Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 21

Jesu Anoratidza “Uchenjeri Hunobva Kuna Mwari”

Jesu Anoratidza “Uchenjeri Hunobva Kuna Mwari”

1-3. Vaimbova vavakidzani vaJesu vakaita sei paaivadzidzisa, uye chii chavakatadza kunzwisisa pamusoro pake?

 VANHU vakanga vakateerera vakaoma mate mukanwa nezvavaidzidziswa nemurume wechidiki Jesu akanga akamira pamberi pavo. Haasi munhu wavakanga vasingazivi nekuti akanga akurira muguta ravo uye akanga atova nemakore achishanda semuvezi. Pamwe vamwe vavo vaitogara mudzimba dzaakanga abatsira pakuvaka kana kuti vaitorima vachishandisa midziyo yakadai semagejo nemajoko zvaakanga atogadzira nemaoko ake. a Asi iye zvino vaizoteerera here muvezi uya achivadzidzisa?

2 Vakawanda vakanga vakamuteerera vakashamiswa, vachibvunzana kuti: “Munhu uyu akawana kupi uchenjeri uhwu?” Asi vaitiwo: “Muvezi, mwanakomana waMariya.” (Mateu 13:54-58; Mako 6:1-3) Saka mupfungwa dzavo vaingofunga kuti, ‘Uyu muvezi watakakura naye akangoita sevamwe vese.’ Zvinosuwisa kuti pasinei neuchenjeri hwaiva mumashoko ake, vakamuramba. Vaisaziva kuti uchenjeri hwaaivaudza hwakanga husiri hwake pachake.

3 Jesu akawanepi uchenjeri uhwu? Akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.” (Johani 7:16) Muapostora Pauro akatsanangura kuti Jesu “azova kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari.” (1 VaKorinde 1:30) Uchenjeri hwaJehovha pachake hunobuda pachena muMwanakomana wake, Jesu. Ndizvo zvazvaiva zvekuti Jesu akatotaura kuti: “Ini naBaba tiri vamwe.” (Johani 10:30) Ngationgorore nzira nhatu dzakaratidzwa naJesu kuti ane “uchenjeri hunobva kuna Mwari.”

Zvaaidzidzisa

4. (a) Nderipi shoko guru raiparidzwa naJesu, uye nei shoko iroro richikosha? (b) Nei mazano aJesu aishanda nguva dzese achinyatsobatsira vateereri vake?

4 Kutanga, funga nezvezvaidzidziswa naJesu. “Mashoko akanaka eUmambo,” ndiro shoko guru raaiparidza. (Ruka 4:43) Iri ishoko raikosha kana tikafunga kuti Umambo ndihwo huchashandiswa naJehovha kutsvenesa zita rake uye kuratidza kuti ndiye Mutongi akarurama. Huchaunzawo makomborero asingaperi kuvanhu. Jesu akadzidzisawo mazano euchenjeri anoshanda muupenyu. Akaratidza kuti ndiye “Chipangamazano Anoshamisa” akanga ataurwa. (Isaya 9:6) Saka mazano ake haaizotadza kushamisa. Ainyatsoziva Shoko raMwari uye aiziva kuti kuda kwaMwari ndekupi; ainyatsonzwisisa zvakaita vanhu, uye aivada chaizvo. Saka mazano ake aishanda achinyatsobatsira vanhu vaimuteerera. Jesu aitaura “mashoko eupenyu husingaperi.” Kana munhu akateerera mashoko ake, achapona.—Johani 6:68.

5. Ndedzipi dzimwe nyaya dzakataurwa nezvadzo naJesu muMharidzo Yepagomo?

5 Pamwe patinonyatsoona uchenjeri hwaJesu husingaenzaniswi muMharidzo Yepagomo. Mharidzo iyi, inowanika pana Mateu 5:3–7:27, inogona kunge yakatora maminitsi 20 chete. Asi mazano ari mairi achiri kungoshanda nanhasi sezvaaingoita panguva yaakapiwa. Jesu akataura nyaya dzakasiyana-siyana, kusanganisira zvatingaita kuti tigarisane zvakanaka (5:23-26, 38-42; 7:1-512), kuva netsika dzakachena (5:27-32), uye kurarama upenyu hune chinangwa (6:19-24; 7:24-27). Asi Jesu haana kungogumira pakuudza vanhu kuti vaite zvinhu zvinoratidza uchenjeri; akavatsanangurira zvavaifanira kuita, achivabatsira kuzvinzwisisa, uye achiratidza kuti zvaari kutaura zvinoshanda sei.

6-8. (a) Jesu akapa zvikonzero zvipi zvekuti tirege kuzvidya mwoyo? (b) Mazano aJesu anoratidza sei uchenjeri hunobva kumusoro?

6 Funga nezvemazano euchenjeri akapiwa naJesu panyaya yekuzvidya mwoyo nezvinhu zvekurarama nazvo atinowana pana Mateu chitsauko 6. Jesu akatiyambira kuti: “Regai kuzvidya mwoyo pamusoro peupenyu hwenyu kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei.” (Vhesi 25) Zvekudya nezvekupfeka zvinhu zvatinoda muupenyu, uye hazvishamisi kuti tese tinoda kuva nazvo. Asi Jesu akatiudza kuti ‘tisazvidya mwoyo’ pamusoro pezvinhu zvakadaro. b Akapa chikonzero chei?

7 Inzwa matsananguriro anoita Jesu anogutsa. Sezvo Jehovha ari iye akatipa upenyu nemuviri, angatadza here kutipa zvekudya kuti tirambe tiri vapenyu uye zvekupfekedza muviri wacho? (Vhesi 25) Kana Mwari achipa shiri zvekudya nekupfekedza maruva zvinoyevedza, angatadza here kuchengeta vanhu vake vanomunamata! (Mavhesi 26, 28-30) Chokwadi ndechekuti kuzvidya mwoyo hakuna zvakunotombobatsira. Hakugoni kuwedzera upenyu hwedu kana nepadiki pese. c (Vhesi 27) Tingaita sei kuti tirege kuzvidya mwoyo? Jesu anotipa zano rekuti: Ramba uchitungamidza nyaya dzekunamata muupenyu hwako. Vaya vanodaro vanogona kuva nechivimbo chekuti Baba vavo vekudenga ‘vachavawedzera’ zvimwe zvese zvavanoda zuva nezuva. (Vhesi 33) Jesu anopedzisira nekupa zano rinoshanda kupfuura ese rekuti vaise pfungwa dzavo pazuva rimwe chete vasazvinetse nezvemangwana. (Vhesi 34) Uyewo tingadirei hedu kuzvinetsa nezvinhu zvinogona kusatomboitika? Kana tikashandisa zano iri reuchenjeri tichaderedza matambudziko anotemesa vanhu vakawanda musoro munyika ino.

8 Zviri pachena kuti zano rakapiwa naJesu richiri kushanda nanhasi sezvaraiita parakapiwa anenge makore 2 000 akapfuura. Izvi hazviratidzi kuti uhwu uchenjeri hunobva kumusoro here? Mazano evanhu, kunyange akanakisisa acho, anopedzisira asisashande nekufamba kwenguva, zvekuti anenge ava kuda kugadziridzwa kana kutsiviwa nemamwe. Asi zvakadzidziswa naJesu hazvichinji nekufamba kwenguva. Izvozvo hazvifaniri kutishamisa, nekuti Chipangamazano Anoshamisa uyu aitaura “mashoko aMwari.”—Johani 3:34.

Madzidzisiro Ake

9. Vamwe varwi vakati chii nezvekudzidzisa kwaJesu, uye nei ikoko kwakanga kusiri kuwedzeredza?

9 Madzidzisiro aiita Jesu ndiyo imwe nzira yechipiri yaakaratidza nayo uchenjeri hwaMwari. Mumwe musi mauto akanga atumwa kunomusunga akadzoka achingova maoko, achiti: “Hakuna munhu akambotaura zvakadai.” (Johani 7:45, 46) Uku kwakanga kusiri kuwedzeredza. Jesu akanga abva “kumusoro,” saka aiva nedura reruzivo rinopfuura raani naani zvake akanga amborarama. (Johani 8:23) Madzidzisiro ake akanga asingatombokwaniswi nemumwe munhu. Ngatimbokurukurai nzira mbiri chete dzaishandiswa neMudzidzisi uyu akachenjera.

“Vanhu vakashamiswa nemadzidzisiro ake”

10, 11. (a) Nei mashandisiro aiita Jesu mienzaniso achitishamisa zvikuru? (b) Mufananidzo upi wakapiwa naJesu unoratidza simba remadzidzisiro aaiita?

10 Kugona kushandisa mienzaniso. Tinoudzwa kuti Jesu akadzidzisa vanhu “achishandisa mifananidzo. Aisambotaura navo asingashandisi mufananidzo.” (Mateu 13:34) Madzidzisiro aaiita chokwadi chakadzama achishandisa zvinhu zvagara zvichingozivikanwa aishamisa. Aishandisa mifananidzo yezvinhu zvakanga zvaonekwa kakawanda nevanhu vaimuteerera zvakadai sevarimi vari kudyara mbeu, vakadzi vari kukanya chingwa, vana vari kutamba pamusika, vanhu vari kubata hove nemambure, uye vafudzi vari kutsvaga gwai rarasika. Kana chokwadi chinokosha chikadzidziswa pachishandiswa zvinhu zvagara zvichizivikanwa, chinokurumidza kupinda mupfungwa nemumwoyo.—Mateu 11:16-19; 13:3-8, 33, 47-50; 18:12-14.

11 Imwe mhando yemifananidzo yaishandiswa naJesu inyaya pfupi dzinenge dzichipa zvidzidzo panyaya dzekunamata nemararamiro. Izvi zvaibatsira kuchengetedza dzidziso dzaJesu nekuti nyaya dziri nyore kuyeuka. Mumifananidzo yakawanda yaakapa, Jesu akatsanangura Baba vake nemashoko asingakanganwiki nyore. Funga nezvemufananidzo wemwanakomana akarasika. Ndiani angatadza kubata pfungwa irimo yekuti kana munhu akarasika asi opfidza zvechokwadi, Jehovha achamunzwira tsitsi omugamuchirazve?—Ruka 15:11-32.

12. (a) Jesu aishandisa sei mibvunzo pakudzidzisa? (b) Jesu akaita sei kuti vanhu vaida kumuwanira mhosva vashaye remuromo?

12 Unyanzvi hwekushandisa mibvunzo. Jesu aishandisa mibvunzo kuti vanhu vaimuteerera vafunge vega voona pane mhinduro, kuti azive zviri mumwoyo mavo, kana kuti vazvisarudzire vega zvekuita. (Mateu 12:24-30; 17:24-27; 22:41-46) Vatungamiriri vechitendero pavakabvunza kana akanga akapiwa masimba ekuita zvinhu naMwari, Jesu akapindura kuti: “Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?” Mubvunzo uyu wakavatenderedza musoro, vakatanga kutaurirana vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Saka nei musina kumutenda?’ Asi tingashinga here kuti, ‘Rwakabva kuvanhu’?” Vaitya vanhu, nekuti vese vaiti Johani aiva muprofita zvechokwadi.” Vakazomupindura vachiti: “Hatizivi.” (Mako 11:27-33; Mateu 21:23-27) Mubvunzo iwoyo uri nyore wakabvunzwa naJesu wakavashayisa remuromo ukanyatsoratidza unyengeri hwaiva mumwoyo mavo.

13-15. Mufananidzo wemuSamariya akanaka unoratidza sei uchenjeri hwaiva naJesu?

13 Dzimwe nguva Jesu aisanganisa nzira dzekudzidzisa nadzo achibatanidza mibvunzo nemifananidzo yake. Mumwe murume wechiJudha aiziva Mutemo akambobvunza Jesu kuti angaita sei kuti awane upenyu husingaperi, Jesu akamuyeuchidza nezveMutemo waMozisi, uyo unotaura nezvekuda muvakidzani. Achida kuzviita akarurama, murume wacho akabva abvunza kuti: “Muvakidzani wangu anombova ani?” Jesu akamupindura nekutaura kamwe kanyaya achiti: Mumwe murume wechiJudha aifamba ari ega akasangana nemakororo akamurova akamusiya ava kuda kufa. Pakapfuura nevaJudha vaviri, kutanga mupristi, pakazotevera muRevhi. Vese vakamunyenyeredza. Asi pakazosvika mumwe muSamariya. Akanzwa tsitsi zvekuti akanyatsosunga maronda emuJudha uya ndokumutakura achienda naye kuimba yevaeni kuti apore ari imomo. Jesu akapedzisa nyaya yake nekubvunza murume uyu kuti: “Pavatatu ava, unofunga kuti ndeupi akaratidza kuti aiva muvakidzani wemurume akarwiswa nemakororo?” Murume wacho akashaya zvimwe zvekupindura kunze kwekungoti: “Uya akamunzwira tsitsi.”—Ruka 10:25-37.

14 Mufananidzo uyu unoratidza sei uchenjeri hwaiva naJesu? Mumazuva aJesu, vaJudha vaishandisa shoko rekuti “muvakidzani” kuvamwe vavo chete, kwete vemamwe marudzi, ndoda vaSamariya. (Johani 4:9) Dai Jesu akanga ataura nyaya yake achiti muSamariya ndiye akarohwa uye muJudha ndiye akabatsira, aizobudirira kudzima zvaifungwa nevaJudha nezvevaSamariya here? Jesu akanyatsoronga nyaya yake nekuchenjera kuti muSamariya ndiye akabatsira muJudha. Cherechedza zvakare mubvunzo wakazobvunzwa naJesu paakapedza nyaya yake. Gweta iri raiita sekuti raibvunza kuti: ‘Ndiani wandingaratidza rudo semuvakidzani wangu?’ Asi Jesu akabvunza kuti: “Pavatatu ava, unofunga kuti ndeupi akaratidza kuti aiva muvakidzani?” Jesu haana kuita kuti chidzidzo chacho chibude pamunhu akabatwa zvakanaka wacho asi pamunhu akaratidza tsitsi uyo aiva muSamariya. Muvakidzani wechokwadi munhu anotanga kutora matanho ekubatsira vamwe pasinei nekuti ndeverudzi rwupi. Jesu akabudisa chidzidzo ichi nenzira yekuchenjera zvechokwadi.

15 Hazvishamisi kuti vanhu vaishamiswa “nemadzidzisiro” aJesu uye vakanzwa vachiswededzwa pedyo naye. (Mateu 7:28, 29) “Vanhu vakawanda zvikuru” vakatomboita mazuva matatu vachingomuteerera, vamwe vacho vasina kana chavadya!—Mako 8:1, 2.

Mararamiro Ake

16. Jesu akaratidza sei kuti aitungamirirwa neuchenjeri hunobva kuna Mwari?

16 Nzira yechitatu yakaratidzwa nayo naJesu uchenjeri hwaJehovha ndeyemararamiro ake. Uchenjeri hunooneka pane zvatinoita; pamashandisiro atinohuita. Mudzidzi Jakobho akabvunza kuti: “Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu?” Akabva apindura mubvunzo wake achiti: “Mararamiro ake akanaka ngaaratidze.” (Jakobho 3:13) Mararamiro aiita Jesu akaratidza kuti aitungamirirwa neuchenjeri hunobva kuna Mwari. Ngatimboonai kuti akaratidza sei uchenjeri pamararamiro ake uye pamabatiro aaiita vamwe.

17. Chii chinoratidza kuti Jesu aiita zvinhu zvine mwero muupenyu?

17 Wakambocherechedza here kuti vanhu vasina kuchenjera vanowanzoita zvinhu vachipfuura mwero? Kureva kuti zvinoda kuva vakachenjera kuti tizive pekugumira. Jesu airatidza uchenjeri hwaMwari nekuita zvinhu zvine mwero. Aiisa zvinhu zvekunamata pakutanga kupfuura zvimwe zvinhu zvese zvaaita muupenyu. Aigara achizivisa mashoko akanaka. Akati: “Izvi ndizvo zvandakauyira.” (Mako 1:38) Zvinhu zvekurarama nazvo handizvo zvaikosha kwaari; kunenge kuti akanga asina zvinhu zvakawanda muupenyu. (Mateu 8:20) Asi akanga asiri munhu aizviomesera muupenyu. Jesu akanga akafanana naBaba vake, “Mwari anofara,” uye aiitawo kuti vamwe vafare. (1 Timoti 1:11; 6:15) Paakaenda kumabiko emuchato, apo panowanzofarwa nevanhu vachiridza mimhanzi vachiimba, haana kuita zvinhu zvaigona kukanganisa mufaro wevanhu vaivepo. Pakapera waini, akashandura mvura ikava waini yemhando yepamusoro, chinwiwa chinoita kuti “mwoyo wemunhu ufare.” (Pisarema 104:15; Johani 2:1-11) Jesu akabvuma kukokwa kakawanda kuti azodya, uye akashandisa mikana iyoyo kudzidzisa vanhu.—Ruka 10:38-42; 14:1-6.

18. Jesu akaratidza sei uchenjeri pamabatiro aakaita vadzidzi vake?

18 Jesu akaratidza uchenjeri hwakakura pamabatiro aaiita vanhu. Kunzwisisa kwake zvakaita vanhu kwakamubatsira kunyatsoziva vadzidzi vake. Ainyatsoziva kuti vanhu vane chivi. Asi aiona zvimwe zvinhu zvakanaka mavari. Aiona zvaikwanisa kuzoitwa nevanhu ava vainge vakweverwa kwaari naJehovha. (Johani 6:44) Pasinei nekuti vane zvavaimbokanganisa, Jesu aivimba navo. Akaratidza chivimbo ichocho nekupa vadzidzi vake basa rinokosha zvikuru. Akavapa basa rekuparidza mashoko akanaka, uye aiva nechivimbo chekuti vaizorikwanisa. (Mateu 28:19, 20) Bhuku raMabasa rinopa uchapupu hwekuti vakaita basa iroro raakanga avapa nemazvo. (Mabasa 2:41, 42; 4:33; 5:27-32) Saka zviri pachena kuti Jesu akaratidza uchenjeri paakavimba navo.

19. Jesu akaratidza sei kuti aiva “munyoro” uye kuti akanga aine “mwoyo unozvininipisa”?

19 Sezvatakadzidza muChitsauko 20, Bhaibheri rinoratidza kuti kuzvininipisa uye unyoro zvakabatana neuchenjeri. Tinoziva kuti hapana anopfuura Jehovha pakuzvininipisa uye pakuva munyoro. Ko Jesu? Jesu akaratidzawo kuzvininipisa kunoshamisa pamabatiro aaiita vadzidzi vake. Aiva pamusoro pavo vese sezvo akanga asina chivi. Asi akanga asingavatarisiri pasi. Haana kumbobvira aita kuti vanzwe sekuti vakaderera kana kuti havana zvavanogona. Aifunga nezvezvinhu zvavaisakwanisa uye aivaitira mwoyo murefu pavaikanganisa. (Mako 14:34-38; Johani 16:12) Hazvishamisi here kuti kunyange vana chaivo vainzwa vakasununguka pana Jesu? Vainzwa vachida kuswedera pedyo naye nekuti vaiona kuti aiva “munyoro” uye aine “mwoyo unozvininipisa.”—Mateu 11:29; Mako 10:13-16.

20. Jesu akaratidza sei kuti ainzwisisa pamabatiro aakaita mukadzi wemamwe marudzi aiva nemwanasikana aiva nedhimoni?

20 Jesu ane imwe nzira yaakaratidza nayo kuzvininipisa kwakafanana nekwaMwari. Airatidza kunzwisisa paaiona kuti munhu ari kufanira kunzwirwa tsitsi. Yeuka nyaya yemukadzi wemamwe marudzi aiva nemwana aiva nedhimoni raimutambudza zvisingaiti. Pakutanga Jesu akaramba kumupindura achiratidza kuti akanga asiri kuda kumubatsira; kechipiri, akataura zvakajeka kuti haana kutumwa kune vanhu vemamwe marudzi, asi kuvaJudha chete; uye kechitatu, akapa mufananidzo wairatidza tsitsi asi uchijekesa nyaya iyoyo. Asi mukadzi wacho akaramba achingokumbira achiratidza kuti akanga aine kutenda kunoshamisa. Jesu akaita sei paakaona kutenda kunoshamisa kwaiva nemukadzi uyu? Akaita zvacho zvaakanga ataura kuti haasi kuda kuita. Akaporesa mwanasikana wemukadzi wacho. (Mateu 15:21-28) Kuzvininipisa kunoshamisa, handizvo here? Yeuka kuti uchenjeri hunobva pakuzvininipisa.

21. Nei tichifanira kuedza kutevedzera Jesu?

21 Tinofara chaizvo kuti tine mabhuku eEvhangeri anotiratidza mashoko nezviito zvemunhu akachenjera kupfuura vese vati vamborarama! Ngatiyeukei kuti Jesu ainyatsoratidza zvakaita Baba vake. Kana tichitevedzera Jesu pamaitiro aaiita zvinhu, uye matauriro ake, tinenge tichitodzidza kuva neuchenjeri hunobva kumusoro. Muchitsauko chinotevera, tichaona kuti tingashandisa sei uchenjeri hwaMwari muupenyu hwedu.

a Panguva idzodzo vavezi vaiita mabasa akadai sekuvaka, kugadzira zvinhu zvakadai sezvigaro nematafura, uye midziyo yekurimisa. Justin Martyr, uyo akazorarama makore mashomanana pashure penguva yevaKristu vekutanga, akanyora nezvaJesu achiti: “Aiwanzoita basa rekuveza achigadzira magejo nemajoko.”

b Shoko rechiGiriki rakanzi “kuzvidya mwoyo” rinoreva “kubviswa pfungwa dzako pane zvauri kuita.” Pamashandisirwo arakaitwa pana Mateu 6:25, rinoreva kunetseka kunoita kuti pfungwa dzedu dzisava pachinhu chimwe chete, zvotitorera mufaro.

c Vanotsvakurudza nezveutano vanoti kugara tichizvidya mwoyo kunogona kuita kuti tipedzisire tabatwa nezvirwere zvemwoyo nezvimwewo zvinoita kuti tikurumidze kufa.