Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 22

“Uchenjeri Hunobva Kumusoro” Huri Kushanda Muupenyu Hwako Here?

“Uchenjeri Hunobva Kumusoro” Huri Kushanda Muupenyu Hwako Here?

1-3. (a) Soromoni akaratidza sei uchenjeri hunoshamisa pakutonga nyaya yevakadzi vairwira mwana mumwe chete? (b) Jehovha anovimbisa kutipa chii, uye tinova nemibvunzo ipi?

 NYAYA yacho yakanga yakaoma kutonga. Vakadzi vaviri vairwira mwana mumwe chete. Vakadzi vacho vaigara pamwe chete uye vese vakanga vabereka vanakomana vakangosiyana nemazuva mashomanana. Mumwe wevana vacho akafa, saka mumwe nemumwe wavo akanga ava kuti asara wacho ndewake. a Hapana mumwe munhu akanga aona zvakaitika aigona kupa uchapupu. Pamwe nyaya yacho yakanga yatobva nekune mamwe matare, akaitadzirira. Iye zvino yakanga yaunzwa kuna Soromoni, mambo weIsraeri. Aizokwanisa kubudisa chokwadi here?

2 Pashure pekuteerera zvavaitaura kwekanguva, Soromoni akakumbira kuti kuunzwe bakatwa. Achiita kunge ari kurevesa, akabva ati mwana wacho achekwe nepakati, mukadzi mumwe nemumwe opiwa chidimbu. Amai vemwana wacho chaivo vakabva vangokumbira mambo kuti asve apa hake mwana wacho kune mumwe mukadzi, kunyange zvazvo aimuda zvikuru. Asi mumwe wake akaramba achingoti mwana wacho ngaadimburwe. Soromoni akabva aziva chokwadi. Aiziva mwoyo wekubereka una amai uye akashandisa ruzivo irworwo kugadzirisa nyaya yacho. Fungidzira kuti amai vacho vakanzwa sei pakanzi naSoromoni: “Ava ndivo amai vake.”—1 Madzimambo 3:16-27.

3 Uchenjeri hunoshamisa, handizvo here? Vanhu pavakanzwa matongero akanga aita Soromoni nyaya iyi, vakashamiswa, “nekuti vakaona kuti Mwari akanga amupa uchenjeri.” Chokwadi uchenjeri hwaSoromoni hwaiva chipo chakabva kuna Mwari. Jehovha akanga amupa “mwoyo wakachenjera uye unonzwisisa.” (1 Madzimambo 3:12, 28) Ko isu? Tinogonawo kuwana uchenjeri hunobva kuna Mwari here? Tinogona, nekuti Soromoni akafemerwa kunyora kuti: “Jehovha pachake anopa uchenjeri.” (Zvirevo 2:6) Jehovha anovimbisa kupa uchenjeri vaya vanohutsvaga nemwoyo wese, kuti vashandise zvakanaka ruzivo nekunzwisisa. Tingawana sei uchenjeri hunobva kumusoro? Uye tingahushandisa sei muupenyu hwedu?

Ungawana Sei Uchenjeri?

4-7. Ndezvipi zvinhu zvina zvinodiwa kuti tiwane uchenjeri?

4 Kuti munhu awane uchenjeri hunobva kuna Mwari anofanira kuva munhu akadzidza uye ane pfungwa dzakapinza here? Aiwa. Jehovha anoda kutipa uchenjeri pasinei nekwatakabva kana dzidzo yedu. (1 VaKorinde 1:26-29) Asi ndisu tinofanira kutora danho rekutanga, nekuti Bhaibheri rinotikurudzira kuti “wana uchenjeri.” (Zvirevo 4:7) Tingazviita sei?

5 Chekutanga, tinofanira kutya Mwari. Zvirevo 9:10 inoti: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kweuchenjeri.” Kutya Mwari ndiyo faundesheni yeuchenjeri hwechokwadi. Nei tichidaro? Yeuka kuti uchenjeri hunoreva kukwanisa kushandisa ruzivo. Kutya Mwari hakurevi kudedera pamberi pake, asi kunoreva kumuremekedza uye kuvimba naye. Kutya kwakadaro kunotipa simba rekuita zvakarurama. Kunoita kuti tirarame zvinoenderana nekuziva kwedu Mwari nenzira dzake. Hapana imwe nzira yeuchenjeri inopfuura iyi, nekuti mitemo yaJehovha yagara ichiita kuti zvinyatsonakira vaya vanorarama vachiitevedzera.

6 Chechipiri, tinofanira kuzvininipisa uye kuva nemwero. Hatigoni kuwana uchenjeri hwaMwari kana tisingazvininipisi uye tisina mwero. (Zvirevo 11:2) Nei zvakadaro? Kana tichizvininipisa uye tiine mwero, tinenge tichibvuma kuti hatizivi zvinhu zvese, uye kuti tinotoda kuti pfungwa dzaJehovha dzitibatsire panyaya dzinenge dzichimuka. Jehovha “anopesana nevanozvikudza,” asi anofarira kupa uchenjeri vaya vane mwoyo inozvininipisa.—Jakobho 4:6.

7 Chechitatu chinokosha kudzidza Shoko raMwari. Jehovha anoshandisa Shoko rake kutiratidza chinonzi uchenjeri. Kuti tiwane uchenjeri ihwohwo, tinofanira kushanda nesimba kuhuchera. (Zvirevo 2:1-5) Chechina chinokosha munyengetero. Kana tikakumbira Mwari uchenjeri nemwoyo wese, haatinyimi. (Jakobho 1:5) Haaregi kupindura minyengetero yedu yekukumbira kuti mweya wake utibatsire. Uye mweya wake unogona kutibatsira kuwana pfuma iri muShoko rake iyo inotibatsira kugadzirisa matambudziko, kusiyana nezvinhu zvinogona kutipinza mungozi, uye kuita zvisarudzo zvakachenjera.—Ruka 11:13.

Kuti tiwane uchenjeri, tinofanira kushanda nesimba kuhuchera

8. Kana takawana uchenjeri hwaMwari zvechokwadi, zvichaonekwa sei?

8 Sezvatakadzidza muChitsauko 17, uchenjeri hwaJehovha hunooneka pamashandiro ahunoita. Saka kana kuri kuti zvechokwadi takawana uchenjeri hwaMwari, zvichaoneka panzira yatinozvibata nayo. Mudzidzi Jakobho akatsanangura zvibereko zveuchenjeri hwaMwari paakanyora kuti: “Uchenjeri hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena, uyewo hune rugare, hunonzwisisa, hunoda kuteerera, huzere netsitsi nemabasa akanaka, hahusaruri, uye hahunyengeri.” (Jakobho 3:17) Patinenge tichikurukura chibereko chimwe nechimwe cheuchenjeri hwaMwari tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Uchenjeri hunobva kumusoro huri kushanda muupenyu hwangu here?’

“Hwakachena, Uyewo Hune Rugare”

9. Zvinorevei kuva akachena, uye nei zvakakodzera kuti kuchena ndiko kunotanga kutaurwa pari kutsanangurwa uchenjeri?

9 “Kutanga, hwakachena.” Kuchena kunoreva kusava nechinotisvibisa mukati nekunze. Bhaibheri rinoratidza kuti uchenjeri hwakabatana nemwoyo wemunhu, asi uchenjeri hunobva kumusoro hahugoni kupinda mumwoyo wakasvibiswa nepfungwa dzakaipa, zvido zvakaipa, uye nezvinangwa zvakaipa. (Zvirevo 2:10; Mateu 15:19, 20) Asi kana mwoyo wedu wakachena, zvinokwanisikawo kumunhu ane chivi, ‘ticharega zvakaipa toita zvakanaka.’ (Pisarema 37:27; Zvirevo 3:7) Haufungi kuti zvakakodzera here kuti kuchena ndiko kwaiswa pekutanga pari kutsanangurwa nyaya yeuchenjeri? Zvechokwadiwo kana tisina kuchena pamararamiro edu uye pamanamatiro edu, tingaratidza sei uchenjeri hunobva kuna Mwari?

10, 11. (a) Nei zvichikosha kuti tive vanhu vane rugare? (b) Kana ukaona kuti wagumbura hama yako, ungaratidza sei kuti uri munhu anoda rugare? (Onawo mashoko emuzasi.)

10 “Hune rugare.” Uchenjeri hunobva kudenga hunoita kuti titsvage kuva nerugare, rwunova chibereko chemweya waMwari. (VaGaratiya 5:22) Tinoita zvese zvatinogona kuti tisaparadza “chisungo cherugare” chinobatanidza vanhu vaJehovha. (VaEfeso 4:3) Tinoitawo zvese zvatinogona kuti tidzorere rugare kana rwakanganiswa. Nei izvozvo zvichikosha? Bhaibheri rinoti: “Rambai . . . muchigara muine rugare; uye Mwari werudo newerugare achava nemi.” (2 VaKorinde 13:11) Saka kana tichigara tiine rugare mukurarama kwedu, Mwari werugare acharamba ainesu. Mabatiro atinoita vatinonamata navo akabatana neushamwari hwedu naJehovha. Tingaratidza sei kuti tinoita kuti pave nerugare? Ngationei zvimwe zvacho.

11 Unofanira kuita sei kana ukaona kuti hama yako yakakugumbukira? Jesu akati: “Saka kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda. Tanga wayanana nehama yako, wozodzoka wopa chipo chako.” (Mateu 5:23, 24) Unogona kushandisa zano iroro nekutanga iwe kuenda kunotaura nehama yako. Nechinangwa chei? Kuti ‘uyanane nehama yako.’ b Kuti izvozvo zviitike, pamwe ungatofanira kubvuma kuti zvawakaita zvinorwadza, kwete kuramba. Kana ukaenda kuhama yako nechinangwa chekudzorera rugare uye woramba uine pfungwa iyoyo, kazhinji kacho munogadzirisa pamusina kunzwisisana, mokumbirana ruregerero, uye moregererana. Paunoita zvese zvaunogona kuti pave nerugare, unenge uchiratidza kuti uri kutungamirirwa neuchenjeri hwaMwari.

“Hunonzwisisa, Hunoda Kuteerera”

12, 13. (a) Shoko rakashandurwa kuti “hunonzwisisa” pana Jakobho 3:17 rinorevei? (b) Tingaratidza sei kuti tinonzwisisa?

12 “Hunonzwisisa.” Kunzwisisa kunorevei? Vamwe vanoongorora Bhaibheri, vanoti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “hunonzwisisa” pana Jakobho 3:17 rakaoma kuisa mune mimwe mitauro. Shoko racho rinopa pfungwa yekubvuma zvinodiwawo nevamwe. Vashanduri vakashandisa mashoko akadai sekuti “hunyoro,” “hunozvidzora,” uye “hunofungawo vamwe.” Tingaratidza sei uchenjeri nenzira iyi?

13 VaFiripi 4:5 inoti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vese.” Cherechedza kuti haisi nyaya yekuti isu tinofunga kuti tiri vanhu vakaita sei; nyaya iri pakuti vamwe vanotiziva sevanhu vakaita sei. Munhu anonzwisisa haangoomereri pane zvakanyorwa chete, kana kungoda kuti zvinhu zviende nepaanoda iye. Panzvimbo pekudaro, anoteererawo vamwe, uye pazvinenge zvakakodzera, anotobvuma zvavari kuda ivo. Uye anobata vamwe neunyoro, kwete nepfungwa yekuvarwadzisa. Kunyange zvazvo izvi zvichikosha kuvaKristu vese, vakuru ndivo vanofanira kuva pamberi pakuratidza kunzwisisa. Unyoro hunokwezva vanhu, hwoita kuti vakuru vave nyore kutaura navo. (1 VaTesaronika 2:7, 8) Zvakanaka kuti tese tizvibvunze kuti, ‘Vanhu vanondiziva semunhu anobvuma zvinodiwawo nevamwe uye munyoro here?’

14. Tingaratidza sei kuti ‘tinoda kuteerera’?

14 “Hunoda kuteerera.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “hunoda kuteerera” harina pamwe parinowanika muMagwaro echiKristu echiGiriki. Mumwe muongorori wemashoko emuBhaibheri anoti shoko iri “rinowanzoshandiswa panyaya dzechiuto.” Rinopa pfungwa “yekukurumidza kuteerera zvauri kuudzwa” uye “kuzviisa pasi.” Munhu anotungamirirwa neuchenjeri hunobva kumusoro anokurumidza kubvuma zvinotaurwa neMagwaro. Haazivikanwi semunhu akaoma musoro anoti kana aine zvaafunga haachinji kunyange kana akataurirwa chokwadi chakaita sei. Anokurumidza kuchinja paanongoratidzwa uchapupu hwakajeka huri muMagwaro hwekuti akarasika kana kuti maonero aari kuita haasiri iwo. Iwe unozivikanwa semunhu akadaro here?

“Huzere Netsitsi Nemabasa Akanaka”

15. Tsitsi chii, uye nei zvakakodzera kuti dzinotaurwa pamwe chete “nemabasa akanaka” pana Jakobho 3:17?

15 “Huzere netsitsi nemabasa akanaka.” Tsitsi chimwe chezvinhu zvinokosha zvinoratidza kuti munhu ane uchenjeri hunobva kumusoro, nekuti uchenjeri ihwohwo hunonzi “huzere netsitsi.” Cherechedza kuti “tsitsi” uye “mabasa akanaka” zvinotaurwa pamwe chete. Izvi zvakakodzera nekuti kazhinji muBhaibheri tsitsi hadzingogumiri pakunzwira munhu urombo chete asi dzinosanganisirawo mabasa atinoita tichibatsira munhu wacho. Rimwe bhuku rinorondedzera tsitsi richiti “kusiririswa nezviri kuitika kune mumwe munhu tobva taedza kuita chimwe chinhu kuti timubatsire.” Saka uchenjeri hunobva kuna Mwari hune chekuita nemwoyo kwete pfungwa chete. Hunoita kuti munhu ave neushamwari uye arwadziwe nezvinenge zvichiitika kune vamwe. Tingaratidza sei kuti tizere netsitsi?

16, 17. (a) Chii chimwe chinoita kuti tiite basa rekuparidza, kuwedzera pakuda kwatinoita Mwari? (b) Ndedzipi dzimwe nzira dzatinoratidza nadzo kuti tine tsitsi?

16 Hapana imwe nzira inokosha yekuratidza nayo tsitsi inopfuura kuudza vamwe mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Chii chinotipa chido chekuita basa iri? Kuda kwatinoita Mwari ndicho chikonzero chikuru chinoita kuti tiite basa rekuparidza. Asi chimwe chinoita kuti tive nechido chekuparidza kunzwira vamwe tsitsi. (Mateu 22:37-39) Mazuva ano vanhu vakawanda ‘vari kubatwa zvisina kunaka uye vakapararira semakwai asina mufudzi.’ (Mateu 9:36) Vatungamiriri vezvitendero vari kungovasiya vakadaro uye vakavapofumadza. Izvi zvinoita kuti vasatomboziva nezveuchenjeri hunowanika muShoko raMwari kana makomborero achaunzwa neUmambo panyika. Saka patinofunga nezvenzara ine vanhu vatinosangana navo yekuziva Mwari, tsitsi dzedu dzinoita kuti tivaudze nezvechinangwa chaJehovha cherudo.

Patinonzwira vamwe tsitsi, tinenge tichiratidza kuti tine “uchenjeri hunobva kumusoro”

17 Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti tizere netsitsi? Yeuka mufananidzo waJesu wemuSamariya akaona munhu akanga arohwa uye abirwa nematsotsi. MuSamariya “akamunzwira tsitsi,” akasunga maronda ake, ndokumubatsira pane zvaaida. (Ruka 10:29-37) Izvi hazviratidzi here kuti tsitsi dzinoreva kubatsira vanhu pavanenge vari mudambudziko? Bhaibheri rinotiudza kuti tiitire “vese zvakanaka, kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratiya 6:10) Ngationei zvimwe zvatinogona kuitira vamwe. Imwe hama yakwegura ingada chekufambisa kuenda nekudzoka kumisangano yechiKristu. Imwe chirikadzi iri muungano ingada kubatsirwa kugadzira zvimwe zvinhu zvakafa pamba payo. (Jakobho 1:27) Mumwe munhu akaora mwoyo angada “shoko rakanaka” rinomukurudzira. (Zvirevo 12:25) Patinoratidza vamwe tsitsi dzakadai, tinenge tichiratidza kuti uchenjeri hunobva kumusoro huri kushanda matiri.

“Hahusaruri, Uye Hahunyengeri”

18. Kana tichitungamirirwa neuchenjeri hunobva kumusoro, chii chatinofanira kuvavarira kubvisa mumwoyo medu, uye nechikonzero chei?

18 “Hahusaruri.” Kana tiine uchenjeri hwaMwari hatifungi kuti vanhu vane ganda rakasiyana neredu kana kuti vanobva kune dzimwe nyika vakaderera. Kana tichitungamirirwa neuchenjeri hwakadaro, tinobvisa mumwoyo medu pfungwa yekusarura vanhu. (Jakobho 2:9) Hatibati vamwe zvakanaka kupfuura zvatinoita vamwe tichitarisa dzidzo yavo, mari yavo, kana kuti basa ravanoita muungano; uyewo hatidi kutarisira pasi hama dzedu dzatinonamata nadzo pasinei nekuti vanooneka sevakaderera sei. Kana Jehovha akaona kuti vanhu ivavo vakakodzera rudo rwake, isusu tinotofanira kuvaonawo vakakodzera rudo rwedu.

19, 20. (a) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “munyengeri” rakatanga sei? (b) Tinoratidza sei kuti tinoda hama dzedu “zvisina unyengeri,” uye nei izvozvo zvichikosha?

19 “Hahunyengeri.” Shoko rechiGiriki rekuti “munyengeri” rinogona kureva “mutambi wemadhirama.” Kare vatambi vechiGiriki nevechiRoma vaipfeka mamasiki aivhara zviso pavanenge vari mumutambo. Saka shoko rechiGiriki rinoreva kuti “munyengeri” rakasvika pakushanda kumunhu anobata vanhu kumeso, kana kuti anonyepedzera kuva zvaasiri. Uchenjeri hwaMwari hunoita kuti tisaratidze unhu hwakadaro pamabatiro atinoita vatinonamata navo uye kunyange zvatinofunga mumwoyo medu nezvavo.

20 Muapostora Petro akataura kuti ‘kuteerera kwedu chokwadi,’ kunofanira kuita kuti tide hama dzedu “zvisina unyengeri.” (1 Petro 1:22) Izvi zvinoreva kuti hatifaniri kuda hama dzedu zvekungoda kuti tionekwe. Hatipfeki mamasiki kana kuita sevatambi vemadhirama kuti tinyengedze vamwe. Rudo rwedu rwunofanira kuva rwechokwadi, rwuchibva pamwoyo. Kana rwakadaro, hama dzedu dzichavimba nesu, nekuti dzinenge dzichiziva kuti zvatinoratidza ndizvo zvatiri chaizvo. Kuita zvinhu zvisina unyengeri saizvozvo kunoita kuti vaKristu vanyatsowirirana pasina anofungira mumwe muungano.

“Chengetedza Uchenjeri Hunobatsira”

21, 22. (a) Soromoni akatadza sei kuchengetedza uchenjeri? (b) Tingachengetedza sei uchenjeri, uye kuita izvozvo kuchatibatsira sei?

21 Uchenjeri hunobva kuna Jehovha chipo, uye tinofanira kuhuchengetedza. Soromoni akati: “Mwanakomana wangu, . . . chengetedza uchenjeri hunobatsira uye gara uchishandisa pfungwa.” (Zvirevo 3:21) Chinorwadza ndechekuti Soromoni pachake akakundikana kuita izvozvo. Akangova munhu akachenjera makore aakanga aine mwoyo unoteerera. Asi mumakore ake ekupedzisira, madzimai ake mazhinji ekune dzimwe nyika akatsausa mwoyo wake pakunamata Jehovha zvakachena. (1 Madzimambo 11:1-8) Zvakapedzisira zvaitika kuna Soromoni zvinotidzidzisa kuti ruzivo haruna zvarunobatsira kana rusiri kushandiswa.

22 Tingachengetedza sei uchenjeri? Tinofanira kugara tichiverenga Bhaibheri nguva dzese nemabhuku anotsanangura Bhaibheri atinopiwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ uye tinofanirawo kuita zvese zvatinogona kuti tishandise zvatinodzidza. (Mateu 24:45) Kushandisa uchenjeri hwaMwari kune zvakawanda zvakunobatsira. Kunoita kuti tive neupenyu hwakanaka iye zvino. Kunoita kuti ‘tibatisise upenyu chaihwo,’ upenyu munyika itsva yaMwari. (1 Timoti 6:19) Uye chinokosha kupfuura zvese, ndechekuti kuva neuchenjeri hunobva kumusoro kunotiswededza pedyo naJehovha Mwari, anova ndiye anopa uchenjeri ihwohwo.

a 1 Madzimambo 3:16 inoti vakadzi vacho vakanga vari pfambi. Bhuku raInsight on the Scriptures rinoti: “Vakadzi ava vanogona kunge vakanga vasiri pfambi dzinotsvaga mari, asi kuti vakanga vangoita zveunzenza. Vanofanira kunge vaiva vemamwe marudzi, asiwo vanogona kunge vaiva vechiJudha.”—Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

b Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “yanana” rinotsanangurwa richireva “kuita kuti mubve pakuva vavengi muchienda pakuva shamwari; kudzorera ukama hwanga hwakanganisika.” Saka chinangwa chako ndechekuita kuti zvinhu zvichinje, uye kana zvichiita, kubvisa zvakaipa zvawanga uchifungirwa nemunhu wawatadzira.—VaRoma 12:18.