Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 31

“Swedera Pedyo naMwari, Uye Iye Achaswedera Pedyo Newe”

“Swedera Pedyo naMwari, Uye Iye Achaswedera Pedyo Newe”

1-3. (a) Zvinoita vana nevabereki zvinotidzidzisei nezvemasikirwo akaitwa vanhu? (b) Chii chinongoitika chega kana mumwe munhu akatiratidza rudo, uye mubvunzo upi unokosha watingazvibvunza?

 VABEREKI vanofarira kuona mwana wavo mucheche achinyemwerera. Vanowanzomurezva vakaisa zviso zvavo pedyo pedyo nechiso chake, vachinyemwerera. Vanenge vachida kumuona achimwererawo. Uye ndizvo zvinobva zvangoitikawo. Unotanga kuona tumavende twemwana uya tuchibuda pachena achitanga kunyemwererawo. Kunyemwerera ikoko anotova mavambo ekuratidza rudo kunoita mwana kuvabereki, semadiro avenenge vachimuitawo ivo.

2 Kunyemwerera kunoita mwana mucheche kunotiyeuchidza nezvechimwe chinhu chinoitwa nemunhu wese zvake. Tikaratidzwa rudo tinoratidzawo rudo. Tinongozvarwa takangodaro. (Pisarema 22:9) Patinenge tichikura madzorerero atinoitawo rudo rwatinenge taratidzwa nevamwe anoratidzawo kukura kwatinenge taita. Pamwe uchiri kuyeuka kuti pawaiva mwana, vabereki vako uye hama neshamwari vaikuratidza sei rudo. Izvozvo pazvaiitika, mhodzi yerudo yaitodyarwa mumwoyo mako uye yakatanga kukura kusvikira yatumbuka. Wakatangawo kuvaratidza kuti unovada. Kuti zvingava ndizvo zviri kuitikawo kurudo rwako naJehovha Mwari here?

3 Bhaibheri rinoti: “Tine rudo nekuti Mwari ndiye akatanga kutida.” (1 Johani 4:19) Kubva muChikamu 1 kusvika kuChikamu 3 chebhuku rino, wakayeuchidzwa kuti zvese zvinoitwa naJehovha Mwari, kubva pamashandisiro aanoita simba rake, kutonga kwake zvakarurama, uye uchenjeri hwake, zvese anozviita murudo kuti tibatsirwe. Uye muChikamu 4, wakaona kuti Mwari akaratidza rudo rwake kuvanhu vese, uye kwauri iwe pachako munzira dzinoshamisa. Saka tinobva tava nemubvunzo. Mubvunzo unokosha kupfuura yese waunogona kuzvibvunza ndewekuti: ‘Ndicharatidza sei Jehovha kuti iniwo ndinomuda?’

Kuda Mwari Kunorevei?

4. Vanhu vanoratidza sei kuti havanyatsonzwisisa zvinoreva kuda Mwari?

4 Sezvo Jehovha ari iye tsime rerudo, anonyatsoziva kuti rudo rune simba rekuita kuti vanhu vanyatsobudisa zvakanaka zviri mavari. Saka pasinei nekuti ruzhinji runoramba ruchipanduka, Jehovha anoramba aine chivimbo chekuti vamwe vanhu vachamudzorera rudo rwaanoratidza. Uye zvechokwadi vakawanda vari kudaro. Asi zvinorwadza ndezvekuti zvitendero zvakawanda zviri panyika ino yakaipa zviri kuita kuti vanhu vakawanda vasanzwisisa kuti chii chinonzi kuda Mwari. Vanhu vakawanda vanotaura kuti vanoda Mwari, asi vanofunga kuti rudo irworwo runongogumira pakutaura nemuromo chete. Ichokwadi kuti kuda Mwari kunogona kutangira pamashoko chete, sezvinoita mwana anotanga kuratidza kuti anoda vabereki vake nekunyemwerera. Asi kuvanhu vakuru, rudo harugumiri ipapo.

5. Bhaibheri rinorondedzera sei kuda Mwari, uye nei rondedzero iyoyo ichitifadza?

5 Jehovha anorondedzera kuti kumuda kunorevei. Shoko rake rinoti: “Kuda Mwari kunooneka nekuchengeta mirayiro yake.” Saka kuda Mwari kunofanira kuratidzwa nezviito. Ichokwadi kuti vakawanda havafariri pfungwa yekuti vanofanira kuteerera. Asi vhesi iroro rinoenderera mberi richiti: “Uye mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Mitemo yaJehovha iripo kuti itibatsire, kwete kutidzvinyirira. (Isaya 48:17, 18) Shoko raMwari rinotidzidzisa zvinhu zvakawanda zvinotibatsira kuswedera pedyo naye. Tinoswedera sei pedyo naye? Ngationgororei zvinhu zvitatu zvinotibatsira kuramba tiri shamwari dzaMwari. Izvi zvinosanganisira kukurukura kwatinoita naye, kumunamata, uye kumutevedzera.

Kukurukura naJehovha

6-8. (a) Tingateerera Jehovha sei? (b) Tingaita sei kuti Shoko raMwari rive benyu patinoriverenga?

6 Chitsauko 1 chinotanga nemubvunzo wekuti, “Ungafungidzira uchikurukura naMwari here?” Takaona kuti iyi yakanga isiri pfungwa yekungofungidzira. Mozisi, akatokurukura naJehovha. Ko isu? Mazuva ano Jehovha haatumire ngirozi dzake kuti dzikurukure nevanhu. Asi ane nzira yakanaka kwazvo yekukurukura nesu. Saka isu tingateerera sei paanenge achitaura?

7 Sezvo “Magwaro ese akafemerwa naMwari,” kana tichiverenga Shoko rake Bhaibheri, tinenge tichitoteerera achitaura. (2 Timoti 3:16) Ndosaka munyori wepisarema akakurudzira vashumiri vaJehovha kuriverenga saizvozvo “siku nesikati.” (Pisarema 1:1, 2) Izvi hazvisi nyore. Asi inguva inenge yaendera zviripo. Sezvatakaona muChitsauko 18, Bhaibheri rakaita setsamba inokosha inobva kuna Baba vedu vekudenga. Saka kuriverenga hakufaniri kuonekwa sechinhu chinorema. Tinofanira kutonzwa sekunge tiri kutotaura nemunhu watinenge tichiona patinenge tichiverenga Magwaro. Tingazviita sei?

8 Ita seuri kuona zviri kuitika zvacho paunenge uchiverenga nyaya dzemuBhaibheri. Edza kutoita seuri kuona vanhu vanenge vachitaurwa muBhaibheri. Edza kunzwisisa kuti vaiva vanhu vakaita sei, upenyu hwavo hwakanga hwakamira sei, uye kuti vaiva nechinangwa chei pane zvavaiita. Kana wadaro chifungisisa nezvezvaunenge waverenga, uchizvibvunza mibvunzo yakadai sekuti: ‘Nyaya iyi iri kundidzidzisei nezvaJehovha? Ari kuratidza kuti ndiMwari akaita sei? Mutemo upi waari kuda kuti ndidzidze uye ndingaushandisa sei muupenyu hwangu?’ Verenga, fungisisa, uye shandisa zvaunenge wadzidza. Paunodaro Shoko raMwari richava benyu kwauri.—Pisarema 77:12; Jakobho 1:23-25.

9. “Muranda akatendeka, akangwara” ndiani uye nei zvichikosha kuti tinyatsoteerera “muranda” iyeye?

9 Jehovha anotaurawo nesu achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” Sezvakagara zvataurwa naJesu, pane boka revarume vechiKristu vakazodzwa vakagadzwa kuti vawanise vanhu vaMwari ‘zvekudya zvavo panguva yakakodzera’ mumazuva ano ekupedzisira anotambudza. (Mateu 24:45-47) Patinoverenga mabhuku akabudiswa kuti atibatsire kuwana ruzivo rweBhaibheri rwakarurama uye patinopinda misangano yechiKristu nemagungano, tinenge tichitopiwa zvekudya zvemweya nemuranda iyeye. Sezvo uyu ari muranda waKristu, zvakanaka kuti tiite zvakataurwa naJesu paakati: “Nyatsongwarirai kuti munoteerera sei.” (Ruka 8:18) Tinonyatsoteerera nekuti tinoziva kuti muranda akatendeka inzira iri kushandiswa naJehovha kukurukura nesu.

10-12. (a) Nei munyengetero uri chipo chinoshamisa chakabva kuna Jehovha? (b) Tinganyengetera sei kuna Jehovha zvinomufadza, uye nei tiine chivimbo chekuti anokoshesa minyengetero yedu?

10 Ko isusu vacho tinotaura naJehovha sei? Zvinoita here kuti tidaro? Pfungwa yacho inotityisei. Dai waiva nechimwe chinhu chinokunetsa chawaiva neshungu dzekuudzawo mutungamiriri wenyika yenyu, unofunga kuti waizowana mukana wacho here? Kune dzimwe nyika zvinogona kutourayisa izvozvo! Mumazuva aEsteri naModhekai, munhu aigona kuurayiwa kana akaenda kunotaura namambo asina kudanwa naiye mambo wacho. (Esteri 4:10, 11) Zvino kana zvakaoma kudaro kutaura nemadzimambo, ayo anoonekwa naJehovha “semhashu” kunyange akava nesimba zvakadini, fungidzira kuti zvinofanira kunge zvakaita sei kutaura neMusiki wezvinhu zvese. (Isaya 40:22) Saka tinofanira kutya kutaura naye here? Kana!

11 Jehovha akatipa nzira iri nyore, yakasununguka, yekutaura naye. Nzira iyoyo munyengetero. Kunyange mwana mudiki anogona kunyengetera kuna Jehovha aine kutenda, achizviita muzita raJesu. (Johani 14:6; VaHebheru 11:6) Munyengetero unoita kuti tikwanise kuudza Jehovha zviri pasi pasi pemwoyo yedu, kunyange zvinhu zvinorwadza zvatinotadza kunyatsobudisa nemashoko. (VaRoma 8:26) Hazvina zvazvinobatsira kuedza kutaura naJehovha uchishandisa mashoko anoshamisira neminyengetero yakareba uchingodzokorora mashoko mamwe chetewo. (Mateu 6:7, 8) Ukuwo, Jehovha haatiisire miganhu yekuti tinofanira kunyengetera kakawanda sei kana kuti kwenguva yakadini. Shoko rake rinototiudza kuti “rambai muchinyengetera.”—1 VaTesaronika 5:17.

12 Yeuka kuti Jehovha chete ndiye anonzi “Munzwi wemunyengetero,” uye anoteerera achinzwira tsitsi nemwoyo wese. (Pisarema 65:2) Anongoteerera minyengetero yevashumiri vake vakatendeka nekuti hapana zvaangazviita here? Aiwa. Anotofadzwa nayo. Shoko rake rinofananidza minyengetero yakadaro nerusenzi iyo inoti ikapiswa, utsi hwayo hunonhuwirira zvakanaka zvinozorodza. (Pisarema 141:2; Zvakazarurwa 5:8; 8:4) Hazvifadzi here kuziva kuti minyengetero yedu yemwoyo wese inokwirawo ichienda kuna Changamire wezvinhu zvese ichimufadza sezvinoita rusenzi? Saka kana uchida kuswedera pedyo naJehovha, nyengetera kwaari uchizvininipisa, mazuva ese. Durura mwoyo wako kwaari, usingambomuvanzira chimwe chinhu. (Pisarema 62:8) Muudze zvinokunetsa, zvinokufadza, zvaunotenda kuti akakuitira, uye rumbidza Baba vako vekudenga. Izvi zvichaita kuti ushamwari hwako naye hurambe huchisimba.

Kunamata Jehovha

13, 14. Kunamata Jehovha kunorevei, uye nei zvakakodzera kuti tidaro?

13 Patinokurukura naJehovha Mwari, haisi nyaya yekungotaura uye kuteerera sezvatinoita nehama neshamwari. Tinenge tichitonamata Jehovha, tichimupa ruremekedzo rwakakodzerana naye. Izvi zvinoonekwa pamararamiro edu ese. Ndiyo nzira yatinoratidza nayo Jehovha kuti tinomuda uye takazvipira kwaari, uye inotibatanidza nezvimwe zvisikwa zvake zvakatendeka, zviri kudenga nezviri panyika. Muapostora Johani akanzwa ngirozi ichizivisa murayiro uyu: “Namatai iye akasika denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.”—Zvakazarurwa 14:7.

14 Nei tichifanira kunamata Jehovha? Funga kuti takadzidzei nezvaJehovha; mutsvene, ane simba, anozvidzora, anotonga zvakarurama, ane ushingi, ane tsitsi, ane uchenjeri, anozvininipisa, ane rudo, akavimbika, uye akanaka. Takaona kuti hapana anopfuura Jehovha pakuratidza zvese zvatakurukura izvi. Patinobatanidza zvese zvatakadzidza nezvake, tinoona kuti anopfuura pakungova mukuru uye anoyemurika. Ane mbiri uye anokudzwa kupfuura zvatiri nekuresa. (Isaya 55:9) Hapana mubvunzo kuti Jehovha ndiye ane kodzero yekutonga zvinhu zvese uye akakodzera kuti timunamate. Asi tinofanira kunamata Jehovha sei?

15. Tinganamata sei Jehovha “mumweya nemuchokwadi,” uye misangano yechiKristu inotipa mukana wekuita sei?

15 Jesu akati: “Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.” (Johani 4:24) Kuti tinamate Mwari “mumweya,” tinofanira kuva nemweya wake mutsvene uchititungamirira. Kunamata kwedu kunofanira kuenderanawo nechokwadi chiri muShoko raMwari. Tine mukana wekunamata Jehovha “mumweya nemuchokwadi” pese patinoungana nehama dzedu dzechiKristu. (VaHebheru 10:24, 25) Patinoimbira Jehovha tichimurumbidza, patinonyengetera kwaari tiri pamwe chete, patinoteerera uye patinopindurawo panenge pachikurukurwa Shoko rake, tinenge tichiratidza kuti tinomuda nekumunamata nenzira yakachena.

Misangano yeungano inguva dzatinofara tichinamata Jehovha

16. Ndeupi mumwe wemirayiro mikuru yakapiwa vaKristu vechokwadi, uye nei tichifanira kuuteerera?

16 Tinonamatawo Jehovha patinotaura nezvake kune vamwe, tichimurumbidza pachena. (VaHebheru 13:15) Chokwadi ndechekuti kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaJehovha ndiwo mumwe wemirayiro mikuru kupfuura mimwe yese yakapiwa vaKristu vechokwadi. (Mateu 24:14) Tinoteerera nemwoyo wese nekuti tinoda Jehovha. Satani Dhiyabhorosi, “mwari wenyika ino,” akapofumadza pfungwa dzevasingatendi, achitungamirira pakudzidzisa nhema dzinosvibisa zita raJehovha. Patinofunga izvozvo hatinzwi tiine shungu dzekushumira seZvapupu zvaMwari wedu, tichimutsigira nekuratidza kuti zviri kudzidziswa ndezvenhema here? (2 VaKorinde 4:4; Isaya 43:10-12) Uye patinofunga nezvekunaka kwakaita Jehovha, hatinzwi mwoyo yedu ichitsva neshungu dzekuudza vamwe nezvake here? Kutaura chokwadi, hapana chimwe chikomborero chinopfuura kubatsira vanhu kuti vasvike pakuziva Baba vedu vekudenga uye vavade sezvatinoitawo.

17. Kunamata Jehovha kunosanganisira chii, uye nei tichifanira kumunamata takaperera?

17 Kunamata Jehovha hakugumiri ipapo. Kunooneka pamararamiro edu ese. (VaKorose 3:23) Kana tichibvuma kuti Jehovha Mwari ndiye Mutongi wedu, tichatsvaga mikana yekuita kuda kwake pazvinhu zvese zvatinoita muupenyu, kubva paupenyu hwemhuri, kumabasa, pamabatiro atinoita vamwe, uye patinenge tiri tega. Uye tichashumira Jehovha “nemwoyo wakaperera.” (1 Makoronike 28:9) Izvi zvinoreva kuti hatizorarame upenyu hwekunyengera, hwekuti uku tiri kushumira Jehovha asi tichiita zvivi pachivande. Munhu akaperera haakwanisi kuita izvozvo; rudo runoita kuti aseme zvinhu zvakadaro. Kutya Mwari kuchatibatsirawo. Bhaibheri rinoratidza kuti kutya Jehovha kwakabatana nekuva shamwari dzake dzepedyo.—Pisarema 25:14.

Kutevedzera Jehovha

18, 19. Nei kusiri kuzvinyepera kuti tinokwanisa kutevedzera Jehovha Mwari?

18 Chikamu chimwe nechimwe chebhuku rino changa chichipera nechikamu chinotsanangura kuti tingava sei “vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.” (VaEfeso 5:1) Zvinokosha kuti tiyeuke kuti kunyange zvazvo tichimbokanganisa, tinogona kunyatsotevedzera Jehovha pamashandisiro atinoita simba, pamabatiro atinoita vamwe zvakarurama, pakuratidza uchenjeri, uye kuratidza rudo. Tinoziva sei kuti tinokwanisa zvechokwadi kutevedzera Wemasimbaose? Yeuka kuti zita raJehovha rinotidzidzisa kuti anova zvaanenge asarudza kuva kuti azadzise zvinangwa zvake. Izvi zvinoshamisa zvechokwadi, asi hazvirevi kuti hatigoni kumutevedzera.

19 Takasikwa nemufananidzo waMwari. (Genesisi 1:26) Saka vanhu vakasiyana nezvimwe zvisikwa zvese zviri panyika. Pasinei nekwatakakurira, vanhu vakatipoteredza, kana zvatakatodza kuvabereki vedu, tinokwanisa kushandisa pfungwa dzedu tichisarudza zvatinoda kuita. Kukwanisa kusarudza chipo chatakapiwa naJehovha chinotisiyanisa nezvimwe zvisikwa zvese. Pasinei nekuti takazvarwa tiine chivi uye tine zvimwe zvinhu zvatisingagoni kuita, tinokwanisa kusarudza zvatichava. Uye tinoda kuyeuka kuti zita raMwari rinorevawo kuti anogona kuita kuti vashumiri vake vave zvaanenge asarudza kuti vave. Saka unoda kuva munhu ane rudo, akachenjera, anoita zvakarurama, uye anoshandisa simba rake nemazvo here? Tichibatsirwa nemweya waJehovha tinogona kuita izvozvo chaizvo! Funga kuti kana wadaro, unenge wava kukwanisa kuita zvinhu zvakanaka zvakadini.

20. Ndezvipi zvakanaka zvinobva pakutevedzera kwatinoita Jehovha?

20 Uchaita kuti mwoyo waBaba vako vekudenga ufare. (Zvirevo 27:11) Unogona ‘kunyatsomufadza’ nekuti anonzwisisa zvausingagoni. (VaKorose 1:9, 10) Uye paunenge uchiwedzera kutevedzera Baba vako vanodiwa, uchawana mukana unoshamisa. Uchava mutakuri wechiedza munyika ino iri murima yakaparadzana naMwari. (Mateu 5:1, 2, 14) Uchabatsira pakuita kuti pasi rino rese rione kuti Jehovha ndiMwari akanaka zvakadini. Uku kukudzwa kwakadini!

‘Swedera Pedyo naMwari, Uye Iye Achaswedera Pedyo Newe’

Ramba uchiswedera pedyo naJehovha

21, 22. Vanhu vanoda Jehovha vachafadzwa nei nekusingaperi?

21 Mashoko anowanika pana Jakobho 4:8 haasi kungotikurudzira kuita chimwe chinhu kamwe chete zvobva zvatopera. Urwu runotova rwendo. Kana tikaramba takatendeka, rwendo irworwo harwuzi kuzombofa rwakaguma. Hatifi takaguma kuswedera pedyo naJehovha. Chimwe chikonzero ndechekuti pachangoramba paine zvimwe zvinhu zvatinenge tichifanira kudzidza nezvaJehovha. Hatifaniri kutombofungidzira kuti bhuku rino ratidzidzisa zvese zvatinofanira kuziva nezvaJehovha. Tingatoti kwataita uku kutongotanga kudzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvaMwari wedu! Kana Bhaibheri pacharo haritauri zvese nezvaJehovha. Muapostora Johani akati dai zvinhu zvese zvakaitwa naJesu paaiita ushumiri hwake pasi pano zvakanyorwa, “mabhuku acho aitadza kukwana panyika.” (Johani 21:25) Kana mashoko aya ari kungotaura nezveMwanakomana chete, ko kuzoti Baba vake!

22 Kunyange kana tava kurarama nekusingaperi, hatizombosviki pakupedza kudzidza nezvaJehovha. (Muparidzi 3:11) Saka funga nezvetariro iri mberi kwedu. Pashure pekurarama kwemazana emakore, kwezviuru zvemakore, mamiriyoni, kunyange mabhiriyoni emakore, tichange tava kuziva zvakawanda nezvaJehovha kupfuura zvatiri kuziva iye zvino. Asi tichangoramba tichiona kuti pane zvakawanda zvatisiri kuziva. Tichangoramba tiine shungu dzekudzidza zvimwe tichifunga sezvaiita munyori wepisarema uyo akati: “Kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.” (Pisarema 73:28) Upenyu husingaperi huchange huine zvakanaka zvakawanda zvakasiyana-siyana zvatisingagoni kufungidzira uye chikuru chacho ndechekuti tichangoramba tichiswedera pedyo naJehovha.

23. Uri kukurudzirwa kuita sei?

23 Jehovha anokuda, saka iwe muratidze iye zvino kuti unomudawo nemwoyo wako wese, nemweya wako wese, nepfungwa dzako dzese, uye nesimba rako rese. (Mako 12:29, 30) Rudo rwako ngarwuratidze kuti wakavimbika uye ngarwusazununguke. Zvinhu zvese zvaunosarudza kuita zuva nezuva, kubva pachidiki kusvika pachikuru, ngazviratidze kuti une chido chekuva shamwari yepedyo yaBaba vako vekudenga. Kupfuura zvese, ramba uchiswedera pedyo naJehovha, uye iye ngaarambe achiswedera pedyo newe, kusvika nekusingaperi!