Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 36

Ndivanaani Vachamutswa? Vachagara Kupi?

Ndivanaani Vachamutswa? Vachagara Kupi?

MUZVITSAUKO zviviri zvapfuura, vanhu vangani vataverenga nezvavo vakamutswa?— Vaiva vashanu. Vangani vaiva vana?— Vatatu. Uye wechina anonzi murume muduku. Unofunga izvi zvinoratidzei?—

Zvinoratidza kuti Mwari anoda vechiduku. Asi achamutsawo vamwe vakawanda. Mwari achamutsa vakaita zvakanaka chete here?— Tingafunga kudaro. Asi vanhu vazhinji havana kumbodzidza chokwadi nezvaJehovha Mwari noMwanakomana wake. Saka vakaita zvakaipa nokuti vakadzidziswa zvinhu zvisina kururama. Unofunga Mwari achamutsa vanhu vakadaro here?—

Bhaibheri rinoti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Avo vakanga vasina kururama, kana kuti vasina kuita zvakarurama vachamutsirwei?— Nokuti havana kumbowana mukana wokudzidza nezvaJehovha nezvaanoda kuti vanhu vaite.

Nei Mwari achamutsa vamwe vasina kuita zvakanaka?

Unofunga kuti vanhu vachamutswa rini?— Funga kuti pakafa Razaro Jesu akapikira hanzvadzi yake Marita kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Marita akapindura kuti: “Ndinoziva kuti achamuka pakumuka pazuva rokupedzisira.” (Johani 11:23, 24) Marita airevei paakati Razaro aizomuka “pazuva rokupedzisira”?—

Paradhiso yakataurwa naJesu achiudza mumwe murume, iri kupi?

Marita akanga anzwa nezvechipikirwa chaJesu chokuti: ‘Vose vari mumakuva okurangaridza vachabuda.’ (Johani 5:28, 29) Naizvozvo “zuva rokupedzisira” nderiya apo vose vari mundangariro dzaMwari vachadzoswa kuupenyu. Zuva iri harisi zuva remaawa 24. Richange rakareba makore ane chiuru. Pazuva iri, Bhaibheri rinoti, ‘Mwari achatonga vanhu vari panyika.’ Vanhu vaanotonga vachasanganisira vaya vanenge vamutswa.—Mabasa 17:31; 2 Petro 3:8.

Funga kuti iri richava zuva rinofadza sei! Mukati mezuva rakareba makore ane chiuru iri, mamiriyoni mazhinji evanhu vakafa achadzorerwa kuupenyu. Jesu anoti nzvimbo yavanodzorerwa kuti vazogara inonzi Paradhiso. Ngatione kuti Paradhiso ichava kupi uye kuti ichava yakaita sei.

Anenge maawa matatu Jesu asati afa padanda rokutambudzira, anotaura nezveParadhiso kumurume ari padanda riri pedyo naye. Murume wacho ari kuurayirwa mhosva dzaakapara. Asi sezvo tsotsi rinotarira Jesu nokunzwa zvinotaurwa pamusoro pake rino- tanga kutenda muna Jesu. Saka tsotsi racho rinoti: “Mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” Zvino anopindura achiti: “Zvechokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:42, 43.

Patinoverenga nezveParadhiso, chii chatinofanira kuona mupfungwa dzedu?

Jesu anorevei paanotaura izvi? Paradhiso iri kupi?— Funga nezvazvo. Paradhiso yaimbova kupi pakutanga?— Yeuka, Mwari akapa murume wokutanga, Adhamu, nomudzimai wake paradhiso yokuti vagare pasi pano chaipo. Yainzi bindu reEdheni. Mubindu iroro maiva nemhuka asi dzakanga dzisingakuvadzi munhu. Uye maiva nemiti yemichero inonaka yakawanda, uyewo rwizi rukuru. Yakanga iri nzvimbo inofadza kwazvo kugara!—Genesisi 2:8-10.

Saka patinoverenga nezvetsotsi iroro riri muParadhiso, tinofanira kuona mupfungwa dzedu pasi pano paitwa nzvimbo yakanaka kwazvo yokugara. Jesu achava pasi pano chaipo neraichimbova tsotsi racho here?— Aiwa. Unoziva here kuti nei achave asipo pano?—

Nokuti Jesu achave ari mudenga achitonga saMambo muParadhiso pasi pano. Saka Jesu achava nomurume iyeye mupfungwa yokuti Jesu achamumutsa kubva kuvakafa otarisira zvinodiwa zvake. Asi nei Jesu achabvumira munhu aichimbova tsotsi kugara muParadhiso?— Ngationei kana tingazviziva.

Tsotsi racho risati rataura naJesu, raiziva here nezvezvinangwa zvaMwari?— Aiwa, rakanga risingazivi. Rakaita zvinhu zvakaipa nokuti rakanga risingazivi chokwadi pamusoro paMwari. MuParadhiso richadzidziswa nezvezvinangwa zvaMwari. Ipapo richava nomukana wokuratidza kuti rinoda Mwari zvechokwadi nokuita kuda Kwake.

Munhu wose achamutswa achagara muParadhiso pasi pano here?— Aiwa, havasi vose vachagaramo. Unoziva kuti nei here?— Nokuti vamwe vachamutswa kuti vazorarama naJesu mudenga. Vachatonga naye semadzimambo muParadhiso pasi pano. Ngatione kuti izvi tinozviziva sei.

Usiku hwokupedzisira Jesu asati afa, anoudza vaapostora vake kuti: ‘Mumba maBaba vangu mudenga, mune nzvimbo zhinji dzokugara, uye ndiri kuenda kunokugadzirirai nzvimbo.’ Ipapo Jesu anovapikira kuti: “Ndiri kudzokazve uye ndichakugamuchirai kumba kwandiri, kuti pandiri imi muvepowo.”—Johani 14:2, 3.

Jesu anoendepi pashure pokunge amutswa?— Hungu, kudenga kuna Baba vake. (Johani 17:4, 5) Saka Jesu anopikira vaapostora vake nevamwe vateveri vake kuti achavamutsa kuti vagova naye kudenga. Vachanoitei ikoko naJesu?— Bhaibheri rinotaura kuti vadzidzi vake vachamuka mu“kumuka kwokutanga” vachanogara mudenga uye vachatonga nyika “naye samadzimambo kwemakore ane chiuru.”—Zvakazarurwa 5:10; 20:6; 2 Timoti 2:12.

Vangani vachamuka pa“kumuka kwokutanga” vozotonga naJesu semadzimambo?— Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Musatya, imi boka duku, nokuti Baba venyu vakatendera kukupai umambo.” (Ruka 12:32) “Boka duku” iri, rinomutswa kuti rigova naJesu muUmambo hwake hwokudenga, inhamba yakakwana. Bhaibheri rinoratidza kuti “vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina” vachamutswa vachibva pasi.—Zvakazarurwa 14:1, 3.

Vachamutswa vachagarepi, uye vachaitei?

Vangani vachagara muParadhiso pasi pano?— Bhaibheri haritauri. Asi Mwari akanga audza Adhamu naEvha pavakanga vari mubindu reEdheni kuti vave nevana uye vazadze nyika. Chokwadi vakakundikana kuita kudaro. Asi Mwari achave nechokwadi chokuti chinangwa chake chaitwa chokuti pasi rizadzwe nevanhu vakanaka.—Genesisi 1:28; Isaya 45:18; 55:11.

Imbofunga kuti zvichave zvichifadza sei kurarama muParadhiso! Nyika yose ichafanana nepaki. Ichave yakazara shiri nemhuka uye yakanakiswa nemiti nemaruva zvemarudzi ose. Hapana acharwadziwa nokuti anorwara, uye hapana achazofa. Munhu wose achava shamwari yevanhu vose. Kana tichida kurarama nokusingaperi muParadhiso, ino ndiyo nguva yokuigadzirira.

Verenga zvimwe pamusoro pechinangwa chaMwari nokuda kwepasi pana Zvirevo 2:21, 22; Muparidzi 1:4; Isaya 2:4; 11:6-9; 35:5, 6; naIsaya 65:21-24.