Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 13

Vanhu Vakava Vadzidzi vaJesu

Vanhu Vakava Vadzidzi vaJesu

Murume uyu ndiani, uye anova sei mudzidzi waJesu?

NDIANI akashumira Mwari zvakanaka kupfuura vanhu vose vakamborarama?— Ndizvozvo, ndiJesu Kristu. Unofunga kuti tinogona kuva saiye here?— Bhaibheri rinoti akatiratidza muenzaniso wokuti titevere. Uye anotidana kuti tive vadzidzi vake.

Unoziva kuti kuva mudzidzi waJesu zvinorevei here?— Zvinoreva zvinhu zvakawanda. Chokutanga, tinofanira kudzidza kwaari. Asi hazvisi izvozvo zvoga. Tinofanirawo kunyatsodavira zvaanotaura. Kana tikadaro, tichaita zvaanotiudza.

Vanhu vazhinji vanoti vanodavira Jesu. Unofunga kuti vose vadzidzi vake chaivoivo here?— Aiwa, vazhinji vavo havasi. Vangaenda kuchechi. Asi vazhinji vavo havasati vambozvipa nguva yokuti vadzidze zvakadzidziswa naJesu. Chokwadi, avo bedzi vanotevera muenzaniso waJesu ndivo vadzidzi vake.

Ngatimbotaura pamusoro peavo vakanga vari vadzidzi vaJesu paaiva munhu pasi pano. Mumwe wevakatanga kuva vadzidzi ndiFiripi. Firipi anoenda kunotsvaka shamwari yake Natanaeri (anonziwo Bhatoromeyo), waunoona akagara pasi pomuti. Apo Natanaeri anouya kuna Jesu, Jesu anoti: ‘Onai, heuno murume akatendeka, mwanakomana chaiye waIsraeri.’ Natanaeri anoshamiswa uye anobvunza kuti: ‘Munondizivirepi?’

Ndivanaani avo Jesu ari kudana kuti vave vadzidzi vake?

“Firipi asati akudana, pawanga uri pasi pemuonde, ndakuona,” anodaro Jesu. Natanaeri anoshamiswa zvikuru kuti Jesu anga achiziva paanga ari chaipo, naizvozvo Natanaeri anoti: “Ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Mambo waIsraeri.”—Johani 1:49.

Judhasi Isikariyoti naJudhasi (anonziwo Tadheyosi), Simoni

Firipi naNatanaeri pavakava vadzidzi vaJesu, vamwe vakanga vatova vadzidzi zuva rakanga rapfuura. Ava ndiAndireya nomukoma wake Petro pamwe chete naJohani zvimwe nomukoma waJohani, Jakobho. (Johani 1:35-51) Zvisinei, pashure pechinguva varume vana ava vanodzokera kubasa ravo rokubata hove. Zvino rimwe zuva Jesu achifamba nomumucheto meGungwa reGarireya, anoona Petro naAndireya vachikanda mambure okubatisa hove mugungwa. Jesu anovashevedza, oti: “Nditeverei.”

Jakobho (mwanakomana waArifiyosi), Tomasi, Mateu

Achangoti pfuurei, Jesu anoona Jakobho naJohani. Vari muchikepe nababa vavo, vachigadzira mambure avo okubatisa hove. Jesu anovashevedzawo kuti vamutevere. Waizodai wakaitei kudai Jesu aive akudana? Waizodai wakaenda naye pakarepo here?— Varume ava vanoziva kuti Jesu ndiani. Vanoziva kuti akatumwa naMwari. Naizvozvo vanosiya basa ravo rokubata hove pakarepo votevera Jesu.—Mateu 4:18-22.

Natanaeri, Firipi, Johani

Varume ava pavakava vateveri vaJesu, zvaireva here kuti kubva ipapo vakanga vave kuita zvakarurama nguva dzose?— Aiwa. Zvimwe ungave uchiri kuyeuka kuti varume ava vakatomboitisana nharo pakati pavo dzokuti mukuru ndiani. Asi vakateerera Jesu, uye vaida kuchinja. Kana tichida kuchinja, nesuwo tinogona kuva vadzidzi vaJesu.

Jakobho (mukoma waJohani), Andireya, Petro

Jesu akadana vanhu vemarudzi ose kuti vave vadzidzi vake. Pane imwe nguva, mumwe mutongi wechiduku akanga akapfuma akaenda kuna Jesu akanobvunza kuti aizowana sei upenyu husingaperi. Apo mutongi mupfumi uyu akataura kuti akanga achiteerera mitemo yaMwari kubva ari muduku, Jesu akamukoka achiti: ‘Uya uve muteveri wangu.’ Unoziva zvakaitika here?—

Apo murume wacho akaziva kuti kuva mudzidzi waJesu kwaifanira kuzova kunokosha kupfuura kuva mupfumi, haana kufara zvachose. Haana kuva mudzidzi waJesu nokuti aida mari yake kupfuura kuda kwaaiita Mwari.—Ruka 18:18-25.

Pashure pokunge Jesu aparidza kwerinenge gore nehafu, akasarudza vadzidzi vake 12 kuti vave vaapostora. Vaapostora vakanga vari varume vaakatumira kuti vanoita basa rinokosha. Unoziva mazita avo here?— Ngatione kana tingaabata nomusoro. Tarira mapikicha avo ari pano aya, uone kana uchigona kutaura mazita avo. Wadaro wozoedza kutaura mazita avo nomusoro.

Vakadzi ava vakabatsira Jesu paakaenda kunoparidza vaiva vanaani?

Pakupedzisira, mumwe wevaapostora 12 akava akaipa. Aiva Judhasi Isikariyoti. Pashure pacho, mumwe mudzidzi akasarudzwa kuti azova muapostora. Unoziva zita rake here?— Aiva Matiyasi. Gare gare Pauro naBhanabhasi vakavawo vaapostora, asi vakanga vasiri vamwe ve12.—Mabasa 1:23-26; 14:14.

Sezvatakadzidza muchitsauko 1 chebhuku rino, Jesu aifarira vana vaduku. Nei aidaro?— Nokuti aiziva kuti vaigona kuvawo vadzidzi vake. Chokwadi, vana vanowanzotaura zvinhu nenzira inogona kuita kuti vanhu vakuru vateerere uye vade kudzidza zvakawanda nezvoMudzidzisi Mukuru.

Vakadzi vazhinji vakavawo vadzidzi vaJesu. Vamwe vaifamba naye paaienda kune mamwe maguta kunoparidza. Mariya Magadharini, Joana, uye Suzana ndizvo zvavakaita. Vangavewo vakabatsira nokumubikira zvokudya nokugeza mbatya dzake.—Ruka 8:1-3.

Unoda kuva mudzidzi waJesu here?— Onaka, kungotaura kuti tiri mumwe wevadzidzi vake hakuiti kuti tibve tava mudzidzi. Tinofanira kuita somumwe wevadzidzi vake chero kwatinenge tiri, kwete patinoenda kumisangano yechiKristu chete. Unogona kufunga nezvedzimwe nzvimbo here uko zvinokosha kuti tiite somudzidzi waJesu?—

Zvechokwadi, tinofanira kudaro tiri pamba. Asi imwezve nzvimbo kuchikoro. Izvo iwe neni tisingambofaniri kukanganwa ndezvokuti, kuti tive vadzidzi vaJesu vechokwadi, tinofanira kuita sezvaaiita zuva rose, zuva nezuva, pasinei nokuti tiri kupi.

Zvinokosha kuti tive sevadzidzi vaJesu patinenge tiri kupi?

Zvino verengai pamwe chete zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pevadzidzi vaJesu, pana Mateu 28:19, 20; Ruka 6:13-16; Johani 8:31, 32; na1 Petro 2:21.