Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 47

Mazivire Atingaita Kuti Amagedhoni Yava Pedyo

Mazivire Atingaita Kuti Amagedhoni Yava Pedyo

CHIRATIDZO unochiziva handiti?— MuChitsauko 46 takaverenga nezvechiratidzo icho Mwari akapa chokuti aisazomboparadza nyika nemafashamo zvekare. Uyewo vaapostora vakakumbira chiratidzo chokuti vazive apo Jesu ainge adzoka uye apo mugumo wenyika, kana kuti gadziriro yezvinhu wainge wava pedyo.—Mateu 24:3.

Sezvo Jesu aizove ari mudenga matisingamuoni, paidiwa chiratidzo chokuonesa kuti akanga atanga kutonga. Naizvozvo Jesu akataura pamusoro pezvinhu izvo vadzidzi vake vanofanira kutarisira kuona pasi pano. Zvinhu izvi pazvaizoitika, zvaizoreva kuti ainge adzoka uye ainge atanga kutonga mudenga saMambo.

Kuti adzidzise vadzidzi vake kukosha kwokuramba vakarinda, Jesu akavaudza kuti: “Cherechedzai muonde nemimwe miti yose: Kana yava kutotungira, nokuicherechedza munoziva kuti zvino zhizha rava pedyo.” Unogona kuziva kana zhizha rava pedyo. Uye unogona kuziva kana Amagedhoni yava pedyo paunoona zvinhu zvichiitika izvo Jesu akataura nezvazvo.—Ruka 21:29, 30.

Jesu paakataura nezvemuonde, chidzidzo chipi chaaida kudzidzisa?

Papeji ino neinotevera tichatarisa mifananidzo yezvinhu izvo Jesu akati zvaizova zvimwe zvechiratidzo chokuti Umambo hwaMwari hwava pedyo. Zvinhu zvose izvi pazvinoitika, Umambo hwaMwari huna Kristu soMutongi huchaparadza dzimwe hurumende dzose sezvatakaverenga muChitsauko 46.

Naizvozvo nyatsotarira mifananidzo iri pamapeji maviri anotangira ino, uye tichataura nezvayo. Pana Mateu 24:6-14 naRuka 21:9-11, unogona kuverenga pamusoro pezvaunoona pamifananidzo iyi. Uyewo cherechedza nhamba duku iri pamufananidzo mumwe nomumwe. Nhamba imwe iyoyo inowanikwa kwokutanga kwendima inorondedzera mufananidzo iwoyo. Zvino ngationei kana zvinhu zvizhinji zvechiratidzo icho Jesu akapa zviri kuzadzika nhasi.

(1) Jesu akati: “Muchanzwa nezvehondo nemashoko ezvehondo; . . . rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo.” Wati wambonzwa mashoko ehondo here?— Hondo yenyika yokutanga yakarwiwa kubva muna 1914 kusvika muna 1918, kukazova neHondo Yenyika II, kubva muna 1939 kusvika muna 1945. Kwakanga kusina kumboitika hondo dzenyika yose! Iye zvino kune hondo kwose kwose munyika. Zvinoratidza sokuti zuva roga roga paTV, muredhiyo, uye mupepanhau, tinonzwa kana kuti tinoverenga nezvehondo.

(2) Jesu akatiwo: “Kuchava nokuperevedza kwezvokudya . . . munzvimbo nenzvimbo.” Sezvaungadaro uchiziva, haasi munhu wose ane zvokudya zvakakwana. Zuva nezuva zviuru zvevanhu zvinofa nokuti hazvina zvokudya zvakakwana.

(3) Jesu akawedzera kuti: “Munzvimbo nenzvimbo muchava nenhenda.” Unoziva kuti denda chii here?— Chirwere kana kuti hosha, inouraya vanhu vakawanda. Rimwe denda guru rinonzi furuwenza yokuSpain rakauraya vanhu vanenge mamiriyoni 20 mukati merinenge gore. Muzuva redu vanhu vakawanda kupfuura ipapo zvimwe vachafa neAIDS. Uye kunewo kenza, chirwere chomwoyo, nezvimwe zvirwere zvinouraya zviuru zvizhinji zvevanhu gore negore.

(4) Jesu akataura chimwe chechiratidzo achiti: “Kuchava . . . nokudengenyeka kwepasi munzvimbo nenzvimbo.” Unoziva here chinonzi kudengenyeka kwenyika?— Zvinoreva kuzununguka kunoita pasi. Dzimba dzinowira pasi, uye kazhinji vanhu vanofa. Kubva mugore ra1914, kwave kune kudengenyeka kwenyika kwakawanda gore negore. Wakambonzwa nezvokudengenyeka kwenyika here?—

(5) Jesu akati chimwe chechiratidzo chaizova ‘kuwedzera kwouipi.’ Ndicho chikonzero nei kune kuba kwakawanda nechisimba. Kwose kwose vanhu vanotya kuti zvimwe mumwe munhu achaedza kupaza kuti apinde mumba mavo. Hazvina kumboitika nakare kwose kuti kuve noutsotsi uye chisimba zvakawanda kudaro munyika yose sezviripo zvino.

(6) Jesu akataura chimwe chinhu chinokosha zvikuru chechiratidzo paakati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14) Kana uchitenda “aya mashoko akanaka,” unofanira kutaurira vamwe nezvawo. Nenzira iyoyo unogona kubatanidzwawo mukuzadzika kwechiratidzo ichi.

Vamwe vanhu vangati zvinhu izvo Jesu akafanotaura zvangogara zvichiitika. Asi zvinhu zvakadaro hazvisati zvamboitika zvose munzvimbo dzakawanda kudaro pasi pose panguva imwe chete. Naizvozvo unonzwisisa here zvinorehwa nechiratidzo chacho?— Chinoreva kuti patinoona zvinhu zvose izvi zvichiitika, nyika ino yakaipa ichatsiviwa nokukurumidza nenyika itsva yaMwari.

Jesu paakapa chiratidzo ichi, akataurawo pamusoro peimwe nguva yegore. Akati: “Rambai muchinyengetera kuti kutiza kwenyu kurege kuitika munguva yechando.” (Mateu 24:20) Unofunga airevei nemashoko iwayo?—

Kana munhu achifanira kunzvenga imwe njodzi munguva yechando, apo mwaka wechando unoita kuti zvive zvakaoma kana kuti kunyange zvine ngozi zvikuru kufamba, chii chingagona kuitika?— Kana akatombopukunyuka, kunenge kuri nokutambudzika kukuru. Zvingasava zvinonzwisa urombo here kuti mumwe munhu afire muchando nemhaka bedzi yokuti akanonoka kutanga rwendo nokuda kwokuti akanga akabatikana nezvimwe zvinhu?—

Jesu paakataura nezvekuedza kutiza panguva yekutonhora, chidzidzo chipi chaaidzidzisa?

Unoona here pfungwa yakanga iri kubudiswa naJesu nokutaura nezvokusamira kusvika nguva yechando kuti utize?— Akanga ari kutiudza kuti sezvo tichiziva kuti Amagedhoni yava pedyo, hatidi kunonoka kuita chimwe chinhu kuratidza kuti tinoda Mwari nokumushumira. Kana tikaverengera, tingazonyanya kunonoka. Naizvozvo tingazongoita sevaya vomunguva yeMafashamo makuru vakanzwa Noa asi vasina kupinda muareka.

Zvino ngatimbotaura kuti zvichave zvakadini pashure pokunge hondo huru yeAmagedhoni yapera. Tichadzidza izvo Mwari akatichengetera isu tose tinomuda nokumushumira zvino.

Anotevera ndemamwe magwaro anoratidza kuti Amagedhoni yava pedyo: 2 Timoti 3:1-5; na2 Petro 3:3, 4.