Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 41

Vana Vanofadza Mwari

Vana Vanofadza Mwari

UNOFUNGA kuti ndoupi mwana akanyatsofadza Jehovha pasi pano?— Akanga ari Mwanakomana wake, Jesu. Ngatimbotaura pamusoro pezvinhu izvo Jesu akaita kuti afadze Baba vake vokudenga.

Mhuri yaJesu yaigara kure neJerusarema zvokuti vaifamba mazuva matatu kuenda uko temberi yaJehovha yakanaka kwazvo yakanga iri. Jesu aidana temberi kuti ‘imba yaBaba vangu.’ Iye nemhuri yake vaienda ikoko gore negore kunopinda Paseka.

Rimwe gore, apo Jesu akanga ava nemakore 12, mhuri yake yakatanga rwendo rwokudzokera kumusha pashure pePaseka. Pavakazomira manheru ndipo pavakaona kuti Jesu akanga asipo pakati pehama neshamwari dzavo. Naizvozvo Mariya naJosefa vakadzokera kuJerusarema pakarepo kunotsvaka Jesu. Unofunga kuti aive kupi?—

Vakawana Jesu ari mutemberi. Akanga achiteerera vadzidzisi uye akanga achivabvunza mibvunzo. Uye pavaimubvunza chimwe chinhu, aipindura. Vaishamiswa nemhinduro dzakanaka kwazvo dzaaipa. Unogona kuona here kuti nei Mwari akanga achifadzwa nomwanakomana wake?—

Chokwadi, apo Mariya naJosefa vakazowana Jesu, zvakavazorodza. Asi Jesu akanga asiri kunetseka. Aizviziva kuti temberi yakanga iri nzvimbo yakanaka yokuva. Saka akabvunza kuti: “Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?” Aiziva kuti temberi yaiva imba yaMwari, uye aifarira kuva panzvimbo yacho.

Pashure paizvozvo, Mariya naJosefa vakatora Jesu uyo aiva nemakore 12 vakadzokera naye kumba kuNazareta. Unofunga kuti Jesu aibata sei vabereki vake?— Bhaibheri rinotaura kuti “akaramba achizviisa pasi pavo.” Unofunga kuti izvozvo zvinorevei?— Zvinoreva kuti aivateerera. Chokwadi, aiita izvo vabereki vake vaimuti aite, kunyange zvakadai sokunochera mvura kutsime.—Ruka 2:41-52.

Jesu achiri mwana akafadza sei Mwari?

Saka funga pamusoro peizvi: Kunyange zvazvo Jesu akanga akakwana, aiteerera vabereki vake vasina kukwana. Izvi zvakafadza Mwari here?— Zvechokwadi zvakadaro, nokuti Shoko raMwari rinoudza vana kuti: “Teererai vabereki venyu.” (VaEfeso 6:1) Newewo uchaita kuti Mwari afare kana ukateerera vabereki vako sezvaiita Jesu.

Imwe nzira yaunogona kufadza nayo Mwari ndeyokuudza vamwe nezvake. Vamwe vanhu vangataura kuti izvi hazvisi izvo zvinofanira kuitwa nevana vaduku. Asi apo vanhu vakaedza kurambidza vamwe vakomana vaduku kuita izvi, Jesu akati: ‘Hamuna kuverenga muMagwaro here kuti “Mwari akaita kuti mumuromo mevacheche nevanoyamwa mubude kurumbidza”?’ (Mateu 21:16) Naizvozvo tose tinogona kuudza vamwe nezvaJehovha uye kuti ndiMwari anoshamisa zvakadii, kana tichida hedu. Uye kana tikadaro, tichafadza Mwari.

Tinodzidzepi zvinhu zvine chokuita naMwari zvatingataurira vamwe?— Pachidzidzo chedu cheBhaibheri kumba. Asi tinodzidza zvakawanda kunzvimbo uko vanhu vaMwari vanosangana kuti vadzidze. Asi tingaziva sei kuti vanhu vake ndivanaani?—

Vanhu vacho vanoitei pamisangano yavo? Vanonyatsodzidzisa zviri muBhaibheri chaizvo here? Vanoriverenga nokurikurukura here? Iyoyo ndiyo nzira yatinoteerera nayo Mwari, handitika?— Uye pamisangano yechiKristu taizotarisira kunzwa izvo Mwari anotaura, handiti?— Asi zvakadini kana vanhu vachitaura kuti hazvikoshi kuti urarame sezvinotaurwa neBhaibheri? Waizotaura kuti vanhu vaMwari here?—

Hechino chimwe chinhu chokufunga nezvacho. Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vaMwari vaizova “vanhu vezita rake.” (Mabasa 15:14) Sezvo zita raMwari riri Jehovha, tinogona kubvunza vanhu kana Jehovha ari iye Mwari wavo. Kana vakati kwete, ipapo tinobva taziva kuti havasi vanhu vake. Vanhu vaMwari vaizotaurira vamwe nezvoUmambo hwaMwari. Uye vaizoratidza kuda kwavo Mwari nokuchengeta mirayiro yake.—1 Johani 5:3.

Kana uchiziva vanhu vanoita zvinhu zvose izvozvo, unofanira kusangana navo kuti unamate navo. Unofanira kunyatsoteerera pamisangano iyi wopindura kana mibvunzo yabvunzwa. Ndizvo zvaiita Jesu paainge ari muimba yaMwari. Uye kana ukaita zvinhu izvozvo, uchafadza Mwari, sezvakangoita Jesu.

Ungafunga nezvevamwe vana vanotaurwa muBhaibheri here vakafadza Mwari?— Timoti muenzaniso mukuru. Baba vake vakanga vasingatendi muna Jehovha. Asi amai vake, Yunisi naambuya vake Roisi vaitenda. Timoti akavateerera ndokudzidza nezvaJehovha.

Kunyange zvazvo baba vake vakanga vasingatendi, chii icho Timoti aida kuita?

Timoti paakanga akura, muapostora Pauro akashanyira guta raaigara. Akaona kuti Timoti aida kushumira Jehovha zvakadini. Saka akakumbira Timoti kuti aende naye kunoshumira Mwari nenzira yakawedzerwa. Kwose kwavaifamba, vaiudza vanhu nezvoUmambo hwaMwari uye nezvaJesu.—Mabasa 16:1-5; 2 Timoti 1:5; 3:14, 15.

Asi mienzaniso iri muBhaibheri inongova yevakomana vaduku bedzi vakafadza Mwari here?— Kwete. Funga nezvekasikana kechiIsraeri kakafadza Mwari. Munguva yake rudzi rweSiriya norudzi rwaIsraeri zvaivengana. Rimwe zuva vaSiriya vakarwa nevaIsraeri ndokutora kasikana ikako senhapwa. Kakaendeswa kumba kwomukuru weuto, ainzi Naamani. Ikoko kakanosvika kakava muranda womudzimai waNaamani.

Zvino Naamani akanga ane hosha yemaperembudzi. Hapana chero chiremba akanga akwanisa kumubatsira. Asi kasikana kaduku kechiIsraeri kaitenda kuti mumwe wevashumiri vaMwari vanokosha, muprofita, aigona kubatsira Naamani. Chokwadi, Naamani nomudzimai wake vakanga vasinganamati Jehovha. Kasikana aka kaifanira kuvaudza here zvakaiziva? Kudai uri iwe, waiita sei?—

Musikana wechiIsraeri uyu akafadza Mwari sei?

Kasikana kaduku aka kakati: ‘Kudai Naamani akaenda kumuprofita waJehovha muna Israeri, kana zvikadaro, Naamani achaporeswa pamaperembudzi ake.’ Naamani akateerera kasikana kacho, uye akaenda kumuprofita waJehovha. Paakaita izvo muprofita akamuudza kuti aite, akaporeswa. Izvi zvakaita kuti Naamani ave munamati waMwari wechokwadi.—2 Madzimambo 5:1-15.

Unoda kubatsira mumwe munhu kudzidza nezvaJehovha uye zvaanogona kuita sezvakaita kasikana ikako here?— Ndiani aripo waungagona kubatsira?— Chokwadi pakutanga vangafunga kuti havadi kubatsirwa. Asi unogona kutaura navo pamusoro pezvinhu zvakanaka izvo Jehovha anoita. Uye zvimwe vangateerera. Unogona kuva nechokwadi chokuti izvi zvichafadza Mwari.

Imwe kurudziro yokuti vaduku vafarire kushumira Mwari inowanikwa pana Pisarema 122:1; 148:12, 13; Muparidzi 12:1; 1 Timoti 4:12; naVaHebheru 10:23-25.