Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 27

Mwari Wako Ndiani?

Mwari Wako Ndiani?

NEI mubvunzo uyu uchikosha, wokuti, Mwari wako ndiani?— Nokuti vanhu vanonamata vanamwari vakawanda. (1 VaKorinde 8:5) Muapostora Pauro paakagamuchira simba kubva kuna Jehovha rokuporesa murume akanga asingafambi, vanhu vakadanidzira vachiti: “Vanamwari vave sevanhu uye vaburukira kwatiri!” Vanhu vakanga vachida kunamata Pauro neshamwari yake Bhanabhasi. Vakatumidza Pauro kuti Hemesi uye Bhanabhasi Zeusi, ayo akanga ari mazita avanamwari venhema.

Asi Pauro naBhanabhasi havana kurega vanhu vachivanamata. Vakasvetukira muboka racho ndokuti: ‘Ibvai pazvinhu izvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu.’ (Mabasa 14:8-15) “Mwari mupenyu” akasika zvinhu zvose ndiani?— Hungu, ndiJehovha, “Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.” Jesu akati Jehovha ndiye “Mwari wechokwadi bedzi.” Saka zvino, ndiani bedzi anofanira kunamatwa?— Jehovha bedzi!—Pisarema 83:18; Johani 17:3; Zvakazarurwa 4:11.

Nei Pauro naBhanabhasi vasina kurega vanhu vachivapfugamira?

Vanhu vazhinji vanonamata vamwe vanamwari vasiri “Mwari wechokwadi bedzi.” Kazhinji vanonamata zvinhu zvavanogadzira nematanda, matombo, kana kuti nesimbi. (Eksodho 32:4-7; Revhitiko 26:1; Isaya 44:14-17) Kunyange varume nevakadzi vakakurumbira dzimwe nguva vanonzi vanamwari, nyanzvi, kana kuti zvidhori. Zvakarurama here kuvapa mbiri?—

Pashure pokunge Sauro ava muapostora Pauro, akanyora kuti: “Vasingatendi avo mwari wegadziriro ino yezvinhu akapofumadza pfungwa.” (2 VaKorinde 4:4) Mwari uyu ndiani?— Hungu, Satani Dhiyabhorosi! Satani ave achiita kuti vanhu vanamate vanhu vakawanda nezvinhu.

Satani paakaedza kuti Jesu apfugame amunamate, Jesu akaudza Satani kuti chii?— “NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Mateu 4:10) Saka Jesu akajekesa kuti Jehovha bedzi ndiye anofanira kunamatwa. Ngativerenge nezvevamwe varume vechiduku vaiziva izvi. Mazita avo aiva Shadhireki, Misheki, naAbhedhinego.

VaHebheru vechiduku ava vakanga vari vorudzi rwaMwari rwevaIsraeri uye vakanga vaendeswa kunyika yeBhabhironi senhapwa. Ikoko mambo ainzi Nebhukadhinezari akaumba chifananidzo chikuru chendarama. Rimwe zuva akarayira kuti paizoridzwa nziyo munhu wose aifanira kupfugamira chifananidzo chacho. Akanyevera kuti, ‘munhu wose asingapfugami onamata aizokandirwa muchoto chinopisa kwazvo.’ Waizodai wakaitei?—

Nei varume ava vakaramba kupfugamira chifananidzo?

Kazhinji Shadhireki, Misheki, naAbhedhinego vaiita zvose zvairayirwa namambo. Asi izvi vakaramba kuzviita. Unoziva here kuti nei?— Nokuti mutemo waMwari waiti: ‘Usava nevamwe vanamwari kunze kwangu. Haufaniri kuzviitira chifananidzo chakavezwa wochipfugamira.’ (Eksodho 20:3-5) Saka Shadhireki, Misheki, uye Abhedhinego vakateerera mutemo waJehovha pane kuteerera murayiro wamambo.

Mambo akatsamwa kwazvo, saka akaita kuti vaHebheru vechiduku vatatu ava vaunzwe kwaari pakarepo. Akabvunza kuti: ‘Nhai ndizvo here kuti hamusi kushumira vanamwari vangu? Ndichakupai mumwe mukana. Iye zvino, pamunonzwa nziyo, wirai pasi munamate chifananidzo chandakaita. Kana mukarega kudaro, muchakandirwa muchoto chinopisa kwazvo. Uye ndiani mwari iyeye anogona kukununurai paruoko rwangu?’

Varume vechiduku ava vaizoitei zvino? Iwe waizodai wakaitei?— Vakati kuna mambo: ‘Mwari wedu watiri kushumira anokwanisa kutinunura. Asi kunyange akasazviita, vanamwari venyu havasiri ivo vatichashumira. Hatisi kuzopfugamira chifananidzo chenyu chendarama.’

Mambo akatsamwa. Akarayira kuti: ‘Kuchidzirai choto chacho kakapetwa kanomwe!’ Akabva arayira varume vake vakasimba kuti vasunge Shadhireki, Misheki, naAbhedhinego vovakandira muchoto! Choto chacho chaipisa kwazvo zvokuti varume vamambo pachake vakaurayiwa nemarimi acho! Zvakadini nevaHebheru vatatu?

Shadhireki, Misheki, naAbhedhinego vakawira pakati pomoto chaipo. Asi vakasimuka! Havana kukuvara. Uye vakanga vasisina kusungwa. Zvakadaro sei?— Mambo akatarisa muchoto chacho, uye zvaakaona zvakamutyisa. Akabvunza kuti: ‘Hatina kukandira varume vatatu mumoto here?’ Vashandi vake vakapindura kuti: ‘Ndizvozvo mambo.’

Jehovha akaponesa sei vashumiri vake pachoto chinopisa kwazvo??

Ipapo mambo akati: ‘Tarirai! Ndinoona vanhu vana vachifamba-famba imomo, uye moto hausi kukuvadza kana mumwe wavo.’ Unoziva kuti munhu akanga ari wechina wacho ndiani here?— Yakanga iri ngirozi yaJehovha. Yakadzivirira vaHebheru vatatu kuti vasatsva.

Zvino paakaona kudaro, mambo akauya pamukova wechoto chacho ndokudanidzira achiti: ‘Shadhireki, Misheki, naAbhedhinego, imi vashumiri vaMwari Wokumusoro-soro, budai muuye pano!’ Pavakabuda munhu wose aigona kuona kuti vakanga vasina kutsva. Vakanga vasina kunyange munhuwi womoto. Zvino mambo akati: ‘Mwari waShadhireki, Misheki, naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye wakatumira ngirozi kuti izoponesa vashumiri vake nokuti havana kushumira mumwe mwari kunze kwaMwari wavo.’—Dhanieri, chitsauko 3.

Zvidhori zvipi zvinonamatwa nevanhu nhasi?

Tinogona kudzidza chidzidzo kubva pane zvakaitika kare. Kunyange nhasi vanhu vanomisa zvifananidzo zvokunamata kana kuti zvidhori. Rimwe bhuku rokuAmerica rinoti: “Mureza, kungofanana nomuchinjikwa, unoyera.” Zvifananidzo zvinogona kuitwa nedanda, dombo, simbi, kana jira. Vadzidzi vaJesu vokutanga vairamba kunamata mambo weRoma, izvo mumwe anonyora nhau dzakaitika anonzi Daniel P. Mannix akati zvingafananidzwa “nokuramba kusaruta mureza kana kuti kupa mhiko yokuzvipira kunyika yako.”

Saka unofunga zvakasiyana kuna Mwari here kana chifananidzo chinonamatwa chikaitwa nejira, danda, dombo, kana kuti simbi?— Zvaizova zvakarurama here kuti mushumiri waJehovha anamate chifananidzo chakadaro?— Shadhireki, Misheki, naAbhedhinego vakaramba kuita kudaro, uye vakafadza Jehovha. Ungatevedzera sei muenzaniso wavo?—

Avo vanoshumira Jehovha havanganamati mumwe munhu kana chimwe chinhu. Verenga zvinotaurwa pamusoro peizvi pana Joshua 24:14, 15, 19-22; Isaya 42:8; 1 Johani 5:21; naZvakazarurwa 19:10.