Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 3

Uyo Akasika Zvinhu Zvose

Uyo Akasika Zvinhu Zvose

Ndiani akasika zvinhu zvipenyu zvose?

NDINOZIVA chimwe chinhu chinoshamisa. Unoda kuchinzwa here?— Tarisa ruoko rwako. Gonyesa minwe yako. Zvino chinonga chimwe chinhu. Ruoko rwako runogona kuita zvinhu zvakawanda, uye runogona kuzviita zvakanaka. Ungandiudza akasika maoko edu here?—

Hungu, Iyeye ndiye zvakare akasika miromo yedu, mhuno dzedu, uye maziso edu. NdiMwari, Baba voMudzidzisi Mukuru. Hatifari here kuti Mwari akatipa maziso?— Tinogona kuona zvinhu zvakawanda nawo. Tinogona kutarisa maruva. Tinogona kutarisa uswa hwakasvibirira nedenga rebhuruu. Tingaona kunyange tushiri turi kunzwa nzara soturi papikicha. Chaizvo, zvinoshamisa kuti tinogona kuona zvinhu zvakadai, handiti?—

Asi ndiani akaita zvinhu izvi? Pane mumwe munhu ari pasi pano akazviita here? Aiwa. Vanhu vanogona kuvaka imba. Asi hapana munhu anogona kuita uswa hunokura. Munhu haagoni kuita kanyana keshiri, ruva, kana kuti chimwe chinhu chipenyu. Waizviziva here izvozvo?—

Mwari ndiye akasika zvinhu izvi zvose. Mwari akasika matenga nepasi. Akasikawo vanhu. Akasika murume nomukadzi vokutanga. Jesu, Mudzidzisi Mukuru, ndizvo zvaakadzidzisa.—Mateu 19:4-6.

Jesu akaziva sei kuti Mwari akasika murume nomukadzi? Jesu akaona Mwari achizviita here?— Hungu, akamuona. Jesu akanga ana Mwari apo Mwari akasika murume nomukadzi. Jesu ndiye akanga ari munhu wokutanga akasikwa naMwari. Jesu akanga ari ngirozi, uye aigara kudenga naBaba vake.

Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akati: ‘Ngatiite munhu.’ (Genesisi 1:26) Unoziva kuti Mwari aitaura naani here?— Akanga achitaura noMwanakomana wake. Akanga achitaura nouya akazouya pasi pano akava Jesu.

Izvozvo hazvifadzi here? Pafunge! Patinoteerera Jesu, tinenge tichidzidziswa nouya akanga aina Mwari apo Mwari akasika nyika nezvimwe zvinhu zvose. Jesu akadzidza zvakawanda pakushanda naBaba vake ari kudenga. Ndosaka Jesu ari Mudzidzisi Mukuru!

Unofunga kuti Mwari akanga asingafari nokuva oga asati asika Mwanakomana wake here?— Aiwa. Kana aifara, nei akasika zvimwe zvinhu zvipenyu?— Akaita izvi nokuti ndiMwari worudo. Aida kuti vamwe vararame uye vanakidzwe noupenyu. Tinofanira kuonga Mwari nokuti akatipa upenyu.

Zvinhu zvose zvakaitwa naMwari zvinoratidza rudo rwake. Mwari akasika zuva. Zuva rinotipa chiedza uye rinoita kuti tidziyirwe. Zvinhu zvose zvaizodai zvichitonhora uye paisazova noupenyu pasi pano kudai tanga tisina zuva. Haufari here kuti Mwari akasika zuva?—

Mwari anoitawo kuti kunaye. Dzimwe nguva ungasafarira mvura nokuti haugoni kuenda panze kunotamba kana kuchinaya. Asi mvura inobatsira kuti maruva akure. Naizvozvo patinoona maruva akanaka, ndiani watichaonga nokuda kwawo?— Mwari. Uye ndiani watinofanira kuonga patinodya michero nemiriwo inonaka?— Tinofanira kuonga Mwari nokuti izuva rake nemvura yake zvinoita kuti zvinhu zvikure.

Fungidzira kuti kudai mumwe munhu aizokubvunza kuti: ‘Mwari akasika vanhu nemhuka zvakare here?’ Waizoti chii?— Kana ukati: “Ehe, Mwari akasika vanhu nemhuka,” unenge wagona. Asi ko kana mumwe munhu asingatendi kuti Mwari akasika vanhu zvechokwadi? Ko kana achiti vanhu vakabva kumhuka? Zvino Bhaibheri haridzidzisi izvozvo. Rinoti Mwari akasika zvinhu zvipenyu zvose.—Genesisi 1:26-31.

Sezvo pane mumwe munhu akavaka imba, ndiani akasika maruva, miti, nemhuka?

Asi mumwe munhu angakuudza kuti haatendi kuti kuna Mwari. Saka uchati kudii?— Wadii kumuratidza imba? Womubvunza kuti: “Ndiani akavaka imba iyoyo?” Munhu wose anoziva kuti pane mumwe munhu akaivaka. Zvechokwadi imba haina kuzvivaka yoga!—VaHebheru 3:4.

Wadaro tora munhu wacho woenda naye kugadheni womuratidza ruva. Mubvunze kuti: “Ndiani akasika ruva iri?” Haasi munhu akarisika. Uye kungofanana neimba isina kuzvivaka yoga, ndizvowo neruva iri harina kuzvisika. Pane mumwe akarisika. NdiMwari.

Kumbira munhu wacho kuti ambomira achiteerera kuimba kweshiri, wozomubvunza kuti: “Ndiani akasika shiri ndokudzidzidzisa kuimba?” NdiMwari. Mwari ndiye akasika matenga nepasi nezvinhu zvipenyu zvose! Ndiye anopa upenyu.

Asi mumwe munhu angati anongotenda zvaanoona chete. Angati: ‘Kana ndisina kuchiona handitendi kuti chiripo.’ Saka vamwe vanhu vanoti havatendi kuti kuna Mwari nokuti havagoni kumuona.

Ichokwadi kuti hatigoni kuona Mwari. Bhaibheri rinoti: ‘Hapana munhu anogona kuona Mwari.’ Hapana murume, mukadzi, kana kuti mwana pasi pano anogona kuona Mwari. Naizvozvo hapana anofanira kuedza kuita mufananidzo waMwari. Mwari anototiudza kuti tisaita mufananidzo wake. Saka hazvingafadzi Mwari kuti tive nezvinhu zvakadaro mumba medu.—Eksodho 20:4, 5; 33:20; Johani 1:18.

Asi kana usingagoni kuona Mwari, unoziva sei kuti Mwari ariko zvechokwadi? Imbofunga pamusoro peizvi. Unogona kuona mhepo here?— Aiwa. Hapana munhu anogona kuona mhepo. Asi unogona kuona zvinhu zvinoitwa nemhepo. Unogona kuona mashizha achipepereka apo mhepo inovhuvhuta uye mapazi emiti achizunguzika. Naizvozvo unobva waziva kuti kune mhepo.

Unoziva sei kuti kune mhepo?

Unogona kuonawo zvinhu zvakaitwa naMwari. Paunoona ruva riri kukura kana kuti shiri, unenge uchiona chimwe chinhu chakasikwa naMwari. Naizvozvo unobva waziva kuti zvechokwadi kuna Mwari.

Mumwe munhu angakubvunza kuti, ‘Ndiani akasika zuva nenyika?’ Bhaibheri rinoti: “Mwari akasika denga nenyika.” (Genesisi 1:1) Chokwadi, Mwari akaita zvinhu zvose zvinoshamisa izvi! Unonzwa sei pamusoro pazvo?—

Hazvifadzi here kuva vapenyu? Tinogona kunzwa nziyo dzinonakidza dzeshiri. Tinogona kuona maruva nezvimwe zvinhu izvo Mwari akasika. Uye tinogona kudya zvokudya zvatakapiwa naMwari.

Tinofanira kuonga Mwari nokuda kwezvinhu zvose izvi. Kupfuura zvose, tinofanira kumuonga nokuti akatipa upenyu. Kana tichionga Mwari zvechokwadi, tichaita chimwe chinhu. Chii ichocho?— Tichateerera Mwari, uye tichaita zvaanotitaurira muBhaibheri. Munzira iyoyo tinogona kuratidza kuti tinoda Iye akasika zvinhu zvose.

Tinofanira kuratidza kuonga Mwari nokuda kwezvose zvaakaita. Sei? Verenga zvakanyorwa pana Pisarema 139:14; Johani 4:23, 24; 1 Johani 5:21; naZvakazarurwa 4:11.