Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 29

Kuziva “Rudo rwaKristu”

Kuziva “Rudo rwaKristu”

1-3. (a) Chii chakaita kuti Jesu ade kufanana naBaba vake? (b) Tichaongororei muchitsauko chino?

 WAKAONA here kuti mwana mukomana anoedza kufanana nababa vake? Anogona kutotevedzera mafambiro avanoita, matauriro avanoita, kana kuti maitiro avo. Nekufamba kwenguva mwana iyeye anopedzisira ava kuvenga zvinhu zvinovengwa nababa vake, ava kuda zvavanoda, uye kutenda zvavanotenda. Kuda uye kuyemura kwaanoita baba vake vane rudo kunoita kuti ade kufanana navo.

2 Ndozvazvakaitawo here pakati paJesu naBaba vake vekudenga? Jesu akati: “Ndinoda Baba.” (Johani 14:31) Hapana munhu anogona kuda Jehovha kupfuura Mwanakomana uyu, nekuti akagara naBaba vake kwenguva yakareba zvimwe zvinhu zvese zvisati zvatombovapo. Rudo irworwo rwakaita kuti Mwanakomana uyu akazvipira kuna Baba vake ade kufanana navo.—Johani 14:9.

3 Muzvitsauko zvakapfuura, takakurukura kuti Jesu akatevedzera sei Jehovha pakushandisa simba rake, pakutonga zvakarurama, uye pakuratidza uchenjeri. Asi Jesu airatidza sei rudo serwaBaba vake? Ngationgororei kuti Jesu akaratidza sei rudo pakuva munhu anozvipira, pakuva netsitsi, uye pakuva akagadzirira kukanganwira.

“Hapana Ane Rudo Rukuru Kupfuura Urwu”

4. Jesu akaratidza sei rudo rwekuzvipira kupfuura munhu upi zvake?

4 Rudo rwechokwadi runoita kuti munhu azvipire kurasikirwa achibatsira vamwe. Jesu akaratidza rudo rwakadaro nenzira inoshamisa. Akarwuratidza sei? Iye pachake akatsanangura kuti: “Hapana ane rudo rukuru kupfuura urwu, kuti mumwe munhu ape upenyu hwake achifira shamwari dzake.” (Johani 15:13) Jesu akazvipira kutifira. Hapana munhu akamboratidza rudo rwunopfuura ipapo. Asi Jesu akaratidza rudo rwekuzvipira nedzimwewo nzira.

5. Nei kuuya kwakaita Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga pasi pano achibva kudenga kwaiva kuratidza rudo rwekuzvipira?

5 Asati auya pasi pano, Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga akanga aine nzvimbo yepamusoro kudenga. Aiva pedyo zvikuru naJehovha uye zviuru nezviuru zvengirozi. Pasinei nekuti zvinhu zvakanga zvakamunakira zvakadaro, Mwanakomana uyu anodiwa “akazvidurura, akava semuranda, akava munhu.” (VaFiripi 2:7) Akauya panyika “iri musimba reakaipa,” pakati pevanhu vanotadza, achinyatsozvidira. (1 Johani 5:19) Haufungi kuti Mwanakomana waMwari akaratidza rudo rwunoshamisa nekuzvipira kwaakaita here?

6, 7. (a) Jesu akaratidza sei rudo rwekuzvipira paaiita ushumiri hwake pasi pano? (b) Mashoko akanyorwa pana Johani 19:25-27 anoratidza sei kuti Jesu akanga asingangofungi zvakamunakira chete?

6 Nguva yake yese yaaiita ushumiri pasi pano, Jesu akaratidza rudo rwake nekuzvipira nenzira dzakasiyana-siyana. Akanga asingatomboiti zvinhu zvakangonakira iye chete. Akanga akanyura muushumiri zvekuti aitoshaya nguva yekuita zvinhu zvinodawo kuitwa nevanhu vese. Akamboti: “Makava ane mwena yaanogara uye shiri dzekudenga dzine matendere, asi Mwanakomana wemunhu haana pekuisa musoro wake.” (Mateu 8:20) Sezvo aiva nyanzvi yekuveza, Jesu aigona kumboshandisa imwe nguva yake kuvaka imba yakanaka kana kuti kugadzira midziyo yemumba yekutengesa kuti awane kamwe kamari. Asi haana kushandisa unyanzvi hwake kuti azvipfumise.

7 Imwe nzira inobata-bata yakaratidzwa nayo naJesu rudo rwekuzvipira yakanyorwa pana Johani 19:25-27. Fungidzira kuti Jesu akanga akaremerwa mupfungwa nemwoyo zvakadini masikati aakazofa. Paaiyaura ari padanda, aifunga nezvevadzidzi vake, basa rekuparidza, uye kuti kuramba kwake akaperera kwaikosha zvakadini pamaonerwo anoitwa zita raBaba vake. Tingatoti ramangwana revanhu vese raiva mumaoko ake! Asi asarirwa nenguva shomanana asati afa, Jesu akafungawo nezvaamai vake, Mariya, avo vanofanira kunge vakanga vava chirikadzi. Jesu akakumbira muapostora Johani kuti achengete Mariya achimubata saamai vake, uye kubva ipapo Johani akabva amutora akaenda naye kumba kwake. Saka Jesu akaronga kuti amai vake vawane anovachengeta uye vatsigirwe panyaya dzekunamata. Urwu ndirwo runonzi rudo rwechokwadi!

“Akasiririswa”

8. Shoko rechiGiriki rakashandiswa neBhaibheri richitaura nezvetsitsi dzaJesu rinotsanangurwa sei?

8 Jesu aiva netsitsi sedzaBaba vake. Magwaro anotsanangura Jesu semunhu ainzwira vanhu tsitsi zvekuti aitsvaga mikana yekubatsira vanhu vaitambudzika. Bhaibheri rinorondedzera tsitsi dzaiva naJesu richishandisa shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “akasiririswa.” Mumwe muongorori weBhaibheri akati: “Rinotsanangura . . . kuti munhu anenge achinyatsonzwa sei mukatikati memwoyo wake. Ndiro shoko rakasimba pane ese muchiGiriki rinotsanangura nezvekunzwa tsitsi.” Ngationei zvimwe zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti ainzwa tsitsi zvekuti aida kubatsira.

9, 10. (a) Chii chakanga chaitika chakazoita kuti Jesu nevadzidzi vake vambotsvaga nzvimbo yakanyarara yekuenda? (b) Jesu paakakanganiswa achida kumbova ega nevadzidzi vake akaita sei, uye nei akadaro?

9 Akaona achifanira kubatsira vanhu vaitsvaga Mwari. Nyaya yakanyorwa pana Mako 6:30-34 inoratidza kuti chii chakanyanya kuita kuti Jesu anzwe tsitsi. Fungidzira zvakaitika. Vaapostora vakanga vachifara, nekuti vakanga vachangodzoka kubva kunoparidza. Vakadzoka kuna Jesu vachimutsanangurira nemufaro zvese zvavakanga vasangana nazvo. Asi vanhu vakawanda vakabva vaungana, zvekuti Jesu nevaapostora vake vakanga vasisina kana nguva yekudya zvayo. Semunhu aicherechedza Jesu akaona kuti vaapostora vakanga vaneta. Akavaudza kuti, “Imi uyai kwenyu mega kusina vanhu, mumboti zororei.” Vakakwira chikepe, vakayambuka mhiri kweGungwa reGarireya vakawana nzvimbo yakanyarara. Asi vanhu vakavaona vachienda. Vamwewo vakangoita zvekunzwa kuti ndiko kwaaenda. Vakabva vamhanya vachitevedza mahombekombe egungwa vachibva vasvika kumhiri kwacho chikepe chisati chatombosvika!

10 Jesu akagumbukira vanhu ava here achiti vakanga vava kukanganisa nguva yaaida kumbova ega nevadzidzi vake? Kana! Akatonzwira tsitsi vanhu ava vakanga vakamumirira vaitosvika zviuru. Mako akanyora kuti: “Akaona vanhu vakawanda, uye akasiririswa navo, nekuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi. Uye akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvakawanda.” Jesu akaona kuti mumwe nemumwe wevanhu ava aitsvaga Mwari. Vakanga vakafanana nemakwai aingomberereka, asina mufudzi ari kuadzivirira. Jesu aiziva kuti vatungamiriri vechitendero ndivo vaifanira kuva vafudzi vevanhu ava vakaderera, asi nekushayiwa kwavo tsitsi vakanga vasingatombovaoni. (Johani 7:47-49) Jesu akanzwira vanhu ivavo tsitsi, akatanga kuvadzidzisa “nezveUmambo hwaMwari.” (Ruka 9:11) Cherechedza kuti Jesu akanzwira vanhu ava tsitsi asati atomboona kuti vachabvuma here zvaaivadzidzisa. Saka tingati tsitsi dzake hadzina kubva pane zvaakaona paaivadzidzisa, asi kuti ndidzo dzakatoita kuti ade kuvadzidzisa.

“Akatambanudza ruoko rwake, akamubata”

11, 12. (a) Vaiva nemaperembudzi vaionekwa sei munguva inotaurwa muBhaibheri, asi Jesu akaita sei pakauya mumwe murume akanga “azere nemaperembudzi”? (b) Kubatwa kwakaitwa murume aiva nemaperembudzi naJesu kunogona kunge kwakaita kuti anzwe sei, uye zvakaitika kune mumwe chiremba zvinoratidza sei izvi?

11 Akaona achifanira kubatsira vanhu vaitambura. Vanhu vaiva nezvirwere zvakasiyana-siyana vaicherechedza kuti Jesu aiva netsitsi, saka vaibva vada kuswedera pedyo naye. Izvi zvakanyatsooneka mumwe musi akaunganirwa nevanhu, pachibva pasvika mumwe murume “akanga akazara maperembudzi.” (Ruka 5:12) Makore iwayo vanhu vane maperembudzi vaifanira kugara kwavo vega kuti varege kuzadza vamwe chirwere chacho. (Numeri 5:1-4) Asi vana rabhi neutsinye hwavo vakanga vazowedzera pamutemo wacho zvekuti wakanga wava kudzvinyirira. a Asi cherechedza zvakaitika uye kuti Jesu akapindura sei murume wacho: “Mumwe murume aiva nemaperembudzi akauyawo kwaari, achimuteterera akapfugama, achiti kwaari: ‘Kana muchida henyu, munogona kundichenesa.’ Akasiririswa, akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari: ‘Ndinoda! Cheneswa.’ Maperembudzi acho akabva angonyangarika, uye murume wacho akabva ava akachena.” (Mako 1:40-42) Jesu aiziva kuti zvakanga zvisingabvumirwi nemutemo kuti munhu ane maperembudzi ave ipapo. Asi panzvimbo pekuti amudzinge ipapo, Jesu akasiririswa naye akatoita chimwe chinhu chakanga chisingafungirwi kuti angaite. Jesu akamubata!

12 Unofunga kuti murume iyeye akanzwa sei paakabatwa? Funga nezveimwe nyaya yakaitika. Mumwe chiremba anorapa vanhu vane maperembudzi anonzi Paul Brand, anotaura nezvemumwe murume waakarapa kuIndia. Paakanga achimuongorora, akamubata pamapendekete, ndokubva atanga kumutsanangurira, achishandisa muturikiri, marapiro aaida kuzomuita. Murume wacho wemaperembudzi akabva atanga kuchema. Chiremba akabvunza kuti: “Asi pane chandataura chakaipa?” Muturikiri wacho akabvunza murume wacho wekurwara achishandisa mutauro wake uye akabva audza chiremba zvaakanga apindura achiti: “Aiwa hapana chakaipa chamataura chiremba. Ari kuti ari kuchema nekuti mamubata pamapendekete. Ari kuti anga ava nemakore asati ambobatwa nemumwe munhu.” Kune uya akabatwa naJesu, kubatwa ikoko kwakatochinja zvakawanda. Paakangobatwa kamwe chete ikako, chirwere chake chaiita kuti asemwe chakabva chanyangarika!

13, 14. (a) Jesu akasangana nemudungwe wevanhu vaiitei paakanga ava kusvika muguta reNaini, uye chii chinoita kuti zvakanga zvaitika apa zvinyanye kusuruvarisa? (b) Tsitsi dzaJesu dzakaita kuti abatsire sei chirikadzi yekuNaini?

13 Akaona achifanira kuzorodza vafirwa. Jesu aisiririswa zvikuru paaiona vanhu vachichema. Funga nezvenyaya yakanyorwa pana Ruka 7:11-15. Nyaya yacho yakaitika nechekunze kweguta reNaini remuGarireya, Jesu paakanga ava nerinenge gore nehafu achiita ushumiri hwake. Paaiswedera pedyo neguta racho, akasangana nemudungwe wevanhu vaichema vakatakura chitunha. Nyaya yacho yainzwisa tsitsi. Amai ava vakanga vafirwa nemwanakomana wavo mumwe chete ivo vachitova chirikadzi. Aka kanogona kunge kakanga kava kechipiri vachiva nemariro akadai, ekutanga ari emurume wavo. Iye zvino akanga ava mariro emwanakomana wavo, anogona kunge ari iye aivariritira. Vanhu vakanga vakavaunganira vanogona kunge vaiimba nziyo dzepamariro, vachiridza zviridzwa. (Jeremiya 9:17, 18; Mateu 9:23) Asi munhu akanyanya kucherechedzwa naJesu ndiamai ava vanofanira kunge vaichema vachifamba vari pedyo nevakanga vakatakura chitunha chemwanakomana wavo.

14 Jesu “akasiririswa” naamai ava vakanga vafirwa. Akataura navo nenzwi rinonyaradza achiti: “Musachema.” Akabva abata hwanyanza hwacho. Vakanga vakatakura chitunha vakabva vamira, pamwe chete nevanhu vese. Nenzwi rinoratidza kuti aiva nesimba, Jesu akataura nechitunha achiti: “Jaya, ndinoti kwauri, muka!” Chii chakabva chaitika? “Murume wacho akanga akafa akabva agara, akatanga kutaura” sekunge munhu anga akafa zvake nehope! Mashoko anozotevera ndiwo anonyatsobata-bata, ekuti: “Jesu akamupa kuna amai vake.”

15. (a) Nyaya dzemuBhaibheri dzinotaura nezvekuratidza tsitsi kwaJesu dzinoratidza sei kuti tsitsi dzakabatana nezvatinozoita? (b) Tingatevedzera sei Jesu panyaya iyi?

15 Nyaya idzi dzinotidzidzisei? Panyaya imwe neimwe, cherechedza kubatana kwakaita kunzwa tsitsi nekuita chimwe chinhu kuti ugadzirise nyaya yacho. Jesu akanga asingaone vanhu vari kutambura otadza kusiririswa, uye akanga asingasiririswi otadza kuita chimwe chinhu. Tingamutevedzera sei? SevaKristu, ibasa redu kuzivisa mashoko akanaka uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi. Chinonyanya kuita kuti tiite izvi kuda kwatinoita Mwari. Ngatiyeukeiwo kuti basa iri rinoda munhu ane tsitsi. Patinonzwira vanhu tsitsi sezvaiita Jesu, tichabva tada kuita zvese zvatinogona kuti tivaudze mashoko akanaka. (Mateu 22:37-39) Ko vanhu vatinonamata navo vanenge vaine zviri kuvatambudza kana kuti vachichema, tinofanirawo kuvanzwira tsitsi here? Hatigoni kuita zvishamiso zvekurapa kana kuti kumutsa vakafa. Asi tinogona kuratidza tsitsi nekutanga isu kutaura mashoko anonyaradza kana kubatsira nezvatinenge tiinazvo.—VaEfeso 4:32.

“Baba, Varegererei”

16. Jesu akaratidza sei kuti akanga akagadzirira kukanganwira paakanga ava kufa?

16 Jesu akatevedzerazve rudo rwaBaba vake pakuti akanga “akagadzirira kukanganwira.” (Pisarema 86:5) Izvi akazviratidza kunyange paakanga akarovererwa padanda ava kufa. Paakanga achifa rufu rwunonyadzisa, zvipikiri zvichiboora maoko ake netsoka, Jesu akataura nezvei? Akakumbira Jehovha kuti atsive vanhu vaimuuraya here? Panzvimbo pekuita izvozvo, mamwe emashoko aJesu ekupedzisira aiva ekuti: “Baba, varegererei, nekuti havazivi zvavari kuita.”—Ruka 23:34. b

17-19. Jesu akaratidza sei kuti akanga aregerera Petro nekumuramba katatu kwaakanga aita?

17 Pamwe imwe nyaya inonyanya kubata-bata nezvekukanganwira kwaJesu. Inyaya yemabatiro aakaita muapostora Petro. Zviri pachena kuti Petro aida Jesu nemwoyo wese. Usiku hwaJesu hwekupedzisira asati afa, Petro akamuudza kuti: “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi kujeri nemurufu.” Asi pasina kana nguva yakareba, Petro akazoramba Jesu katatu, achitoti haamuzivi! Bhaibheri rinoti paakamuramba kechitatu, “Ishe akabva atendeuka, akatarisa Petro.” Petro akakurirwa neshungu “akabuda panze, akachema zvinosiririsa.” Pakazofa Jesu, Petro anofanira kunge akaramba achizvibvunza kuti, ‘Ishe wangu anga andikanganwira here?’—Ruka 22:33, 61, 62.

18 Petro haana kumbotora nguva asati awana mhinduro. Paakamutswa, Jesu akabva ashanyira Petro, pamwe musi wacho chaiwo. (Ruka 24:34; 1 VaKorinde 15:4-8) Nei Jesu akafunga nezvemuapostora iyeye akanga amuramba zvakasimba kudaro? Jesu angave aida kuti Petro azive kuti aimuda uye aimukoshesa sezvo akanga aratidza kuzvidemba nezvaakanga aita. Asi Jesu akatoita zvakawanda kuti aratidze Petro kuti akanga achiri kumuda.

19 Jesu akazozviratidza zvakare kuvadzidzi vake paGungwa reGarireya. Petro, uyo akanga amboramba Ishe wake katatu, akabvunzwa naJesu katatu kuti aimuda here. Paakabvunzwa kechitatu, Petro akapindura kuti: “Ishe, munoziva zvinhu zvese; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu anoziva zviri mumwoyo memunhu, saka ainyatsoziva kuti Petro aimuda zvakadini. Asi Jesu aipa Petro mukana wekuti ataure ega kuti aimuda. Jesu akatowedzera ipapo nekupa Petro basa ‘rekufudza’ uye ‘rekupa makwai ake madiki zvekudya.’ (Johani 21:15-17) Petro akanga ambopiwa basa rekuparidza. (Ruka 5:10) Asi iye zvino Jesu anoratidza kuvimba naye zvizere nekumupa basa rinokosha rekuchengetedza vateveri vake. Izvi zvichangoitika, Jesu akapa Petro basa rinokosha pakati pevadzidzi vake. (Mabasa 2:1-41) Petro anofanira kunge akazorodzwa zvechokwadi paakaziva kuti Jesu akanga amuregerera zvechokwadi uye kuti akanga achiri kuvimba naye!

Unoziva “Rudo rwaKristu” Here?

20, 21. Tingasvika sei ‘pakuziva rudo rwaKristu’?

20 Chokwadi Shoko raJehovha rinotsanangura rudo rwaKristu zvinonwisa mvura. Asi rudo rwaKristu runofanira kuita kuti isu vacho tide kuita sei? Bhaibheri rinotikurudzira kuti tizive “rudo rwaKristu, urwo runopfuura ruzivo.” (VaEfeso 3:19) Sezvataona, nyaya dziri muBhaibheri dzeupenyu hwaJesu neushumiri hwake dzinotidzidzisa zvakawanda nezverudo rwake. Asi kuti tizosvika ‘pakuziva rudo rwaKristu’ haisi nyaya yekungodzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvake.

21 Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “muzive” rinoreva “kuziva mashandiro azvinoita.” Patinoratidza rudo serwaJesu, tichizvipira kubatsira vamwe, tichivanzwira tsitsi nekuvapawo zvatiinazvo, uye tichivaregerera nemwoyo wese, tinenge tichiratidza kuti tava ‘kuziva rudo rwaKristu, urwo runopfuura ruzivo.’ Uye ngatisambokanganwa kuti patinowedzera kufanana naKristu, tinenge tichiwedzerawo kuswedera kune wacho aitevedzerwa naJesu zvakakwana, Mwari wedu ane rudo, Jehovha.

a Mitemo yakanga yagadzwa navanarabhi yaiti munhu haabvumirwi kuswedera pedyo nemunhu ane maperembudzi nemamita angasvika maviri. Kana kuine mhepo zvaitonzi munhu ane maperembudzi agare kure nemamita anenge 45. Midrash Rabbah inotaura nezvemumwe rabhi aihwanda kana aona munhu ane maperembudzi, uye mumwe aipotsera matombo kuti vanhu vane maperembudzi vatambire kure. Saka vanhu vaiva nemaperembudzi vaiziva kurwadza kwazvinoita kana vanhu vachikusema uye vasingadi kukuona.

b Mamwe magwaro ekare aisiya mashoko ekutanga aRuka 23:34. Asi sezvo mashoko aya achiwanika mune akawanda emagwaro ekare akavimbika, arimo muBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva nemamwe maBhaibheri akawanda. Jesu anofanira kunge aitaura nezvemauto eRoma akamuroverera. Vakanga vasingazivi zvavakanga vari kuita, sezvo vaisaziva kuti Jesu aiva ani. Pamwe aifungawo nezvevaJudha vakaita kuti aurayiwe asi vakazopedzisira vava kutenda maari. (Mabasa 2:36-38) Asi vatungamiriri vechitendero vakaita kuti aurayiwe ndivo vaitova nemhosva yakakura nekuti vakanyatsoita zvekutoronga kuita zvakaipa vachiziva. Vazhinji vavo vakanga vasingakwanisi kukanganwirwa.—Johani 11:45-53.