Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 1

Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?

Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?
  •  Mwari ane hanya newe zvechokwadi here?

  • Mwari akaita sei? Ane zita here?

  • Zvinoita here kuti uswedere pedyo naMwari?

1, 2. Nei zvichiwanzova zvakanaka kubvunza mibvunzo?

WAKAMBOCHERECHEDZA here mabvunziro anoita vana mibvunzo? Vakawanda vanotanga kubvunza pavanongogona kutaura. Vakanyatsovhura maziso, vachida kuziva, vanokutarisa, vobvunza zvinhu zvakadai sokuti: Nei denga riri rebhuruu? Nyeredzi dzakagadzirwa nei? Ndiani akadzidzisa shiri kuimba? Ungaedza chaizvo kupindura, asi hazvisi nyore nguva dzose. Kunyange mhinduro yako yakanaka chaizvo ingamutsa mumwe mubvunzo wokuti: Nei?

2 Vana havasivo voga vanobvunza mibvunzo. Sezvatinokura, tinoramba tichibvunza. Tinoita izvi patinobvunza nzira, uye kuti tizive njodzi dzatinofanira kudzivisa, kana kuti kugutsa kuda kuziva. Asi vanhu vazhinji vanoita sevanorega kubvunza mibvunzo, kunyanya iya inokosha kwazvo. Zvichida vanorega kutsvaka mhinduro.

3. Nei vakawanda vachirega kuedza kutsvaka mhinduro dzemibvunzo inokosha kwazvo?

3 Chimbofunga nezvomubvunzo uri pabutiro rebhuku rino, mibvunzo iri mumashoko okusuma, kana kuti  iya iri panotangira chitsauko chino. Iyi mimwe yemibvunzo inokosha kwazvo yaungabvunza. Asi vanhu vakawanda vakarega kuedza kutsvaka mhinduro dzacho. Nei? Bhaibheri rine mhinduro dzacho here? Vamwe vanofunga kuti mhinduro dzaro dzakanyanya kuoma kuti munhu adzinzwisise. Vamwe vanonetseka kuti kubvunza mibvunzo kungaita kuti vanyadziswe. Uye vamwe vanosarudza kuti zvakanaka kusiyira mibvunzo yakadaro kuvatungamiriri vezvitendero nevadzidzisi. Zvakadini newe?

4, 5. Ndeipi mimwe mibvunzo inokosha kwazvo yatingabvunza muupenyu, uye nei tichifanira kutsvaka mhinduro dzacho?

4 Zvichida, unoda kuwana mhinduro dzemibvunzo inokosha youpenyu. Hapana mubvunzo kuti dzimwe nguva unomboshamisika kuti: ‘Chinangwa choupenyu chii? Upenyu huno ndihwo hwoga huripo here? Mwari akamboita sei chaizvo?’ Zvakanaka kubvunza mibvunzo yakadai, uye zvakakosha kuti usarega kusvikira wawana mhinduro dzinogutsa uye dzechokwadi. Mudzidzisi akakurumbira, Jesu Kristu akati: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.”—Mateu 7:7.

5 Kana ‘ukaramba uchitsvaka’ mhinduro dzemibvunzo inokosha, uchawana kuti kutsvaka kwacho kungakuunzira mubayiro mukuru. (Zvirevo 2:1-5) Pasinei nokuti vamwe vanhu vangave vakakuudza chii, mhinduro dziripo, uye unogona kudziwana—muBhaibheri. Mhinduro dzacho hadzina kunyanya kuoma kuti udzinzwisise. Zvinotobatsira zvakanyanya ndezvokuti dzinopa tariro uye mufaro. Uye dzinogona kukubatsira kurarama upenyu hunogutsa iye zvino. Kutanga, ngatikurukurei mubvunzo wanetsa vanhu vakawanda.

MWARI HAANA HANYA UYE ANE MWOYO WAKAOMA HERE?

6. Nei vanhu vakawanda vachifunga kuti Mwari haana hanya nokutambura kwevanhu?

6 Vanhu vakawanda vanofunga kuti mhinduro yomubvunzo iwoyo ndihungu. Vanofunga kuti, ‘Kudai Mwari aiva nehanya, nyika yaisazova nzvimbo yakasiyana zvikuru nezvairi here?’ Tinoona nyika izere nehondo, kuvengana, uye nhamo. Uye somunhu oga oga, tinorwara, tinotambura, tinofirwa nevadiwa vedu. Saka, vakawanda vanoti, ‘Kudai Mwari aiva nehanya nesu uye nematambudziko edu, aisazoita kuti zvinhu zvakadaro zvirege kuitika here?’

7. (a) Vafundisi vakaita sei kuti vakawanda vafunge kuti Mwari ane mwoyo wakaoma? (b) Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo nezvemiedzo yatingatambura nayo?

7 Zvakatoipa ndezvokuti dzimwe nguva vafundisi vanoita kuti vanhu vafunge kuti Mwari ane mwoyo wakaoma. Sei? Panouya dambudziko, vanoti kuda kwaMwari. Chokwadi, vafundisi vakadaro vanopomera Mwari kuti ndiye anoita kuti zvinhu zvakaipa zviitike. Ichocho ndicho chokwadi here pamusoro paMwari? Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo? Jakobho 1:13 inopindura kuti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” Saka Mwari haasi iye anokonzera uipi hwaunoona kwose kwose munyika. (Jobho 34:10-12) Chokwadi, iye anobvumira kuti zvinhu zvakaipa zviitike. Asi kubvumira kuti chimwe chinhu chiitike uye kuchikonzera zvakasiyana zvikuru.

8, 9. (a) Ungaenzanisira sei kusiyana kwakaita kubvumira kuti uipi huvepo uye kuhukonzera? (b) Nei zvaisazova zvakanaka kuti tishore kusarudza kwakaita Mwari kubvumira vanhu kurarama nenzira yakaipa?

8 Somuenzaniso, funga nezvababa vakachenjera uye vane rudo vane mwanakomana akura uyo achiri kugara pamba nevabereki vake. Mwanakomana wacho paanopanduka, osarudza kubva pamba, baba vake havamurambidzi. Mwanakomana wacho anorarama nenzira yakaipa, opinda mumatambudziko. Baba vacho ndivo vanenge vakonzera matambudziko omwanakomana wavo here? Kwete. (Ruka 15:11-13) Saizvozvowo, Mwari haarambidzi vanhu pavanosarudza kurarama nenzira yakaipa, asi haasiri iye anokonzera matambudziko anozovapo. Saka, chokwadi zvaisazova zvakanaka kupomera Mwari matambudziko ose evanhu.

9 Mwari ane zvikonzero zvakanaka zvokubvumira vanhu kurarama nenzira yakaipa. SoMusiki wedu akachenjera uye ane simba, haafaniri hake kutitsanangurira zvikonzero zvake. Zvisinei, nokuda kworudo, Mwari anoita izvi. Uchadzidza zvakawanda nezvezvikonzero izvi muChitsauko 11. Asi iva nechokwadi chokuti Mwari haasi iye anokonzera matambudziko atinotarisana nawo. Asi anotipa tariro imwe chete yokugadzirisa zvinhu!—Isaya 33:2.

10. Nei tingavimba kuti Mwari achabvisa migumisiro yose youipi?

10 Uyezve, Mwari mutsvene. (Isaya 6:3) Izvi zvinoreva kuti akachena. Haana kana kauipi zvako. Saka tinogona kuvimba naye zvizere. Hatigoni kuita saizvozvo nevanhu, avo dzimwe nguva vanova nouori. Kunyange munhu ane chiremera akatendeseka kwazvo, kazhinji haana simba rokugadzirisa kukanganisa kunoitwa nevanhu vakaipa. Asi Mwari ane simba rose. Anogona uye achabvisa migumisiro yose yakaunzwa pavanhu nouipi. Mwari paachaita izvozvo, achazviita nenzira ichagumisa uipi nokusingaperi!—Pisarema 37:9-11.

MWARI ANONZWA SEI NOKUSARURAMISIRA KWATINOTARISANA NAKO?

11. (a) Mwari anonzwa sei pamusoro pokusaruramisira? (b) Mwari anonzwa sei pamusoro pokutambura kwako?

11 Panguva ino, Mwari anonzwa sei nezviri kuitika munyika uye muupenyu hwako? Kutanga, Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari “anoda kururamisira.” (Pisarema 37:28) Saka ane hanya chaizvo nezvakarurama uye zvakaipa. Anovenga kusaruramisira kwose. Bhaibheri rinotaura kuti Mwari “akarwadziwa mumwoyo make” zvakaipa pazvakazadza nyika munguva yakapfuura. (Genesisi 6:5, 6) Mwari haana kuchinja. (Maraki 3:6) Achiri kuvenga kuona kutambura kuri kuitika munyika yose. Uye Mwari anovenga kuona vanhu vachitambura. “Iye ane hanya nemi,” rinodaro Bhaibheri.—1 Petro 5:7.

Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha Musiki ane rudo

12, 13. (a) Nei tiine unhu hwakanaka hwakadai sorudo, uye rudo runoita kuti tione sei nyika? (b) Nei ungava nechokwadi chokuti Mwari zvechokwadi achagadzirisa matambudziko enyika?

12 Tingava sei nechokwadi chokuti Mwari anovenga kuona kutambura? Hehuno humwe uchapupu. Bhaibheri rinodzidzisa kuti munhu akasikwa nomufananidzo waMwari. (Genesisi 1:26) Saka tine unhu hwakanaka nokuti Mwari ane unhu hwakanaka. Somuenzaniso, zvinokunetsa here kuona vanhu vasina mhosva vachitambura? Kana uine hanya nokusaruramisira kwakadaro, iva nechokwadi chokuti Mwari anotova nehanya zvakanyanya nezvokusaruramisira kwacho.

13 Chimwe chinhu chakanaka kwazvo chine vanhu kukwanisa kuratidza rudo. Izvozvo zvinoratidzawo zvakaita Mwari. Bhaibheri rinodzidzisa kuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Tinoratidza rudo nokuti Mwari anoratidza rudo. Rudo rwaizoita kuti ugumise kutambura uye kusaruramisira kwaunoona munyika here? Kudai waiva nesimba rokuita izvozvo, waizozviita here? Chokwadi waizozviita! Unogona kuvawo nechokwadi chokuti Mwari achagumisa kutambura uye kusaruramisira. Zvipikirwa zvinotaurwa mumashoko okusuma ebhuku rino hazvisi kungorota kana kuti tarisiro dzisina basa. Zvechokwadi zvipikirwa zvaMwari zvichazadzika! Zvisinei, kuti utende zvipikirwa zvakadaro, unofanira kuziva zvakawanda nezvaMwari akazviita.

MWARI ANODA KUTI UZIVE KUTI IYE NDIANI

Kana uchida kuti mumwe munhu akuzive, haumuudzi here zita rako? Mwari anotizivisa zita rake muBhaibheri

14. Zita raMwari ndiani, uye nei tichifanira kurishandisa?

14 Kana uchida kuti mumwe munhu akuzive, ungaitei? Waisazoudza munhu wacho zita rako here? Mwari ane zita here? Zvitendero zvakawanda zvinopindura kuti zita rake ndi“Mwari” kana kuti “Ishe,” asi iwayo haasi mazita chaiwo. Iwo mazita okuremekedza, akangofanana nemazita okuremekedza akadai sa“mambo” uye “purezidhendi.” Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari ane mazita mazhinji okuremekedza. Mamwe acho ndi“Mwari” uye “Ishe.” Zvisinei, Bhaibheri rinodzidzisawo kuti Mwari ane zita rake pachake: Jehovha. Pisarema 83:18 rinoti: “Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Kana Bhaibheri rako risina zita iroro, ungada kuona Mashoko Okuwedzera ari pamapeji 195-7 ebhuku rino kuti udzidze kuti nei zvakadaro. Chokwadi ndechokuti zita raMwari rinowanika kane zviuru mune zvakanyorwa zveBhaibheri zvekare. Saka Jehovha anoda kuti uzive zita rake uye kuti urishandise. Neimwe nzira, ari kushandisa Bhaibheri kukuudza zita rake.

15. Zita rokuti Jehovha rinorevei?

15 Mwari akazvipa zita rine zvarinoreva chaizvo. Zita rake rokuti Jehovha, rinoreva kuti Mwari anogona kuzadzisa chipikirwa chero chipi zvacho chaanoita uye anogona kuita chero chipi zvacho chaanoda chaanenge achifunga. * Zita raMwari rakasiyana nemamwe, zvechokwadi rakasiyana nemamwe ose. Nderake iye chete. Jehovha akasiyana nevamwe munzira dzinoverengeka. Sei?

16, 17. Tingadzidzei nezvaJehovha kubva mumazita okuremekedza anotevera: (a) “Wemasimbaose”? (b) “Mambo asingagumi”? (c) “Musiki”?

16 Taona kuti Pisarema 83:18 rati nezvaJehovha: “Imi moga ndimi Wokumusorosoro.” Saizvozvowo, Jehovha chete ndiye anonzi “Wemasimbaose.” Zvakazarurwa 15:3 inoti: “Jehovha Mwari, Wemasimbaose, mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo asingagumi.” Zita rokuremekedza rokuti “Wemasimbaose” rinotidzidzisa kuti Jehovha ndiye munhu ane simba zvikuru kupfuura vose. Simba rake harina rimwe raringaenzaniswa naro; iguru kwazvo. Uye zita rokuremekedza rokuti “Mambo asingagumi” rinotiyeuchidza kuti Jehovha akasiyana nevamwe mune imwe pfungwa. Iye chete ndiye agara aripo. Pisarema 90:2 rinoti: “Muri Mwari kubvira narini kusvikira narini [kana kuti, nokusingaperi].” Pfungwa iyoyo haiiti kuti ushamisike here?

17 Jehovha akasiyanawo nevamwe pakuti iye chete ndiye Musiki. Zvakazarurwa 4:11 inoti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Zvinhu zvose zvaungafunga nezvazvo—kubvira kuzvisikwa zvomudzimu zvisingaoneki zviri kudenga kusvika kunyeredzi dzinozadza denga usiku, michero inokura pamiti, hove dzinofamba mumakungwa uye munzizi—zvose zvazvo zviripo nokuti Jehovha ndiye Musiki!

UNOGONA KUVA PEDYO NAJEHOVHA HERE?

18. Nei vamwe vanhu vachifunga kuti havangambovi pedyo naMwari, asi Bhaibheri rinodzidzisei?

18 Kuverenga nezvounhu hwaJehovha hunoshamisa kunoita kuti vamwe vanhu vati ityei. Vanotya kuti Mwari akanyanya kukwirira kwavari, zvokuti havangambovi pedyo naye kana kuti kunyange kuva vanokosha kuna Mwari akakwirira kudaro. Asi pfungwa iyi yakarurama here? Bhaibheri rinodzidzisa zvakanyatsosiyana. NezvaJehovha rinoti: ‘Chokwadi, haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’ (Mabasa 17:27) Bhaibheri rinototikurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.

19. (a) Tingatanga sei kuswedera pedyo naMwari, uye zvichibatsirei? (b) Unonyanya kufadzwa nounhu hupi hwaMwari?

19 Ungaswedera sei pedyo naMwari? Kutanga, ramba uchiita zvauri kuita iye zvino—kudzidza nezvaMwari. Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Chokwadi, Bhaibheri rinodzidzisa kuti kudzidza nezvaJehovha naJesu zvinoita kuti tiwane “upenyu husingaperi”! Sezvatotaurwa, “Mwari rudo.” (1 Johani 4:16) Jehovha anewo humwe unhu hwakawanda hwakanaka uye hunofadza. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti Jehovha ndi“Mwari ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi.” (Eksodho 34:6) ‘Akanaka uye akagadzirira kukanganwira.’ (Pisarema 86:5) Mwari anoshivirira. (2 Petro 3:9) Akavimbika. (Zvakazarurwa 15:4) Paunenge uchiverenga zvakawanda muBhaibheri, uchaona maratidziro ayo Jehovha akaita kuti ane unhu uhwu uye humwe huzhinji hunofadza.

20-22. (a) Kusakwanisa kwedu kuona Mwari kunotidzivisa kuva pedyo naye here? Tsanangura. (b) Vamwe vanhu vanenge vachifunga kuti vari kuita zvakanaka vangakukurudzira kuitei, asi iwe unofanira kuitei?

20 Chokwadi, haugoni kuona Mwari nokuti iye mudzimu usingaoneki. (Johani 1:18; 4:24; 1 Timoti 1:17) Zvisinei, unogona kusvika pakumuziva somunhu nokudzidza nezvake muBhaibheri. Sezvakataurwa nomunyori wepisarema, unogona ‘kuona kufadza kwaJehovha.’ (Pisarema 27:4; VaRoma 1:20) Kana ukadzidza zvakawanda nezvaJehovha, iye achavawo munhu chaiye kwauri uye uchavawo nechikonzero chokumuda zvakanyanya uye kunzwa uri pedyo naye.

Rudo urwo baba vakanaka vanarwo nokuda kwevana vavo runoratidza rudo rukuru urwo Baba vedu vokudenga vanarwo kwatiri

21 Uchasvika pakunzwisisa nei Bhaibheri richitidzidzisa kuti tione Jehovha saBaba vedu. (Mateu 6:9) Upenyu hwedu hahungobvi kwaari chete asi anoda kuti tive noupenyu hwakanaka kwazvo—souhwo chero baba vapi zvavo vane rudo vaizoda kuti vana vavo vave nahwo. (Pisarema 36:9) Bhaibheri rinodzidzisawo kuti vanhu vanogona kuva shamwari dzaJehovha. (Jakobho 2:23) Chimbozvifunga—unogona kuva shamwari yoMusiki wezvinhu zvose!

22 Sezvaunodzidza zvakawanda muBhaibheri, ungawana kuti vamwe vanhu vanenge vachifunga kuti vari kuita zvakanaka vachakukurudzira kurega kudzidza kwakadai. Vanganetseka kuti uchachinja zvaunotenda. Asi usarega chero munhu upi zvake achikutadzisa kuva noushamwari hwakanakisisa hwaungava nahwo.

23, 24. (a) Nei uchifanira kuramba uchibvunza mibvunzo ine chokuita nezvauri kudzidza? (b) Chitsauko chinotevera chichakurukurei?

23 Chokwadi, pakutanga pachava nezvinhu zvausinganzwisisi. Zvingada kuzvininipisa kuti ukumbire kubatsirwa, asi usarega uchityira kuti unganyadziswa. Jesu akati zvakanaka kuzvininipisa somwana muduku. (Mateu 18:2-4) Uye vana, sezvatinoziva, vanobvunza mibvunzo yakawanda. Mwari anoda kuti uwane mhinduro dzacho. Bhaibheri rinorumbidza vamwe vaiva nechido chokudzidza nezvaMwari. Vainyatsoongorora Magwaro kuti vave nechokwadi chokuti zvavaidzidza ndizvo zvaiva chokwadi.—Mabasa 17:11.

24 Nzira yakanaka kwazvo yokudzidza nezvaJehovha ndeyokuongorora Bhaibheri. Iro rakasiyana nemamwe mabhuku. Sei? Chitsauko chinotevera chichakurukura nyaya iyoyo.

^ ndima 15 MuMashoko Okuwedzera ari pamapeji 195-7 mune dzimwe pfungwa dzine chokuita nezvinorehwa nezita raMwari uye madudzirwo aro.