Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 38

Chikonzero Nei Tichifanira Kuda Jesu

Chikonzero Nei Tichifanira Kuda Jesu

FUNGIDZIRA uri muigwa riri kunyura. Waizoda kuti mumwe munhu akuponese here?— Zvakadini kana mumwe aizorasikirwa noupenyu hwake kuti adaro?— Zvino izvozvo ndizvo zvakaitwa naJesu Kristu. Sezvatakadzidza muChitsauko 37, akapa upenyu hwake sorudzikinuro kuti tiponeswe.

Ichokwadi kuti Jesu haatinunuri kuti tisanyura. Anotinunura pachii? Unoyeuka here?— Kubva muchivi norufu izvo tose takawana kubva kuna Adhamu. Kunyange zvazvo vamwe vanhu vakaita zvinhu zvakaipa zvikuru, Jesu akavafirawo. Ungaisa upenyu hwako mungozi uchiedza kuponesa vanhu vakadaro here?—

Bhaibheri rinoti: “Nokuti zvakaoma zvikuru kuti mumwe munhu afire munhu akarurama; zvichida, mumwe munhu angatotsunga kufira munhu akanaka.” Asi Bhaibheri rinotsanangura kuti Jesu “akafira vanhu vasingadi Mwari.” Izvi zvinosanganisira vanhu vasingatomboshumiri Mwari! Bhaibheri rinoenderera mberi richiti: “Patakanga tichiri vanhu vanoita zvivi [tichiri kuita zvinhu zvakaipa], Kristu akatifira.”—VaRoma 5:6-8.

Pane akanga amboita zvinhu zvakaipa zvikuru akazova muapostora waungafunga nezvake here?— Muapostora iyeye akanyora kuti: ‘Kristu Jesu akauya munyika kuzoponesa vanhu vanoita zvivi uye ini ndiri mukuru wavo vose.’ Muapostora akataura izvozvo aiva Pauro. Akataura kuti ‘aimbova benzi’ uye achiita “zvakaipa.”—1 Timoti 1:15; Tito 3:3.

Imbofunga kuti Mwari aiva norudo rwakadini kutumira Mwanakomana wake kuti afire vanhu vakadaro! Wadii kutora Bhaibheri rako woverenga pana Johani Chitsauko 3, ndima 16. Ipapo panoti: “Mwari akada nyika [kureva vanhu vanogara panyika] zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”

Jesu akatambura sei paakapa upenyu hwake nokuda kwedu?

Jesu akaratidza kuti aitidawo sezvaiita Baba vake. Ungave uchiyeuka kuti muChitsauko 30 chebhuku rino, takaverenga pamusoro pokutambura kwakaita Jesu usiku hwaakasungwa. Akaendeswa kumba kwoMupristi Mukuru Kayafasi, uko akanotongwa. Zvapupu zvenhema zvakaunzwa izvo zvakareva nhema pamusoro paJesu, uye vanhu vacho vakamurova nezvibhakera. Apa ndipo apo Petro akaramba kuti aiziva Jesu. Zvino ngatifungidzire kuti tiripo uye tinogona kuona zvimwe zvinoitika.

Ava mangwanani. Jesu ave akasvinura usiku hwose. Nokuti kutonga kwakaitwa usiku kwakanga kusina kunyatsoitwa kwazvo, vapristi vanounganidza Sanihedrini, dare repamusoro rechiJudha nokukurumidza, uye vanomutonga zvakare. Panguva ino vanopomera zvakare Jesu kuti ane mhosva kuna Mwari.

Zvadaro, vapristi vanoita kuti Jesu asungwe voenda naye kuna Pirato, gavhuna weRoma. Vanoudza Pirato kuti: ‘Jesu anorwisa hurumende. Anofanira kuurayiwa.’ Asi Pirato anozviona kuti vapristi vari kunyepa. Saka Pirato anovaudza kuti: ‘Hapana chakaipa chandinoona nomurume uyu. Ndichamurega aende.’ Asi vapristi nevamwe vanodanidzira vachiti: ‘Aiwa! Muurayei!’

Gare gare, Pirato anoedza zvekare kuudza vanhu kuti aizorega Jesu kuti aende hake. Asi vapristi vanoita kuti mhomho yevanhu idanidzire kuti: ‘Kana mukamurega achienda, nemiwo muri kurwisa hurumende! Muurayei!’ Mhomho yacho inoita ruzha zvikuru. Unoziva zvinoita Pirato here?—

Anoguma abvuma. Chokutanga anoita kuti Jesu arohwe netyava. Zvadaro anomudzorera kuvarwi kuti aurayiwe. Vanoisa korona yeminzwa mumusoro waJesu uye vanomuseka vachipfugama pamberi pake. Zvadaro vanopa Jesu danda guru rokuti atakure, vobva vaenda naye kunze kweguta panzvimbo inonzi Nzvimbo yeDehenya. Ipapo vanorovera maoko aJesu netsoka padanda. Zvadaro vanorimisa zvokuti Jesu anorembera aripo. Ari kubuda ropa. Ari kurwadziwa zvikuru.

Jesu haafi pakarepo. Anongorembera aripo padanda racho. Vapristi vakuru vanomuseka. Uye vanopfuura vanoti: “Kana uri mwanakomana waMwari, buruka padanda rokutambudzikira!” Asi Jesu anoziva zvaakatumwa kuzoita naBaba vake. Anoziva kuti anofanira kupa upenyu hwake hwakakwana kuitira kuti tive nomukana wokuwana upenyu husingaperi. Pakupedzisira, kuma3 masikati iwayo, Jesu anoshevedzera kuna Baba vake obva afa.—Mateu 26:36–27:50; Mako 15:1; Ruka 22:39–23:46; Johani 18:1–19:30.

Jesu akanga akasiyana kwazvo naAdhamu! Adhamu haana kuratidza kuda Mwari. Haana kuteerera Mwari. Adhamu haanawo kuratidza kutida. Nokuti akatadza, tose takaberekerwa muchivi. Asi Jesu akaratidza kuda Mwari nesu. Aiteerera Mwari nguva dzose. Uye akapa upenyu kuitira kuti agone kubvisa nhamo iyo Adhamu akatiparira.

Chii chatingaita kuratidza kuti tinoda Jesu?

Unoonga here chinhu chinoshamisa icho Jesu akaita?— Paunonyengetera kuna Mwari, unomutenda here nokuda kwokutipa Mwanakomana wake?— Muapostora Pauro aionga izvo Kristu akamuitira. Pauro akanyora kuti Mwanakomana waMwari “akandida akazvipa nokuda kwangu.” (VaGaratiya 2:20) Jesu akafirawo ini newe. Akapa upenyu hwake hwakakwana kuitira kuti tigone kuva noupenyu husingaperi! Chokwadi ichocho chikonzero chakasimba nei tichifanira kuda Jesu.

Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaiva muguta reKorinde kuti: “Rudo rwaKristu runotiita kuti tiite chiito.” Rudo rwaKristu runofanira kutiita kuti tiite chiito chorudzii? Unofungei?— Cherechedza mhinduro yaPauro: “Kristu akafira vanhu vose kuti vagoraramira iye. Havafaniri kuraramira kuzvifadza.”— Tisu tatsveyamisa mashoko; 2 VaKorinde 5:14, 15, New Life Version.

Ungafunga nezvenzira dzaungaratidza nadzo kuti uri kuraramira kufadza Kristu here?— Imwe nzira ndeyokuudza vamwe pamusoro pezvawakadzidza nezvake. Kana kuti funga pamusoro peizvi: Ungave uri woga, saka amai vako kana kuti baba vako havagoni kuona zvauri kuita, uyewo hapana chero mumwe munhu anogona kukuona. Uchaona mapurogiramu epaTV kana kuti kutarira zvinhu zvepaindaneti zvaunoziva kuti zvaisazofadza Jesu here?— Yeuka, Jesu iye zvino mupenyu, uye anogona kuona zvinhu zvose zvatinoita!

Ndiani anogona kuona zvese zvatinoita?

Chimwe chikonzero nei tichifanira kuda Jesu ndechokuti tinoda kutevedzera Jehovha. Jesu akati: ‘Baba vanondida.’ Unoziva here kuti nei vachida Jesu uye nei isu tichifanira kudarowo?— Nokuti Jesu akafa achida kuti kuda kwaMwari kuitwe. (Johani 10:17) Naizvozvo ngatiite zvatinoudzwa neBhaibheri kuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa, uye rambai muchifamba murudo, saKristu akakudaiwo akazvipa nokuda kwenyu.”—VaEfeso 5:1, 2.

Kuti uwedzere kuonga Jesu kwakawedzera nokuda kwezvaakatiitira, tapota verenga Johani 3:35; 15:9, 10; na1 Johani 5:11, 12.