Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 2

Tsamba Inobva Kuna Mwari Ane Rudo

Tsamba Inobva Kuna Mwari Ane Rudo

NDIUDZE, ibhuku ripi raunoda kupfuura ose?— Vamwe vana vaizosarudza rinotaura nezvemhuka. Vamwe vaizosarudza bhuku rine mifananidzo yakawanda. Zvinonakidza kuverenga mabhuku iwayo.

Asi mabhuku akanyanyonaka munyika ndeaya anotitaurira chokwadi pamusoro paMwari. Rimwe remabhuku iwayo rinokosha kupfuura mamwe ose. Ungandiudza here kuti rinonzi chii?— IBhaibheri.

Nei Bhaibheri richikosha kudaro?— Nokuti rakabva kuna Mwari. Rinotiudza nezvake uye nezvezvinhu zvakanaka zvaachatiitira. Uye rinotiratidza zvatinofanira kuita kuti timufadze. Rakaita setsamba iri kubva kuna Mwari.

Mwari aigona kudai akanyora Bhaibheri rose ari kudenga oripa vanhu. Asi haana kudaro. Kunyange zvazvo pfungwa dzacho dzakabva kuna Mwari, akashandisa vashumiri vake vepasi pano kunyora zvakawanda muBhaibheri.

Mwari akazviita sei izvozvo?— Kuti tinzwisise, funga izvi. Patinonzwa inzwi romumwe munhu muredhiyo, inzwi racho ringave richibva kune mumwe munhu ari kure. Patinoona terevhizheni, tinogona kutoona mifananidzo yevanhu vari kune dzimwe nyika, uye tinogona kunzwa zvavari kutaura.

Vanhu vanogona kuenda kunyange kumwedzi nezvitundumuseremusere, uye vanogona kutumira mashoko pasi pano variko. Waizviziva here izvozvo?— Kana vanhu vachigona kuita izvozvo, Mwari angagona kutumira mashoko kubva kudenga here?— Chokwadi anogona! Akatozviita nguva refu vanhu vasati vava neredhiyo kana kuti terevhizheni.

Tinoziva sei kuti Mwari anogona kutaura nesu ari kure?

Mosesi ndomumwe munhu akanyatsonzwa Mwari achitaura. Mosesi akanga asingagoni kuona Mwari, asi aigona kunzwa inzwi raMwari. Mamiriyoni evanhu akanga aripo izvi pazvakaitika. Zvakaitika ndezvokuti zuva iroro Mwari akadederesa gomo rose, uye kwakava nemabhanan’ana nemheni. Vanhu vakaziva kuti Mwari akanga ataura, asi vakatya zvikuru. Naizvozvo vakataurira Mosesi kuti: “Mwari ngaarege kutaura nesu, tirege kufa.” Gare gare, Mosesi akanyora zvakanga zvataurwa naMwari. Uye zvakanyorwa naMosesi zviri muBhaibheri.—Eksodho 20:18-21.

Mosesi akanyora mabhuku mashanu okutanga eBhaibheri. Asi haasiriye oga akanyora. Mwari akashandisa varume vanenge 40 kunyora zvikamu zveBhaibheri. Varume ava vakararama kare kare, uye zvakatora makore akawanda kuti Bhaibheri ripere. Zvakatotora makore anenge 1 600! Chinoshamisa ndechokuti kunyange zvazvo vamwe vevarume ava vasina kumboonana, zvose zvavakanyora zvinopindirana zvakakwana.

Mazita evanyori veBhaibheri ava ndivanaani?

Vamwe varume vakashandiswa naMwari kunyora Bhaibheri vakanga vakakurumbira. Kunyange zvazvo Mosesi aiva mufudzi, akava mutungamiriri worudzi rwaIsraeri. Soromoni akanga ari mambo akanga akachenjera uye akapfuma kupfuura vanhu vose munyika. Asi vamwe vanyori vakanga vasinganyanyi kuzivikanwa kudaro. Amosi aitarisira mionde.

Uyezve, mumwe munyori weBhaibheri akanga ari chiremba. Ungandiudza here zita rake?— Ainzi Ruka. Mumwe munyori akanga achimbova muteresi. Zita rake rainzi Mateu. Mumwezve akanga achimbova gweta, shasha yomutemo wokunamata kwevaJudha. Akanyora mabhuku eBhaibheri akawanda kupfuura vamwe vose. Ungandiudza zita rake here?— Ainzi Pauro. Uye vadzidzi vaJesu Petro naJohani, avo vakanyorawo Bhaibheri, vaimbova vabati vehove.

Vakawanda vevanyori veBhaibheri ava vakanyora pamusoro pezvinhu izvo Mwari aizoita munguva yemberi. Vakaziva sei zvinhu izvozvo zvisati zvaitika?— Mwari akanga apa varume ivavo mashoko. Akanga avaudza zvaizoitika.

Panguva apo Jesu, Mudzidzisi Mukuru, akanga ari pasi pano, chikamu chikuru cheBhaibheri chakanga chanyorwa. Unozivaka, Mudzidzisi Mukuru akanga achimbova kudenga. Aiziva zvakanga zvaitwa naMwari. Aidavira here kuti Bhaibheri raibva kuna Mwari?— Hungu, aidavira kudaro.

Jesu paaitaura nevanhu nezvemabasa aMwari, aiverenga muBhaibheri. Dzimwe nguva aivaudza nomusoro zvaraitaura. Jesu akatiunzirawo mamwe mashoko kubva kuna Mwari. Jesu akati: “Ndiri kutaura munyika zvinhu chaizvo zvandakanzwa kwaari.” (Johani 8:26) Jesu akanga anzwa zvinhu zvakawanda kubva kuna Mwari nokuti akanga agara naMwari. Uye ndokupi kwatinogona kuverenga zvinhu izvozvo zvakataurwa naJesu?— MuBhaibheri. Zvose takazvinyorerwa kuti tiverenge.

Chokwadi, Mwari paakashandisa vanhu kunyora, vakanyora nomutauro wavaishandisa mazuva ose. Naizvozvo chikamu chikuru cheBhaibheri chakanyorwa nechiHebheru, chimwe nechiAramaiki, uye chimwe chacho nechiGiriki. Sezvo vanhu vazhinji nhasi vasingagoni kuverenga mitauro iyoyo, Bhaibheri rakaiswa mune mimwe mitauro. Nhasi zvikamu zveBhaibheri zvinogona kuverengwa mumitauro inopfuura 2 260. Pafunge! Bhaibheri itsamba yaMwari yakanyorerwa vanhu vari kwose kwose. Asi pasinei nokuti rakaiswa mune mimwe mitauro yakawanda sei, shoko racho rinobva kuna Mwari.

Zvinotaurwa neBhaibheri zvinokosha kwatiri. Rakanyorwa kare. Asi rinotaura pamusoro pezvinhu zviri kuitika nhasi. Uye rinotiudza izvo Mwari achaita nokukurumidza. Zvarinotaura zvinofadza! Rinotipa tariro inoshamisa.

Zvinhu zvipi zvaunogona kudzidza nokuverenga Bhaibheri?

Bhaibheri rinotiudzawo kuti Mwari anoda kuti tirarame sei. Rinotiudza zvakarurama nezvisina kururama. Izvi unofanira kuzviziva, chero neniwo. Rinotiudza nezvevanhu vakaita zvinhu zvakaipa uye zvakaitika kwavari, kuitira kuti tisawira munhamo yavakapinda. Rinotiudzawo nezvevanhu vakaita zvakarurama nezvakanaka zvavakawana pakupedzisira. Zvose zvakanyorerwa kutibatsira.

Asi kuti tiwane zvakawanda muBhaibheri, tinofanira kuziva mhinduro yomumwe mubvunzo. Mubvunzo wacho ndouyu: Ndiani akatipa Bhaibheri? Ungati kudii?— Hungu, Bhaibheri rose rakabva kuna Mwari. Saka tingaratidza sei kuti takachenjera zvechokwadi?— Nokuteerera Mwari nokuita zvaanotaura.

Naizvozvo tinofanira kuwana nguva yokuverenga Bhaibheri pamwe chete. Patinowana tsamba inobva kune mumwe munhu watinoda zvikuru, tinoiverenga taiverengazve. Inokosha kwatiri. Ndizvo zvinofanira kuita Bhaibheri kwatiri nokuti itsamba inobva kune anotida zvikuru. Itsamba inobva kuna Mwari ane rudo.

Shandisa maminitsi mashoma zvino kuverenga magwaro aya anoratidza kuti Bhaibheri zvechokwadi iShoko raMwari, rakanyorerwa kutibatsira: VaRoma 15:4; 2 Timoti 3:16, 17; na2 Petro 1:20, 21.