Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 25

Vanoita Zvakaipa Vanogona Kuchinja Here?

Vanoita Zvakaipa Vanogona Kuchinja Here?

ZVAISAZOVA zvakanaka kwazvo kudai munhu wose aiita zvakanaka here?— Asi hapana munhu anoita zvakanaka nguva dzose. Unoziva here kuti nei tose tichiita zvakaipa pane dzimwe nguva kunyange patinenge tichida kuita zvakanaka?— Nokuti tose tinoberekwa tine chivi. Asi vamwe vanhu vanoita zvakaipa zvakawanda kwazvo. Vanovenga vamwe vanhu uye vanovakuvadza vachiziva. Unofunga kuti vanogona kuchinja vodzidza kuva vakanaka here?—

Tarisa murume wechiduku akachengeta nguo dzokunze dzevanhu vari kutema Stefani nematombo. Zita rake rechiHebheru ndiSauro, asi zita rake rechiRoma ndiPauro. Ari kufarira kuurayiwa kwaStefani uyo ari mudzidzi woMudzidzisi Mukuru. Ngationei kuti nei Sauro achiita zvinhu zvakaipa kudaro.

Sauro ndoweboka rechitendero chechiJudha rinonzi vaFarisi. VaFarisi vane Shoko raMwari, asi vanonyanya kuteerera dzidziso dzevamwe vevatungamiriri vavo vechitendero. Izvi zvinoita kuti Sauro aite zvinhu zvakaipa.

Stefani paanosungwa muJerusarema, Sauro aripowo. Stefani anoendeswa kudare, uko vamwe vevatongi vacho vari vaFarisi. Kunyange zvazvo zvinhu zvakaipa zvichitaurwa pamusoro paStefani, haatyi. Anotaura zvinonzwika uye anopupura zvakanaka kwazvo kuvatongi pamusoro paJehovha Mwari naJesu.

Asi vatongi vacho havafariri zvavanonzwa. Vanotoziva zvakawanda nezvaJesu. Kutaura chokwadi, nguva pfupi izvi zvisati zvaitika, vakanga vaurayisa Jesu! Asi pashure pacho, Jehovha akatora Jesu kuti ave naye mudenga. Zvino pane kuti vachinje nzira dzavo, vatongi vacho vanorwa nevadzidzi vaJesu.

Vatongi vacho vanobata Stefani vomubudisa muguta. Vanomurova achiwira pasi ndokumutema nemabwe. Uye, sezvaunogona kuona pamufananidzo, Sauro aripowo achitarisa zvake. Anofunga kuti zvakarurama kuuraya Stefani.

Nei Sauro achifunga kuti zvakanaka kuuraya Stefani?

Unoziva here kuti nei Sauro aifunga saizvozvo?— Kwoupenyu hwake hwose Sauro aive ari muFarisi, uye aidavira kuti dzidziso dzevaFarisi dzakanga dzakarurama. Aiona varume ivavo somuenzaniso, saka aivatevedzera.—Mabasa 7:54-60.

Pashure pokunge Stefani aurayiwa, Sauro anoitei?— Chokwadi, anoedza kuparadza vadzidzi vaJesu vose vasara! Anotopinda mudzimba dzavo chaimo achikwevera varume nevakadzi panze. Anozoita kuti vakandirwe muJeri. Vadzidzi vazhinji vanotofanira kutiza muJerusarema, asi havaregi kuparidza nezvaJesu.—Mabasa 8:1-4.

Izvi zvinoita kuti Sauro atowedzera kuvenga vadzidzi vaJesu. Saka anoenda kuMupristi Mukuru Kayafasi owana mvumo yokunosunga vaKristu muguta reDhamasiko. Sauro anoda kuvaunza sevasungwa kuJerusarema kuti vazorangwa. Asi ari munzira kuenda Dhamasiko, chimwe chinhu chinoshamisa chinoitika.

Ndiani ari kutaura naSauro, uye anotuma Sauro kunoitei?

Chiedza chinopenya chichibva mudenga, uye inzwi rinoti: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzirei?” NdiJesu ari kutaura ari kudenga! Chiedza chacho chakajeka kwazvo zvokuti chinoita kuti Sauro ave bofu, uye vanhu vana Sauro ndivo vanotozomutungamirira kuenda kuDhamasiko.

Pashure pemazuva matatu Jesu anozviratidza kune mumwe wevadzidzi vake muDhamasiko anonzi Ananiyasi. Jesu anorayira Ananiyasi kuti ashanyire Sauro, kuti amuite kuti aonezve, uye ataure naye. Ananiyasi paanotaura naye, Sauro anogamuchira chokwadi pamusoro paJesu. Anoonazve. Upenyu hwake hwose hunochinja, uye anova mushumiri waMwari akatendeka.—Mabasa 9:1-22.

Unoona here zvino nei Sauro aisiita zvakaipa?— Yaiva mhaka yokuti akanga adzidziswa zvinhu zvisina kururama. Aitevera vanhu vakanga vasina kutendeka kuna Mwari. Uye akanga ari mumwe weboka revanhu vaitungamidza pfungwa dzevanhu mberi kweShoko raMwari. Asi nei Sauro achichinja upenyu hwake otanga kuita zvakanaka, kunyange zvazvo vamwe vaFarisi vachiramba vachirwa naMwari?— Nokuti Sauro chaizvoizvo haavengi chokwadi. Saka paanoratidzwa zvakarurama, akagadzirira kuzviita.

Unoziva here kuti Sauro akazova chii gare gare?— Hungu, akasvika pakuzivikanwa somuapostora Pauro, muapostora waJesu. Uye funga kuti Pauro akanyora mabhuku eBhaibheri akawanda kupfuura vamwe vose.

Kune vanhu vazhinji vakaita saSauro vanogona kuchinja. Asi hazvisi nyore nokuti kune mumwe munhu ari kushanda nesimba zvikuru kuti aite kuti vanhu vaite zvinhu zvakaipa. Unoziva here kuti ndiani iyeye?— Jesu paakazviratidza kuna Sauro ari munzira kuenda Dhamasiko akataura nezvomunhu wacho. Ipapo Jesu akataura naSauro ari kudenga akati: ‘Ndiri kukutumira kuti usvinudze meso evanhu, uvabvise parima vauye kuchiedza uye vabve pa- simba raSatani vauye kuna Mwari.’—Mabasa 26:17, 18.

Chokwadi, ndiSatani Dhiyabhorosi ari kuedza kuita kuti munhu wose aite zvakaipa. Zvinombokuomera here kuita zvakarurama?— Zvinombotiomerawo tose. Satani anozviomesa. Asi pane chimwe chikonzero nei zvisiri nyore nguva dzose kuita zvakarurama. Unoziva chikonzero chacho here?— Nokuti tinoberekwa tiine chivi.

Chivi ichochi ndicho chinoita kuti zvive nyore kwatiri kuita zvakaipa pane kuita zvakanaka. Saka tinofanira kuitei?— Chokwadi, tinofanira kushingirira kuti tiite zvakarurama. Patinodaro, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jesu, uyo anotida, achatibatsira.

Jesu paakanga ari pasi pano, akasvika pakuda vanhu vaimboita zvakaipa asi vakanga vachinja. Aiziva kuti zvakanga zvakavaomera sei kuchinja. Somuenzaniso, pane vakadzi vairara nevarume vakawanda. Zvechokwadi izvi zvakanga zvakaipa. Bhaibheri rinodana vakadzi ava kuti mahure, kana kuti pfambi.

Nei Jesu akakanganwira mukadzi uyu aimboita zvinhu zvakaipa?

Pane imwe nguva, mukadzi akadaro akanzwa nezvaJesu, uye akauya apo Jesu akanga ari kumba kwomuFarisi. Akadururira mafuta patsoka dzaJesu ndokupukuta misodzi yake patsoka dzake nebvudzi rake. Akanga achizvidemba zvikuru nokuda kwezvivi zvake, saka Jesu akamukanganwira. Asi vaFarisi havana kufunga kuti anofanira kukanganwirwa.—Ruka 7:36-50.

Unoziva zvakataurwa naJesu kune vamwe vaFarisi here?— Akavaudza kuti: ‘Mahure ari kukutangirai kupinda muumambo hwaMwari.’ (Mateu 21:31) Jesu akataura izvi nokuti mahure akamutenda uye akachinja nzira dzawo dzakaipa. Asi vaFarisi vakaramba vachiita zvinhu zvakaipa kuvadzidzi vaJesu.

Saka kana Bhaibheri rikaratidza kuti zvatiri kuita zvakaipa, tinofanira kunge tichida kuchinja. Uye patinodzidza zvinodiwa naMwari kuti tiite, tinofanira kuva nechido chokuzviita. Ipapo Jehovha achafara nesu uye achatipa upenyu husingaperi.

Kutibatsira kuti tisaita zvakaipa, ngativerenge pamwe chete Pisarema 119:9-11; Zvirevo 3:5-7; 12:15.