Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 26

Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”

Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”

1-3. (a) Dhavhidhi akanga akaremerwa nemutoro wei, uye akawana nyaradzo sei pahana yake yaimutambudza? (b) Patinotadza, tinogona kunzwa takaremerwa sei, asi Jehovha anotivimbisa kutii?

 “ZVITADZO zvangu zvatutirana pamusoro wangu,” akanyora kudaro munyori wePisarema Dhavhidhi. “Zvandikurira semutoro unorema. Handichazivi zvekuita uye ndapwanyika zvachose.” (Pisarema 38:4, 8) Dhavhidhi aiziva kurema kwazvinoita kana munhu aine chivi chaakaita. Asi akawana nyaradzo pahana yake yaimutambudza. Aiziva kuti kunyange zvazvo Jehovha achivenga chivi, haavengi mutadzi anenge apfidza otendeuka zvepachokwadi. Dhavhidhi aitenda zvakazara kuti Jehovha anonzwira tsitsi vanhu vanenge vapfidza zvekuti akati: “Makagadzirira kukanganwira, haiwa Jehovha.”—Pisarema 86:5.

2 Nesuwo patinotadza tinogona kunzwa tichiremerwa nehana inenge ichititongesa. Kurwadziwa saizvozvo kana tatadza kwakanaka. Kunogona kuita kuti titore matanho ekugadzirisa zvatakakanganisa. Asiwo tinogona kuzonyanya kuzvipa mhosva zvakapfurikidza. Hana yedu inenge ichitipa mhosva inogona kuramba ichitiudza kuti Jehovha haazotiregereri, kunyange tapfidza zvakadini. Kana tikakurirwa “nekunyanya kusuruvara,” Satani anobva atoshandisa mukana iwoyo kutiita kuti tisiye Jehovha tichifunga kuti hatikoshi kwaari uye hatina kukodzera kumushumira.—2 VaKorinde 2:5-11.

3 Ndiwo maonerwo atinoitwa naJehovha here iwayo? Kana! Kukanganwira imwe nzira inoratidzwa nayo rudo naJehovha. MuShoko rake, anotivimbisa kuti kana tikanyatsopfidza nemwoyo wese, akagadzirira kutikanganwira. (Zvirevo 28:13) Iye zvino ngationgororei kuti nei Jehovha achikanganwira uye kuti anozviita sei. Izvi zvichatibatsira kubvisa pfungwa yekuti hatikwanisi kuregererwa kana tatadza.

Nei Jehovha “Akagadzirira Kukanganwira?”

4. Jehovha anoyeukei nezvedu, uye anobva atibata sei?

4 Jehovha anoziva zvatisingakwanisi. Pisarema 103:14 inoti: “Anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.” Haakanganwi kuti tiri guruva, tine pamwe patisina kusimba nemhaka yechivi chatinozvarwa nacho. Mashoko ekuti “maumbirwo atakaitwa” anotiyeuchidza kuti Bhaibheri rinofananidza Jehovha nemuumbi uye isu nemidziyo yevhu yaanoumba. (Jeremiya 18:2-6) Muumbi wedu mukuru anotibata zvinoenderana nekusasimba kwedu kunokonzerwa nechivi, uye zvinoenderana nekuti tiri kubvuma here kana kuti hatisi kubvuma kutungamirirwa naye.

5. Bhuku raVaRoma rinoratidza sei simba rine chivi patiri?

5 Jehovha anonzwisisa kuti chivi chine simba zvakadini. Shoko rake rinorondedzera chivi sesimba rakabata munhu wese richitungamirira kurufu. Chivi chakabata vanhu zvakadini? Mubhuku raVaRoma, muapostora Pauro anotsanangura kuti: Vanhu “vese vane chivi,” achishandisa mashoko anoratidza kuva pasi kunoita mauto kumutungamiriri wawo (VaRoma 3:9); chivi “chakatonga” vanhu samambo (VaRoma 5:21); “chinogara” matiri (VaRoma 7:17, 20); “mutemo” wacho unoramba uchishanda matiri, kureva kuti unoedza kutungamirira zvese zvatinoita. (VaRoma 7:23, 25) Zvechokwadi chivi chakabata nyama yedu zvakasimba!—VaRoma 7:21, 24.

6, 7. (a) Jehovha anoona sei vanhu vane mwoyo inozvidemba pane zvavanenge vaita? (b) Nei tisingafaniri kutoona sekuti ikodzero yedu kuti Mwari atinzwire tsitsi?

6 Saka Jehovha anoziva kuti hatikwanisi kuteerera pasina kana patinombokanganisa, kunyange tikaedza nemwoyo wese zvakadini. Anotivimbisa kuti kana tikamukumbira kuti atinzwirewo tsitsi tichizvidemba, anotikanganwira. Pisarema 51:17 inoti: “Zvibayiro zvinofadza Mwari ndiwo mweya wakaputsika; haiwa Mwari, hamuzorambi mwoyo wakaputsika newakapwanyika.” Jehovha haazomborambi kana kudzinga munhu ane mwoyo “wakaputsika newakapwanyika” pamusana pechivi.

7 Asi izvi zvinoreva here kuti tinofanira kuitora sekodzero yedu kuti Mwari atinzwire tsitsi, tongotadza nemaune tichiti tagara tiri vatadzi? Handizvo! Tsitsi dzaJehovha hadzirevi kuti anongonzwira tsitsi munhu wese wese. Tsitsi dzake dzine padzinogumira. Haatombokanganwiri vanhu vanorarama muchivi nemaune, vasingatomboratidzi kuti vari kupfidza. (VaHebheru 10:26) Asiwo akaona mwoyo uri kurwadziwa nezvawaita, akagadzirira kukanganwira. Iye zvino ngatichimboongororai mifananidzo inoshandiswa neBhaibheri kujekesa kukanganwira kwaJehovha, inova imwe nzira yaanoratidza nayo rudo rwake.

Jehovha Anokanganwira Zvakakwana

8. Jehovha anoita seari kuita sei zvivi zvedu paanotikanganwira, uye izvi zvinotipa chivimbo chei?

8 Dhavhidhi akataura mashoko aya achiratidza kupfidza: “Ndakazoreurura chivi changu kwamuri; handina kufukidza kukanganisa kwangu. . . . Uye makaregerera kukanganisa kwangu uye zvivi zvangu.” (Pisarema 32:5) Shoko rakashandurwa pano kuti “makaregerera” rinobva mushoko rechiHebheru rinoreva “kusimudza” kana kuti “kutakura.” Rakashandiswa pano richipa pfungwa yekubvisa “chivi kana kukanganisa kunenge kwaitwa.” Saka Jehovha akaita seasimudza zvivi zvaDhavhidhi achizviendesa kure. Izvi zvinofanira kunge zvakarerutsira Dhavhidhi pakuremerwa kwaakanga akaitwa nechivi. (Pisarema 32:3) Nesuwo tinogona kuva nechivimbo chakazara kuti Mwari achatakura zvivi zvedu kana tikatsvaga kukanganwirwa naye tichitenda muchibayiro chaJesu cherudzikinuro.—Mateu 20:28.

9. Jehovha anoisa zvivi zvedu kure nesu zvakadini?

9 Dhavhidhi akashandisa mumwe mufananidzo unonyatsojekesa kuregerera kunoita Jehovha paakati: “Sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira, saizvozvowo akaisa zvitadzo zvedu kure nesu.” (Pisarema 103:12) Kumabvazuva kure nekumavirira zvakadini? Tingatoti hapana zvinhu zviri kure nekure sezvakaita kumabvazuva nemavirira; hazvimbofi zvakasangana. Mumwe muongorori weBhaibheri akati mashoko aya anoreva kuti “kure nekure zvatisingakwanisi kufungidzira.” Mashoko aDhavhidhi akafemerwa anotiudza kuti Jehovha paanotiregerera, anoisa zvivi zvedu kure nesu zvatisingakwanisi kutombofungidzira.

“Zvivi zvenyu . . . zvichacheneswa sechando”

10. Jehovha paanokanganwira zvivi zvedu, nei tisingafaniri kunzwa sekunge kuti pane pamwe pachasara pakasvibiswa nechivi kweupenyu hwedu hwese?

10 Wakamboedza here kuwacha hembe chena ine pamwe pane tsvina iri kuramba kubva? Pamwe tsvina iyoyo yakaramba ichionekera kunyange waedza zvese zvaunogona kuti uibvise. Cherechedza kuti Jehovha anotsanangura sei kukwanisa kwake kuregerera: “Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri, zvichacheneswa sechando; kunyange zvazvo zvakatsvuka semucheka mutsvuku, zvichaita semvere dzemakwai.” (Isaya 1:18) a Hatigoni kubvisa tsvina inenge yaiswa patiri nechivi nesimba redu tega. Asi Jehovha anogona kubvisa zvivi zvakatsvuka, zvakati piriviri, ozviita zvichena sechando kana kuti semvere dzemakwai. Kana Jehovha atikanganwira, hatifaniri kunzwa sekunge kuti pane pamwe pachasara pakasvibiswa nechivi kweupenyu hwedu hwese.

11. Zvinorevei kuti Jehovha anokandira zvivi zvedu shure kwake?

11 Hezekiya akamboimba rwiyo rwunobata-bata paakaponeswa ava kuda kufa nekurwara. Akati kuna Jehovha: “Makarasira zvivi zvangu zvese shure kwenyu.” (Isaya 38:17) Pano Jehovha ari kuratidzwa seari kukanda zvivi zvedu kwaakapira gotsi, kwaasingazvioni kana kufunga nezvazvo zvekare. Rimwe bhuku rinoti tinogona kutaura pfungwa yacho tichiti: “Makaita kuti [zvivi zvangu] zviite sezvisina kumbobvira zvaitika.” Haufungi kuti ipfungwa inonyaradza here iyoyo?

12. Muprofita Mika akaratidza sei kuti kana Jehovha akanganwira, anenge abvisa zvivi zvedu zvachose?

12 Paaivimbisa vanhu vaMwari kuti vaizodzorerwa kunyika yavo, muprofita Mika akaratidza kuti aiva nechokwadi chekuti Jehovha aizokanganwira vanhu vake kana vakasiya nzira dzakaipa. Akati: “Ndoupi Mwari akaita semi, . . . anoregerera kudarika kwevakasara pavanhu vake? . . . Muchakanda zvivi zvavo zvese pasi pegungwa.” (Mika 7:18, 19) Fungidzira kuti mashoko iwayo airevei kuvanhu vakararama panguva yaakanyorwa. Paiva nemukana wekuti munhu awane chinhu chinenge chakandwa “pasi pegungwa” here? Saka mashoko aMika anoratidza kuti kana Jehovha akanganwira, anenge abvisa zvivi zvedu zvachose.

13. Mashoko aJesu ekuti “tiregerereiwo zvikwereti zvedu” anorevei?

13 Jesu akashandisa zvinoitika pakati pemunhu anokwereta nemukweretesi wake achienzanisira kukanganwira kwaJehovha. Jesu akatikurudzira kunyengetera kuti: “Tiregerereiwo zvikwereti zvedu.” (Mateu 6:12, mashoko emuzasi.) Saka Jesu aifananidza zvivi nezvikwereti. (Ruka 11:4) Patinotadza, tinenge “takwereta” kuna Jehovha. Rimwe bhuku rinotaura nezveshoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “tiregerereiwo,” richiti rinoreva “kurega kureva chikwereti kuti munhu wacho asabhadhare hake.” Saka Jehovha paanotiregerera, zvakafanana nekuti adzima chikwereti chaaifanira kutibvunza. Vatadzi vanopfidza vanogona kunyaradzwa nekuziva kuti Jehovha haasi kuzovabvunza nezvechikwereti chaanenge adzima!—Pisarema 32:1, 2.

14. Mashoko ekuti “zvivi zvenyu zvidzimwe” anounza mufananidzo upi mupfungwa dzedu?

14 Kukanganwira kwaJehovha kunotsanangurwa zvakare pana Mabasa 3:19 panoti: “Saka pfidzai zvivi zvenyu, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe.” Vamwe vanoongorora Bhaibheri vanoti shoko rakashandiswa apa rekuti “zvidzimwe” rinopa pfungwa yekudzima zvinenge zvanyorwa. Zvaidzimwa sei? Ingi yaiwanzoshandiswa kare kare yaigadzirwa nemusanganiswa wematsito, namo, nemvura. Munhu aigona kungoti achipedza kunyora otora chijira chakatota opukuta zvaanyora zvobva zvangodzimika. Apa pane mufananidzo wakanaka chaizvo wetsitsi dzaJehovha. Paanotiregerera zvivi zvedu, anoita sekunge atora chijira akazvidzima zvese.

15. Mifananidzo inotsanangura nezvekuregerera inotibatsira kuziva chii nezvaJehovha?

15 Patinofungisisa mifananidzo yese iyi, haufungi kuti zvinobva zvanyatsotijekera here kuti Jehovha akagadzirira kutikanganwira kana tikapfidza zvepachokwadi? Hatifaniri kutya kuti achazotitonga pamusoro pezvivi zvacho mune ramangwana. Izvi tinozviona pane chimwezve chinhu chinodzidziswa neBhaibheri nezvetsitsi dzaJehovha. Paanotikanganwira, anobva akanganwa.

Jehovha anoda kuti tizive kuti “akagadzirira kukanganwira”

“Handichazoyeukizve Chivi Chavo”

16, 17. Bhaibheri rinorevei parinoti Jehovha anokanganwa zvivi zvedu, uye nei uchipindura kudaro?

16 Jehovha akataura nezvevanhu vaiva musungano naye achiti: “Ndichavaregerera kukanganisa kwavo, uye handichazoyeukizve chivi chavo.” (Jeremiya 31:34) Izvi zvinoreva here kuti kana Jehovha akanganwira anenge asingachakwanisi kuyeuka zvivi zvatakaita? Handizvo zvazvinoreva. Bhaibheri rinotiudza nezvevanhu vakawanda vakakanganwirwa naJehovha, kusanganisira Dhavhidhi. (2 Samueri 11:1-17; 12:13) Zviri pachena kuti Jehovha achiri kunyatsoziva zvakanyatsoitika. Zvivi zvavakaita, kupfidza kwavakazoita, uye kuregererwa kwavakaitwa naMwari, zvakanyorwa kuti zvitibatsire. (VaRoma 15:4) Saka Bhaibheri rinenge richirevei parinoti Jehovha ‘haayeuki’ zvivi zvaanenge akanganwira?

17 Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “handichazoyeukizve” harirevi kusafunga zvakaitika chete. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti shoko racho rinobatanidzawo “kuita chimwe chinhu nezvaunenge uchiyeuka zvacho.” Kureva kuti panyaya iyi, “kuyeuka” ari kureva kuita chimwe chinhu nezvechinhu chacho chauri kuziva. (Hosiya 9:9) Asi kana Mwari achiti “handichazoyeukizve chivi chavo,” ari kuvimbisa kuti kana angokanganwira vatadzi, haachazoiti chimwe chinhu achivaranga pamusoro pezvaakavaregerera zvacho. (Ezekieri 18:21, 22) Saka Jehovha anokanganwa pakuti haazorambi achingomutsa nyaya dzakapfuura achitanga kutirangazve. Haufungi kuti zvinonyaradza here kuziva kuti Mwari wedu anokanganwira obva akanganwa?

Ko Zvinozoitika Pamusana Pechivi Chatinenge Taita?

18. Nei kukanganwira kwaJehovha kusingarevi kuti mutadzi anenge asunungurwa pazvinhu zvese zvichakonzerwa nekutadza kwaakaita?

18 Tava kuziva kuti Jehovha akagadzirira kukanganwira. Asi izvi zvinoreva here kuti mutadzi anenge akanganwirwa anobva asunungurwa pazvinhu zvese zvinogona kukonzerwa nekutadza kwaakaita? Handizvo. Hazviiti kuti titadze tisingazokohwi zvatinenge taita. Pauro akanyora kuti: “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) Tinogona kusangana nemamwe matambudziko pamusana pezvatinenge taita. Izvi hazvirevi kuti Jehovha ndiye anokonzera kuti tisangane nematambudziko iye ambotikanganwira. Kana muKristu akasangana nematambudziko haafaniri kufunga kuti, ‘Pamwe Jehovha ari kundirangira zvivi zvandakaita.’ (Jakobho 1:13) Ukuwo Jehovha haativharidzire pazvinhu zvinokonzerwa nekutadza kwatinenge taita. Zvimwe zvivi zvinogona kutiunzira matambudziko akadai sekuita nhumbu, kubata zvirwere zvinopomeranwa pabonde, kuparara kwemba, uye kupedzisira tisisavimbwe nesu. Yeuka kuti panyaya yaBhatishebha naUriya Jehovha haana kudzivirira Dhavhidhi pamatambudziko akakonzerwa nezvivi zvake.—2 Samueri 12:9-12.

19-21. (a) Mutemo wakanyorwa pana Revhitiko 6:1-7 waibatsira sei ainge atadzirwa uye mutadzi wacho? (b) Kana paine vakakanganiswa nechivi chedu Jehovha anofara kana tikatora matanho api?

19 Pane zvimwewo zvatinogona kuparirwa nechivi chedu, kunyanya kana paine vamwe vakanganiswa nekutadza kwataita. Funga zvinotaurwa muchitsauko 6 chaRevhitiko. Imomo Mozisi anotaura nezvepanenge paita munhu chivi chakakura chakadai sekubira mumwe muIsraeri zvinhu zvake kana kuti kumukorovhera. Mutadzi wacho anobva aramba kuti akazviita, otosvika kunyange pakupika. Panenge pasina chapupu chakaona zvakaitika, saka uyu anenge achipomera, uyuwo achiramba zvaari kupomerwa. Asi mutadzi uya anoramba achitambudzwa nehana ozouya ega kuzoreurura. Kuti aregererwe naMwari pane zvimwe zvinhu zvitatu zvaanofanira kuita: kudzorera zvaakanga atora, kuripa waakanga abira nechikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu chezvinhu zvaakaba, ozobvisa chibayiro chekubvuma mhosva yake. Mutemo unozoti: “Mupristi achamuyananisira pamberi paJehovha, uye achakanganwirwa.”—Revhitiko 6:1-7.

20 Urongwa uhwu hwairatidza tsitsi dzaMwari. Nyakutadzirwa wacho aibatsirwa pakuti aidzorerwa zvinhu zvake uye aifarawo kuona mutadzi achibvuma chivi chake. Mutemo wacho waibatsirawo mutadzi uyo anga achinetswa nehana yake akazobvuma mhosva yake ndokugadzirisa zvaanga atadza. Dai pasina izvozvo aisazokanganwirwa naMwari.

21 Kunyange zvazvo tisiri pasi peMutemo waMozisi, mutemo wacho unotibatsira kunzwisisa mafungiro aJehovha, kusanganisira panyaya yekukanganwira. (VaKorose 2:13, 14) Kana zvivi zvedu zvakanganisa vamwe vanhu, Mwari anofadzwa kana tikaita zvatinogona kuti tigadzirise zvakanganisika zvacho. (Mateu 5:23, 24) Izvi zvinogona kusanganisira kubvuma kuti ndisu takaita chinhu chacho, kubvuma kuti tine mhosva, uye kunyange kukumbira munhu wacho watatadzira ruregerero. Kana tadaro, tinogona kubva tateterera kuna Jehovha tichishandisa chibayiro chaJesu, tonyatsova nechivimbo chekuti taregererwa naMwari.—VaHebheru 10:21, 22.

22. Munhu anogona kurasikirwa nechii kunyange aregererwa?

22 Sezvinongoita mubereki wese ane rudo, Jehovha anogona kukanganwira mutadzi wacho asi omuranga zvinoenderana nezvaaita. (Zvirevo 3:11, 12) MuKristu anogona kutorerwa mamwe mabasa aanga achiita muungano akadai sekushumira semukuru, mushumiri weungano, kana kuti mamwe mabasa enguva yakazara. Anogona kurwadziwa kuti ambomiswa mabasa aanokoshesa. Asi kurangwa kwaanenge aitwa hakurevi kuti Jehovha haana kumuregerera. Tinofanira kuyeuka kuti kurangwa naJehovha kunoratidza kuti anotida. Kubvuma kurangwa nekutevedzera zvatinenge tanzi tiite kwakatotinakira.—VaHebheru 12:5-11.

23. Nei tisingambofaniri kufunga kuti hatichambokwanisi kunzwirwa tsitsi naJehovha, uye nei tichifanira kumutevedzera?

23 Haufungi here kuti zvinonyaradza kuziva kuti Mwari wedu “akagadzirira kukanganwira”? Kunyange tikakanganisa zvakadini hatifaniri kutombofunga kuti hatichakodzeri kunzwirwa tsitsi naJehovha. Kana tikapfidza zvechokwadi, totora matanho ekugadzirisa zvatakanganisa, tonyengetera nemwoyo wese kuti tikanganwirwe pachishandiswa ropa raJesu, tinogona kuva nechivimbo chakazara chekuti Jehovha achatikanganwira. (1 Johani 1:9) Isuwo ngatitevedzerei kukanganwira kwake pane zvatinoitirana. Nekuti kana Jehovha, uyo asingatombotadzi achikanganwira zvakadaro, ko isu vanhu vanotadza hatifaniri kuita zvese zvatinogona kuti tiregererane here?

a Mumwe muongorori weBhaibheri anoti ruvara rutsvuku rwunotaurwa pano “rwakanga ruri ruvara rusingabvi. Dova, kana mvura inonaya, kana kuwacha, kana kusakara, zvakanga zvisingakwanisi kubvisa ruvara urwu.”