Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 20

“Ane Mwoyo Wakachenjera” Asi Anozvininipisa

“Ane Mwoyo Wakachenjera” Asi Anozvininipisa

1-3. Tinoziva sei kuti Jehovha anozvininipisa?

 BABA vane chidzidzo chinokosha chavari kuda kuti mwana wavo adzidze. Chido chavo ndechekuti anyatsobata zvavari kumudzidzisa nemwoyo wese. Vangazviita sei? Vanofanira kutaura naye vakamira vachiita zvekumutyisidzira here? Kana kuti vanofanira kuchonjomara kuti vaenzane naye, votaura naye zvinyoronyoro? Baba vakachenjera, vanozvininipisa, vanotaura nemwana wavo vasingamutyisidzire.

2 Jehovha ndiBaba vanozvikudza here kana kuti vanozvininipisa, vane utsinye here kana kuti vanyoro? Jehovha anoziva zvinhu zvese uye ane uchenjeri hwese. Asi wakambozviona here kuti kuva neruzivo uye pfungwa dzakapinza hakuwanzoite kuti munhu azvininipise? Bhaibheri rinotaura kuti, “ruzivo runoita kuti munhu azvitutumadze.” (1 VaKorinde 3:19; 8:1) Asi Jehovha, uyo “ane mwoyo wakachenjera,” anozvininipisa. (Jobho 9:4) Kana zvichinzi Jehovha anozvininipisa hazvirevi kuti anozvibvisa panzvimbo yake yakakwirira, inoremekedzwa; zvinongoreva kuti haazvikudzi. Tinozviziva sei izvozvo?

3 Jehovha mutsvene. Saka kuzvikudza kunosvibisa, hakupindirani nekuva mutsvene. (Mako 7:20-22) Cherechedzawo zvakataurwa nemuprofita Jeremiya kuna Jehovha: “Chokwadi muchayeuka mokotama kuti mundibatsire.” a (Mariro 3:20) Imbopafunga! Jehovha, Mutongi wezvinhu zvese, aibvuma ‘kukotama,’ kuzvideredza kuti asvike pamunhu ane chivi akaita saJeremiya kuti amubatsire. (Pisarema 113:7) Jehovha anozvininipisa zvechokwadi. Asi Mwari anoratidza sei kuti anozvininipisa? Kuzvininipisa kwake kunobatana sei neuchenjeri? Uye nei kuchikosha kwatiri?

Maratidziro Anoita Jehovha Kuti Anozvininipisa

4, 5. (a) Chii chinonzi kuzvininipisa, kunoratidzwa sei, uye nei kusingafaniri kuonekwa sekupusa kana kusava neushingi? (b) Jehovha akaratidza sei kuzvininipisa pamabatiro aakaita Dhavhidhi, uye kuzvininipisa kwake kunokosha zvakadini kwatiri?

4 Kuzvininipisa kunoreva kusanyanya kuzvifunga uye kusazvikudza. Sezvo kuchibva mumwoyo, kunooneka nekuva munyoro, kuva nemwoyo murefu uye kuva munhu anonzwisisa. (VaGaratiya 5:22, 23) Asi munhu anenge achiratidza kuzvininipisa haafaniri kuonekwa semunhu akapusa kana kuti asina ushingi. Hakupesani nezvimwe zvatinoziva nezvaJehovha zvakadai sekuti ane hasha dzakarurama uye ane simba rekuparadza. Kuzvininipisa kwake neunyoro hwake zvinotoratidza kuti ane simba guru rekuzvidzora zvakakwana. (Isaya 42:14) Kuzvininipisa kunopindirana papi neuchenjeri? Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti kuzvininipisa kunoreva kusaita zvinhu tichingozvifunga isu chete uye rinozoenderera mberi richiti kuzvininipisa “ndiko mudzi weuchenjeri hwese.” Saka uchenjeri hwechokwadi hahugoni kuvapo pasina kuzvininipisa. Kuzvininipisa kwaJehovha kunotibatsira sei?

Baba vakachenjera vanozvininipisa uye vanyoro pamabatiro avanoita vana vavo

5 Mambo Dhavhidhi akaimbira Jehovha achiti: “Munondipa nhoo yenyu yeruponeso, ruoko rwenyu rwerudyi runonditsigira, uye kuzvininipisa kwenyu kunoita kuti ndive mukuru.” (Pisarema 18:35) Izvi zvinoreva kuti Jehovha akazvideredza kuti abatsire munhu iyeye akaderera achimudzivirira uye achimuchengetedza zuva nezuva. Dhavhidhi aiziva kuti kupona kwake, uye kunyange kusvika kwake pakutozova mambo, zvaibva pakuti Jehovha aizvininipisa nenzira iyi. Tichida hedu kutaura chokwadi, ndiani pakati pedu aizova netariro yekuponeswa kudai Jehovha asingazvininipisi, asingazvideredzi kuti atibate saBaba vane unyoro uye vane rudo?

6, 7. (a) Nei Bhaibheri risingambotauri nezvaJehovha richiti ane mwero? (b) Unyoro neuchenjeri zvinobatana papi, uye ndiani anonyatsotiratidza kubatana kwazvakaita?

6 Zvinokosha kuti tizive musiyano uri pakati pekuzvininipisa uye kuva nemwero. Kuva nemwero kunokosha chaizvo kwatiri isu vanhu vanonamata Jehovha. Kuva nemwero kwakabatanawo neuchenjeri, sezvakangoita kuzvininipisa. Zvirevo 11:2 inoti: “Vane mwero ndivo vane uchenjeri.” Asi Bhaibheri harimbotauri nezvaJehovha richimuti ane mwero. Nei zvakadaro? Pamashandisirwo arakaitwa muMagwaro, shoko rekuti kuva nemwero rinoreva kuziva zvausingagoni. Hapana chinotadzisa Wemasimbaose kuita zvaanenge achida, kunze kwekunge achitorega ega kuita chimwe chinhu maererano nemitemo yake yakarurama. (Mako 10:27; Tito 1:2) Uyezve Wekumusorosoro haasi pasi pemumwe munhu. Saka nyaya yekuva nemwero haishandi kuna Jehovha.

7 Asi Jehovha anozvininipisa uye munyoro. Anodzidzisa vashumiri vake kuti unyoro hwakabatana neuchenjeri. Shoko rake rinotaura kuti “unyoro hunobva pakuva neuchenjeri.” b (Jakobho 3:13) Funga nezvemuenzaniso waJehovha panyaya iyi.

Jehovha Anopa Vamwe Zvekuita Uye Anoteerera Vachitaura

8-10. (a) Nei zvichishamisa kuti Jehovha anofarira kupa zvisikwa zvake mamwe mabasa uye kuzviteerera? (b) Wemasimbaose akaratidza sei kuzvininipisa pakushanda nengirozi dzake?

8 Imwe nzira inobaya mwoyo inoratidzwa nayo naJehovha kuti anozvininipisa ndeyekuti anopawo mamwe mabasa kuzvisikwa zvake uye anoteerera pazvinotaura. Izvi zvinoshamisa zvikuru nekuti Jehovha hapana paanoda kubatsirwa uye haadi mazano anobva kuvanhu. (Isaya 40:13, 14; VaRoma 11:34, 35) Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoratidza raratidzazve kuti Jehovha anozvirereka nenzira idzi.

9 Funga imwe nyaya inoshamisa yakamboitika muupenyu hwaAbrahamu. Abrahamu akashanyirwa nevaenzi vatatu, uye akataura nemumwe wacho achimuti “Jehovha.” Chokwadi ndechekuti vaenzi vacho vaiva ngirozi, uye mumwe wavo akautoya muzita raJehovha, achimiririra Jehovha. Saka zvinoreva kuti zvese zvaiitwa nengirozi iyoyo uye zvayaitaura zvaitoitwa naJehovha pachake. Achishandisa ngirozi iyoyo Jehovha akaudza Abrahamu kuti akanga anzwa “kuchema pamusoro peSodhomu neGomora.” Jehovha akabva ati: “Ndichaburuka kuti ndione kana kuchema kwakasvika kwandiri nezvezvavari kuita chiri chokwadi. Kana chisiri, ndichazviziva.” (Genesisi 18:3, 20, 21) Zviri pachena kuti Jehovha akanga asingarevi kuti Wemasimbaose aizoburuka iye pachake. Aingoreva kuti aizotuma ngirozi dzichimumiririra. (Genesisi 19:1) Nei tichidaro? Zvingareva here kuti Jehovha uyo ane maziso anoona zvese aisagona kuzvionera ega zviri kuitika munzvimbo iyoyo? Aisambotadza. Asi akasarudza hake kuzvininipisa akatuma ngirozi kuti dzinoongorora zvaiitika uye kuti dzishanyire Roti nemhuri yake muSodhomu.

10 Jehovha anoteererawo zvisikwa zvake zvichitaura. Akambokumbira ngirozi dzake kuti dzitaurewo zvadzinofunga nezvenzira yekushandisa pakuparadza mambo akaipa Ahabhi. Izvi hazvirevi kuti Jehovha akanga apererwa nemazano achitoda kubatsirwa. Asi akabvuma zvakataurwa neimwe ngirozi ndokuituma kuti iite zvayakanga yataura. (1 Madzimambo 22:19-22) Hakusi kuzvininipisa kwakakura here ikoko?

11, 12. Abrahamu akasvika sei pakuona kuti Jehovha anozvininipisa?

11 Jehovha anototeerera kunyange vanhu vane chivi kana vachitaura zvinovanetsawo. Paakaudza Abrahamu kuti aida kuparadza Sodhomu neGomora, zvakashamisa Abrahamu. Akati kuna Jehovha: “Hamungambofungi zvakadaro. Mutongi wenyika yese angatadza kuita zvakarurama here?” Akabvunza Jehovha kuti aizorega kuparadza guta racho kana akawana mariri vanhu 50 vakarurama here. Jehovha akamupindura kuti aizorisiya. Asi Abrahamu akabvunza zvekare, achideredza nhamba yacho kusvika pa45, pa40, achingodaro. Pasinei nekuti Jehovha aimuudza kuti aisazoparadza, Abrahamu akaramba achingobvunza kusvika adzikisa nhamba yacho kusvika ku10. Pamwe Abrahamu akanga asati anyatsonzwisisa kuti Jehovha ane tsitsi zvakadini. Kunyange zvakadaro, Jehovha akaratidza mwoyo murefu kushamwari yake uye muranda wake Abrahamu achimubvumira kutaura zvaaifunga.—Genesisi 18:23-33.

12 Vanhu vangani vane pfungwa dzakapinza uye vakadzidza vangaita mwoyo murefu wekuteerera munhu wavanofunga kuti haana zvaanoziva zvachose? c Mwari wedu anozvininipisa akaita izvozvo. Pavaikurukura kudaro Abrahamu akasvika pakuona kuti Jehovha “anononoka kutsamwa.” (Eksodho 34:6) Abrahamu aigona kunge aiona kuti akanga asina kodzero yekubvunza Wekumusorosoro kuti ari kuitei saka akateterera kaviri kuti: “Ndapota, Jehovha, musatsamwa.” (Genesisi 18:30, 32) Tinoziva kuti Jehovha haana kumutsamwira. Zvechokwadi ane “unyoro hunobva pakuva neuchenjeri.”

Jehovha Anonzwisisa

13. Maererano nekushandiswa kwarakaitwa pana Jakobho 3:17, shoko rekuti “kunzwisisa” rinoreva chii, uye nei zvakanyatsokodzera kurishandisa pana Jehovha?

13 Imwe nzira yakanakisisa inoratidzwa nayo naJehovha kuti anozvininipisa ndeyekuti ndiMwari anonzwisisa. Izvi hazviwanzowaniki pavanhu vane chivi. Jehovha anoteerera zvisikwa zvake uye anogona kuzvisiya zvichiita zvimwe zvinhu zvisiri izvo zvaanga achida kuti zviitwe, kana pasina mitemo yake yakarurama iri kutyorwa. Pamashandisirwo arakaitwa mune dzimwe ndima muBhaibheri, shoko rekuti “kunzwisisa” rinoreva kungobvumira kuti zvimwe zvinhu zviitike kunyange zvazvo zvisiri izvo zvawanga uchida. Izvozvo zvinoratidza uchenjeri hwaMwari. Jakobho 3:17 inoti: “Uchenjeri hunobva kumusoro . . . hunonzwisisa.” Nei tingati Jehovha uyo ane uchenjeri hwese anonzwisisa? Chekutanga, anogona kuchinja maererano nezvinenge zviripo. Yeuka kuti zita rake chairo rinotidzidzisa kuti Jehovha anozviita kuti ave zvinenge zvichidiwa kuti azadzise chinangwa chake. (Eksodho 3:14) Zita rake chairo rinobva ratoratidza kuti akagadzirira kuchinja, handizvo here?

14, 15. Ngoro yaJehovha yekudenga yakaratidzwa Ezekieri inotidzidzisei nezvesangano raJehovha rekudenga, uye rakasiyana sei nemasangano evanhu?

14 Pane matsanangurirwo anoitwa Jehovha muBhaibheri anotibatsira kunzwisisa kuti anogona kuchinja nyore nyore zvakadini, zvichienderana nemamiriro ezvinhu anenge avapo. Muprofita Ezekieri akaratidzwa sangano raJehovha rekudenga rezvisikwa zvemweya. Akaona ngoro yaJehovha yakakura zvinoshamisa, yaanogara achiendesa kwaanenge achida. Chakamupedza mate mukanwa mafambiro ayaiita. Mazivhiri acho akanga aine mativi mana uye azere maziso zvekuti aigona kuona kwese kwese uye aigona kuchinja kwaaienda pakarepo, pasina kumbomira kana kuti kukona. Uye chifambiso ichi chakakura chakanga chisingangokunguruke sezvinoita zvimwe zvifambiso zvakakura zvinogadzirwa nevanhu. Chaigona kumhanya semheni, chichitochinja kwachiri kuenda pakare ipapo pasina kutenderera! (Ezekieri 1:1, 14-28) Izvi zvinoratidza kuti sangano raJehovha, kufanana naiye anoritungamirira, rinochinja maererano nekuchinja kunenge kwaita zvinhu uye zvinenge zvichida kugadziriswa.

15 Vanhu vangaedza kutevedzera kugadzira chinhu chinochinja nekukurumidza zvakadaro, asi vangatogumira pakuedza. Kana ari masangano evanhu haakurumidze kuchinja kuti aenderane nemamiriro anenge aita zvinhu. Masangano evanhu akafanana nengarava kana kuti chitima. Zvinhu izvi zvinogona kunge zvichishamisa nemakuriro azvakaita uye simba razviinaro rekudhonza. Asi zvinogona kuchinja kwazviri kuenda pakarepo here kana paine zvaitika? Kana chimwe chinhu chikawira munjanji, kutongoziva kuti itsaona. Kumira hakusi nyore. Chitima chihombe chinotakura zvinhu chinogona kutopfuura makiromita maviri chisati chamira kubvira pachinobopwa mabhureki! Ngarava yakakura inogonawo kutofamba makiromita 8 injini dzadzimwa. Kunyange kana injini dzacho dzikaiswa muruvhesi, ngarava yacho inogona kuramba ichingocheka ichienda kwemamwe makiromita matatu! Pamusana pekuzvikudza, vanhu vanowanzoramba kuchinja kuti vaite zvinenge zvichienderana nezvavapo. Kuomesa musoro ikoko kwakabhurokesa makambani akakura uye kwakaita kuti dzimwe hurumende dzipidigurwe. (Zvirevo 16:18) Hazvitifadze here kuziva kuti handizvo zvakaita Jehovha nesangano rake!

Maratidziro Anoita Jehovha Kuti Anonzwisisa

16. Jehovha akaratidza sei kunzwisisa pamabatiro aakaita Roti Sodhomu neGomora zvisati zvaparadzwa?

16 Ngatidzokerei panyaya yekuparadzwa kweSodhomu neGomora. Ngirozi yaJehovha yakanyatsoudza Roti zvaaifanira kuita pamwe chete nemhuri yake ichiti: “Tizira kumakomo.” Asi Roti haana kufara nazvo. Akachema-chema achiti “Aiwa Jehovha, musandiendesa ikoko ndapota!” Achityira kuti aigona kunofa kana akatizira kumakomo, Roti akateterera kuti iye nemhuri yake vatizire kuguta raiva pedyo reZoari. Asi chiripo ndechekuti Jehovha akanga achida kuparadza guta irorowo zvakare. Uyezve, zvakanga zvichityiwa naRoti zvakanga zvisina kana musoro. Jehovha aisazotadza kumudzivirira kumakomo ikoko! Kunyange zvakadaro, Jehovha akabvuma zvaikumbirwa naRoti. Ngirozi yake yakaudza Roti kuti: “Zvakanaka, ndichateerera chikumbiro chako, ndorega kuparadza guta rawataura.” (Genesisi 19:17-22) Chokwadi Jehovha akaratidza kunzwisisa!

17, 18. Jehovha akaratidza sei kuti anonzwisisa pamabatiro aakaita vaNinivhi?

17 Jehovha anoonawo munhu anenge apfidza zvepachokwadi, nguva dzese achiratidza tsitsi uye achiita zvakarurama. Funga zvakaitika pakatumwa muprofita Jona kuguta reNinivhi, raiva nevanhu vakaipa vaiita zvemhirizhonga. Jona akafamba nemumigwagwa yeNinivhi, achivaudza mashoko akajeka aibva kuna Mwari ekuti guta ravo raizoparadzwa pashure pemazuva 40. Asi zvinhu zvakachinja zvinoshamisa. Vanhu veNinivhi vakatendeuka vese!—Jona, chitsauko 3.

18 Cherechedza musiyano wakakura uripo pakati pezvakaitwa naJehovha pakachinja vaNinivhi nezvakaitwa naJona. Panyaya ino Jehovha akachinja kuva Mwari anoregerera panzvimbo pekuva “murwi ane simba.” d (Eksodho 15:3) Asi Jona akatoratidza mwoyo wakaoma uye kusatombonzwira tsitsi. Pane kuti aratidze kunzwisisa sezvinoita Jehovha, akatoita kunge chitima kana kuti ngarava yatambotaura nezvayo. Akanga azivisa kuti vaifanira kuparadzwa, saka vaifanira kuparadzwa chero zvodini! Asi Jehovha akabatsira muprofita wake nemwoyo murefu kuti adzidze kuva munhu anonzwisisa uye ane tsitsi.—Jona chitsauko 4.

Jehovha anonzwisisa uye anoziva zvatisingakwanisi

19. (a) Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha anonzwisisa pane zvaanotarisira kwatiri? (b) Zvirevo 19:17 inoratidza sei kuti Jehovha ndiTenzi ‘akanaka neanonzwisisa’ uye anozvininipisa?

19 Nzira yekupedzisira yatichakurukura nezvayo inoratidzwa nayo naJehovha kuti anonzwisisa ndeyekuti haatarisiri zvakawandisa kwatiri. Mambo Dhavhidhi akati: “Nekuti anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:14) Jehovha anonzwisisa zvatisingagoni uye chivi chatiinacho kupfuura zvatinoita isu. Haambotitarisiri kuti tiite zvatisingakwanisi. Bhaibheri rinoti kuna vanatenzi “vakanaka nevanonzwisisa” uye vanatenzi “vakaoma kufadza.” (1 Petro 2:18) Jehovha ndiTenzi akaita sei? Cherechedza zvinotaurwa naZvirevo 19:17: “Anonzwira tsitsi munhu akaderera anenge achikweretesa Jehovha.” Zviri pachena kuti tenzi anocherechedza kese kaunenge waita uchibatsira varombo nditenzi anonzwisisa iyeye. Chinotonyanya kufadza ndechekuti rugwaro urwu runoratidza kuti Musiki wezvinhu zvese anotozviona seane chikwereti nevanhuwo zvavo pavanobatsira vakaderera! Uku kuzvininipisa kunoshamisa.

20. Chii chinotipa chivimbo chekuti Jehovha anonzwa minyengetero yedu uye anoipindura?

20 Kunyange nanhasi Jehovha anobata vashumiri vake neunyoro, achiratidza kuti anonzwisisa. Patinonyengetera tichiratidza kuti tine kutenda, anoteerera. Uye kunyange zvazvo asingatumiri ngirozi kuzotaura nesu, hatifaniri kufunga kuti minyengetero yedu haisi kupindurwa. Yeuka kuti paakanga ari mujeri muapostora Pauro akakurudzira hama dzake achiti: “Rambai muchitinyengeterera . . . kuti ndikurumidze kudzoka kwamuri.” (VaHebheru 13:18, 19) Kureva kuti minyengetero yedu inogona kuita kuti Jehovha achinje zvinhu zvaanga abvumira kuti zviitike!—Jakobho 5:16.

21. Kana tichiti Jehovha anonzwisisa, chii chatinenge tisiri kureva, uye tinofanira kuzivei nezvake?

21 Kana tichiti Jehovha munyoro, anoteerera vashumiri vake, ane mwoyo murefu, uye anonzwisisa, hatisi kureva hedu kuti anobva atobvuma kuita zvinhu zvinopesana nemitemo yake yakarurama. Vafundisi vemachechi anozviti ndeechiKristu vanogona kufunga kuti vanenge vachinzwisisa pavanenge vachitaura zvinhu zvinofadza nzeve dzevateveri vavo. (2 Timoti 4:3) Asi kunzwisisa kwaMwari kwakasiyana nezvinoitwa nevanhu pavanongobvuma zvese zvese kuti zvinhu zvivafambire. Jehovha mutsvene; haazomboiti zvinhu zvinopesana nemitemo yake yakarurama. (Revhitiko 11:44) Saka ngatizivei kuti kunzwisisa kwaJehovha chiratidzo chekuti anozvininipisa. Hazvikufadzi here kufunga kuti Jehovha Mwari, anova ndiye akachenjera kupfuura chero ani zvake pasi nekudenga, anozvininipisa zvikuru? Chokwadi zvinofadza kuswedera pedyo naMwari anoshamisa zvakadaro asi ari munyoro, aine mwoyo murefu, uye achinzwisisa!

a Vanyori vekare vanonzi vaSoferimu, vakachinja ndima iyi kuti iti Jeremiya ndiye aizokotama, kwete Jehovha. Vanofanira kunge vakafunga kuti hazvina kukodzera kuti titi Mwari angazvininipise zvakadaro. Izvi zvinoita kuti maBhaibheri akawanda arase pfungwa iri mundima iyi yakanaka zvikuru.

b Dzimwe shanduro dzinoti “kuzvininipisa kunobva pauchenjeri” uye “kuzvirereka kweungwaru.”

c Bhaibheri rinoratidza kuti munhu anozvikudza haakwanisi kuva nemwoyo murefu. (Muparidzi 7:8) Mwoyo murefu waJehovha unoratidza kuti anozvininipisa.—2 Petro 3:9.

d Pisarema 86:5, inoti nezvaJehovha, “makanaka uye makagadzirira kukanganwira.” Pisarema iri parakashandurirwa muchiGiriki, mashoko ekuti “makagadzirira kukanganwira” akanzi e·pi·ei·kesʹ, kana kuti “munonzwisisa.”