panoparadzana mweya nemwoyo . . . uye rinokwanisa kunzwisisa pfungwa dzemunhu uye zviri kudiwa nemwoyo wake.” Shoko raMwari rinobaya kusvika pakadzama, richiratidza zvatiri kufunga uye zvatiri kuvavarira kuita. Vaya vanoriverenga nepfungwa yekutsoropodza vanogumburwa pavanoona nhoroondo dzinenge dzisina mashoko anovagutsa. Vanhu vakadaro vanogona kutosvika pakufunga kuti Jehovha haana rudo, haana uchenjeri, uye haatongi zvakarurama.

18, 19. (a) Nei tisingafaniri kuzvinetsa kana imwe nyaya iri muBhaibheri ikaita kuti tive nemibvunzo yatingatadza kupindura pakare ipapo? (b) Tinofanira kuva vanhu vakaita sei kuti tinzwisise Shoko raMwari, uye izvozvo zvinoratidza sei uchenjeri hwaJehovha?

18 Asi isu patinoverenga Bhaibheri nechido chekunyatsoziva, tinosvika pakuona Jehovha semaratidzirwo aanoitwa neBhaibheri rese. Saka hativhiringidzwi kana imwe nyaya ikaita kuti tive nemibvunzo yatingatadza kupindura pakare ipapo. Tingazvifananidza nemutambo wekubatanidza zvimapisi zvakawanda zvinobudisa mufananidzo mumwe chete. Pakutanga unogona kuwana chimwe chipisi chaunoshaya kuti chinopinda papi. Asi kana zvimapisi zvakawanda wazviwanira nzvimbo unenge wava kukwanisa kuona kuti mufananidzo wacho ndewei. Ndizvo zvinoitikawo patinodzidza Bhaibheri; tinodzidza zvishoma nezvishoma nezvaJehovha zvekuti tinozopedzisira tava nemufananidzo unotibatsira kunzwisisa kuti ndiMwari akaita sei. Kunyange kana tikambotadza kunzwisisa imwe nyaya iri muBhaibheri patinotanga kuiverenga kana kuti tikatadza kuona kuti inowirirana sei nezvatinoziva nezvaMwari, zvinhu zvatakatodzidza kare muBhaibheri nezvaJehovha zvakakwana kuti tive nechokwadi chekuti iye ndiMwari ane rudo, asingasaruri, uye anotonga zvakarurama.

19 Saka kuti tinzwisise Shoko raMwari, tinofanira kuriverenga uye kuridzidza tiine mwoyo une chido chekuchinja zvatanga tagara tichifunga. Haufungi kuti izvi zvinonyatsoratidza kuti Mwari akachenjera zvakadini here? Funga kuti vanhu kana vachinyora mabhuku avo, vanonyora anongonzwisiswa nevanhu “vakachenjera nevakangwara” chete. Asi kunyora bhuku rinogona kunzwisiswa nevanhu vane mwoyo yakarurama uye vanoverenga nechinangwa chakanaka chete, hachisi chinhu chiri nyore; Mwari chete neuchenjeri hwake ndiye angatozvigona izvozvo!—Mateu 11:25.

Bhuku Rine “Uchenjeri Hunobatsira”

20. Nei Jehovha ari iye ega anogona kutiudza nzira yakanakisisa yekurarama nayo, uye tinowanei muBhaibheri chingatibatsira kuita izvozvo?

20 Jehovha anotiudza nzira yakanakisisa yekurarama nayo achishandisa Shoko rake. Ndiye Musiki wedu, saka ndiye anotoziva zvakatinakira kupfuura zvatinoita isu pachedu. Uye zvinhu zvinodiwa nevanhu zvakadai sekuva nevanhu vanokudawo uye kuva nemufaro hazvina kumbobvira zvachinja. Bhaibheri rizere nepfuma ‘yeuchenjeri hunobatsira’ kurarama upenyu hune chinangwa. (Zvirevo 2:7) Chikamu chimwe nechimwe chebhuku rino chine chitsauko chinoratidza mashandisiro atingaita uchenjeri huri muBhaibheri, asi iye zvino ngatingokurukurai muenzaniso mumwe chete.

21-23. Mazano api ari muShoko raMwari anogona kutibatsira kuti tisachengeta chigumbu?

21 Wakazvicherechedza here kuti kuchengeta chigumbu kunowanzokuvadza munhu wacho ari kuchengeta chigumbu kwete waakagumbukira? Kugara wakagumbuka kuzviremedza muupenyu. Patinochengeta chigumbu, chinokanganisa pfungwa dzedu, chinotitorera rugare uye chinotishayisa mufaro. Vanoongorora nyaya dzeutano vanoti kugara takagumbuka kunowedzera mikana yedu yekubatwa nezvirwere zvakadai sechirwere chemwoyo nezvimwe zvirwere zvakasiyana-siyana. Vaongorori ivavo vasati vatombovako, Bhaibheri rakagara rataura kuti: “Rega kutsamwa, usiye hasha.” (Pisarema 37:8) Tingazviita sei?

22 Shoko raMwari rinopa zano iri reuchenjeri rekuti: “Njere dzemunhu dzinodzora kutsamwa kwake, uye zvakanaka kuti angosiya zvakadaro kana atadzirwa.” (Zvirevo 19:11) Shoko rakashandurwa kunzi njere pano apa rinoreva kukwanisa kunzwisisa zvinhu zvisiri pachena, kuona zvinopfuura zviri kuonekwa nemaziso. Kana tiine njere tinonzwisisa kuti matauriro aita munhu nesu kana kuti mabatiro aatiita ari kukonzerwa nei. Kuedza kunzwisisa zvanyatsoita kuti adaro, nezviri kuita kuti anzwe saizvozvo, uye kunzwisisa zvaari kusangana nazvo muupenyu, kuchatibatsira kukurira pfungwa dzakaipa dzatinenge tava nadzo.

23 Bhaibheri rine rimwe zano iri rekuti: “Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese.” (VaKorose 3:13) Shoko rekuti “muchinzwisisana,” rinopa pfungwa yekuti tiitire vamwe mwoyo murefu, uye kana paine zvinhu zvavanoita zvinotisvota, tonzwisisawo kuti ndizvo zvavari. Mwoyo murefu wakadaro unotibatsira kuti tisagara takangogumbukira tunyaya tusina basa. ‘Kuregerera’ kunoreva kuti tasarudza kusaramba takatsamwira munhu wacho. Mwari wedu akachenjera anoziva kuti tinofanira kuregerera vamwe kana paine chikonzero chakanaka chekudaro. Izvi zvinobatsira vatinenge taregerera uye zvinotibatsirawo isu kuti tive nerugare mupfungwa nemumwoyo. (Ruka 17:3, 4) Zvechokwadi Shoko raMwari rine uchenjeri!

24. Patinoedza kuita kuti upenyu hwedu huenderane neuchenjeri hwaMwari, chii chinobva chaitika?

24 Rudo rwukuru rwaJehovha rwakaita kuti ade kusvitsa mashoko ake kwatiri. Nzira yaakasarudza kuzviita nayo ndiyo yakanakisisa kupfuura dzimwe dzese; akaita seari kutinyorera tsamba achishandisa vanhu vaakafemera nemweya mutsvene. Izvi zvakaita kuti uchenjeri hwaJehovha pachake huzare mumapeji etsamba iyoyo. Uchenjeri uhwu ‘hwakavimbika kwazvo.’ (Pisarema 93:5) Patinoedza kuita kuti upenyu hwedu huenderane neuchenjeri ihwohwo, uye patinohuudzawo vamwe, zvinobva zvangotiswededzawo pedyo naMwari wedu akachenjera. Muchitsauko chinotevera, tinoda kukurukura nezvekuti Jehovha anoratidza sei uchenjeri hwake nekugara ataura zvichaitika uye kuzadzisa chinangwa chake.

a Mumwe muenzaniso ndewaDhavhidhi uyo aiva mufudzi; akanyora mifananidzo yaakatora paupenyu hwake semufudzi. (Pisarema 23) Mateu aiva muteresi, saka akataura zvakawanda nezvemanhamba uye ukoshi hwemari. (Mateu 17:27; 26:15; 27:3) Ruka aiva chiremba, saka akashandisawo mashoko airatidza ruzivo rwake panyaya dzekurapa.—Ruka 4:38; 14:2; 16:20.

b Kamari kadiki aka kainzi reputoni. Ndiyo mari yechiJudha diki pane dzese yaishandiswa panguva iyoyo. Mareputoni maviri aipinda ka64 pamari yaitambirwa nemunhu pabasa rezuva rimwe chete. Dziri mbiri kudaro dzaisatombokwana kutenga kunyange kashiri kamwe chete, kanova ndiko kaitokwaniswawo nevarombo.