Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 43

Hama Nehanzvadzi Dzedu Ndivanaani?

Hama Nehanzvadzi Dzedu Ndivanaani?

PANE imwe nguva Mudzidzisi Mukuru akambobvunza mubvunzo unoshamisa. Waiva wokuti: “Amai vangu ndiani, uye vanun’una vangu ndivanaani?” (Mateu 12:48) Waizogona kupindura mubvunzo iwoyo here?— Zvimwe unoziva kuti amai vaJesu vainzi Mariya. Asi unoziva mazita evanun’una vake here?—Aivawo nehanzvadzi here?—

Bhaibheri rinoti vanun’una vaJesu vaiva “Jakobho naJosefa naSimoni naJudhasi.” Uye Jesu aiva nehanzvadzi idzo dzakanga dziripo panguva yaaiparidza. Sezvo Jesu akanga ari dangwe, vose ava vakanga vari vaduku kwaari.—Mateu 13:55, 56; Ruka 1:34, 35.

Vanun’una vaJesu vakanga variwo vadzidzi vake here?— Bhaibheri rinoti pakutanga vakanga “vasingatendi maari.” (Johani 7:5) Zvisinei, nokufamba kwenguva Jakobho naJudhasi (uyo anonziwo Judha) vakava vadzidzi vake, uye vakatonyora mabhuku eBhaibheri. Unoziva kuti mabhuku api avakanyora?— Hungu, Jakobho naJudha.

Kunyange zvazvo hanzvadzi dzaJesu dzisingataurwi nemazita muBhaibheri, tinoziva kuti aiva nembiri kana kuti dzaipfuura. Zvisinei, dzinogona kudaro dzaiva dzakawanda. Hanzvadzi dzake idzi dzakava vateveri vake here?— Bhaibheri haritauri, saka hatizivi. Asi unoziva here kuti nei Jesu akabvunza mubvunzo wokuti, “Amai vangu ndiani, uye vanun’una vangu ndivanaani?”— Ngationei.

Jesu akanga achidzidzisa vadzidzi vake apo mumwe munhu akamuvhiringidza achiti: ‘Amai venyu nevanun’una vakamira panze, vari kuda kutaura nemi.’ Saka Jesu akashandisa mukana wacho kudzidzisa chidzidzo chinokosha nokubvunza mubvunzo uyu unoshamisa: “Amai vangu ndiani, uye vanun’una vangu ndivanaani?” Akanongedzera vadzidzi vake ndokupindura, achishevedzera kuti: “Tarirai! Amai vangu nevanun’una vangu!”

Jesu akabva akatsanangura zvaaireva achiti: “Munhu wose anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, iyeye ndiye munun’una wangu, uye hanzvadzi, uye amai.” (Mateu 12:47-50) Izvi zvinoratidza kuti Jesu ainzwa ari pedyo sei nevadzidzi vake. Aitidzidzisa kuti vadzidzi vake vakanga vakaita sevanun’una nehanzvadzi dzake chaidzo uye amai kwaari.

Jesu akatsanangura kuti vanin’ina vake nehanzvadzi dzake vaiva vanaani?

Panguva iyoyo vanun’una vaJesu chaivo— Jakobho, Josefa, Simoni, uye Judhasi— vakanga vasingatendi kuti Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari. Vanofanira kunge vasina kudavira izvo ngirozi Gabrieri yakanga yaudza amai vavo. (Ruka 1:30-33) Saka naizvozvo vangadaro vaibata Jesu noutsinye. Munhu wose anodaro haasi kuva munun’una kana kuti hanzvadzi chaiyo. Pane waunoziva here akaitira munun’una wake kana kuti hanzvadzi yake utsinye?—

Bhaibheri rinotaura nezvaEsau naJakobho uye kuti Esau akagumbuka kwazvo zvokuti akati: “Ndichauraya munun’una wangu Jakobho.” Amai vavo, Rebheka, vakatya kwazvo zvokuti vakaudza Jakobho kuti atize kuti Esau asamuuraya. (Genesisi 27:41-46) Zvisinei, makore gare gare Esau akachinja, uye akambundira nokutsvoda Jakobho.—Genesisi 33:4.

Nokufamba kwenguva, Jakobho akabereka vanakomana 12. Asi vanakomana vakuru vaJakobho vakanga vasingadi munun’una wavo Josefa. Vaiva negodo naye nokuti ndiye mwana- komana ainyanya kufarirwa nababa vavo. Saka vakamutengesa kune vaitenga varanda vaienda kuIjipiti. Zvadaro vakaudza baba vavo kuti Josefa akanga aurayiwa nechikara chomusango. (Genesisi 37:23-36) Hahusi ushati here ihwohwo?—

Gare gare madzikoma aJosefa akazozvidemba nokuda kwezvavakanga vaita. Saka Josefa akavakanganwira. Unoona kuti Josefa akanga akaita saJesu pakudii here?— Vaapostora vaJesu pachake vakatiza apo akanga achitambudzwa, uye Petro akatoramba kuti aimuziva. Asi, kufanana naJosefa, Jesu akavakanganwira vose.

Tinodzidzei pane zvakaitwa naKaini kumunin’ina wake Abheri?

Paivawo nomukoma nomunun’una Kaini naAbheri. Pane zvatinodzidzawo kwavari. Mwari akaona mumwoyo waKaini kuti akanga asingatombodi munun’una wake. Saka Mwari akaudza Kaini kuti aifanira kuchinja nzira dzake. Kudai Kaini aida Mwari zvechokwadi, aidai akateerera. Asi akanga asingadi Mwari. Rimwe zuva Kaini akati kuna Abheri, ‘Ngatiende kusango.’ Abheri akaenda naKaini. Vari kusango ikoko voga, Kaini akarova munun’una wake kwazvo akamuuraya.—Genesisi 4:2-8.

Bhaibheri rinotiudza kuti pane chidzidzo chinokosha chatinofanira kudzidza ipapo. Unoziva kuti chii here?— ‘Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana; kwete kuita saKaini uyo akabva kune wakaipa.’ Saka hanzvadzi, madzikoma, nevanun’una vanofanira kudanana. Havafaniri kuita saKaini.—1 Johani 3:11, 12.

Nei zvaizova zvakaipa kuita saKaini?— Nokuti Bhaibheri rinotaura kuti ‘akabva kune wakaipa,’ Satani Dhiyabhorosi. Sezvo Kaini aiita saDhiyabhorosi, zvakangoita sokuti Dhiyabhorosi ndiye aiva baba vake.

Unoona here kuti nei zvichikosha kuda vanun’una nemadzikoma ako uye hanzvadzi?— Kana usingavadi, unenge uchitevedzera vana vaani?— Vana vaDhiyabhorosi. Haungadi kuva akadaro, ungada here?— Saka ungaratidza sei kuti unoda kuva mwana waMwari?— Nokunyatsoda vanun’una nemadzikoma uye hanzvadzi dzako.

Asi rudo chii?— Rudo manzwiro akadzama omukati medu anotiita kuti tide kuitira vamwe zvinhu zvakanaka. Tinoratidza kuti tinoda vamwe patinonzwa zvakanaka pamusoro pavo uye patinovaitira zvinhu zvakanaka. Uye vanun’una vedu nemadzikoma uye hanzvadzi vatinofanira kuda ndivanaani?— Yeuka, Jesu akadzidzisa kuti ndivo vaya vanoumba mhuri huru yechiKristu.

Ungaratidza sei kuti unodawo munin’ina kana kuti mukoma wako?

Zvinokosha zvakadini kuti tide hama nehanzvadzi dzechiKristu idzi?— Bhaibheri rinoti: “Uyo asingadi hama yake, yaakaona, haagoni kuve achida Mwari, waasina kumboona.” (1 Johani 4:20) Naizvozvo hatigoni kungoda vashomanana mumhuri yechiKristu. Tinofanira kuvada vose. Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Unoda hama nehanzvadzi dzose here?— Yeuka, kana usingadzidi, haugoni kuda Mwari chaizvo.

Tingaratidza sei kuti tinonyatsoda hama nehanzvadzi dzedu?— Kana tichidzida hatizogari kure nadzo nokuti hatidi kutaura nadzo. Ticharatidza kudzida dzose. Tichadziitira zvakanaka nguva dzose uye tichange tichida kugovana nadzo zvatinazvo. Uye kana dzikasangana nematambudziko tichadzibatsira nokuti tiri mhuri huru zvechokwadi.

Kana tichinyatsoda hama dzedu dzose nehanzvadzi, zvinoratidzei?— Zvinoratidza kuti tiri vadzidzi vaJesu, Mudzidzisi Mukuru. Uye handiti ndizvo zvatinoda kuva here?—

Kuratidza rudo kuhama dzedu nehanzvadzi kunotaurwawo pana VaGaratiya 6:10 na1 Johani 4:8, 21. Wadii kuvhura Bhaibheri rako woverenga magwaro iwayo?