Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 23

“Akatanga Kutida”

“Akatanga Kutida”

1-3. Chii chinosiyanisa rufu rwaJesu nerwevamwe vese?

 MAKORE 2 000 apfuura, mumwe murume akamiswa pamberi pedare achipomerwa zvenhema, akabva atongerwa rufu achiita zvekutambudzwa. Aka kakanga kasiri kekutanga hako kuti munhu abatwe zveutsinye uye atambudzwe saizvozvo, uye kakanga kasiri kekupedzisira. Asi rufu rwemurume uyu rwakanga rwakasiyana nerwevamwe vese.

2 Murume iyeye paakanga achiyaura ava pedyo nekufa, denga pacharo rakaratidza kuti rufu rwake rwakakosha zvakadini. Kunyange zvazvo akanga ari masikati, kunze kwakangoerekana kwasviba. Mumwe munyori akanyora kuti, “chiedza chezuva chakadzima.” (Ruka 23:44, 45) Murume wacho paakanga ava kufema kekupedzisira, akataura mashoko aya asingakanganwiki: “Zvaitika!” Zvechokwadi rufu rwemurume uyu, rwakaita kuti chimwe chinhu chinokosha chiitike. Kupa kwaakaita upenyu hwake sechibayiro kwaiva chiratidzo chikuru cherudo rwusina kumboratidzwa nemumwe munhu pasi pano.—Johani 15:13; 19:30.

3 Murume iyeye ndiJesu Kristu. Kutambura kwaakaita uye mafiro aakaita musi iwoyo usingakanganwiki waNisani 14, 33 C.E., kunozivikanwa nevakawanda. Asi pane chimwe chinhu chinokosha chinowanzokanganwiwa nevakawanda. Kunyange zvazvo Jesu akatambura kwazvo, Jehovha akatotambura kupfuura zvaakaita. Musi iwoyo Jehovha akazvipira kuratidza rudo rwakanga rusati rwamboratidzwa naani naani pasi nekudenga. Ngatimboongororai rudo irworwo rwuna Jehovha.

Hapana Rudo Runopfuura Urwu

4. Mumwe murwi weRoma akazosvika sei pakuona kuti Jesu akanga asiri munhuwo zvake, uye murwi iyeye akati chii?

4 Mukuru weuto akatungamirira mauto eRoma akauraya Jesu akashamiswa nerima rakavapo Jesu ava kuda kufa uye kudengenyeka kwenyika kune simba kwakazotevera. Akati: “Chokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.” (Mateu 27:54) Zviri pachena kuti Jesu akanga asiri munhuwo zvake. Murwi iyeye akanga abatsira pakuurayiwa kweMwanakomana waMwari Wekumusorosoro akaberekwa ari mumwe oga! Mwanakomana uyu aidiwa zvakadini naBaba vake?

5. Jehovha neMwanakomana wake vakanga vari vese kwenguva yakadini zvinhu zvese zvisati zvasikwa?

5 Bhaibheri rinoti Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvese.” (VaKorose 1:15) Funga kuti Mwanakomana waJehovha akanga aripo nyika nezvinhu zvese zviri mudenga zvisati zvatombovapo. Saka Baba neMwanakomana vakanga vari pamwe chete kwenguva yakareba sei? Mamwe masayendisiti anofungidzira kuti nyika nezvinhu zvese zviri mudenga zvava nemabhiriyoni 13. Unogona kufungidzira kuti nguva iyoyo yakareba zvakadini here? Kunyange dai fungidziro iyoyo iri yechokwadi, anongova makore mashoma chaizvo pane akararama Jesu! Akanga achiitei mumakore ese iwayo asingaverengeki?

6. (a) Mwanakomana waJehovha aiitei paakanga asati auya pasi pano? (b) Rudo ruri pakati paJehovha nemwanakomana wake rwakasimba zvakadini?

6 Mwanakomana aishanda naBaba vake nemufaro ari “mhizha.” (Zvirevo 8:30) Bhaibheri rinoti: “Kunze kwake hapana kunyange chinhu chimwe chete chakavapo.” (Johani 1:3) Saka Jehovha neMwanakomana wake vakashanda pamwe chete kuti zvimwe zvinhu zvese zvivepo. Vanofanira kunge vainakidzwa zvikuru! Vazhinji tinobvumirana kuti rudo ruri pakati pemubereki nemwana rwakasimba zvinoshamisa. Uye rudo “chisungo chakakwana chekubatana.” (VaKorose 3:14) Nenguva iyoyo yatisingagoni kufungidzira kureba kwayo, ndiani wedu angagona kunyange kufungidzira kuti rudo ruri pakati paJehovha neMwanakomana wake rwakasvika pakusimba zvakadini? Zviri pachena kuti Jehovha Mwari neMwanakomana wake vakabatanidzwa nechisungo chakasimba kupfuura zvese cherudo.

7. Pakabhabhatidzwa Jesu, Jehovha akaratidza kuti ainzwa sei nezveMwanakomana wake?

7 Kunyange zvakadaro, Baba vakatuma Mwanakomana wavo pasi pano kuti azoberekwa semunhu. Izvi zvaireva kuti Jehovha aizenge akaparadzana neMwanakomana wake waanoda zvikuru kwemakore. Jehovha akanga ari kudenga achinyatsotarisa zvese zvaiitika kuMwanakomana wake achikura. Jesu akabhabhatidzwa ava nemakore anenge 30. Jehovha anofanira kunge akafara zvikuru nezvakaitwa neMwanakomana wake. Akataura ega ari kudenga kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mateu 3:17) Pavakaona kuti Jesu akanga aita zvese zvakanga zvataurwa neuprofita nezvake, zvese zvaakanga anzi aite, Baba vake vanofanira kunge vakafara zvikuru!—Johani 5:36; 17:4.

8, 9. (a) Jesu akarwadziswa zvakadini musi waNisani 14, 33 C.E., uye Baba vake vakanzwa sei? (b) Nei Jehovha akabvumira Mwanakomana wake kuti atambure uye afe?

8 Asi Jehovha akanzwa sei musi waNisani 14, 33 C.E.? Akanzwa sei pakatengeswa Jesu, akasungwa nemhomho yevanhu? Akanzwa sei pakasiyiwa Jesu neshamwari dzake dzepedyo, ndokutanga kutongwa zvisiri pamutemo? Akanzwa sei Mwanakomana wake achitsvinyirwa, achisvipirwa mate, uye achirohwa nezvibhakera? Akanzwa sei Jesu achirohwa zvakasimba achibvarurwa-bvarurwa musana wese netyava? Akanzwa sei Mwanakomana wake achirovererwa makumbo nemaoko padanda, achisiyiwa ipapo akarembera vanhu vachimutuka? Baba vakanzwa sei Mwanakomana wavo anodiwa achichema kwavari achitambudzika kwazvo nemarwadzo? Jehovha akanzwa sei Jesu achifema kekupedzisira, zvekuti Mwanakomana wake waanoda akanga asisiko, izvo zvakanga zvisati zvamboitika kubvira paakamusika?—Mateu 26:14-16, 46, 47, 56, 59, 67; 27:38-44, 46; Johani 19:1.

9 Tinopererwa nemashoko. Sezvo Jehovha achirwadziwa, hatigoni kuwana mashoko anonyatsotsanangura kurwadziwa kwaakaita pakafa Mwanakomana wake. Chatingatogona kutaura chinangwa chaJehovha chakaita kuti abvumire kuti izvozvo zviitike. Nei Jehovha akazvirwadzisa zvakadaro? Jehovha anotizivisa chimwe chinhu chinoshamisa pana Johani 3:16, zvekuti vhesi iyoyo yeBhaibheri inotonzi nevamwe ndiyo yakabata Evhangeri yese. Panoti: “Nekuti Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.” Saka chakaita kuti Jehovha abvumire kuti zvese izvi zviitike rudo. Kutuma kwakaita Jehovha Mwanakomana wake kuti azotifira kwakanga kuri kuratidza rudo kusingaenzaniswi. Chipo chinopfuura zvimwe zvese.

“Mwari . . . akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga”

Kutsanangura Rudo rwaMwari

10. Vanhu vanozvarwa vachida chii, uye chii chakaitika kune zvinoreva shoko rekuti “rudo”?

10 Shoko iri rekuti “rudo” rinorevei? Rudo rwunowanzonzi ndicho chinhu chatinozvarwa tichida tese. Kubva paucheche kusvikira muguva, vanhu vanenge vachingoda kudiwa; vanokura zvakanaka kana vachidiwa, uye kana vakarwushaya vanoita semuti unosvava wobva wafa. Kunyange zvakadaro, zvinoshamisa kuti rwakaoma kurwurondedzera. Vanhu vanotaura zvakawanda nezvarwo. Kune mabhuku, nziyo, uye nhetembo dzisingaperi pamusoro parwo. Asi zvese izvi hazvinyatsobudisi zvarwunoreva. Shoko iri rinoita sekuti rinoshandiswa zvakanyanya zvekuti zvarinoreva chaizvo hazvichanyatsozivikanwi.

11, 12. (a) Ndekupi kwatingadzidza zvakawanda nezverudo? (b) Mutauro wechiGiriki chekare unotaura nezvemarudzi api erudo, uye ishoko ripi rinoreva “rudo” rakanyanya kushandiswa muMagwaro echiKristu echiGiriki? (Onawo mashoko emuzasi.) (c) Shoko rekuti a·gaʹpe rinonyanya kureva chii muMagwaro?

11 Asi Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka nezverudo. Rimwe duramanzwi rinotsanangura mashoko emuBhaibheri rinoti: “Munhu ane rudo rwechokwadi anongoonekwa nezvaanoita.” Zvinotaurwa neBhaibheri kuti zvakaitwa naJehovha zvinotidzidzisa zvakawanda nezverudo rwake kuzvisikwa zvake. Chimwe chezvinhu izvozvo zvaakaita kuratidza rudo rwake uye chinopfuura zvese ndicho chambotaurwa nezvacho mundima dzapfuura. Muzvitsauko zvichatevera, tichaona zvimwe zvakawanda zvakaitwa naJehovha achiratidza rudo rwake. Tinogonawo kuwedzera kunzwisisa nezverudo kana tikaongorora mashoko akatanga kushandiswa muBhaibheri akashandurwa kuti “rudo.” Mumutauro wechiGiriki waitaurwa kare, pane mashoko mana anoreva “rudo.” a Pamashoko acho ese, rakashandiswa zvakanyanya muMagwaro echiKristu echiGiriki nderekuti a·gaʹpe. Rimwe duramazwi reBhaibheri rinoti “shoko iri rinotsanangura rudo zvine simba zvikuru.” Nei zvakadaro?

12 Maererano nemashandisirwo arakaitwa muBhaibheri, shoko rekuti a·gaʹpe rinoreva rudo runotungamirirwa nemitemo yaMwari yakarurama. Saka harungorevi zvatiri kunzwa mumwoyo nezvemumwe munhu. Rwunoreva zvakawanda, uye unotofanira kuita zvekufunga kuti urwuratidze. Urwu rudo runoratidzwa tisingaisi pfungwa pakuti tinowanei. Tinonyatsoona zvarunoreva pana Johani 3:16. Chii chiri kunzi “nyika” iyo yakadiwa naMwari kwazvo, akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga? Inoreva vanhu vari munyika vanokwanisa kudzikinurika. Ivavo vanosanganisira vanhu vakawanda vari kutorarama vachiita zvinhu zvakaipa. Jehovha anotora mumwe nemumwe wavo seshamwari sezvaaiita Abrahamu here? (Jakobho 2:23) Kwete. Asi anotosarudza kunyange kurasikirwa achiitira vanhu vese zvakanaka. Anoda kuti vese vatendeuke, vachinje nzira dzavo. (2 Petro 3:9) Vakawanda vari kudaro. Uye kana vadaro anovagamuchira seshamwari dzake.

13, 14. Chii chinoratidza kuti rudo rwechiKristu rwunosanganisirawo kuva neushamwari?

13 Asi vamwe havanyatsonzwisisi mashandisirwo akaitwa shoko rekuti a·gaʹpe muBhaibheri. Vanofunga kuti rudo runongoratidzwa nepfungwa chete mwoyo usingabatanidzwi uye pasina kana ushamwari. Chokwadi ndechekuti rudo rwechiKristu runowanzosanganisira kuda munhu zvine ushamwari. Johani paakanyora kuti, “Baba vanoda Mwanakomana,” akashandisa shoko rekuti a·gaʹpe. Irworwo rudo rusina ushamwari here? Cherechedza kuti Jesu akati, “Baba vanoda Mwanakomana,” apa achishandisa shoko rekuti phi·leʹo. (Johani 3:35; 5:20) Rudo rwaJehovha runowanzosanganisira kuva neushamwari. Asi haazoregedza ushamwari ihwohwo huchimukanganisa kuti asafunge nezvemitemo yake yakarurama.

14 Sezvatakaona, Jehovha akakwirira uye akakwana pamaratidziro aanoita simba rake, uchenjeri hwake, uye pakutonga zvakarurama. Asi rudo ndirwo runonyanya kuita kuti tide kuswedera pedyo naye. Hapana chimwe chinotiswededza kwaari kupfuura zvinoita rudo. Chinofadza ndechekuti ndirwo rwaanoratidza kupfuura zvimwe zvese. Tinozviziva sei izvozvo?

“Mwari Rudo”

15. Bhaibheri rinotii nezverudo rwaJehovha, uye mashoko aya akasiyana sei nemamwe? (Onawo mashoko emuzasi.)

15 Bhaibheri rine zvarinotaura nezverudo zvarisingambotaura nezvezvimwe zvatakadzidza nezvaJehovha. Magwaro haatauri kuti Mwari isimba kana kuti Mwari uchenjeri, kana kuti Mwari kururama. Rinoti anazvo, kureva kuti ndiye tsime razvo, uye hapana angaenzaniswa naye pakuzviratidza zvese zviri zvitatu. Asi chechina chacho Bhaibheri rinochitaura zvakasiyana nezvimwe zvese. Rinoti: “Mwari rudo.” b (1 Johani 4:8) Zvinorevei izvozvo?

16-18. (a) Nei Bhaibheri richiti “Mwari rudo”? (b) Pazvisikwa zvese zviri panyika, nei munhu akakodzera kufananidzira rudo rwaJehovha?

16 Kuti “Mwari rudo” hakusi kungoenzanisa Mwari nechimwe chinhu, zvakadai sekuti, “Mwari akaenzana nerudo.” Hatikwanisi kupindurudza mashoko acho toti “rudo ndiMwari.” Jehovha anopfuura rudo nekuti anotova nezvimwe zvaari, kuwedzera parudo irworwo. Asi rudo ndirwo rwakanyanya kudzama kupfuura zvimwe zvese. Ndosaka rimwe bhuku rinotaura pamusoro pendima iyi richiti: “Zvese zvatinoziva nezvaMwari anozviratidza murudo.” Tinogona kuzvitaura seizvi: Simba raJehovha rinoita kuti akwanise kuita zvinhu. Uchenjeri hwake uye kururama kwake ndozvinotungamirira maitiro aanoita zvinhu. Asi rudo ndirwo rwunomutuma kuti aite zvaanoita. Rudo rwunogara ruripo pazvese zvaanenge achiita.

17 Tinowanzotaura kuti Jehovha ndiye muenzaniso mukuru werudo. Saka kana tichida kudzidza nezverudo, tinofanira kudzidza nezvaJehovha. Ichokwadi kuti vanhu vanoratidzawo rudo. Asi nei vachikwanisa kurwuratidza? Panguva yaakasika zvinhu, Jehovha akataura mashoko aya kuMwanakomana wake: “Ngatiitei munhu nemufananidzo wedu, akafanana nesu.” (Genesisi 1:26) Pazvisikwa zvese zviri panyika, vanhu chete ndivo vanokwanisa kusarudza kuratidza rudo vachitevedzera Baba vavo vekudenga. Yeuka kuti Jehovha akashandisa zvisikwa zvakasiyana-siyana kuti zvifananidzire zvaari. Asi Jehovha akasarudza chisikwa chakakwirira kupfuura zvimwe zvese pasi pano, munhu, semufananidzo werudo.—Ezekieri 1:10.

18 Patinoratidza rudo tichitungamirirwa nemitemo yaMwari, tisingazvifungi, tinenge tichiratidza zvakaita Jehovha. Sezvakanyorwa nemuapostora Johani, “tine rudo nekuti Mwari ndiye akatanga kutida.” (1 Johani 4:19) Asi Jehovha akatanga kutida sei?

Jehovha Ndiye Akatanga Kutida

19. Nei tingati rudo ndirwo rwakaita kuti Jehovha ade kusika?

19 Rudo rwagara rwuriko. Handizvo here kuti ndirwo rwakaita kuti Jehovha atange kusika? Hazvirevi kuti akanga achinzwa kusurukirwa, achida muvaraidzi. Jehovha akakwana ari zvaari zvekuti hapana chaanoshayiwa chaanganzi anoda kune mumwe munhu. Asi rudo rwake, urwo runoonekwa nezviito, rwakaita kuti angodawo kuti pave nezvisikwa zvakafanana naye zvinokwanisa kunakidzwa neupenyu, zvichikoshesa chipo ichocho. Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga ndiye akanga ari “wekutanga pane zvakasikwa naMwari.” (Zvakazarurwa 3:14) Jehovha akazoshandisa Mhizha iyoyo kuita kuti zvimwe zvinhu zvese zvivepo, kutanga nengirozi. (Jobho 38:4, 7; VaKorose 1:16) Jehovha akakomborera zvisikwa izvozvo nekuzvipa rusununguko, uchenjeri, uye akazvisika zvichikwanisa kufara kana kusuwa uye zvichikwanisa kushamwaridzana izvo pachazvo uye kuva shamwari dzaJehovha pachake. (2 VaKorinde 3:17) Saka zvaikwanisa kuratidza rudo nekuti izvo zvakatanga kudiwa.

20, 21. Adhamu naEvha vakanga vakapoteredzwa neuchapupu hupi hwekuti vanodiwa naJehovha, asi vakaratidza sei kuti havana kuzvikoshesa?

20 Ndizvo zvimwe chetewo nevanhu. Kubva pakutanga chaipo Adhamu naEvha vakanga vakapoteredzwa nerudo. Kwese kwavaitarisa mumusha wavo weParadhiso muEdheni, vaiona uchapupu hwerudo rwaBaba vavo. Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri: “Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, nechekumabvazuva; uye akaisamo munhu waakanga asika.” (Genesisi 2:8) Wati wambopinda mubindu rakanaka kana kuti mupaki here? Ndezvipi zvinonyanya kukuyevedza kana uri imomo? Chiedza chinobudikira nemumashizha here? Maruva ane ruvara rwakasiyana-siyana here? Kuyerera kwetumvura mukarwizi here, kurira kwezvipembenene zviri kubhururuka here, kana kuti kuimba kweshiri here? Ko iko kunhuhwirira kwemiti, michero, nemaruva? Asi chokwadi ndechekuti hapana paki nhasi ingaenzaniswa neEdheni. Nei tichidaro?

21 Bindu iroro rakasimwa naJehovha pachake! Rinofanira kunge rakanga rakanaka zvisingatsananguriki. Maiva nemuti wese waifadza kuona uye waiva nemichero yainaka. Bindu racho rainyatsodiridzwa, rakanga rakakura, uye riine mhuka dzakasiyana-siyana. Adhamu naEvha vaiva nezvese zvaiita kuti upenyu hwavo hunakidze, kusanganisira basa rinogutsa uye ushamwari. Jehovha ndiye akatanga kuvada, uye vaifanira kumudawo. Asi vakakundikana kudaro. Panzvimbo pekuratidza kuti vanoda Baba vavo vekudenga nekuvateerera, vakaita zvemusoro wavo vakatovapandukira.—Genesisi, chitsauko 2.

22. Zvakaitwa naJehovha pakapanduka vanhu muEdheni zvakaratidza sei kuti rudo rwake haruchinji?

22 Izvozvo zvinofanira kunge zvakarwadza Jehovha chaizvo! Asi kupanduka uku kwakakanganisa rudo rwaJehovha here? Aiwa! “Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.” (Pisarema 136:1) Saka akabva angoita urongwa hwekudzikinura vana vaAdhamu naEvha vanenge varatidza kuti vanoda zvakarurama. Sezvatakatodzidza, urongwa ihwohwo hwaibatanidza chibayiro cherudzikinuro cheMwanakomana wake anodiwa, icho chakaita kuti Jehovha arwadziwe zvikuru.—1 Johani 4:10.

23. Chii chimwe chinoita kuti Jehovha ave “Mwari anofara,” uye mubvunzo upi uchakurukurwa muchitsauko chinotevera?

23 Sezvataona, kubva pakutanga chaipo Jehovha ndiye akatanga kuratidza vanhu rudo. “Akatanga kutida” nenzira dzakawanda, dzisingaverengeki. Rudo runoita kuti pave nerugare uye mufaro, saka hazvishamisi kuti Jehovha anorondedzerwa ‘saMwari anofara.’ (1 Timoti 1:11) Asi panova nemubvunzo unokosha. Jehovha anotonyatsoda munhu mumwe nemumwe here? Chitsauko chinotevera chichakurukura nezvenyaya iyoyo.

a Shoko rekuti phi·leʹo, rinoreva “kudanana, kufarirana kunoita vanhu (vakadai seshamwari neshamwari kana kuti vanhu vemumba mumwe chete),” rinoshandiswa kakawanda muMagwaro echiKristu echiGiriki. Rimwe rinonzi stor·geʹ, rinoshandiswa mumhuri chete, rakashandiswa pana 2 Timoti 3:3 richiratidza kuti rudo rwakadaro rwaizenge rwuchishaikwa mumazuva ekupedzisira. Eʹros, iro rinoreva rudo rwepakati pemunhurume nemunhukadzi, harina kushandiswa muMagwaro echiKristu echiGiriki, asi rudo rwarinotsanangura runotaurwa nezvarwo muBhaibheri.—Zvirevo 5:15-20.

b Pane mamwe mashoko akanyorwa seizvi muMagwaro. Mimwe mienzaniso yacho ndeiyi: “Mwari chiedza” uye “Mwari . . . moto unoparadza.” (1 Johani 1:5; VaHebheru 12:29) Asi apa mashoko akadai anofanira kunzwisiswa seekufananidzira, nekuti Jehovha ari kufananidzwa nezvinhu zvinotooneka. Jehovha akafanana nechiedza pakuti mutsvene uye akarurama. Maari hamuna “rima,” kana kuti kusachena. Uye anogona kufananidzwa nemoto pamashandisiro aanoita simba rake rekuparadza.