Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 1

Chakaita Kuti Jesu Ave Mudzidzisi Mukuru

Chakaita Kuti Jesu Ave Mudzidzisi Mukuru

MAKORE anodarika zviuru zviviri akapfuura, mwana akasiyana nevamwe vose akaberekwa, akakura akava munhu mukuru kupfuura vose vakamborarama. Hapana munhu aivapo kare panguva iyoyo aiva nendege kana kuti motokari. Kwakanga kusina zvinhu zvakadai seterevhizheni nemakombiyuta.

Mwana wacho akapiwa zita rokuti Jesu. Ndiye akava murume akachenjera kupfuura vanhu vose vakamborarama pasi pano. Jesu akavawo mudzidzisi anopfuura vamwe vose. Aitsanangura zvinhu zvakaoma nenzira dzaiita kuti zvive nyore kunzwisisa.

Jesu aidzidzisa vanhu kwose kwose kwaaisangana navo. Akavadzidzisa mumahombekombe egungwa nomuzvikepe. Akavadzidzisa mumisha uye paaifamba. Jesu akanga asina motokari, uyewo akanga asingafambi nebhazi kana kuti nechitima. Jesu aifamba netsoka nzvimbo nenzvimbo, achidzidzisa vanhu.

Tinodzidza zvinhu zvakawanda kubva kune vamwe vanhu. Asi tinogona kudzidza zvinhu zvinokosha kupfuura zvose kuMudzidzisi Mukuru, Jesu. Mashoko aJesu anowanikwa muBhaibheri. Patinonzwa mashoko iwayo kubva muBhaibheri, zvinongoita sokuti Jesu ari kutaura nesu.

Nei Jesu akanga ari Mudzidzisi Mukuru kudaro? Chimwe chikonzero ndechokuti Jesu pachake akanga adzidziswa. Uye aiziva kuti kuteerera kunokosha zvakadini. Asi Jesu akateerera ani? Ndiani akamudzidzisa?— Baba vake ndivo vakamudzidzisa. Uye Baba vaJesu ndiMwari.

Asati auya pasi pano somunhu, Jesu aigara kudenga naMwari. Naizvozvo Jesu akanga akasiyana nevamwe vanhu nokuti hapana mumwe munhu aimbogara kudenga asati aberekwa pasi pano. Kudenga Jesu aiva Mwanakomana akanaka, aiteerera Baba vake. Naizvozvo Jesu aikwanisa kudzidzisa vanhu zvaakanga adzidza kuna Mwari. Unogona kutevedzera Jesu nokuteerera baba naamai vako.

Chimwe chikonzero nei Jesu akanga ari Mudzidzisi Mukuru ndechokuti aida vanhu. Aida kubatsira vanhu kudzidza nezvaMwari. Jesu aida vanhu vakuru, asi aidawo vana. Uye vana vaifarira kuva naJesu nokuti aitaura na- vo nokuvateerera.

Nei vana vaifarira kuva naJesu?

Rimwe zuva vamwe vabereki vakauya nevana vavo kuna Jesu. Asi shamwari dzake dzakafunga kuti Mudzidzisi Mukuru akanga ane basa kwazvo zvokuti aisagona kutaura nevana. Saka dzakavadzinga. Asi Jesu akati chii?— Jesu akati: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedze kuvadzivisa.” Chokwadi, Jesu akanga achida kuti vana vaduku vauye kwaari. Naizvozvo kunyange zvazvo akanga ari murume akachenjera uye anokosha, Jesu akava nenguva yokudzidzisa vana vaduku.—Mako 10:13, 14.

Unoziva here kuti nei Jesu akadzidzisa vana uye kuvateerera? Chimwe chikonzero ndechokuti akanga achida kuvafadza nokuvaudza zvimwe zvinhu nezvaMwari, Baba vake vokudenga. Ungafadza vanhu sei?— Nokuvaudza zvinhu zvawakadzidza pamusoro paMwari.

Pane imwe nguva, Jesu akashandisa mwana muduku kudzidzisa shamwari dzake chidzidzo chinokosha. Akatora mwana wacho ndokumumisa pakati pevadzidzi Vake, avo vakanga vari vateveri Vake. Jesu akabva ataura kuti varume vakuru ava vaifanira kuchinja kuita kwavo zvinhu voita somuduku uyu.

Vana vati kurei nevanhu vakuru vanogona kudzidzei kumwana muduku?

Jesu airevei paakataura kudaro? Unoziva here zvingaitwa nomurume mukuru, kana kuti kunyange nomwana ati kurei, zvingaita kuti ave somwana muduku?— Mwana muduku haazivi zvakawanda somunhu mukuru uye anoda kudzidza. Naizvozvo Jesu akanga achitaura kuti vadzidzi vake vaifanira kuzvininipisa, sezvinoita vana vaduku. Chokwadi, tose tinogona kudzidza zvinhu zvakawanda kune vamwe vanhu. Uye tose tinofanira kuziva kuti dzidziso dzaJesu dzinokosha kupfuura pfungwa dzedu.—Mateu 18:1-5.

Chimwe chikonzero nei Jesu akanga ari Mu- dzidzisi Mukuru kudaro ndechokuti aiziva nzira yokuita nayo kuti zvinhu zvinaki- dze vanhu. Aitsanangura zvinhu nenzira iri nyore, yakajeka. Akataura nezveshiri uye maruva nezvimwe zvinhu zvatino- ziva kubatsira vanhu kunzwisisa nezva- Mwari.

Rimwe zuva apo Jesu akanga ari mujinga megomo, vanhu vazhinji vakauya kwaari. Jesu akagara pasi akavadzidzisa, kana kuti kuvapa mharidzo, sezvaunogona kuona pano. Mharidzo iyi inonzi yepaGomo. Akati: ‘Tarirai shiri dziri mudenga. Hadzidyari mbeu. Hadzichengeti zvokudya mudzimba. Asi Mwari ari kudenga anodzipa zvokudya. Imi hamukoshi kudzipfuura here?’

Jesu aidzidzisa kuti chii paakataura nezveshiri nemaruva?

Jesu akataura kuti: ‘Dzidzai kumaruva omusango. Anokura asi asingashandi. Uye onai kuti akanaka sei! Kunyange Mambo Soromoni akanga akapfuma haana kupfeka zvakanaka kupfuura maruva omusango. Naizvozvo kana Mwari achitarisira maruva anokura, haangatarisiriwo imi here?’—Mateu 6:25-33.

Unonzwisisa chidzidzo chaidzidziswa naJesu here?— Akanga asingadi kuti tinetseke pamusoro pokuti tichawanepi zvokudya kana kuti mbatya dzokupfeka. Mwari anoziva kuti tinoda zvinhu zvose izvozvo. Jesu haana kuti tisashandira zvokudya nezvokupfeka. Asi akati tinofanira kuisa Mwari pokutanga. Kana tikadaro, Mwari achava nechokwadi chokuti tine zvokudya nembatya dzokupfeka. Unobvumirana nazvo here?—

Jesu paakapedza kutaura, vanhu vakafungei?— Bhaibheri rinotaura kuti vakashamiswa nemadzidzisiro ake. Zvainakidza zvikuru kumuteerera. Zvaakataura zvakabatsira vanhu kuita zvakarurama.—Mateu 7:28.

Saka zvinokosha zvikuru kuti tidzidze kuna Jesu. Unoziva here kuti izvozvo tingazviita sei?— Sezvineiwo, zvaakataura tinazvo zvakanyorwa mubhuku. Ungandiudza here kuti bhuku iroro rinonzi chii?— IBhaibheri Dzvene. Izvi zvinoreva kuti tinogona kuteerera Jesu nokuteerera zvinhu zvatinoverenga muBhaibheri. Kutaura chokwadi, Bhaibheri rine nyaya inonakidza pamusoro penzira iyo Mwari pachake akatiudza nayo kuti titeerere Jesu. Ngationei kuti chii chakaitika.

Rimwe zuva Jesu akaenda neshamwari dzake nhatu pamusoro pegomo. Mazita adzo ndeaya Jakobho, Johani, naPetro. Tichadzidza zvimwezve zvakawanda pamusoro pevarume ava gare gare, sezvo vose vari vatatu vakanga vari shamwari dzaJesu dzepedyo. Asi panguva iyi inokosha, chiso chaJesu chakatanga kupenya zvakajeka. Uye mbatya dzake dzakachena sechiedza sezvaunogona kuona pano.

“Uyu ndiye Mwanakomanawangu . . . muteererei”

Gare gare, Jesu neshamwari dzake vakanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera; muteererei.” (Mateu 17:1-5) Unoziva here kuti raiva inzwi raani iroro?— Rakanga riri inzwi raMwari! NdiMwari akataura kuti vaifanira kuteerera Mwanakomana wake.

Zvakadini nesu nhasi? Tichateerera Mwari toteerera Mwanakomana wake here, Mudzidzisi Mukuru?— Tose ndizvo zvatinofanira kuita. Unoyeuka kuti tingazviita sei here?—

Hungu, tinogona kuteerera Mwanakomana waMwari nokuverenga nyaya dzeBhaibheri dzoupenyu hwake. Pane zvinhu zvakawanda zvakanaka kwazvo izvo Mudzidzisi Mukuru anazvo zvaanoda kutiudza. Uchafara kudzidza zvinhu izvi zvakanyorwa muBhaibheri. Uye zvichakufadzawo kana ukaudza shamwari dzako zvinhu zvakanaka zvaunodzidza.

Kuti uwane dzimwe pfungwa dzakanaka zvikuru pamusoro pezvinhu zvakanaka zvinobva pakuteerera Jesu, vhura Bhaibheri rako woverenga Johani 3:16; 8:28-30; naMabasa 4:12.