Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 37

Kuyeuka Jehovha Nomwanakomana Wake

Kuyeuka Jehovha Nomwanakomana Wake

KUDAI mumwe munhu aizokupa chipo chakanaka kwazvo, waizonzwa sei?— Waizongoti mazvita wokanganwa munhu akupa chipo chacho here? Kana kuti waizomuyeuka pamwe chete nezvaakakuitira?—

Jehovha Mwari akatipa chipo chinoshamisa. Akatumira Mwanakomana wake pasi pano kuzotifira. Unoziva here kuti nei Jesu akatifira?— Ichi ndechimwe chinhu chinokosha zvikuru chatinofanira kunzwisisa.

Sezvatakadzidza muChitsauko 23, Adhamu akatadza paasina kuteerera mutemo waMwari wakakwana. Uye takagamuchira chivi kubva kuna Adhamu, baba vedu tose. Saka unofunga tinodei?— Nenzira yokufananidzira, tinoda vamwe baba vatsva, avo vakararama upenyu hwakakwana pasi pano. Unofunga ndiani anogona kuva baba ivavo?— NdiJesu.

Jehovha akatumira Jesu pasi pano kuitira kuti agoita sababa kwatiri panzvimbo paAdhamu. Bhaibheri rinoti: “‘Munhu wokutanga Adhamu akava mweya mupenyu.’ Adhamu wokupedzisira akava mudzimu unopa upenyu.” Ndiani akanga ari Adhamu wokutanga?— Ndiye uyo Mwari akasika neguruva repasi. Adhamu wechipiri ndiani?— NdiJesu. Bhaibheri rinoratidza izvi parinoti: “Munhu wokutanga [Adhamu] akabva pasi uye akaitwa neguruva; munhu wechipiri [Jesu] akabva kudenga.”—1 VaKorinde 15:45, 47; Genesisi 2:7.

Sezvo Mwari akatora upenyu hwaJesu kubva kudenga ndokuhuisa mumukadzi ainzi Mariya, Jesu haana kumbotora chivi kubva kuna Adhamu. Ndicho chikonzero nei Jesu akanga ari munhu akakwana. (Ruka 1:30-35) Ndichowo chikonzero nei pakaberekwa Jesu ngirozi yakati kuvafudzi: “Nhasi maberekerwa Muponesi.” (Ruka 2:11) Asi kuti ave Muponesi wedu, Jesu paakanga achiri rusvava aifanira kutanga kuitei?— Aifanira kukura ova murume akura zvakakwana, kungofanana naAdhamu. Ipapo Jesu aigona kuva ‘Adhamu wechipiri.’

Jesu, Muponesi wedu, achavawo ‘Baba vedu vokusingaperi.’ Anodanwa kudaro muBhaibheri. (Isaya 9:6, 7) Jesu akakwana anogona kuva baba vedu panzvimbo paAdhamu, uyo akava asina kukwana paakatadza. Nenzira iyoyo tinogona kusarudza ‘Adhamu wechipiri’ kuva sababa vedu. Chokwadi Jesu pachake Mwanakomana waJehovha Mwari.

Adhamu naJesu vakanga vakafanana pakudii, uye nei zvakanga zvakakosha kwazvo kuti vaive vakadaro?

Nokusvika pakuziva nezvaJesu, tinogona kumugamuchira soMuponesi wedu. Unoyeuka chatinoda kuponeswa pachiri here?— Hungu, kubva muchivi norufu zvatakagara nhaka kuna Adhamu. Upenyu hwakakwana somunhu akura zvakakwana uhwo Jesu akapa sechibayiro, kana kuti akapa nokuda kwedu hunonzi rudzikinuro. Jehovha akagovera rudzikinuro kuitira kuti tigone kubvisirwa zvivi zvedu.—Mateu 20:28; VaRoma 5:8; 6:23.

Chokwadi hatidi kukanganwa izvo Mwari noMwanakomana wake vakatiitira, handiti?— Jesu akaratidza vateveri vake nzira chaiyo inogona kutibatsira kuyeuka zvaakaita. Ngatitaure nezvayo.

Imbofungidzira uri mukamuri repamusoro reimba iri muJerusarema. Hwava usiku. Jesu nevaapostora vake vari patafura. Patafura pane gwayana rakagochwa, chingwa chisina mbiriso, uye waini tsvuku. Vari kudya zvokudya zvinokosha. Unoziva kuti nei here?—

Kudya uku kunofanira kuvayeuchidza pamusoro peizvo Jehovha akaita mazana emakore akapfuura apo vanhu vake, vaIsraeri, vakanga vari varanda muIjipiti. Panguva iyoyo Jehovha akaudza vanhu vake kuti: ‘Urayai gwayana nokuda kwemhuri imwe neimwe, moisa ropa raro pamadhofuremu edzimba dzenyu.’ Ipapo akati: ‘Pindai mudzimba dzenyu, modya gwayana.’

Ropa regwayana rakadzivirira sei vaIsraeri?

VaIsraeri vakaita saizvozvo. Uye usiku ihwohwo, ngirozi yaMwari yakapfuura nomunyika yeIjipiti. Mudzimba zhinji, ngirozi yakauraya dangwe remo. Asi apo ngirozi yaiona ropa regwayana padhofuremu, yaipfuura imba iyoyo. Mudzimba idzodzo hapana vana vakafa. Farao, mambo weIjipiti, akatyiswa neizvo ngirozi yaJehovha yakanga yaita. Saka Farao akaudza vaIsraeri kuti: ‘Makasununguka kuenda. Budai muIjipiti!’ Zvadaro vakakwidza zvinhu pangamera dzavo nembongoro ndokuenda.

Jehovha akanga asingadi kuti vanhu vake vakanganwe nzira yaakavasunungura nayo. Saka akati: ‘Kamwe pagore munofanira kudya zvokudya zvakaita sezvamadya manheru anhasi.’ Vaidana kudya kunokosha uku kuti Paseka. Unoziva here kuti nei?— Nokuti usiku ihwohwo ngirozi yaMwari yaka“darika” dzimba dzakanga dzakaiswa ropa.—Eksodho 12:1-13, 24-27, 31.

Jesu nevaapostora vake vari kufunga pamusoro peizvi pavanodya kudya kwePaseka. Pashure pacho, Jesu anoita chimwe chinhu chinokosha zvikuru. Zvisinei asati adaro, anobudisa panze muapostora asina kutendeka Judhasi. Zvino Jesu anotora chimwe chechingwa chasara ochinyengeterera, ochimedura ochipfuudza kuvadzidzi vake. Anoti, “torai mudye.” Zvino anovaudza kuti: ‘Chingwa ichi chinomiririra muviri wangu uyo ndichapa pandichakufirai.’

Pashure paizvozvo Jesu anotora kapu yewaini tsvuku. Pashure pomumwe munyengetero wokuonga, anoipfuudza achiti: ‘Nwirai mose mairi.’ Uye anovaudza kuti: ‘Waini iyi inomiririra ropa rangu. Nokukurumidza ndichadurura ropa rangu kuti ndikusunungurei pazvivi zvenyu. Rambai muchiita izvi kuti mundirangarire.’—Mateu 26:26-28; 1 VaKorinde 11:23-26.

Ropa raJesu raakafananidza newaini rinogona kutiitirei?

Wacherechedza here kuti Jesu akati vadzidzi vaifanira kuramba vachiita izvi kuti vamurangarire?— Vaisazodyazve Paseka. Pane kudaro, kamwe gore roga roga vaizodya kudya kunokosha uku vachiyeuka Jesu norufu rwake. Kudya uku kunonzi Kudya kwaShe Kwemanheru. Nhasi kazhinji tinoti Chirangaridzo. Nei?— Nokuti chinotiyeuchidza izvo Jesu naBaba vake, Jehovha Mwari vakatiitira.

Chingwa chacho chinofanira kutiita kuti tifunge nezvomuviri waJesu. Aida kupa muviri iwoyo kuti tigone kuwana upenyu husingaperi. Uye zvakadini newaini tsvuku?— Iyo inofanira kutiyeuchidza nezvokukosha kweropa raJesu. Rinokosha kupfuura ropa regwayana rePaseka muIjipiti. Unoziva here kuti nei?— Bhaibheri rinoti ropa raJesu rinogona kutiunzira kukanganwirwa kwezvivi. Uye apo zvivi zvedu zvose zvinobviswa hatizorwari, hatizochemberi uye hatizofi. Tinofanira kufunga izvozvo patinopinda Chirangaridzo.

Munhu wose anofanira kudya chingwa nokunwa waini paChirangaridzo here?— Jesu akataurira vanodya nokunwa kuti: ‘Muchava muumambo hwangu mogara pazvigaro zvoumambo kudenga neni.’ (Ruka 22:19, 20, 30) Izvi zvaireva kuti vaizoenda kudenga kuti vanova madzimambo naJesu. Naizvozvo avo bedzi vane tariro yokutonga naJesu kudenga vanofanira kudya chingwa nokunwa waini.

Asi kunyange vaya vasingadyi chingwa kana kunwa waini vanofanira kupinda Chirangaridzo. Unoziva kuti nei here?— Nokuti Jesu akapa upenyu hwake nokuda kweduwo. Nokuenda kuChirangaridzo, tinoratidza kuti hatina kukanganwa. Tinorangarira chipo chinoshamisa chaMwari.

Magwaro anoratidza kukosha kworudzikinuro anosanganisira 1 VaKorinde 5:7; VaEfeso 1:7; 1 Timoti 2:5, 6; na1 Petro 1:18, 19.