Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 27

“Akanaka Kwazvo!”

“Akanaka Kwazvo!”

1, 2. Mwari akanaka zvakadini, uye Bhaibheri rinoratidza sei izvozvo?

 SHAMWARI dzakagara panze dzichidziya mushana zuva rodoka, dzichidyira-dyira uku nyaya dzichitsva, vachifa zvavo nekuseka. Kune imwewo nzvimbo, murimi ari kuratidza kufara paari kuona makore akasvibirira uye madonhwe emvura achitanga kudonha pazvirimwa zvake zvanga zvava kutsva. Kune imwezve nzvimbo, murume nemudzimai wake vari kufara pavari kuona mwana wavo achitanga kudhanaira.

2 Vangava vari kuzviziva kana kuti kwete, vanhu vese ava vari kunakidzwa neupenyu nekuti Jehovha akanaka. Vanhu vemachechi vanowanzotaura mashoko ekuti “Mwari akanaka.” Bhaibheri rinototaura mashoko iwayo zvine simba kupfuura ipapo. Rinoti: “Akanaka kwazvo!” (Zekariya 9:17) Asi kunenge kuti vakawanda havazivi kuti mashoko acho anonyatsorevei. Chii chinonyatsorehwa nekuti Jehovha akanaka, uye kunaka kwaMwari uku kune zvakunoita paupenyu hwemumwe nemumwe wedu here?

Kunaka kwaJehovha Kunoratidza Rudo Rwake Zvinoshamisa

3, 4. MuBhaibheri, shoko rekuti kunaka rinorevei, uye nei tichiti kunaka kwaJehovha kunobva parudo rwake?

3 Vanhu vakawanda mazuva ano vanoshandisa shoko rekuti “kunaka” zvakanyanyisa uye pazvinhu zvese zvese. Asi pamashandisirwo arakaitwa muBhaibheri, shoko iri haringorevi kunaka kunongotaurwa pazvinhu zvese zvese. Rinoreva kuita zvinhu zvisina kana kanoshoreka. Saka tichifunga izvi, tinogona kuti Jehovha akanaka zvakakwana. Zvese zvaanoita, kubvira pakuratidza kwaanoita simba rake, kutonga kwaanoita zvakarurama, uye uchenjeri hwake, zvakanaka. Chinonyanya kukosha ndechekuti kunaka kwaJehovha kunoratidza rudo rwake. Sei tichidaro?

4 Kunaka kunoratidzwa nezvaunoitira vamwe. Muapostora Pauro akaratidza kuti vanhu vanoyemura munhu akanaka kupfuura munhu akarurama. (VaRoma 5:7) Munhu anonzi akarurama kana achitevedzera mutemo asingautyori, asi munhu akanaka anotoita zvinopfuura ipapo. Ndiye anotanga kutsvaga nzira dzekubatsira nadzo vamwe. Sezvatichaona, Jehovha akanaka pakuti ndizvo zvaanoita chaizvo. Zviri pachena kuti kunaka kwake kunobva parudo rwake rwusingaperi.

5-7. Nei Jesu akaramba kunzi “Mudzidzisi Akanaka,” uye mhinduro yake inobudisa chokwadi chipi?

5 Kunaka kwaJehovha kwakasiyana nekwevamwe vese. Mumwe murume aiva nemubvunzo akambotaura naJesu achimuti “Mudzidzisi Akanaka.” Jesu akapindura kuti: “Nei uchinditi akanaka? Hapana munhu akanaka, kunze kwaMwari chete.” (Mako 10:17, 18) Mapinduriro akaita Jesu anogona kukushamisa. Jesu akarambirei kunzi “Mudzidzisi Akanaka”? Handizvo zvaakanga ari here?

6 Zviri pachena kuti murume uyu akanga achishandisa mashoko ekuti “Mudzidzisi Akanaka” sezita rekungomurumbidza zvekubata kumeso. Jesu akaratidza kuzvininipisa ndokuita kuti mbiri yese iyi iende kuna Baba vake vekudenga, avo vakanaka zvakakwana. (Zvirevo 11:2) Asi Jesu aitaurawo chimwe chokwadi chakadzama chekuti Jehovha chete ndiye ane kodzero yekutiudza kuti ichi chakanaka, uye ichi chakaipa. Adhamu naEvha pavakapanduka ndokudya muti wekuziva zvakanaka nezvakaipa, vaida kuti kodzero yacho yekusarudza ive yavo. Jesu akasiyana navo pakuti anosiyira kodzero iyoyo kuna Baba vake.

7 Jesu aizivawo kuti zvinhu zvese zvakanaka zvinobva kuna Jehovha. Ndiye anopa “zvipo zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Iye zvino ngationgororei kuti kunaka kwaJehovha kunooneka sei pazvinhu zvaanopa vanhu.

Zvinhu Zvinoratidza Kunaka kwaJehovha

8. Jehovha anoratidza sei kuti akanaka kuvanhu vese?

8 Munhu wese akatomborarama pasi pano akabatsirwa nekunaka kwaJehovha. Pisarema 145:9 inoti: “Jehovha akanaka kuzvisikwa zvese.” Ndezvipi zvimwe zvinoratidza kuti Jehovha akanaka kuvanhu vese? Bhaibheri rinoti: Haana “kurega kuzvipupurira pakuti akaita zvakanaka, achikupai mvura yekudenga nemwaka inobereka zvibereko, achikugutsai nezvekudya uye achizadza mwoyo yenyu nemufaro.” (Mabasa 14:17) Unonzwa sei paunenge uchidya zvekudya zvinonaka? Dai kwakanga kusiri kunaka kwaJehovha uyo akagadzira pasi rino nemvura iripo yakachena, “nemwaka inobereka zvibereko,” taisazova nezvekudya zvakadaro. Jehovha anoratidza kunaka kwake nezvinhu izvi kuvanhu vese kwete vaya vanomuda chete. Jesu akati nezvaBaba vake: “Vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vanoita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.”—Mateu 5:45.

9. Apuro rinoratidza sei kuti Jehovha akanaka?

9 Vanhu vakawanda havatombofungi nezvezvinhu zvakanaka zvatinowana kubva pakupiwa kwatakaitwa zuva, mvura inonaya, uye mwaka inobereka zvibereko. Funga nezvemuchero wakadai seapuro. Uyu muchero unowanika munzvimbo dzakawanda pasi pano. Rinoyevedza, rinonaka, rine muto unotapira une zvekudya zvinovaka muviri. Waizviziva here kuti kune mhando 7 500 dzemaapuro, dzakasiyana-siyana ruvara kubva kumatsvuku, eyero uye egirini, mamwe madiki zvekuti anoda kuti pfuurei zhanje uye mamwe akakura kupfuura ranjisi? Kana wakabata mhodzi yeapuro muruoko rwako, inoita sepasina chawakatombobata. Asi ikadyarwa inobudisa mumwe wemiti yakanakisisa. (Rwiyo rwaSoromoni 2:3) Gore negore unoita maruva anoyevedza wozobereka michero. Unoita makore 75 uchingobereka michero inogona kusvika makirogiramu 400 pagore!

Jehovha ari kukupai “mvura inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko”

Mukamhodzi aka munobva muti unogona kuwanisa vanhu michero kwemakumi emakore

10, 11. Zvinhu zvatinokwanisa kuita zvakadai sekunzwa, kuona, uye kunhuhwidza zvinoratidza sei kunaka kwaMwari?

10 Jehovha akaratidza kunaka kwake nekusika muviri wedu “nenzira inoshamisa,” tichikwanisa kunzwisisa mabasa ake uye kunakidzwa nawo. (Pisarema 139:14) Funga zvakare nezvezvinhu zvarondedzerwa patangira chitsauko chino. Ndezvipi zvanyanya kukufadza? Chiso chemwana ari kunyemwerera here? Kuona ivhu ranga raoma richitanga kunwirira mvura here? Kutsvuka kunenge kwakaita zuva rava kunyura here? Ziso remunhu rinokwanisa kuona zviuru nezviuru zvemavara akasiyana-siyana, zvichida anotosvika mamiriyoni! Uye tinokwanisa kunzwa manzwi akasiyana-siyana evanhu vatinoda, kuvhuvhuta kwemhepo pamiti, uye kuseka kwemwana mudiki. Chii chinoita kuti tikwanise kuona uye kunzwa zvakadaro? Bhaibheri rinoti: “Nzeve inonzwa neziso rinoona, zvese zviri zviviri zvakasikwa naJehovha.” (Zvirevo 20:12) Apa tangotaura nezvekuona uye kunzwa chete.

11 Chimwe chinhu chinoratidza kuti Jehovha akanaka kukwanisa kwedu kunhuhwidza. Tinokwanisa kunhuhwidza minhuhwi yakasiyana-siyana inosvika zviuru nezviuru. Funga nezvezvinhu zvishomanana zvaunokwanisa kunzwa munhuhwi wazvo zvakadai sezvekudya zvaunofarira zviri kubikwa, maruva, mashizha, nekunhuhwirira kwechinhu chiri kugochwa pamoto. Uye ganda redu rinokwanisa kunzwa kuti pane chatiguma zvekuti tinokwanisa kunzwa kakufefetera kemhepo ichitirova kumeso, kumbundirwa nemunhu watinoda, uye kutsvedzerera kwemuchero watinenge takabata. Paunouruma, rurimi rwako rwunenge rwava kuravidza kuti uri kunaka sei. Rurimi ruchingotanga kuravidza, mukanwa munobva mazara mate ndiye gotsi papata. Chokwadi hatingamborega kuti nezvaJehovha: “Kunaka kwenyu kwakakura zvechokwadi! Makakuchengetera vaya vanokutyai.” (Pisarema 31:19) Asi Jehovha akachengetera sei vaya vanomutya kunaka kwake?

Kunaka kwaJehovha Kunotibatsira Nekusingaperi

12. Ndezvipi zvatinopiwa naJehovha zvinokosha kupfuura zvese, uye nei tichidaro?

12 Jesu akati: “Zvakanyorwa kuti: ‘Munhu haararami nechingwa chete, asi nemashoko ese anobuda mumuromo maJehovha.’” (Mateu 4:4) Zvechokwadi, zvinhu zvatinopiwa naJehovha kuti zvisimbise ushamwari hwedu naye zvinotibatsira kupfuura zvekudya, nekuti zvinotitungamirira kuupenyu husingaperi. MuChitsauko 8 chebhuku rino takaona kuti mumazuva ano ekupedzisira Jehovha akashandisa simba rake rekudzorera zvinhu pazvaiva paakaita kuti pave neparadhiso yemweya. Chinhu chikuru chinoratidza kuti iyi iparadhiso ndezvekudya zvemweya zvakawanda.

13, 14. (a) Muprofita Ezekieri akaona chiratidzo chei, uye chinorevei kwatiri mazuva ano? (b) Jehovha ari kuwanisa vashumiri vake vakatendeka zvinhu zvipi zvinopa upenyu?

13 Muuprofita hunokosha hwemuBhaibheri, muprofita Ezekieri akaratidzwa kunamata kwakachena kuchidzorerwa uye temberi inoshamisa. Patemberi iyoyo paibva rukova rwaienda ruchidzika uye ruchipamhamha zvekusakwanisa kuyambukika. Kwese kwarwaiyerera ruchienda kwaisvika makomborero. Kumahombekombe kwaro kwaiva nemiti yaiva nezvekudya uye yaiporesa. Rwizi rwacho rwakatounza upenyu nezvibereko kugungwa rine mvura ine munyu, Gungwa Rakafa, rakanga risina chinhu chairarama! (Ezekieri 47:1-12) Asi zvese izvozvo zvairevei?

14 Chiratidzo chetemberi chairatidza kuti Jehovha aizodzorera kunamata kwakachena. Temberi iyi yaizoita kuti vanhu vanamate zvakarurama sezvaaida. Sezviri kuratidzwa nerwizi irworwo, zvinhu zvinopiwa naJehovha vanhu vake kuti vararame nekusingaperi zvaizowedzera kuwanda. Kubva pakadzorerwa kunamata kwakachena muna 1919, Jehovha ari kukomborera vanhu vake nezvinhu zvinotungamirira kuupenyu husingaperi. Ari kuzviita sei? MaBhaibheri, mabhuku anotsanangura Bhaibheri, misangano, uye magungano, zvese zviri kushanda kuti zvisvitse chokwadi chinokosha kumamiriyoni evanhu. Jehovha ari kushandisa nzira idzi kuti adzidzise vanhu nezvechimwe chinhu chaakavaitira chinokosha kupfuura zvese, chibayiro cherudzikinuro chaKristu, icho chinoita kuti vanhu vese vanoda uye vanotya Jehovha vave nehana yakachena uye tariro yeupenyu husingaperi. a Saka mumazuva ano ekupedzisira, kunyange zvazvo nyika iri kutambura nenzara yekuziva Mwari, vanhu vaJehovha vari kufara nezvekudya zvemweya.—Isaya 65:13.

15. Jehovha achaita sei kuti kunaka kwake kuyerere kuchienda kuvanhu vake vakatendeka panguva ichatonga Jesu kwemakore ane chiuru?

15 Asi rwizi rwakaonekwa naEzekieri muchiratidzo harugumi kuyerera panoguma nyika ino yakaipa. Rwuchatoyerera zvakanyanya mumakore ane chiuru panenge pava kutonga Kristu. Achishandisa Umambo hwaMesiya, Jehovha achaita kuti chibayiro chaJesu chishande zvakakwana pavanhu, ovabvisira chivi chiri mavari zvishoma nezvishoma. Tichanyatsoona kunaka kwaJehovha!

Zvimwe Zvinoratidza Kunaka kwaJehovha

16. Bhaibheri rinoratidza sei kuti kunaka kwaJehovha kunosanganisira zvinhu zvakawanda, uye ndezvipi zvimwe zvacho?

16 Kunaka kwaJehovha hakungooneki pazvinhu zvaanopa vanhu chete. Mwari akaudza Mozisi kuti: “Ndichaita kuti kunaka kwangu kwese kupfuure nepamberi pako, uye ndichazivisa zita raJehovha pamberi pako.” Nhoroondo yacho inozoti: “Jehovha akanga achipfuura nepamberi pake achizivisa kuti: ‘Jehovha, Jehovha, Mwari ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, nechokwadi.’” (Eksodho 33:19; 34:6, mashoko emuzasi) Saka kunaka kwaJehovha kunosanganisira zvinhu zvakawanda. Ngatimboongororai zviviri zvacho.

17. Chii chinonzi nyasha, uye Jehovha akadziratidza sei kuvanhuwo zvavo?

17 “Nyasha.” Shoko iri, iro rakada kufanana nerekuti tsitsi rinotiudza zvakawanda nezvemabatiro anoita Jehovha zvisikwa zvake. Jehovha akasiyana nevamwe vanhu vakawanda vane masimba vasina ushamwari uye vanoda kungoudza vanhu zvekuita; munyoro uye anotaura nevanhu zvakanaka. Funga matauriro aakaita naAbramu paakati: “Ndinokumbira kuti usimudze musoro, utarise uri pauri, kuchamhembe nekumaodzanyemba, uye kumabvazuva nekumavirira.” (Genesisi 13:14) Shanduro dzakawanda dzinosiya shoko rekuti “ndinokumbira.” Asi vanoongorora Bhaibheri vanoti manyorerwo akaitwa mashoko acho muchiHebheru chekare haasi emunhu ari kuudza munhu zvekuita asi ari kukumbira. Hapasiripo pega paakataura achidaro. (Genesisi 31:12; Ezekieri 8:5) Fungidzira Mutongi wezvinhu zvese achiti “ndinokumbira” kuvanhuwo zvavo! Munyika ino yakazara vanhu vanongotaura vasingafungi kuti vamwe vanonzwa sei, vanongotaura pfocho, uye vanongoda kuti zvavari kuda zviitwe, hazvizorodzi here kuziva kuti Jehovha Mwari wedu anotaura zvine nyasha?

18. Nei zvichinzi Jehovha “azere . . . nechokwadi,” uye nei mashoko iwayo achikurudzira?

18 “Azere . . . nechokwadi.” Kusataura chokwadi kwakazara munyika nhasi. Asi Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Mwari haasi munhuwo zvake anotaura nhema.” (Numeri 23:19) Tito 1:2 inotomuti “Mwari, uyo asingagoni kureva nhema.” Nekunaka kwaakaita haangamboita izvozvo. Saka zvinhu zvinovimbiswa naJehovha hazvikundikani; mashoko ake anototi azadzikiswe. Jehovha anotonzi “Mwari anotaura chokwadi.” (Pisarema 31:5) Chokwadi chacho anochizivisa chakawanda. Haaiti zvinhu pachivande, achivanzira vanhu mashoko; anoudza vashumiri vake vakatendeka mashoko achiatora mudura reuchenjeri hwake husingaperi. b Anotovadzidzisa mararamiro anoenderana nechokwadi chaanovapa kuti ‘varambe vachifamba muchokwadi.’ (3 Johani 3) Kuziva kuti Jehovha akanaka kunofanira kuita kuti mumwe nemumwe wedu aite sei?

“Farira Kunaka kwaJehovha”

19, 20. (a) Satani akaita sei kuti Evha asava nechokwadi nekunaka kwaJehovha? (b) Tinofanira kunzwa sei nezvekunaka kwaJehovha, uye nei tichidaro?

19 Satani paakaedza Evha mumunda weEdheni, akamunyengedza nenzira isiri nyore kuona kuti asava nechokwadi nekunaka kwaJehovha. Jehovha akanga audza Adhamu kuti: “Unogona hako kudya michero yemiti yese yemumunda kusvikira waguta.” Mumunda uyu munofanira kunge maiva nemiti yakawandisa, asi Jehovha akangomurambidza mumwe chete. Asi inzwa matauriro akaita Satani kuna Evha. Akamubvunza kuti: “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya michero yemiti yese yemumunda?” (Genesisi 2:9, 16; 3:1) Satani akataura mashoko aJehovha nepasipo achiita kuti Evha afunge kuti Jehovha ari kumunyima chimwe chinhu chakanaka. Chinorwadza ndechekuti zano iroro rakashanda. Evha akatanga kusava nechokwadi nekunaka kwaMwari uyo akanga amupa zvese zvaakanga ainazvo, uye kune vakawanda vakazomutevedzera.

20 Tinoziva kuti zvaakaita izvi zvakaunza nhamo nematambudziko. Saka ngatisakanganwa mashoko ari pana Jeremiya 31:12 ekuti: “Farira kunaka kwaJehovha.” Kunaka kwaJehovha kunofanira kuita kuti tifare zvekufara zviya. Hatifaniri kutanga kuva nemubvunzo mumwoyo medu nezvekunaka kwaJehovha. Ngatigarei tichivimba naye zvizere nekuti zvese zvaanoita anozviita kuti zvinakire vese vanomuda.

21, 22. (a) Unoda kuratidza sei kuti unotenda Jehovha nekunaka kwake? (b) Tichakurukura nezvei muchitsauko chinotevera, uye zvakasiyana papi nezvatakurukura muchitsauko chino?

21 Uyewo zvinotifadza patinoshandisa mukana wese watinowana kutaurira vamwe nezvekunaka kwaJehovha. Pisarema 145:7 inotaura nezvevanhu vaJehovha ichiti: “Vachafara kwazvo pavanoyeuka kunaka kwenyu kukuru.” Zuva rimwe nerimwe ratinorarama, tinenge tichitobatsirwa nekunaka kwaJehovha. Zuva rimwe nerimwe tenda Jehovha nekuda kwekunaka kwake, uchinyatsomuudza zvauri kutenda zvacho. Kugara tichifunga nezvekunaka kwaJehovha, tichimutenda nekunaka kwake, uye kuudza vamwe nezvakwo, zvichatibatsira kutevedzera kunaka kwaMwari wedu. Uye patinenge tichitsvaga nzira dzekutevedzera nadzo Jehovha kuti tive vakanaka, tichabva tawedzera kuswedera pedyo naye. Muapostora Johani akanyora kuti: “Mudikani, usatevedzera zvinhu zvakaipa, asi tevedzera zvinhu zvakanaka. Munhu anoita zvakanaka anobva kuna Mwari.”—3 Johani 11.

22 Pane zvimwewo zvakabatana nekunaka kwaJehovha. Bhaibheri rinoti Mwari “azere nerudo rusingachinji.” (Eksodho 34:6) Rudo rusingachinji rwakasiyana nekunaka pakuti runongonangana nevashumiri vake vakatendeka chete. Muchitsauko chinotevera, tichadzidza kuti anoita sei izvozvo.

a Hapana chimwe chinhu chinoratidza kunaka kwaJehovha kupfuura rudzikinuro. Pakati pezviuru nezviuru zvengirozi, Jehovha akasarudza Mwanakomana wake anodiwa, akaberekwa ari mumwe oga kuti atifire.

b Hazvishamisi kuti Bhaibheri rinobatanidza chokwadi nechiedza. Mumwe munyori wePisarema akaimba kuti: “Tumai chiedza chenyu nechokwadi chenyu.” (Pisarema 43:3) Jehovha anovhenekera chiedza chake kuvanhu vanoda kudzidziswa, kana kuti vanoda kuvhenekerwa naye.—2 VaKorinde 4:6; 1 Johani 1:5.