Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 23

Chinoita Kuti Vanhu Varware

Chinoita Kuti Vanhu Varware

PANE munhu waunoziva ari kurwara here?— Zvimwe iwe pachako unomborwara pane dzimwe nguva. Unogona kubatwa nechikosoro, kana kuti kunzwa mudumbu. Vamwe vanhu vanorwara chaizvo. Havagoni kunyange kusimuka pasina anovabatsira. Izvi zvinowanzoitika vanhu pavanenge vakwegura zvikuru.

Munhu wose anomborwara. Unoziva kuti nei vanhu vachirwara, vachikwegura, uye vachifa here?— Rimwe zuva mumwe murume akanga asingagoni kufamba akaunzwa kuna Jesu, uye Jesu akaratidza chinoita kuti vanhu varware uye kuti vafe. Rega ndikuudze nyaya yacho.

Jesu akanga ari kugara pane imwe imba mutaundi iri pedyo neGungwa reGarireya. Boka revanhu rakauya kuzomuona. Vanhu vazhinji vakauya zvokuti pakanga pasina nzvimbo yokuti vamwe vapinde mumba macho. Vaiuya vaisagona kusvika kunyange pedyo nomusuo. Kunyange zvakadaro, vanhu vakaramba vachiuya! Rimwe boka revanhu rakauya nomurume akanga akaoma rutivi rwomuviri akanga asingagoni kunyange kufamba. Zvaitoda varume vana kuti vamutakure ari pakamubhedha kadiki, kana kuti hwanyanza.

Unoziva here kuti nei vaida kuunza murume airwara uyu kuna Jesu?— Vaitenda kuti Jesu aigona kumubatsira. Vaitenda kuti Jesu aigona kumuporesa paurwere ihwohwo. Unoziva here kuti vakasvitsa sei murume iyeye aive norutivi rwomuviri rwakaoma pana Jesu ivo vanhu vakazara mumba kudaro?—

Mufananidzo waunoona pano unoratidza kuti vakazviita sei. Kutanga, vakatakura murume wacho kuenda padenga remba. Denga racho rakanga rakati sandara. Vakabva vaita buri guru padenga ipapo. Ndokubva vazodzikisa murume uya airwara ari pahwanyanza hwake nepaburi iroro kusvika mukamuri raiva pasi. Kwaiva kutenda kwakadini kwavaiva nakwo!

Vanhu vose vaiva mumba macho vakashamiswa pavakaona zvakanga zvichiitika. Murume wacho akanga akaoma rutivi rwomuviri aiva pahwanyanza akadzika kusvika pakati pavo chaipo. Jesu akagumbuka here paakaona zvakanga zvaitwa nevarume ava?— Nyangwe! Akafara nokuona kuti vaiva nokutenda. Akati kumurume akanga akaoma rutivi rwomuviri: “Zvivi zvako zvakanganwirwa.”

Jesu akaudza murume akanga akaoma rutivi rwomuviri kuti aite sei?

Vamwe vanhu havana kufunga kuti zvakanga zvakanaka kuti Jesu ataure kudaro. Havana kufunga kuti aigona kukanganwira zvivi. Saka kuratidza kuti aigona zvechokwadi, Jesu akati kumurume wacho: “Simuka, tora mubhedha wako, uende kumba kwako.”

Jesu paakataura kudaro, murume wacho akabva apora! Akanga asisina kuoma rutivi rwomuviri. Iye zvino akanga ava kugona kumuka oga achifamba. Vanhu vakaona chishamiso ichi vakashamiswa. Kwoupenyu hwavo hwose vakanga vasati vamboona chimwe chinhu chinoshamisa saichocho! Vakarumbidza Jehovha nokuda kwokuvapa Mudzidzisi Mukuru uyu, uyo aigona kunyange kuporesa urwere hwevanhu.—Mako 2:1-12.

Tinodzidzei pachishamiso ichi?

Tinodzidzei pachishamiso ichi?— Tinodzidza kuti Jesu ane simba rokukanganwira zvivi nokuporesa vanhu vanorwara. Asi tinodzidzawo chimwezve chinhu chinokosha zvikuru. Tinodzidza kuti vanhu vanorwara pamusana pechivi.

Sezvo tose tichirwara pane dzimwe nguva, izvi zvinoreva kuti tose tiri vatadzi here?— Hungu, Bhaibheri rinotaura kuti tose tinoberekwa tine chivi. Unoziva zvazvinoreva here kuberekerwa muchivi?— Zvinoreva kuti tinoberekwa tisina kukwana. Dzimwe nguva tinokanganisa kuita zvinhu, kunyange zvazvo tisingadi kudaro. Unoziva here kuti tose takasvika sei pakuva nechivi?—

Takaberekwa tiine chivi pamusana pokuti munhu wokutanga, Adhamu, haana kuteerera Mwari. Akatadza paakatyora mutemo waMwari. Uye tose takawana chivi kuna Adhamu. Unoziva here kuti takawana sei chivi chedu kwaari? Rega ndiedze kukutsanangurira nenzira yaunganzwisisa.

Tose zvedu takasvika sei pakuva nechivi?

Zvimwe wakambobatsira mumwe munhu kubheka chingwa mupani. Chii chichaitika kuchingwa kana pani yacho yakafonyoka? Unoziva here?— Chiratidzo ichocho, kana kuti kufonyoka kuya kuchaonekwa pachingwa chose chaunobikira mupani iyoyo, handiti?—

Adhamu akanga akaita sepani iyoyo, uye isu takaita sechingwa chacho. Akava asina kukwana paakatyora mutemo waMwari. Zvakaita sokuti akanga afonyoka, kana kuti akava nechiratidzo chakaipa. Saka paakabereka vana, vaizova vakaita sei?— Vana vake vose vaizogamuchira chiratidzo ichochi chokusakwana.

Vana vazhinji havaberekwi nokusakwana kukuru kwaunogona kuona. Havaberekwi vasina ruoko kana kuti gumbo. Asi kusakwana kwavanako kukuru zvokuti vanorwara uye nokufamba kwenguva, vanofa.

Chokwadi, vamwe vanhu vanorwara kakawanda kupfuura vamwe. Nei zvakadaro? Nokuti vanoberekwa nezvivi zvakawanda here?— Aiwa, chivi chatinoberekwa tinacho tose, chakaenzana. Tose tinoberekwa tisina kukwana. Saka, nokufamba kwenguva, munhu wose achatorwara chimwe chirwere. Kunyange vanhu vanoedza kuteerera mitemo yaMwari yose uye vasingaiti zvakaipa chaizvo vanogona kurwara.

Tichava neutano hwakaita sei patichange tisisina chivi?

Saka zvino nei vamwe vanhu vachirwara kakawanda kupfuura vamwe?— Pane zvikonzero zvakawanda. Kungava kuti havana zvokudya zvakakwana. Kana kuti vangave vasingadyi zvokudya zvakakodzera. Vangadya makeke akawandisa nemasiwiti. Chimwe chikonzero chingava chokuti vanononoka kurara zvakanyanya nokudaro havawani nguva yokuzorora yakakwana. Kana kuti vangasapfeka zvinodziya zvakakwana vasati vabuda panze panotonhora. Miviri yevamwe vanhu haina kusimba, uye haigoni kurwisa zvirwere, kunyange kana vakaedza kuzvitarisira.

Pachazombova nenguva here apo tisingazomborwari? Tichazombobvisirwa chivi here?— Jesu akaitei kumurume uya akanga akaoma rutivi rwomuviri?— Jesu akamukanganwira zvivi zvake ndokumuporesa. Nenzira iyoyo, Jesu akaratidza zvaachaita rimwe zuva kune vose vanoedza chaizvo kuita zvakarurama.

Kana tikaratidza kuti hatidi kutadza uye kuti tinovenga zvisina kururama, Jesu achatiporesa. Munguva yemberi, achabvisa patiri kusakwana kwatinako iye zvino. Achaita izvi saMambo woUmambo hwaMwari. Chivi hachizobviswi matiri kamwe kamwe. Chichabviswa nokufamba kwenguva. Ipapo kana chivi chedu chazobviswa, hatizorwari zvakare. Tose tichava noutano hwakakwana. Ichocho chichava chikomborero chakadini!

Nokuda kwedzimwe pfungwa pamusoro pokuti chivi chinobata sei munhu wose, verenga Jobho 14:4; Pisarema 51:5; VaRoma 3:23; 5:12 uye 6:23.