Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 29

Mapati Ose Anofadza Mwari Here?

Mapati Ose Anofadza Mwari Here?

Nei Mwari akafadzwa nomutambo uyu?

UNOFARIRA kuenda kumapati here?— Anogona kunakidza chaizvo. Unofunga kuti Mudzidzisi Mukuru angada kuti tiende kumapati here?— Iye akaenda kune yatingati pati inoitwa kana munhu aroora, uye vamwe vadzidzi vake vakaendawo naye. Jehovha ndi“Mwari anofara,” saka zvinomufadza patinonakidzwa pamapati akanaka.—1 Timoti 1:11; Johani 2:1-11.

Peji 29 yebhuku rino inotiudza kuti Jehovha akavhura nzira nomuGungwa Dzvuku kuti vaIsraeri vayambuke. Unoyeuka uchiverenga izvozvo here?— Pashure paizvozvo, vanhu vakaimba nokutamba vakaonga Jehovha. Yakanga yakaita sepati. Vanhu vakafara zvikuru, uye tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari akafarawo.—Eksodho 15:1, 20, 21.

Pashure pemakore anoda kusvika 40, vaIsraeri vakaenda kune imwe pati huru. Panguva ino vanhu vakavakoka vakanga vasingatombonamati Jehovha. Chokwadi, vanhu vakavakoka vaitopfugama vachinamata vamwe vanamwari uye vairara nevanhu vavakanga vasina kuroorana navo. Unofunga kuti zvakanga zvakanaka kuenda kupati yakadaro here?— Zvino Jehovha haana kufara nazvo, uye akaranga vaIsraeri vacho.—Numeri 25:1-9; 1 VaKorinde 10:8.

Bhaibheri rinotaurawo nezvemapati maviri omusi wokuzvarwa. Imwe yacho yakanga iri yokupemberera musi wokuzvarwa kwoMudzidzisi Mukuru here?— Aiwa. Mapati omusi wokuzvarwa aya ose ari maviri akanga ari evarume vakanga vasinganamati Jehovha. Imwe yacho yakanga iri pati yomusi wokuzvarwa kwaMambo Herodhi Andipasi. Akanga ari mutongi woruwa rweGarireya apo Jesu aigara imomo.

Mambo Herodhi akaita zvinhu zvakaipa zvakawanda. Akatora mudzimai womunin’ina wake. Mudzimai wacho ainzi Herodhiyasi. Mushumiri waMwari Johani Mubhabhatidzi akaudza Herodhi kuti zvakanga zvisina kunaka kuti aite kudaro. Herodhi haana kuzvifarira. Saka akaita kuti Johani aiswe mujeri.—Ruka 3:19, 20.

Johani paakanga ari mujeri, zuva rokupemberera kuzvarwa kwaHerodhi rakasvika. Herodhi akaita mutambo mukuru. Akakoka vanhu vazhinji vanoremekedzwa. Vose vakadya vakanwa vakafara. Zvino mwanasikana waHerodhiyasi akauya akavatambira. Munhu wose akafara kwazvo nokutamba kwake zvokuti Mambo Herodhi akanga achida kumupa chipo chinokosha. Akati kwaari: “Chose chaunondikumbira, ndichakupa, kusvikira kuhafu youmambo hwangu.”

Aizokumbirei? Yaizova mari here? mbatya dzakanaka here? musha wakaita sowamambo here? Musikana wacho akashaya zvokutaura. Saka akaenda kuna amai vake, Herodhiyasi, ndokuti: “Ndokumbirei?”

Zvino Herodhiyasi aivenga Johani Mubhabhatidzi zvikuru kwazvo. Saka akaudza mwanasikana wake kuti akumbire musoro waJohani. Musikana wacho akadzokera kuna Mambo akati: “Ndinoda kuti mundipe iye zvino mundiro huru musoro waJohani Mubhabhatidzi.”

Mambo Herodhi akanga asingadi kuuraya Johani nokuti aiziva kuti Johani akanga ari munhu akanaka. Zvino Herodhi akanga avimbisa, uye aitya izvo vamwe vaiva papati yacho vaizofunga kudai aichinja zvaakanga ataura. Saka akatumira mumwe murume kujeri kunogura musoro waJohani. Murume wacho akadzoka nokukurumidza. Akanga aine musoro waJohani mundiro, uye akaupa kumusikana uya. Musikana uya akabva apa amai vake.—Mako 6:17-29.

Imwe pati yomusi wokuzvarwa iyo Bhaibheri rinotaura nezvayo yakanga yakaipawo. Yakanga iri yamambo weIjipiti. Paiitwawo pati iyi, mambo wacho akadimburisa musoro womumwe munhu. Pashure paizvozvo, akaturika murume wacho kuti adyiwe neshiri! (Genesisi 40:19-22) Unofunga kuti Mwari akafara nepati mbiri idzodzo here?— Waizodai wakafarira kuvapo here?—

Chii chakaitika papati yemusi wekuzvarwa kwaHerodhi?

Tinoziva kuti zvinhu zvose zviri muBhaibheri zvirimo nokuda kwechikonzero. Rinotaura nezvemapati omusi wokuzvarwa maviri chete. Uye pane ose ari maviri, zvinhu zvakaipa zvakaitwa pakupemberera kwacho. Saka, ungati chii icho Mwari ari kutiudza pamusoro pemapati omusi wokuzvarwa? Mwari anoda kuti tipemberere misi yokuzvarwa here?—

Ichokwadi kuti pamapati akadaro nhasi, vanhu havadimburi musoro womumwe munhu. Asi pfungwa yacho yokupemberera musi wokuzvarwa yakatanga nevanhu vakanga vasinganamati Mwari wechokwadi. The Catholic Encyclopedia inoti nezvokupemberera zuva rokuzvarwa kunotaurwa muBhaibheri: “Vatadzi bedzi . . . vanopemberera zvikuru zuva ravakazvarwa.” Tinoda kufanana navo here?—

Zvakadini noMudzidzisi Mukuru? Akapemberera zuva rake rokuzvarwa here?— Aiwa, Bhaibheri harimbotauri nezvepati yomusi wokuzvarwa kwaJesu. Chokwadi vateveri vaJesu vokutanga havana kupemberera zuva rake rokuzvarwa. Unoziva here kuti nei vanhu vakazosarudza kupemberera zuva raJesu rokuzvarwa pana December 25?—

Musi iwoyo wakasarudzwa nokuti sezvinotaura World Book Encyclopedia kuti: “vanhu veRoma vakanga vagara vachitouchengeta soMutambo waSaturn, vachipemberera kuzvarwa kwezuva.” Saka vanhu vakasarudza kupemberera musi wokuzvarwa kwaJesu pamusi apo vahedheni vakanga vagara vachitova nezororo!

Unoziva here kuti nei Jesu asingagoni kuve akazvarwa muna December?— Nokuti Bhaibheri rinotaura kuti pakazvarwa Jesu, vafudzi vakanga vachiri kumafuro usiku. (Ruka 2:8-12) Uye vaisazova vari kunze ikoko kuchitonhora, mwedzi unonaya waDecember.

Nei Jesu asingagoni kuve akazvarwa musi wa25 December?

Vanhu vazhinji vanozviziva kuti Krisimasi harisi zuva rokuzvarwa kwaJesu. Vanotoziva kuti pazuva iroro vahedheni vaiva nokumwe kupemberera kwakanga kusingafadzi Mwari. Asi vazhinji vanongopemberera Krisimasi zvakadaro. Vanonyanya kufarira kuita pati kupfuura kutsvaka kuti Mwari anofungei chaizvo nezvazvo. Asi isu tinoda kufadza Jehovha, handiti?—

Saka patinoita mapati, tinoda kuva nechokwadi chokuti akanaka mukuona kwaJehovha. Tinogona kuaita chero nguva mukati megore. Hatifaniri kumirira zuva chairo. Tinogona kudya zvokudya zvakanaka tonakidzwa nokutamba mitambo. Ungada kuita izvozvo here?— Zvimwe unogona kutaura nevabereki vako vokubatsira kuronga mutambo. Izvozvo zvaizova zvakanaka, handiti?— Asi usati waronga kuita pati, unofanira kuva nechokwadi chokuti mutambo wacho unotenderwa naMwari.

Tingava sei nechokwadi chekuti mapati edu anofadza Mwari?

Kukosha kwokugaroita zvinotenderwa naMwari kunoratidzwawo pana Zvirevo 12:2; Johani 8:29; VaRoma 12:2; na1 Johani 3:22.