Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 45

Umambo hwaMwari Chii? Nzira Yokuratidza Nayo Kuti Tinohuda

Umambo hwaMwari Chii? Nzira Yokuratidza Nayo Kuti Tinohuda

UNOZIVA munyengetero uyo Jesu akadzidzisa vateveri vake here?— Kana usingauzivi tinogona kuuverenga pamwe chete muBhaibheri, pana Mateu 6:9-13. Munyengetero, uyo vazhinji vanodana kuti Munyengetero waShe, unosanganisira mashoko okuti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” Unoziva kuti Umambo hwaMwari chii here?—

Mambo mutongi wenyika. Hurumende yake inonzi umambo. Mune dzimwe nyika mutungamiriri wacho muhurumende iyi anonzi purezidhendi. Mutongi wehurumende yaMwari anonzi chii?— Mambo. Ndicho chikonzero nei hurumende yaMwari ichinzi Umambo.

Unoziva here kuti ndiani uyo Jehovha akasarudza kuti ave Mambo wehurumende Yake?— Mwanakomana Wake, Jesu Kristu. Nei ari nani kupfuura chero mutongi upi uyo vanhu vangasarudza?— Nokuti Jesu anonyatsoda Baba vake, Jehovha. Saka nguva dzose anoita zvakanaka.

Nguva refu Jesu asati aberekwa muBheterehema, Bhaibheri rakataura nezvokuberekwa kwake ndokuti aizova Mutongi waMwari akasarudzwa. Ngativerenge nezvazvo pana Isaya 9:6, 7, kubva muKing James Version. Panoti: “Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava papfudzi rake; zita rake richanzi; . . . Muchinda worugare. Kukura kwehurumende yake nokworugare hazvina magumo.”— Tisu tatsveyamisa mabhii.

Unoziva here kuti nei Mutongi woUmambo hwaMwari pano achinzi “Muchinda”?— Muchinda uyu mwanakomana wamambo. Uye Jesu Mwanakomana waMambo Mukuru, Jehovha. Asi Jehovha akaitawo Jesu Mambo wehurumende Yake, iyo ichatonga pasi pano kwechiuru chemakore. (Zvakazarurwa 20:6) Jesu abhabhatidzwa, akatanga “kuparidza achiti: ‘Pfidzai, nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’”—Mateu 4:17.

Unofunga kuti nei Jesu akataura kuti Umambo hwakanga hwaswedera pedyo?— Nokuti Mambo, uyo aizotonga ari kudenga, akanga ainavo ipapo chaipo! Ndicho chikonzero nei Jesu akaudza vanhu kuti: “Umambo hwaMwari huri pakati penyu.” (Ruka 17:21) Haungadi here kuva naMambo waJehovha pedyo chaipo newe zvokuti ungatomubata?—

Saka imbondiudza, ibasa ripi rinokosha iro Jesu akauya kuti azoita pasi pano?— Jesu akapindura mubvunzo iwoyo, achiti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:43) Jesu aiziva kuti aisagona kuita basa rokuparidza rose ari oga. Saka unofunga kuti akaitei?—

Jesu akauya panyika kuzoita basa rei?

Jesu akafamba nevamwe vanhu akavaratidza nzira yokuita nayo basa rokuparidza. Vokutanga vaakadzidzisa vakanga vari 12 vaakasarudza sevaapostora. (Mateu 10:5, 7) Asi Jesu akangodzidzisa vaapostora vake bedzi kuita basa iri here? Aiwa, Bhaibheri rinotaura kuti Jesu akadzidzisawo vamwe vakawanda kuparidza. Nokufamba kwenguva akatumira vamwe vadzidzi 70 kuti vafanoenda vari vaviri vaviri. Uye vakadzidzisei vanhu?— Jesu akati: “Murambe muchivaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwasvika pedyo nemi.’” (Ruka 10:9) Nenzira iyi vanhu vakadzidza nezvehurumende yaMwari.

Kare muna Israeri madzimambo matsva aikwira mbongoro duku achipinda muguta kuti azviratidze kuvanhu. Zvino izvi ndizvo zvinoitwa naJesu paanoshanyira Jerusarema kokupedzisira. Waonaka, Jesu achava Mutongi woUmambo hwaMwari. Vanhu vanomuda saMambo here?—

Sezvo anofamba achienda, vanhu vazhinji vanotanga kuwaridza nguo dzavo dzokunze mumugwagwa mberi kwake. Vamwe vanotema mapazi emiti vachiaisa mumugwagwa. Nokuita izvi vanoratidza kuti vanoda kuti Jesu ave Mambo wavo. Vanodanidzira vachiti: “Akakomborerwa Iye anouya saMambo muzita raJehovha!” Asi haasi munhu wose ari kufara. Kutaura chokwadi, vamwe vatungamiriri vechitendero vanototi kuna Jesu, ‘Nyaradza vadzidzi vako.’—Ruka 19:28-40.

Nei vanhu vakazotanga kupandukira Jesu?

Pashure pemazuva mashanu Jesu anosungwa uye anopinzwa muimba yagavhuna kuti anomira pamberi pagavhuna, Pondiyo Pirato. Vavengi vaJesu vanoti Jesu anozviti ndimambo uye anorwisana nehurumende yeRoma. Naizvozvo Pirato anobvunza Jesu pamusoro peizvi. Jesu anoratidza kuti haasi kuedza kupidigura hurumende. Anoudza Pirato kuti: “Umambo hwangu hausi rutivi rwenyika ino.”—Johani 18:36.

Pirato anobva abuda panze oudza vanhu kuti Jesu haana mhosva. Zvino vanhu havadi kuti Jesu ave Mambo wavo. Havadi kuti asunungurwe. (Johani 18:37-40) Pashure pokutaura naJesu zvekare, Pirato ane chokwadi chokuti Jesu haana chakaipa chaaita. Naizvozvo pakupedzisira, pashure pokubudisa Jesu panze kokupedzisira, Pirato anoti: “Onai! Mambo wenyu!” Asi vanhu vanodanidzira vachiti: “Mubvisei! Mubvisei! Muroverei!”

Pirato anobvunza kuti: “Ndorovera mambo wenyu here?” Vapristi vakuru vanopindura kuti: “Hatina mambo kunze kwaKesari.” Pafunge! Vapristi vakaipa ivavo vakwanisa kuita kuti vanhu vamukire Jesu!—Johani 19:1-16.

Nhasi zvakafanana zvikuru nezvazvakanga zvakaita panguva iyoyo. Vanhu vazhinji havadi kuti Jesu ave Mambo wavo zvechokwadi. Vangataura kuti vanodavira muna Mwari, asi havadi kuti Mwari kana kuti Kristu avaudze zvokuita. Vanoda hurumende dzavo pachavo dziri pasi pano chaipo.

Zvakadini nesu? Patinodzidza nezvoUmambo hwaMwari nezvinhu zvinoshamisa zvose zvahuchaita, izvozvo zvinoita kuti tinzwe sei pamusoro paMwari?— Tinomuda, hatidaro here?— Tingaratidza Mwari sei zvino kuti tinomuda uye kuti tinoda kutongwa noUmambo hwake?—

Jesu akabhabhatidzirwei, uye Mwari akaratidza sei kuti akafara nazvo?

Tinogona kuratidza Mwari kuti tinonzwa sei nokutevedzera muenzaniso waJesu. Uye chii icho Jesu akaita kuratidza kuti aida Jehovha?— “Ndinogaroita zvinhu zvinomufadza,” Jesu akatsanangura kudaro. (Johani 8:29) Chokwadi, Jesu akauya pasi ‘kuzoita kuda kwaMwari’ uye “kupedza basa rake.” (VaHebheru 10:7; Johani 4:34) Funga zvakaitwa naJesu asati atanga basa rake rokuparidza.

Jesu akadzika kuRwizi Jodhani kuna Johani Mubhabhatidzi. Pashure pokunge vapinda mumvura, Johani akanyudza Jesu mumvura ndokuzomubudisa. Unoziva kuti nei Johani akabhabhatidza Jesu here?—

Ndivanaani vatingaparidzirawo?

Jesu akakumbira Johani kuti adaro. Asi tinoziva sei kuti Mwari aida kuti Jesu abhabhatidzwe?— Tinozviziva nokuti Jesu paakabuda mumvura, akanzwa inzwi raMwari richibva kudenga richiti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakutendera.” Mwari akatotumira mudzimu mutsvene wake wakaita senjiva uchidzika pana Jesu. Naizvozvo nokubhabhatidzwa, Jesu akaratidza kuti aida kushumira Jehovha upenyu hwake hwose, nokusingaperi.—Mako 1:9-11.

Iye zvino uchiri kukura. Asi chii chauchazoita munguva yemberi?— Uchaita saJesu wobhabhatidzwa here?— Unofanira kumutevedzera, nokuti Bhaibheri rinoti akakusiyirai “muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Paunenge zvino wabhabhatidzwa, uchange uri kuratidza kuti unoda zvechokwadi kutongwa noUmambo hwaMwari. Asi kungobhabhatidzwa chete hakuna kukwana.

Tinofanira kuteerera zvinhu zvose izvo Jesu akadzidzisa. Jesu akati hatifaniri kuva “rutivi rwenyika.” Kana tikabatanidzwa nezvinhu zvenyika tinenge tichimuteerera here? Jesu nevaapostora vake vakaramba vari kure nezvinhu izvozvo. (Johani 17:14) Asi vakaitei?— Vakataura nevamwe vanhu pamusoro poUmambo hwaMwari. Iroro ndiro rakanga riri basa guru muupenyu hwavo. Tinogona kuitawo izvozvo here?— Hungu, uye tichazviita kana tichirevesa patinonyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye.

Tapota ona mamwe magwaro aya anotiudza zvatinogona kuita kuratidza kuti tinoda kuti Umambo hwaMwari huuye: Mateu 6:24-33; 24:14; 1 Johani 2:15-17; na1Johani 5:3.