Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 44

Shamwari Dzedu Dzinofanira Kuda Mwari

Shamwari Dzedu Dzinofanira Kuda Mwari

SHAMWARI, vanhu vatinofarira kutaura navo uye kutandara navo. Asi zvinokosha kuva neshamwari kwadzo. Unofunga shamwari yakanakisisa yatinogona kuva nayo ndiani?— Hungu, ndiJehovha Mwari.

Tinogona kuva shamwari dzaMwari zvechokwadi here?— Bhaibheri rinoti Abrahamu, murume akararama kare, aiva “shamwari yaJehovha.” (Jakobho 2:23) Unoziva kuti nei here?— Bhaibheri rinopindura kuti Abrahamu aiteerera Mwari. Aiteerera kunyange apo zvaainzi aite zvakanga zvakaoma. Naizvozvo kuti tive shamwari yaJehovha, tinofanira kuita zvinomufadza, sezvakangoita Abrahamu uye sezvakaita Mudzidzisi Mukuru nguva dzose.—Genesisi 22:1-14; Johani 8:28, 29; VaHebheru 11:8, 17-19.

Nei Abrahamu akanga ari “shamwari yaJehovha”?

Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai.” (Johani 15:14) Sezvo zvinhu zvose izvo Jesu akataurira vanhu zvaibva kuna Jehovha, Jesu akanga achiti shamwari dzake dzaiva vanhu vaiita zvaitaurwa naMwari kuti vanofanira kuita. Chokwadi, shamwari dzake dzose dzaida Mwari.

Dzimwe dzeshamwari dzapedyo pedyo dzoMudzidzisi Mukuru vaiva vaapostora vake, avo vane mifananidzo yaunoona papeji 75 yebhuku rino. Vaifamba naye uye vaimubatsira kuita basa rokuparidza. Jesu akapedza nguva yake yakawanda ane varume ava. Vaidya pamwe. Vaitaura nezvaMwari pamwe. Uye vaiita zvimwe zvinhu pamwe. Asi Jesu aiva nedzimwe shamwari dzakawanda. Aigara nadzo, uye vaifara pamwe.

Imwe mhuri iyo Jesu aida kugara nayo yaigara muguta duku reBhetania, pedyo neguta guru reJerusarema. Unovayeuka here?— Vaiva Mariya naMarita nehanzvadzi yavo Razaro. Jesu aiti Razaro yaiva shamwari yake. (Johani 11:1, 5, 11) Chikonzero chaiita kuti Jesu ade mhuri iyi uye afarire kuva navo ndechokuti vaida Jehovha uye vaimushumira.

Nei Jesu aiwanzogara nemhuri iyi paaishanyira Jerusarema? Unoziva mazita avo here?

Izvi hazvirevi kuti Jesu akanga asina mutsa kuvanhu vakanga vasingashumiri Mwari. Aiva nawo. Akatoenda kumisha yavo akadya navo. Izvi zvakaita kuti vamwe vataure kuti Jesu aiva “shamwari yevateresi nevanhu vanoita zvivi.” (Mateu 11:19) Chokwadi ndechokuti Jesu haana kuenda kumisha yevanhu ivavo nokuti aifarira mararamiro avo. Aivashanyira kuti ataure navo nezvaJehovha. Akaedza kuvabatsira kuchinja nzira dzavo dzakaipa kuti vashumire Mwari.

Nei Zakeyo akakwira mumuti?

Izvi zvakaitika rimwe zuva muguta reJeriko. Jesu akanga ari kungopfuurawo zvake achienda kuJerusarema. Pakanga pane boka revanhu, uye muboka racho makanga mune mumwe murume ainzi Zakeyo. Akanga achida kuona Jesu. Asi Zakeyo akanga ari mupfupi, uye akanga asingagoni kuona nemhaka yeboka revanhu. Naizvozvo akamhanya mberi nomugwagwa ndokukwira mumuti kuti anyatsoona Jesu paainge opfuura.

Jesu paakasvika pamuti iwoyo, akatarisa mudenga ndokuti: ‘Kurumidza kuburuka, nokuti nhasi ndichauya kumba kwako.’ Asi Zakeyo akanga ari murume mupfumi akanga aita zvinhu zvakaipa. Nei Jesu akanga achida kuenda kuimba yomurume akadaro?—

Zvaisava kuti Jesu aida mararamire aiita murume iyeye. Akaendako kuti anotaura naZakeyo nezvaMwari. Akaona nzira iyo murume iyeye akanga aedza zvakaoma kuti amuone. Naizvozvo aiziva kuti zvimwe Zakeyo aizoteerera. Iyi yakanga iri nguva yakanaka yokutaura naye pamusoro penzira iyo Mwari anoti vanhu vanofanira kurarama nayo.

Nei Jesu ari kushanyira Zakeyo, uye Zakeyo ari kuvimbisa kuitei?

Saka, chii chatinoona chichiitika iye zvino?— Zakeyo anofarira zvinodzidziswa naJesu. Anonzwa urombo zvikuru kuti aibiridzira vanhu, uye ari kuvimbisa kuti achadzorera mari iyo akanga asina kodzero yokutora. Zvadaro anova muteveri waJesu. Ipapo bedzi ndipo apo Jesu naZakeyo vanova shamwari.—Ruka 19:1-10.

Kana tikadzidza kuMudzidzisi Mukuru, tichazomboshanyira vanhu vasiri shamwari dzedu here?— Hungu. Asi hatizoendi kumba kwavo nokuti tinofarira mararamiro avo. Uye hatizoiti zvinhu zvakaipa navo. Tichavashanyira kuti titaure navo nezvaMwari.

Asi shamwari dzedu dzapedyo ndidzo dzatinonyanya kuda kutandara nadzo. Kuti vave shamwari kwadzo, vanofanira kuva vanhu vanofarirwa naMwari. Vamwe vangasatomboziva kuti Jehovha ndiani. Asi kana vachida kudzidza nezvake, tinogona kuvabatsira. Uye nguva painosvika yokuti vava kuda Jehovha sezvatinoita, ipapo tinogona kuva shamwari dzapedyo.

Pane imwe nzira yokuziva nayo kana munhu angava shamwari yakanaka. Tarisa zvinhu zvaanoita. Anoitira vamwe vanhu zvinhu zvakaipa ozovaseka here? Izvozvo hazvina kunaka, handiti?— Anongogara ari muzvinetso here? Hatingadi kupinda muzvinetso naye, tingada here?— Kana kuti anoita zvinhu zvakaipa achiziva here ozofunga kuti akangwara nokuti haana kubatwa? Kunyange kana munhu iyeye asina kubatwa, Mwari aona zvaaita, haana here?— Unofunga kuti vanhu vanoita zvinhu zvakadaro vaizova shamwari dzakanaka dzokuti tive nadzo here?—

Wadii kutora Bhaibheri rako? Ngationei zvarinotaura pamusoro pokuti shamwari dzedu dzinochinja sei upenyu hwedu. Rugwaro rwacho ruri pana 1 VaKorinde chitsauko 15, ndima 33. Wapaona here?— Panoti: “Musatsauswa. Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.” Izvi zvinoreva kuti kana tikafambidzana nevanhu vakaipa, tinogona kuzovawo vakaipa. Uye ichokwadiwo kuti shamwari dzakanaka dzinotibatsira kuti tive netsika dzakanaka.

Ngatirege kumbokanganwa kuti Munhu anokosha kupfuura vose muupenyu hwedu ndiJehovha. Hatidi kukanganisa ushamwari hwedu naye, handiti ndizvo?— Naizvozvo tinofanira kungwarira kuti tishamwaridzane nevanoda Mwari bedzi.

Kukosha kweshamwari kwadzo kunoratidzwa pana Pisarema 119:115; Zvirevo 13:20; 2 Timoti 2:22; na1 Johani 2:15.