Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 31

Kwokuwana Nyaradzo

Kwokuwana Nyaradzo

UNOMBONZWA kusuruvara uye kusurukirwa here?— Unombofunga kuti hapana anokuda here?— Vamwe vana vanodaro. Asi Mwari anopikira kuti: “Ini handingakukanganwi.” (Isaya 49:15) Izvozvo hazvifadzi kufunga nezvazvo here?— Jehovha Mwari anotida zvechokwadi!

Unofunga kuti gwai iri rarasika riri kunzwa sei?

Mumwe munyori weBhaibheri akati: “Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Kuziva izvozvo kunogona kutinyaradza zvechokwadi, handiti?— Hungu, Jehovha anotiudza kuti: “Usatya nokuti ndinewe. . . . Ndichakubatsira; zvirokwazvo.”Isaya 41:10.

Zvisinei, dzimwe nguva Jehovha anobvumira Satani kutitambudza. Jehovha anotobvumira Satani kuedza vashumiri Vake. Dhiyabhorosi akambotambudza Jesu zvokuti Jesu akachema kuna Jehovha achiti: ‘Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?’ (Mateu 27:46) Kunyange zvazvo Jesu akanga ari kutambura, akanga achiri kuziva kuti Jehovha aimuda. (Johani 10:17) Asi Jesu aiziva kuti Mwari anobvumira Satani kuedza vashumiri vake uye anobvumira Satani kuvatambudza. Mune chimwe chitsauko tichatsanangura kuti nei Mwari achibvumira Satani kuita izvi.

Kana tichiri vaduku zvakaoma kuti tisatya pane dzimwe nguva. Somuenzaniso, wakamborasika here?— Wakatya here?— Vana vazhinji vangatya. Mudzidzisi Mukuru akambotaura imwe nyaya pamusoro pokurasika. Asi akanga asiri mwana akanga arasika. Raiva gwai.

Mune dzimwe nzira wakafanana negwai. Zvakadaro sei? Makwai haasi makuru zvakanyanya uyewo haana kusimba. Uye anoda mumwe munhu wokuatarisira nokuadzivirira. Munhu anotarisira makwai anonzi mufudzi.

Munyaya yake Jesu akataura nezvomufudzi aiva nemakwai zana. Asi zvino rimwe gwai rakarasika. Ringadaro raida kuona kuti seri kwechikomo kwaiva nei. Asi nenguva pfupi, gwai iroro rakanga rava kure nemamwe. Ungafungidzira here kuti gwai iroro rakanzwa sei parakatarisa-tarisa ndokuona kuti rakanga rava roga?—

Mufudzi aizoita sei paaiona kuti rimwe gwai rainge risisipo? Aizoti here imhosva yaro gwai racho obva asiya zvakadaro? Kana kuti aizosiya makwai 99 panzvimbo yakachengeteka oenda kunotsvaka rimwe iroro? Gwai rimwe ringave nebasa zvokuti munhu angazvinetsa kudaro here?— Dai iwe waiva gwai iroro rarasika, waizoda kuti mufudzi akutsvake here?—

Ndiani akafanana nemufudzi anunura gwai rake?

Mufudzi aida makwai ake ose zvikuru kunyange rakanga rarasika iroro. Saka akaenda kunoritsvaka. Funga kuti gwai rakanga rarasika iroro rakafara sei parakaona mufudzi achiuya! Uye Jesu akati mufudzi akafara kuti akanga awana gwai rake. Akarifarira kupfuura makwai 99 akanga asina kurasika. Zvino ndiani akafanana nomufudzi iyeye womunyaya yaJesu? Ndiani anotitarisira sezvaiita mufudzi iyeye makwai ake?— Jesu akati Baba vake vari kudenga vanoita kudaro. Uye Baba vake ndiJehovha.

Jehovha Mwari Mufudzi Mukuru wevanhu vake. Anoda vose vanomushumira, kusanganisira vaduku sewe. Haadi kuti chero mumwe wedu akuvadzwe kana kuparadzwa. Chokwadi zvinofadza kwazvo kuziva kuti Mwari anotitarisira zvakadaro!—Mateu 18:12-14.

Jehovha munhu chaiye kwauri sezvakaita baba vako kana kuti mumwewo munhu here?

Unodavira muna Jehovha Mwari zvechikwadi here?— Munhu chaiye kwauri here?— Ichokwadi kuti hatigoni kuona Jehovha. Zvakadaro nokuti Mudzimu. Ane muviri usingaoneki ne- maziso edu. Asi munhu chaiye, uye anogona kutiona. Anoziva apo tinoda kubatsirwa. Uye tinogona kutaura naye mumunyengetero sokutaura kwatinoita nomumwe munhu ari pasi pano. Jehovha anoda kuti tiite izvi.

Naizvozvo kana uchimbonzwa kusuruvara kana kuti kusurukirwa, unofanira kuitei?— Taura naJehovha. Swedera pedyo naye, uye achakunyaradza nokukubatsira. Yeuka kuti Jehovha anokuda, kunyange paunenge uchinzwa sokuti uri woga. Ngatitore Bhaibheri redu. Pano pana Pisarema 23, tinoudzwa kutangira ndima 1 kuti: “Jehovha ndiye mufudzi wangu; hapana chandingashayiwa. Unondivatisa pasi pamafuro manyoro; unondisesedza pamvura inozorodza.”

Cherechedza izvo munyori wacho anowedzera mundima 4, kuti: “Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, handingatongotyi zvakaipa; nokuti muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.” Iwayo ndiwo manzwiro anoita vanhu kana Mwari wavo ari Jehovha. Vanowana nyaradzo pavanenge vari mumatambudziko. Iwayo ndiwo manzwiro aunoita here?—

Kufanana nomufudzi ane rudo anotarisira boka rake, Jehovha, anotarisirawo vanhu vake zvakanaka. Anovaratidza nzira yakarurama yokuenda nayo, uye vanomutevera nomufaro. Kunyange pavanenge vakakomberedzwa nezvinetso, havafaniri zvavo kutya. Mufudzi anoshandisa tsvimbo yake kudzivirira makwai pamhuka dzingaakuvadza. Bhaibheri rinotaura kuti Dhavhidhi somufudzi muduku akadzivirira sei makwai ake pashumba nebheya. (1 Samueri 17:34-36) Uye vanhu vaMwari vanoziva kuti Jehovha achavadzivirirawo. Vanogona kunzwa vakachengeteka nokuti Mwari anavo.

Semufudzi ari kuchengeta makwai ake, ndiani anogona kutibatsira kana tava muchinetso?

Jehovha anoda makwai ake zvechokwadi, uye anoatarisira nounyoro. Bhaibheri rinoti: ‘Somufudzi achatungamirira makwai ake. Nemaoko ake achaunganidza makwayana.’—Isaya 40:11.

Hazvikuiti kuti unzwe zvakanaka here kuziva kuti ndizvo zvakaita Jehovha?— Unoda kuva rimwe remakwai ake here?— Makwai anoteerera inzwi romufudzi wawo. Anogara ari pedyo naye. Unoteerera Jehovha here?— Unogara uri pedyo naye here?— Kana zvakadaro haumbofaniri kutya. Jehovha achava newe.

Jehovha norudo anotarisira vanomushumira. Ngativerenge pamwe chete zvinotaura Bhaibheri pamusoro peizvi, pana Pisarema 37:25; 55:22; naRuka 12:29-31.