Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 46

Mvura Inoparadza Nyika—Zvichaitika Zvakare Here?

Mvura Inoparadza Nyika—Zvichaitika Zvakare Here?

WATI wambonzwa mumwe munhu achitaura nezvokuguma kwenyika here?— Nhasi vazhinji vanozvitaura chaizvo. Vamwe vanhu vanofunga kuti nyika ichaparadzwa nehondo yevanhu vachishandisa mabhomba enyukireya. Unofunga kuti Mwari achazomboparadza pasi redu rakanaka here?—

Sezvatakadzidza, Bhaibheri rinotaura nezvomugumo wenyika. “Nyika iri kupfuura,” rinodaro Bhaibheri. (1 Johani 2:17) Unofunga kuti mugumo wenyika uchareva mugumo wepasi here?— Aiwa, Bhaibheri rinotaura kuti Mwari akaita pasi “kuti rigarwe,” kuti vanhu vagarepo vachifara. (Isaya 45:18) Pisarema 37:29 rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Nechikonzero ichi Bhaibheri rinotaurawo kuti pasi richagara nokusingaperi.—Pisarema 104:5; Muparidzi 1:4.

Kana kuguma kwenyika kusingarevi kuguma kwepasi, saka kunorevei?— Tinogona kuziva kana tikanyatsotarisa zvakaitika mumazuva aNoa. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura.”—2 Petro 3:6.

Pane munhu akapona mugumo wenyika here mukati meBoporodzi, kana kuti Mafashamo makuru iwayo muzuva raNoa?— Bhaibheri rinoti Mwari “akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akachengeteka nevamwe vanomwe paakaunza boporodzi panyika yevanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 2:5.

Vanhu vakaita sei vakaparadzwa panguva yaNoa?

Saka kana zvakadaro, inyika ipi yakaguma? Rakanga riri pasi here, kana kuti vakanga vari vanhu vakaipa?— Bhaibheri rinotaura kuti yaiva “nyika yevanhu vasingadi Mwari.” Uye cherechedza, Noa anonzi “muparidzi.” Unofunga aiparidza nezvei?— Noa akanga achinyevera vanhu nezvomugumo we“nyika yepanguva iyoyo.”

Apo Jesu akataura nezveMafashamo makuru, akaudza vadzidzi vake izvo vanhu vaive vachiita mugumo usati wauya. Izvi ndizvo zvaakavataurira: “Mumazuva iwayo mafashamo asati auya, [vanhu] vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.” Jesu akabva ataura kuti vanhu vaizove vachiita saizvozvo chaizvo nyika ino isati yaguma.—Mateu 24:37-39.

Mashoko aJesu anoratidza kuti tinogona kudzidza zvidzidzo kubva mune zvaiitwa nevanhu Mafashamo asati asvika. Kubva mukuverenga Chitsauko 10 chebhuku rino, unoyeuka here izvo vanhu ivavo vaiita?— Vamwe varume vaive noutsinye kune vamwe uye vaiita zvechisimba. Jesu akati, asi vamwe vazhinji vaisamboteerera Mwari paakatumira Noa kunovaparidzira.

Saka zuva rakauya, apo Jehovha akaudza Noa kuti aizoparadza vanhu vakaipa nemafashamo. Mvura yaizofukidza pasi pose, kunyange makomo. Jehovha akaudza Noa kuti avake areka huru. Yakanga yakaita sebhokisi guru rakareba sezvaunogona kuona kana ukadzokera kumufananidzo uri papeji 238.

Mwari akaudza Noa kuti avake areka yakakura zvakakwana zvokuti iye nemhuri yake uye mhuka zhinji vaizova vakachengeteka mukati mayo. Noa nemhuri yake vakashanda zvakaoma. Vakatema miti mikuru, uye vachishandisa miti yacho vakatanga kuvaka areka. Izvi zvakatora makore nemakore nokuti areka yacho yakanga yakakura zvikuru.

Uchiri kuyeuka here kuti chiizve chaiitwa naNoa kwemakore ose ayo akanga achivaka areka?— Akanga achiparidza, achinyevera vanhu nezveMafashamo aizouya. Pane vamwe vavo vakateerera here? Hapana chero mumwe wavo akateerera kunze kwemhuri yaNoa. Vamwe vose vakanga vakabatikana nezvimwe zvinhu. Uchiri kuyeuka here kuti Jesu akati vaiitei?— Vakanga vakabatikana nokudya nokunwa nokuroorana. Vaisafunga kuti vakanga vakaipa, uye havana kumbozvipa nguva yokuteerera Noa. Naizvozvo ngationei kuti chii chakaitika kwavari.

Pashure pokunge Noa nemhuri yake vapinda muareka, Jehovha akavhara suo. Kunyange zvakadaro vanhu vakanga vari panze havana kumbofunga kuti Mafashamo aizouya. Asi kamwe kamwe, mvura yakatanga kuturuka kudenga! Yakanga isingori mvura yenguva dzose. Akanga ari mapopoma emvura! Nokukurumidza mvura yacho yakanga yava kuita senzizi huru ichiita ruzha rukuru. Yakawisa miti mikuru nokukungurutsa matombo makuru sokunge kuti aiva tumatombo. Uye zvakadini nevanhu vaive kunze kweareka?— Jesu anoti: “Mafashamo akauya akavakukura vose.” Vanhu vose vakanga vari kunze kweareka vakafa. Nei?— Sokutaura kwakaita Jesu, “havana kuziva.” Havana kuteerera!— Mateu 24:39; Genesisi 6:5-7.

Nei tisingafaniri kungofunga zvekutamba chete?

Zvino, yeuka, Jesu akataura kuti zvakaitika kuvanhu ivavo chidzidzo kwatiri nhasi. Tinodzidzei?— Vanhu vakaparadzwa kwete bedzi nokuti vakanga vakaipa asi nokuti vazhinji vakanga vakabatikana zvokusawana nguva yokudzidza nezvaMwari uye zvaaida kuzoita. Tinofanira kungwarira kuti tisafanana navo, handiti?—

Unofunga kuti Mwari achaparadza nyika nemafashamo zvakare here?— Aiwa, Mwari akavimbisa kuti aisazodaro. Akati: “Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo.” Jehovha akati muraraungu waizova chiratidzo chokuti “mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama.”—Genesisi 9:11-17.

Naizvozvo tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari haachazomboparadzizve nyika nemafashamo. Asi sezvataona, Bhaibheri rinotaura nezvokuguma kwenyika. Mwari paachaparadza nyika ino, ndiani waachaponesa?— Vachava vanhu vakanga vachinyanya kufarira zvimwe zvinhu zvokuti vaisamboda kudzidza nezvaMwari here? Vachava vaya vakanga vachigara vakabatikana nguva dzose zvokusagona kudzidza Bhaibheri here? Unofungei?—

Tinoda kuva pakati peavo Mwari achachengeta vari vapenyu, handiti?— Hazvaizofadza here kudai mhuri yedu yaizogona kuita seyaNoa kuitira kuti Mwari agotiponesa tose?— Kana tichizopona pamugumo wenyika, tinofanira kunzwisisa nzira iyo Mwari achaiparadza nayo ozounza nyika yake itsva yakarurama. Ngationei kuti izvi anozviita sei.

Bhaibheri rinotipa mhinduro yacho pana Dhanieri Chitsauko 2, ndima 44. Rugwaro urwu ruri kutaura pamusoro pezuva redu chairo parunoti: “Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga achamutsa ushe [kana kuti hurumende], husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”

Unonzwisisa zvazvinoreva here?— Bhaibheri rinotaura kuti hurumende yaMwari ichaparadza hurumende dzose dzepasi. Nei?— Nokuti hadziteereri Uyo Mwari akagadza saMambo. Ndiani iyeye?— Hungu, ndiJesu Kristu!

Jesu Kristu ndiMambo akagadzwa naMwari uye achaparadza vanhu vakaipa paAmagedhoni

Jehovha Mwari ane kodzero yokusarudza kuti ihurumende yorudzii inofanira kutonga, uye akasarudza Mwanakomana wake, Jesu, kuva Mambo. Nokukurumidza Mutongi waMwari, Jesu Kristu, achatungamirira mukuparadza hurumende dzose dzenyika ino. Bhaibheri pana Zvakazarurwa chitsauko 19, ndima 11-16, rinomurondedzera achiita kudaro, sezvinoratidzwa nomufananidzo uyu. MuBhaibheri, hondo yaMwari yokuparadza hurumende dzose dzenyika inonzi Ha-Magedhoni, kana kuti Amagedhoni.

Mwari anoti Umambo hwake huchaparadza hurumende dzevanhu. Asi anotiudza kuti tidaro here?— Aiwa, muBhaibheri, Amagedhoni inonzi “hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Hungu, Amagedhoni ihondo yaMwari, uye anoshandisa Jesu Kristu kutungamirira hondo dzokudenga mukurwa kwacho. Hondo yeAmagedhoni yave pedyo here? Ngationei kuti tingaziva sei.

Ngativerengei pamwe chete pamusoro penguva apo Mwari anobvisa vakaipa vose oponesa vanomushumira, pana Zvirevo 2:21, 22; Isaya 26:20, 21; Jeremiya 25:31-33; naMateu 24:21, 22.