Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 18

Unoyeuka Kuti Mazvita Here?

Unoyeuka Kuti Mazvita Here?

WADYA here nhasi?— Unoziva here kuti ndiani abika?— Pamwe ndiamai vako kana kuti mumwe munhuwo zvake, asi nei tichifanira kutenda Mwari nokuda kwezvokudya?— Nokuti Mwari ndiye anoita kuti zvokudya zvikure. Zvisinei, tinofanirawo kutenda abika zvokudya kana kuti atipa zvokudya zvacho.

Dzimwe nguva tinokanganwa kuti mazvita, vamwe pavanotiitira zvinhu zvakanaka, hazvimboitiki here? Mudzidzisi Mukuru paakanga ari pasi pano, pane vamwe vaiva nemaperembudzi vakakanganwa kuti mazvita.

Unoziva maperembudzi here?— Maperembudzi chirwere. Chirwere ichocho chinogona kunyange kuita kuti imwe yenyama yomunhu idonhe. Jesu paakanga ari pasi pano vanhu vaiva nemaperembudzi vaigara kure nevamwe vanhu. Uye kana munhu aiva nemaperembudzi aiona mumwe munhu achiuya, aifanira kudanidzira kuti anyevere munhu iyeye kuti asaswedera pedyo naye. Izvi zvaiitirwa kuti vamwe vanhu vasanyanya kuswedera pedyo, zvichida votapukirwa nemaperembudzi.

Jesu aiva nomutsa zvikuru kune vaiva nemaperembudzi. Rimwe zuva achienda kuJerusarema, Jesu akapfuura nomune rimwe taundi duku. Ava pedyo netaundi racho, vanhu gumi vaiva nemaperembudzi vakabuda kuzomuona. Vakanga vanzwa kuti Jesu aiva nesimba rinobva kuna Mwari rokurapa zvirwere zvemarudzi ose.

Vaiva nemaperembudzi vacho havana kuswedera pedyo naJesu. Vakamira vari kure. Asi vaidavira kuti Jesu aigona kubvisa maperembudzi avo. Naizvozvo vaiva nemaperembudzi vacho pavakaona Mudzidzisi Mukuru, vakamudana vachiti: ‘Jesu, Mudzidzisi, tibatsireiwo!’

Unonzwira urombo vanhu vanorwara here?— Jesu akadaro. Aiziva kuti zvainzwisa urombo sei kuva nemaperembudzi. Saka akavapindura akati: “Endai munozviratidza kuvapristi.”—Ruka 17:11-14.

Jesu ari kuudza vane maperembudzi ava kuti vaitei?

Nei Jesu akavati vaite izvi? Nokuti waiva mutemo uyo Jehovha akanga apa vanhu Vake pamusoro pevane maperembudzi. Mutemo uyu waitaura kuti mupristi waMwari aifanira kutarisa nyama yeane maperembudzi. Mupristi wacho aizoudza ane maperembudzi kana urwere hwake hwainge hwapera hwose. Paainge apora, aigona kugara zvakare nevanhu vasingarwari.—Revhitiko 13:16, 17.

Asi vanhu ava vaive vachine maperembudzi avo. Saka vakaenda kumupristi sezvavakanga vaudzwa naJesu here?— Hungu, vakaenda, pakarepo. Varume ava vanofanira kuve vaidavira kuti Jesu aizobvisa urwere hwavo. Chii chakaitika?

Pavakanga vari munzira kuenda kumupristi, vakabva vapora. Nyama yavo yakaporeswa. Vakanatswa! Kutenda kwavo musimba raJesu kwakakomborerwa. Chokwadi vakafara kwazvo! Asi zvino chii chavangadai vakaita kuratidza kuonga kwavo? Ungadai wakaitei?—

Ane maperembudzi uyu akayeuka kuitei?

Mumwe wevarume vakanga vaporeswa akadzoka kuna Jesu. Akatanga kurumbidza Jehovha, achitaura zvinhu zvakanaka nezvaMwari. Izvozvo ndizvo zvakanga zvakanaka kuita nokuti simba rokumuporesa rakanga rabva kuna Mwari. Murume iyeye akawirawo patsoka dzoMudzidzisi Mukuru ndokumutenda. Akafara zvikuru nezvakanga zvaitwa naJesu.

Asi zvakadini nevamwe varume vapfumbamwe? Jesu akabvunza kuti: ‘Panga pasina vane maperembudzi gumi vaporeswa here? Ko vamwe vapfumbamwe varipi? Mumwe chete ndiye adzoka kuzorumbidza Mwari here?’

Hungu, ichokwadi. Mumwe chete pavanhu gumi akapa mbiri, kana kuti akarumbidza Mwari ndokudzoka kuzoonga Jesu. Uye munhu uyu akanga ari muSamariya, murume aibva kune imwe nyika. Vamwe varume vapfumbamwe havana kuonga Mwari, uye havana kuo- nga Jesu.—Ruka 17:15-19.

Iwe wakaita soupi wevarume ava? Tinoda kuva somurume weSamariya, handitika?— Naizvozvo apo mumwe munhu anotiitira chimwe chinhu chomutsa, chii chatinofanira kuyeuka kuita?— Tinofanira kuratidza kuonga kwedu. Kazhinji vanhu vanokanganwa kutaura kuti mazvita. Asi zvakanaka kuti mazvita. Patinodaro, Jehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu, vanofara.

Ungaita sei kuti utevedzere munhu aiva nemaperembudzi akadzoka kuna Jesu?

Kana ukanyatsofunga, uchayeuka kuti vanhu vakakuitira zvinhu zvakawanda. Somuenzaniso, wakamborwara here?— Ungave usina kumborwara sezvakaita varume vaya gumi vaiva nemaperembudzi, asi ungave wakambova nechikosoro kana kuti kurwadziwa nomudumbu. Pane mumwe munhu akakutarisira here?— Angave akakupa mushonga nokukuitira chimwe chinhu. Wakafara here kuti akakubatsira kuti unzwe zviri nani?—

Murume weSamariya akaonga Jesu nokuti akanga amurapa, uye izvi zvakafadza Jesu. Unofunga kuti amai vako kana kuti baba vako vachafara here kana ukati mazvita pavanokuitira chimwe chinhu?— Hungu, vachafara.

Nei zvichikosha kuyeuka kuti mazvita?

Vamwe vanhu vane zvavanokuitira mazuva ose kana kuti vhiki nevhiki. Ringave basa ravo kuita zvinhu izvi. Vangave vachitofara kuzviita. Asi ungakanganwa kuti mazvita. Mudzidzisi wako angashanda nesimba kuti akubatsire kudzidza. Iri ibasa rake. Asi achafara kana ukamutenda nokuda kwokukubatsira kudzidza.

Dzimwe nguva vanhu vanongokuitira zvinhu zviduku. Pane anombokubatira musuo kuti upinde here? Kana kuti pane anombokutambidza zvokudya kana muri patafura here? Zvakanaka kuti mazvita kunyange nokuda kwezvinhu zviduku izvi.

Kana tichiyeuka kuti mazvita kuvanhu vari pasi pano, zvingangoreva kuti tichayeuka kuti mazvita kuna Baba vedu vari kudenga. Uye kune zvinhu zvakawanda kwazvo zvokuti tionge Jehovha! Akatipa upenyu nezvinhu zvakanaka zvose zvinoita kuti upenyu hufadze. Naizvozvo tine zvikonzero zvakawanda zvokupa mbiri kuna Mwari nokutaura zvinhu zvakanaka pamusoro pake zuva nezuva.