Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 28

Nzira Yokuziva Nayo Wokuteerera

Nzira Yokuziva Nayo Wokuteerera

DZIMWE nguva zvakaoma kuziva watinofanira kuteerera. Amai vako kana kuti baba vako vanogona kukuudza chimwe chinhu chokuita. Asi zvino mudzidzisi kana kuti mupurisa angakuudza kuti uite zvakasiyana. Kana izvozvo zvikaitika, unoteerera upi pakati pavo?—

Takamboverenga muBhaibheri pana VaEfeso 6:1-3 muChitsauko 7 chebhuku rino. Ipapo panoti vana vanofanira kuteerera vabereki vavo. Rugwaro rwacho runoti: “Vana, teererai vabereki venyu munaShe.” Unoziva zvazvinoreva here kuva “munaShe?”— Vabereki vari munaShe vanodzidzisa vana vavo kuteerera mitemo yaMwari.

Asi vamwe vanhu vakuru havatendi kuti kuna Jehovha. Saka zvakadini kana mumwe wavo akataura kuti hazvina kuipa kubiridzira pabvunzo kuchikoro kana kuti kutora chimwe chinhu muchitoro usina kuchibhadhara? Saka zvakanaka here kuti mwana abiridzire kana kuti kuba?—

Yeuka, Mambo Nebhukadhinezari akamborayira munhu wose kuti apfugamire chifananidzo chendarama chaakanga amisa. Asi Shadhireki, Misheki, naAbhedhinego vakaramba kupfugama. Unoziva chikonzero chacho here?— Nokuti Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vanofanira kunamata Jehovha bedzi.—Eksodho 20:3; Mateu 4:10.

Petro ari kuti chii kuna Kayafasi?

Jesu afa, vaapostora vake vakaunzwa pamberi peSanihedrini, dare rechitendero rapamusoro revaJudha. Mupristi Mukuru Kayafasi akati: “Takakurayirai kwazvo kuti musarambe muchidzidzisa nezvezita [raJesu], asi, tarirai! mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu.” Nei vaapostora vasina kuteerera Sanihedrini?— Petro achitaura akamiririra vaapostora vose, akapindura Kayafasi kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:27-29.

Kare panguva iyoyo, vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaiva nesimba rakawanda. Zvisinei, nyika yavo yakanga ichitongwa nehurumende yeRoma. Mukuru wehurumende iyoyo ainzi Kesari. Kunyange zvazvo vaJudha vakanga vasingadi kuti Kesari avatonge, hurumende yeRoma yakaitira vanhu zvinhu zvakanaka zvakawanda. Uye hurumende nhasi dzinoitirawo vagari vemunyika dzadzo zvinhu zvakanaka. Unoziva here kuti zvimwe zvezvinhu izvi zvii?—

Hurumende dzinogadzira migwagwa yokufamba nayo uye dzinobhadhara mapurisa nevanodzima moto kuti vatidzivirire. Dzinovakira vana zvikoro nokutarisira utano hwevakwegura. Zvinoda mari kuti hurumende iite zvinhu izvi. Unoziva here kuti hurumende inowana kupi mari?— Inoiwana kuvanhu. Mari inobhadharwa nevanhu kuhurumende inonzi mutero.

Mudzidzisi Mukuru paakanga achigara pasi pano, vaJudha vakawanda vakanga vasingadi kubhadhara mutero kuhurumende yeRoma. Saka rimwe zuva vapristi vakatuma vamwe varume kuti vanobvunza Jesu mubvunzo vachiedza kumutsvakira mhosva. Mubvunzo wacho waiva wokuti, ‘Tinofanira kubhadhara mutero kuna Kesari here kana kuti kwete?’ Uyu wakanga uri mubvunzo wokuda kuwanira mhosva. Dai Jesu aizopindura kuti, ‘Hungu, munofanira kubhadhara mutero,’ vaJudha vazhinji vaisazofara nezvaaitaura. Asi Jesu aisagona kuti, ‘Aiwa hamufaniri kubhadhara mutero.’ Zvaizova zvisina kururama kutaura kudaro.

Saka, Jesu akaitei? Akati: ‘Ndiratidzei mari.’ Pavakauya nayo, Jesu akavabvunza kuti: ‘Mufananidzo nezita zviri pairi ndezvaani?’ Varume vacho vakati: “ZvaKesari.” Saka Jesu akati: “Ipapo, munotofanira kudzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”—Ruka 20:19-26.

Jesu akapindura sei mubvunzo wokutsvaka mhosva wevarume ava?

Hapana munhu aigona kuona chakaipa nemhinduro iyoyo. Kana Kesari achiitira vanhu zvinhu, zvakangonaka kushandisa mari yakagadzirwa naKesari kumubhadhara nokuda kwezvinhu izvi. Saka nenzira iyi Jesu akaratidza kuti zvakanaka kubhadhara mutero kuhurumende nokuda kwezvinhu zvatinowana.

Pamwe iwe hausati wakura zvokuti ubhadhare mutero. Asi pane chimwe chinhu chaunofanira kupa hurumende. Unoziva kuti chii here?— Kuteerera mitemo yehurumende. Bhaibheri rinoti: ‘Teererai vane simba zvikuru.’ Vane simba ava ndevaya vane simba muhurumende. Saka Mwari ndiye anoti tinofanira kuteerera mitemo yehurumende.—VaRoma 13:1, 2.

Pangave nomutemo wokuti tisakanda mapepa kana zvimwe zvinhu mumugwagwa. Unofanira kuteerera mutemo iwoyo here?— Hungu, Mwari anoda kuti uuteerere. Unofanira kuteererawo mapurisa here?— Hurumende inobhadhara mapurisa kuti adzivirire vanhu. Kuvateerera kwakafanana nokuteerera hurumende.

Saka kana uchida kuyambuka mugwagwa mupurisa oti “Mira!” unofanira kuitei?— Kana vamwe vakamhanya vachiyambuka, iwe unofanira kuteverawo here?— Unofanira kumira, kunyange uriwe woga akamira. Mwari anokurayira kuti uteerere.

Pangave nechinetso kwamunogara, uye mapurisa angati: “Musafamba mumugwagwa. Musabuda panze.” Asi unogona kunzwa mhere-mhere woshamisika kuti chii chiri kuitika. Unofanira kubuda panze kuti uone here?— Uku kunenge kuri kuteerera “vane simba zvikuru” here?—

Munzvimbo dzakawanda, hurumende inovakawo zvikoro, uye inobhadhara vadzidzisi. Saka unofunga kuti Mwari anoda kuti uteerere mudzidzisi here?— Pafunge. Hurumende inobhadhara mudzidzisi kuti adzidzise, sezvainobhadharawo mapurisa kuti achengete vanhu. Saka kuteerera mupurisa kana kuti mudzidzisi kwakafanana nokuteerera hurumende.

Nei tichifanira kuteerera mupurisa?

Asi zvakadini kana mudzidzisi akati unofanira kunamata chimwe chifananidzo? Ipapo uchaitei?— VaHebheru vatatu havana kupfugamira chifananidzo chiya kunyange apo Mambo Nebhukadhinezari akavaudza kudaro. Unoyeuka here kuti chikonzero nei?— Nokuti vakanga vasingadi kuputsa mutemo waMwari.

Mumwe munyori wenhau dzakaitika anonzi Will Durant akanyora nezvevaKristu vekare achiti ‘kuzvipira kwavo kukuru [kana kuti kuvimbika] kwakanga kusiri kuna Kesari.’ Aiwa kwaiva kuna Jehovha! Naizvozvo yeuka kuti Mwari anofanira kuuya pokutanga muupenyu hwedu.

Tinoteerera hurumende nokuti Mwari ndozvaanoda kuti tiite. Asi kana tikaudzwa kuti tiite chimwe chinhu icho Mwari anoti hatifaniri kuchiita, tinofanira kuti chii?— Tinofanira kutaura zvakataurwa nevaapostora kumupristi mukuru kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.

Tinodzidziswa kuremekedza mutemo muBhaibheri. Verenga zvakanyorwa pana Mateu 5:41; Tito 3:1; na1 Petro 2:12-14.