Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 19

“Uchenjeri hwaMwari Muchakavanzika Chitsvene”

“Uchenjeri hwaMwari Muchakavanzika Chitsvene”

1, 2. Chii chakachengetwa naMwari chisingazivikanwi kwenguva refu, uye nei zvichifadza kuti tichizive?

 KUCHENGETA imwe nyaya isingazivikanwi nevakawanda kunowanzotiomera nekuti zvinongonakidza munhu wese kutanga kuudza vamwe zvavanenge vasiri kuziva. Asi Bhaibheri rinoti: “Kukudzwa kwaMwari kuri mukuita kuti nyaya isazivikanwa.” (Zvirevo 25:2) Sezvo ari iye Mutongi Mukuru uye Musiki, Jehovha ane kodzero yekusaudza vanhu dzimwe nyaya, achizovaudza panguva yaanoona yakakodzera.

2 Pane imwe nyaya inonakidza yaakazozivisa muShoko rake pashure penguva yakareba akaivanza. Nyaya iyoyo inonzi “chakavanzika chitsvene chekuda kwake.” (VaEfeso 1:9) Kudzidza nezvayo kunokubatsira zvikuru kupfuura kungonakidzwa nekunzwa zvinhu zvawanga usingazivi. Kuziva chakavanzika chitsvene kunoita kuti tipone uye kunotibatsira kunzwisisa uchenjeri hwaJehovha husingaenzaniswi.

Akachijekesa Zvishoma Nezvishoma

3, 4. Uprofita hwakanyorwa pana Genesisi 3:15 hwakapa sei tariro, uye hwaisanganisira mashoko api aisazivikanwa, anonzi “chakavanzika chitsvene”?

3 Adhamu naEvha pavakatadza, zvaiita sekuti chinangwa chaJehovha chekuti vanhu vararame panyika muparadhiso chakanga chakundikana. Asi pakare ipapo, Mwari akabva atotaura magadzirisiro aaizoita dambudziko racho. Akati: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi, nepakati pevana vako nemwana wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamuruma pachitsitsinho.”—Genesisi 3:15.

4 Mashoko aya aitemesa musoro, chirahwe chaicho. Ndiani ainzi mukadzi? Ko nyoka ndiani? Ko “mwana” aizopwanya musoro wenyoka aiva ani? Adhamu naEvha vaingoitawo zvekufungidzira. Kunyange zvakadaro, mashoko akataurwa naMwari aipa tariro kuvana vese vakatendeka vaizoberekwa nemurume nemukadzi ivavo vasina kutendeka. Saka kururama kwaizokunda. Chinangwa chaJehovha chaizozadziswa. Asi aizozviita sei? Izvozvo akamboramba akazvivanza! Bhaibheri rinotaura nezvazvo richiti “uchenjeri hwaMwari muchakavanzika chitsvene, uchenjeri hwakavanzwa.”—1 VaKorinde 2:7.

5. Ipa muenzaniso unoratidza kuti nei Jehovha akazivisa chakavanzika chitsvene zvishoma nezvishoma.

5 Jehovha “anozivisa zvakavanzika,” saka nekufamba kwenguva aizobudisa mashoko anenge achifanira kuzivikanwa nezvechakavanzika ichi. (Dhanieri 2:28) Asi aizozviita zvishoma nezvishoma. Tingazvifananidza nemapinduriro anoita baba kana kamwana kavo kakavabvunza kuti, “Baba, ini ndakabva kupi?” Baba vakachenjera vanongomuudza mashoko aanokwanisa kunzwisisa panguva iyoyo. Paanenge achikura, baba vacho vanowedzerawo zvekumuudza. Ndizvo zvinoitwawo naJehovha; anosarudza kuti ndepapi pakakodzera kuudza vanhu vake nezvekuda kwake uye chinangwa chake.—Zvirevo 4:18; Dhanieri 12:4.

6. (a) Chii chinonzi sungano? (b) Nei Jehovha akasarudza kushandisa zvibvumirano?

6 Jehovha aiwedzera sei mashoko kuti vanhu vazive nezvechakavanzika chitsvene? Zvizhinji zvacho akazvibudisa achishandisa sungano dzakatevedzana, kana kuti zvibvumirano. Pamwe wakambonyorerana pasi chibvumirano nemumwe munhu, chingava chekutenga imba kana kuti chekukweretesana mari. Chibvumirano chacho chaipa vimbiso yepamutemo yekuti zvabvumiranwa zvaizozadziswa. Asi Jehovha aizodirei kuita zvekushandisa zvibvumirano zvakadaro nevanhu? Handizvo here kuti zvaanotaura zvinototi zviitike? Ichocho ichokwadi. Asi kakawanda Mwari anoshandisa zvibvumirano zvepamutemo kutsigira shoko rake. Zvibvumirano izvi zvakasimba zvinoita kuti isu vanhu venyama tive nechivimbo chisingazununguki mune zvakavimbiswa naJehovha.—VaHebheru 6:16-18.

Sungano Yaakaita naAbrahamu

7, 8. (a) Jehovha akaita sungano yei naAbrahamu, uye sungano yacho inojekesa chii nezvechakavanzika chitsvene? (b) Jehovha akazoramba achijekesa sei kwaizouya nemwana akanga avimbiswa?

7 Pashure pemakore 2 000 kubva pakadzingwa vanhu muParadhiso, Jehovha akaudza mushumiri wake akatendeka Abrahamu kuti: “Ndichaita kuti vana vako vawande senyeredzi dzekudenga . . . Uye marudzi ese epanyika achazviwanira chikomborero nekumwana wako nekuti wateerera inzwi rangu.” (Genesisi 22:17, 18) Jehovha paakataura izvi akanga asiri kungopawo hake vimbiso; akanga achitoita sungano yepamutemo yaakatsigira achishandisa mhiko isingatyorwi. (Genesisi 17:1, 2; VaHebheru 6:13-15) Hazvishamisi here kuti Mutongi wezvinhu zvese akatoita chibvumirano chepamutemo chekuti akomborere vanhu?

“Ndichaita kuti vana vako vawande senyeredzi dzekudenga”

8 Sungano yaAbrahamu yakaratidza kuti mwana akanga avimbiswa aitozova munhu wenyama, achibva mudzinza raAbrahamu. Asi aizova ani? Nekufamba kwenguva, Jehovha akazozivisa kuti pavanakomana vaAbrahamu, mwana aizouya nekuna Isaka. Pavanakomana vaIsaka vaviri, Jakobho ndiye akasarudzwa. (Genesisi 21:12; 28:13, 14) Jakobho akazotaura mashoko aya euprofita nezvemumwe wevanakomana vake 12 achiti: “Tsvimbo yeumambo haizobvi kuna Judha, uye mudonzvo wemutungamiriri hauzobvi pakati petsoka dzake, kusvikira Shiro [Kureva kuti “Muridzi Wayo,” mashoko emuzasi] auya, uye marudzi achamuteerera.” (Genesisi 49:10) Iye zvino zvakanga zvava kuzivikanwa kuti mwana wacho aizova mambo, ari wedzinza raJudha!

Sungano Yaakaita nevaIsraeri

9, 10. (a) Jehovha akaita sungano yei nevaIsraeri, uye sungano iyoyo yakavadzivirira sei? (b) Mutemo wakaratidza sei kuti vanhu vanoda rudzikinuro?

9 Muna 1513 B.C.E, Jehovha akatora rimwe danho raizoita kuti awedzere kujekesa nezvechakavanzika chitsvene. Akaita sungano nevaIsraeri, vazukuru vaAbrahamu. Kunyange zvazvo iye zvino isisashandi, sungano yeMutemo waMozisi yakashanda basa rinokosha zvikuru pakuzadziswa kwechinangwa chaJehovha chine chekuita nemwana akanga avimbiswa. Ndezvipi zvimwe zvayakabatsira? Ngationei zvitatu. Chekutanga, Mutemo wakanga wakaita serusvingo rwaidzivirira. (VaEfeso 2:14) Mirayiro yawo yakarurama yaiparadzanisa vaJudha nevanhu vemamwe marudzi. Saka Mutemo wakabatsira kuchengetedza dzinza raizouya nemwana akanga akavimbiswa. Mutemo ndiwo wakanyanya kubatsira kuti rudzi rwacho rwunge ruchiripo pakasvika nguva yekuti Mesiya aberekwe mudzinza raJudha.

10 Chechipiri, Mutemo wakaratidza zvakasimba kuti vanhu vanoda rudzikinuro. Mutemo wakanga wakakwana zvekuti wakanyatsobudisa pachena kuti vanhu vane chivi havakwanisi kuutevedzera zvakazara. Saka Mutemo wakashanda “kuti zvitadzo zviiswe pachena, kusvikira mwana asvika, uyo akanga aitirwa vimbiso yacho.” (VaGaratiya 3:19) Zvibayiro zvemhuka zvaipiwa pasi peMutemo zvaiita kuti vanhu vakwanise kuyananiswa naMwari panguva iyoyo. Asi sezvakanyorwa naPauro, “hazviiti kuti ropa remombe nerembudzi ribvise zvivi,” saka zvibayiro izvi zvaingofananidzira chibayiro cherudzikinuro chaKristu. (VaHebheru 10:1-4) Saka kuvaJudha vakatendeka, sungano iyoyo yakava “muperekedzi . . . anotungamirira kuna Kristu.”—VaGaratiya 3:24.

11. VaIsraeri vakapiwa tariro ipi inoshamisa, asi vakawanda vavo vakarasikirwa nayo sei?

11 Chechitatu, sungano iyoyo yaipa vaIsraeri tariro inoshamisa. Jehovha akavaudza kuti kana vakaramba vakatendeka kusungano yacho, vaizova “umambo hwevapristi nerudzi rutsvene.” (Eksodho 19:5, 6) Zvechokwadiwo vapristi veumambo hwekudenga vekutanga vakazobva kurudzi rwevaIsraeri. Asi vamwe vaIsraeri vese vakapandukira sungano yeMutemo, vakaramba Mesiya, vachibva varasikirwa nemukana iwoyo. Saka vamwe vapristi veumambo vaizotorwa kupi? Uye vapristi veumambo ava vakabatana papi nemwana akavimbiswa kuti aizouya? Mwari aizozivisa chokwadi ichocho panguva yake yakakodzera.

Sungano yeUmambo Yaakaita naDhavhidhi

12. Jehovha akaita sungano yei naDhavhidhi, uye yakajekesa chii nezvechakavanzika chitsvene chaMwari?

12 Makore anenge 1 000 Kristu asati auya panyika, Jehovha akawedzera kujekesa nezvechakavanzika chitsvene paakaita imwe sungano. Akavimbisa mushumiri wake Mambo Dhavhidhi kuti: “Ndichaita kuti mwana wako, . . . ave mambo pashure pako, uye ndichasimbisa umambo hwake . . . uye ndichasimbisa chigaro chake cheumambo nekusingaperi.” (2 Samueri 7:12, 13; Pisarema 89:3) Iye zvino mwana uya akavimbiswa akanga ava kuzivikanwa kuti aizouya nekudzinza raDhavhidhi. Asi pane munhu wenyama angatonga nekusingaperi here? (Pisarema 89:20, 29, 34-36) Uye munhu iyeye aizogona kusunungura vanhu pachivi nerufu here?

13, 14. (a) Maererano naPisarema 110, Jehovha akavimbisei kuna Mambo wake akazodzwa? (b) Ndezvipi zvimwe zvakaziviswa nevaprofita vaJehovha pamusoro pekuuya kwemwana?

13 Dhavhidhi akafemerwa kunyora kuti: “Jehovha akati kuna Ishe wangu: ‘Gara kuruoko rwangu rwerudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.’ Jehovha akapika mhiko, uye haazochinji mwoyo: ‘Iwe uri mupristi nekusingaperi sezvakanga zvakaita Merekizedheki!’” (Pisarema 110:1, 4) Mashoko aDhavhidhi aitaura nezvaMesiya kana kuti mwana ainge akavimbiswa. (Mabasa 2:35, 36) Mambo uyu aizotonga, ari kudenga, ‘kuruoko rwerudyi,’ kwete ari muJerusarema. Izvozvo zvaizoita kuti ave nesimba rekutonga nyika yese, kwete vaIsraeri chete. (Pisarema 2:6-8) Asi pane zvimwe zvakajekeswa pano. Yeuka kuti Jehovha akataura mhiko yekuti Mesiya aizova “mupristi . . . sezvakanga zvakaita Merekizedheki.” Merekizedheki akashanda samambo uye semupristi mumazuva aAbrahamu, saka mwana akanga akavimbiswa aizogadzwa naMwari pachake kuti ave Mambo uye Mupristi.—Genesisi 14:17-20.

14 Nekufamba kwemakore, Jehovha akashandisa vaprofita vake kujekesa zvimwe pamusoro pechakavanzika chake chitsvene. Isaya akazivisa kuti mwana wacho aizofa rufu rwechibayiro. (Isaya 53:3-12) Mika akataura nzvimbo yaizoberekerwa Mesiya. (Mika 5:2) Dhanieri akaprofita nguva chaiyo yaizoonekwa Mesiya uye yaaizofa.—Dhanieri 9:24-27.

Chakavanzika Chitsvene Chinozobudiswa Pachena!

15, 16. (a) Zvakafamba sei kuti Mwanakomana waJehovha ‘azoberekwa nemukadzi’? (b) Jesu akawana kodzero yei kuvabereki vake vepasi pano, uye akasvika riini semwana akanga akavimbiswa kuti aizovapo?

15 Uprofita uhwu hwakambogara nguva refu husingazivikanwi kuti hwaizozadziswa sei kusvikira mwana wacho asvika. VaGaratiya 4:4 inoti: “Pakazonyatsokwana nguva yacho, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nemukadzi.” Mugore ra2 B.C.E., imwe ngirozi yakataurira mhandara yechiJudha Mariya kuti: “Uchava nepamuviri, wobereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Jesu. Uyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWekumusorosoro, uye Jehovha Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi . . . Mweya mutsvene uchava pauri, uye simba reWekumusorosoro richakufukidza. Saka achaberekwa wacho achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari.”—Ruka 1:31, 32, 35.

16 Jehovha akazotamisa upenyu hweMwanakomana wake kubva kudenga achihuisa mudumbu raMariya, zvekuti akazoberekwa nemukadzi. Mariya akanga ari munhu ane chivi sevanhu vese. Asi Jesu haana kuzvarwa aine chivi ichocho, nekuti akanga ari “Mwanakomana waMwari.” Asiwo kuva nevabereki venyama vemudzinza raDhavhidhi kwakapa Jesu kodzero yepamutemo yekugara nhaka chigaro chaDhavhidhi. (Mabasa 13:22, 23) Paakabhabhatidzwa muna 29 C.E., Jehovha akamuzodza nemweya mutsvene ndokuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa.” (Mateu 3:16, 17) Mwana uya akanga azosvika! (VaGaratiya 3:16) Yakanga yava nguva yekuzivisa zvakawanda nezvechakavanzika chitsvene.—2 Timoti 1:10.

17. Genesisi 3:15 yakazojekeswa kuti inotaura nezvavanaani?

17 Paaiita ushumiri hwake, Jesu akaratidza kuti nyoka inotaurwa pana Genesisi 3:15 ndiSatani uye kuti vana yenyoka vateveri vaSatani. (Mateu 23:33; Johani 8:44) Nekufamba kwenguva, zvakazobudiswa pachena kuti ivava vachapwanywa sei nekusingaperi. (Zvakazarurwa 20:1-3, 10, 15) Uye zvakazobudiswawo kuti mukadzi aireva “Jerusarema riri kumusoro,” chikamu chekudenga chesangano raJehovha chinoumbwa nezvisikwa zvemweya. aVaGaratiya 4:26; Zvakazarurwa 12:1-6.

Sungano Itsva

18. “Sungano itsva” yakaitwa nechinangwa chei?

18 Zvichida chinonyanya kunakidza chakaziviswa nezvechakavanzika chitsvene ‘isungano itsva’ yakaitwa naJesu nevadzidzi vake vakatendeka usiku hwake hwekupedzisira ainavo. (Ruka 22:20) Iyi sungano yakangofanana nesungano yeMutemo pakuti mairi maizobuda “umambo hwevapristi.” (Eksodho 19:6; 1 Petro 2:9) Musungano iyi ndimo maizobuda “Israeri waMwari,” rudzi rutsva rwunoumbwa nevateveri vaJesu vakazodzwa chete, kusiyana nerwevaIsraeri chaivo rwakanga rwuripo. (VaGaratiya 6:16) Ivava vari musungano itsva ndivo vaizobatana naJesu pakukomborera vanhu vari pasi pano!

19. (a) Chii chinoita kuti sungano itsva ibudirire kubudisa “umambo hwevapristi”? (b) Nei vaKristu vakazodzwa vachinzi “chisikwa chitsva,” uye vangani vachashumira naKristu kudenga?

19 Chii chinoita kuti sungano itsva ibudirire kubudisa “umambo hwevapristi” kuti hukomborere vanhu? Panzvimbo pekuratidza vadzidzi vaJesu kuti vatadzi, inotoita kuti vawane mukana wekuregererwa zvivi zvavo pachishandiswa chibayiro chake. (Jeremiya 31:31-34) Pavanongonzi naJehovha vakachena, anobva avagamuchira mumhuri yake yekudenga ovazodza nemweya mutsvene. (VaRoma 8:15-17; 2 VaKorinde 1:21) Pavanodaro vanenge ‘vaberekwa patsva kuti vave netariro mhenyu yavakachengeterwa kudenga.’ (1 Petro 1:3, 4) Sezvo kukwidziridzwa kwakadaro chiri chinhu chitsva kuvanhu venyama, vaKristu vakazodzwa vanonzi “chisikwa chitsva.” (2 VaKorinde 5:17) Bhaibheri rakazivisa kuti vaizopedzisira vasvika 144 000, uye vaizobatana naJesu kudenga vachitonga vanhu vakadzikinurwa vanenge vari pasi pano.—Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1-4.

20. (a) Chii chakaziviswa pamusoro pechakavanzika chitsvene muna 36 C.E.? (b) Ndivanaani vachawana zvikomborero zvakavimbiswa Abrahamu?

20 Pamwe chete naJesu, vakazodzwa ava vanova “mbeu yaAbrahamu.” b (VaGaratiya 3:29, mashoko emuzasi.) Vakatanga kusarudzwa vaiva vaJudha chaivo. Asi muna 36 C.E., pane chimwe chinhu chakaziviswawo nezvechakavanzika chitsvene. Vanhu vemamwe marudzi kana kuti vasiri vaJudha vaizovawo netariro yekuenda kudenga. (VaRoma 9:6-8; 11:25, 26; VaEfeso 3:5, 6) VaKristu vakazodzwa ndivo chete vaizowana zvikomborero zvakavimbiswa Abrahamu here? Kwete. Chibayiro chaJesu chinobatsira nyika yese. (1 Johani 2:2) Nekufamba kwenguva, Jehovha akazivisa kuti kwaizova nevanhu vasingaverengeki, “boka guru” raizopona pamugumo wenyika yaSatani. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Zvimwewo zviuru nezviuru zvaizomutswa zviine tariro yekurarama nekusingaperi muParadhiso!—Ruka 23:43; Johani 5:28, 29; Zvakazarurwa 20:11-15; 21:3, 4.

Uchenjeri hwaMwari Hunooneka Muchakavanzika Chitsvene

21, 22. Chakavanzika chitsvene chinoratidza sei uchenjeri hwaJehovha?

21 Chakavanzika chitsvene chinobudisa “uchenjeri hwaMwari hunoratidzwa nenzira zhinji dzakasiyana-siyana.” (VaEfeso 3:8-10) Jehovha akaratidza uchenjeri hunoshamisa pamarongero aakaita chakavanzika ichi uye kuchizivisa zvishoma nezvishoma! Neuchenjeri hwake aiziva kuti vanhu havagoni kunzwisisa zvinhu zvese panguva imwe chete, uye nguva yaakatora achichizivisa yakaita kuti vanhu varatidze zvavari mumwoyo.—Pisarema 103:14.

22 Jehovha akaratidzawo uchenjeri husingaenzaniswi pakusarudza kwaakaita Jesu kuti ave Mambo. Mwanakomana waJehovha akavimbika kupfuura zvimwe zvisikwa zvese. Paakararama panyika pano ari munhu wenyama, Jesu akasangana nematambudziko akasiyana-siyana. Anonyatsonzwisisa matambudziko evanhu. (VaHebheru 5:7-9) Ko vaanotonga navo? Mumazana emakore apfuura, Jehovha akazodza varume nevakadzi vemarudzi nemitauro yakasiyana-siyana uye vane tsika nemagariro zvakasiyana-siyana. Hapana dambudziko rinosangana nevanhu ravasina kumbosanganawo naro vakarikunda. (VaEfeso 4:22-24) Hakusi kufadza kwazvichaita kurarama tiri pasi pemadzimambo nevapristi vane tsitsi zvakadaro!

23. VaKristu vakakomborerwa sei panyaya yechakavanzika chitsvene?

23 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Chakavanzika chitsvene chakanga chakavanzwa kubvira nguva dzekare uye kuzvizvarwa zvakapfuura . . . chakaiswa pachena kuvatsvene vake.” (VaKorose 1:26) Vakazodzwa vakasvika pakunzwisisa zvakawanda nezvechakavanzika chitsvene, uye vakazviudzawo zviuru nezviuru zvevanhu. Tese zvedu takakomborerwa nekuti Jehovha akaita kuti “tizive chakavanzika chitsvene chekuda kwake.” (VaEfeso 1:9) Ngatiudzewo vamwe nezvechokwadi ichi chinoshamisa, tichivabatsira kuti vaonewo uchenjeri hwaJehovha hwakadzama!

a “Chakavanzika chitsvene chekuzvipira kuna Mwari” chakaratidzwa naJesu. (1 Timoti 3:16) Pakanga pava nenguva refu pasingazivikanwi kuti pane munhu angaramba akazvipira kuna Jehovha zvakakwana here. Jesu akaratidza kuti zvinoita. Akaramba akavimbika pamiedzo yese yaakaunzirwa naSatani.—Mateu 4:1-11; 27:26-50.

b Jesu akaitawo “sungano yeumambo” neboka rimwe chete iroro. (Ruka 22:29, 30) Musungano iyoyo Jesu aitoita chibvumirano ‘neboka diki’ chekuti vachatonga naye kudenga vova mbeu yaAbrahamu pamwe chete naye.—Ruka 12:32.