Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 3

Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?

Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?
  • Chinangwa chaMwari nokuda kwevanhu ndechei?

  • Mwari akadenhwa sei?

  • Upenyu panyika huchange hwakaita sei munguva yemberi?

1. Chinangwa chaMwari nokuda kwenyika ndechei?

CHINANGWA chaMwari nokuda kwenyika chinoshamisa zvechokwadi. Jehovha anoda kuti nyika izare nevanhu vanofara, vane utano hwakanaka. Bhaibheri rinotaura kuti “Mwari akagadzira munda muEdheni” uye kuti “akameresa miti yose inoyevedza . . . yakanakira kudya.” Pashure pokunge Mwari asika murume nomukadzi vokutanga, Adhamu naEvha, akavaisa mumusha iwoyo wakanaka zvikuru akavaudza kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.” (Genesisi 1:28; 2:8, 9, 15) Naizvozvo chinangwa chaMwari chaiva chokuti vanhu vave nevana, vawedzere ukuru hweparadhiso iyoyo kuti ive munyika yose, uye kuti vatarisire mhuka.

2. (a) Tinoziva sei kuti chinangwa chaMwari nokuda kwenyika chichazadziswa? (b) Bhaibheri rinotii nezvokurarama kwevanhu nokusingaperi?

2 Unofunga kuti chinangwa chaJehovha Mwari nokuda kwevanhu kuti vagare muparadhiso pasi pano chichazombozadziswa here? “Ndakazvitaura,” Mwari anozivisa kudaro, “ndichazviitawo.” (Isaya 46:9-11; 55:11) Chokwadi, zvinoitwa chinangwa naMwari, achazviitawo! Anoti ‘haana kungosika nyika pasina’ asi “akaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Mwari aida kuti panyika pagarwe nevanhu vakaita sei? Uye aida kuti vagare pano kwenguva yakareba sei? Bhaibheri rinopindura kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4.

3. Iye zvino panyika pane mamiriro api ezvinhu anosiririsa, uye izvi zvinomutsa mibvunzo ipi?

3 Zviri pachena kuti izvi hazvisati zvaitika. Iye zvino vanhu vanorwara uye vanofa; vanotorwisana uye vanourayana. Chimwe chinhu chakakanganisika. Kunyange zvakadaro, chokwadi Mwari haana kuita chinangwa chokuti nyika ive sezvatinoiona iri mazuva ano! Chii chakaitika? Nei chinangwa chaMwari chisina kuzadzika? Hapana bhuku rezvakaitika kare rakanyorwa nomunhu rinogona kutiudza nokuti dambudziko racho rakatangira kudenga.

KUTANGA KWAKAITA MUVENGI

4, 5. (a) Ndiani chaizvoizvo akataura naEvha achishandisa nyoka? (b) Munhu aimbova akanaka, akatendeseka angava sei mbavha?

4 Bhuku rokutanga reBhaibheri rinotiudza nezvomushori waMwari akaoneka mumunda weEdheni. Anotsanangurwa se“nyoka,” asi akanga asiri mhukawo zvayo. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinomuzivisa so‘uya anonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yose inogarwa.’ Anonziwo “nyoka yepakutanga.” (Genesisi 3:1; Zvakazarurwa 12:9) Iyi ngirozi ine simba, kana kuti chisikwa chomudzimu chisingaoneki, yakashandisa nyoka kutaura naEvha, kungofanana nenyanzvi inogona kuita kuti zviite sokuti inzwi rayo riri kubuda muchidhori chiri pedyo. Hapana mubvunzo kuti munhu iyeyo womudzimu akanga aripo Mwari paakagadzirira vanhu nyika.—Jobho 38:4, 7.

5 Zvisinei, zvisikwa zvaJehovha zvose zvazvakakwana, ndiani akaita “Dhiyabhorosi,” uyu, “Satani” uyu? Zvichitaurwa nenzira iri nyore, mumwe wevanakomana vaMwari vomudzimu ane simba akazviita Dhiyabhorosi. Izvi zvakaitika sei? Mazuva ano, tinofanira kuziva kuti munhu aimbova akanaka uye akatendeseka angava mbavha. Izvozvo zvinoitika sei? Munhu wacho angabvumira kuti chido chakaipa chitange mumwoyo make. Kana akaramba achifunga nezvacho, chido chakaipa ichocho chingasimba kwazvo. Saka kana pakava nomukana, angaita maererano nechido chacho chakaipa chaave achifunga nezvacho.—Jakobho 1:13-15.

6. Mwanakomana waMwari womudzimu aiva nesimba akava sei Satani Dhiyabhorosi?

6 Izvi zvakaitika kuna Satani Dhiyabhorosi. Zviri pachena kuti akanzwa Mwari achiudza Adhamu naEvha kuti vave nevana uye kuti vazadze nyika nevana vavo. (Genesisi 1:27, 28) ‘Chokwadi, vanhu vose ava vanganamata ini panzvimbo paMwari!’ Zviri pachena kuti Satani akafunga kudaro. Naizvozvo chido chakaipa chakatanga mumwoyo make. Pakupedzisira, akanyengera Evha nokumuudza nhema pamusoro paMwari. (Genesisi 3:1-5) Saka akabva ava “Dhiyabhorosi,” zvinoreva kuti “Mucheri.” Panguva iyoyowo, akava “Satani,” zvinoreva kuti “Mushori.”

7. (a) Nei Adhamu naEvha vakafa? (b) Nei vana vaAdhamu vose vachikwegura, vofa?

7 Nokushandisa nhema uye unyengeri, Satani Dhiyabhorosi akaita kuti Adhamu naEvha varege kuteerera Mwari. (Genesisi 2:17; 3:6) Saka ivo vakazofa, sezvakanga zvataurwa naMwari kuti vaizoita kana vakasateerera. (Genesisi 3:17-19) Adhamu zvaakava asina kukwana paakaita chivi, vana vake vose vakaberekwa vaine chivi chakabva kwaari. (VaRoma 5:12) Mamiriro acho ezvinhu angaenzanisirwa nepani inoshandiswa kubikira chingwa. Kana pani yacho yakabofoka, chii chinoitika kuchingwa chimwe nechimwe chinobikirwa mupani yacho? Chingwa chacho chimwe nechimwe chinenge chakabofoka, kana kuti chakakanganisika. Saizvozvowo, munhu mumwe nomumwe akaberekwa aine “kubofoka” kwokusakwana kwakabva kuna Adhamu. Ndokusaka vanhu vose vachikwegura, vofa.—VaRoma 3:23.

8, 9. (a) Sezviri pachena, Satani akapomerei Mwari? (b) Nei Mwari asina kubva angoparadza vapanduki vacho?

8 Satani paakaita kuti Adhamu naEvha vatadzire Mwari, zvechokwadi akanga achitungamirira pakupanduka. Akanga achishora matongero aJehovha. Chaizvoizvo, Satani akanga achiti: ‘Mwari mutongi akaipa. Anoreva nhema uye anonyima vanhu vaanotonga zvinhu zvakanaka. Vanhu havafaniri havo kutongwa naMwari. Vanogona kuzvisarudzira chakanaka nechakaipa. Uye vachabudirira ndichivatonga ini.’ Mwari aizoita sei nokupomerwa kunozvidza zvakadaro? Vamwe vanofunga kuti Mwari aifanira kudai akangouraya vapanduki vacho. Asi izvozvo zvingadai zvakapindura kupomera kwaSatani here? Zvingadai zvakabudisa pachena here kuti matongero aMwari akarurama?

9 Kururamisira kwaJehovha kwakakwana kwaisazomubvumira kubva angouraya vapanduki vacho. Akasarudza kuti nguva yaidiwa kuti apindure kupomera kwaSatani nenzira inogutsa uye kuratidza kuti Dhiyabhorosi murevi wenhema. Saka Mwari akasarudza kuti aizobvumira vanhu kuti vazvitonge kwenguva yakati vachitungamirirwa naSatani. Chikonzero nei Jehovha akaita izvozvo uye nei akabvumira kuti nguva yakareba kudai ipfuure asati agadzirisa nyaya idzi zvichakurukurwa muChitsauko 11 chebhuku rino. Zvisinei, iye zvino zvakanaka kufunga nezveizvi: Adhamu naEvha vakanga vakarurama here kuti vadavire Satani, uyo asina kana chakanaka chaakanga avaitira? Zvakanga zvakarurama here kuti vadavire kuti Jehovha, uyo akanga avapa zvinhu zvose zvavaiva nazvo, aiva murevi wenhema ane utsinye? Iwe ungadai wakaitei?

10. Ungatsigira sei Jehovha pakupindura kupomera kwaSatani?

10 Zvakanaka kuti tifunge nezvemibvunzo iyi nokuti mumwe nomumwe wedu anotarisana nenyaya dzakafanana mazuva ano. Chokwadi, une mukana wokutsigira Jehovha pakupindura kupomera kwaSatani. Unogona kubvuma Jehovha soMutongi wako, wobatsira kuratidza kuti Satani murevi wenhema. (Pisarema 73:28; Zvirevo 27:11) Zvinosuruvarisa kuti vashomanana chete pamabhiriyoni evanhu vari munyika ino vanosarudza kudaro. Izvi zvinomutsa mubvunzo unokosha wokuti, Chaizvoizvo Bhaibheri rinodzidzisa kuti Satani ari kutonga nyika ino here?

NDIANI ARI KUTONGA NYIKA INO?

Satani aigona sei kupa Jesu umambo hwose hwenyika kudai hwakanga husiri hwake?

11, 12. (a) Kuedzwa kwakaitwa Jesu kunoratidza sei kuti Satani ndiye mutongi wenyika ino? (b) Ndezvipi zvimwe zvinoratidza kuti Satani ndiye mutongi wenyika ino?

11 Jesu haana kumbopikisa kuti Satani ndiye mutongi wenyika ino. Nenzira inoshamisa, Satani akamboratidza Jesu “umambo hwose hwenyika nokubwinya kwahwo.” Satani akabva avimbisa Jesu kuti: “Ndichakupa zvinhu zvose izvi kana ukawira pasi wongondinamata kamwe chete.” (Mateu 4:8, 9; Ruka 4:5, 6) Funga nezveizvi. Kupa Jesu izvozvo kungadai kwaiva muedzo here kudai Satani akanga asiri mutongi woumambo uhwu? Jesu haana kuramba kuti hurumende dzose idzi dzenyika dzaiva dzaSatani. Chokwadi, Jesu angadai akaita izvozvo kudai Satani akanga asiri simba raiva seri kwadzo.

12 Zvechokwadi, Jehovha ndiMwari wemasimbaose, Musiki wezvinhu zvose zvinoshamisa. (Zvakazarurwa 4:11) Asi, hapana apo Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha Mwari kana kuti Jesu Kristu ndiye mutongi wenyika ino. Chokwadi, Jesu akataura zvakananga nezvaSatani so“mutongi wenyika ino.” (Johani 12:31; 14:30; 16:11) Bhaibheri rinototaura nezvaSatani Dhiyabhorosi sa“mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (2 VaKorinde 4:3, 4) Nezvomushori uyu, kana kuti Satani, Johani, muapostora wechiKristu akanyora kuti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.”—1 Johani 5:19.

KUBVISWA KUCHAITWA NYIKA YASATANI

13. Nei nyika itsva ichidiwa?

13 Gore roga roga, nyika iri kuramba ichiva nengozi. Iri kuzadzwa nemauto anorwisana, vezvematongerwo enyika vasina kutendeseka, vatungamiriri vezvitendero vanonyengera, uye matsotsi emakoko. Nyika yose zvayo haichagadzirisiki. Bhaibheri rinoratidza kuti nguva yava pedyo apo Mwari achabvisa nyika yakaipa muhondo yake yeAmagedhoni. Nyika ino ichatsiviwa nenyika itsva yakarurama.—Zvakazarurwa 16:14-16.

14. Mwari akasarudza ani kuti ave Mutongi woUmambo Hwake, uye izvi zvakafanotaurwa sei?

14 Jehovha Mwari akasarudza Jesu Kristu kuti ave Mutongi woUmambo Hwake hwokudenga, kana kuti hurumende. Kare kare, Bhaibheri rakafanotaura kuti: “Takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava papfudzi rake; zita rake richanzi . . . Muchinda worugare. Kukura kwoumambo hwake nekworugare hazvina mugumo.” (Isaya 9:6, 7, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona nomunyorero mutsva) Nezvehurumende iyi, Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:10) Sezvatichaona gare gare mubhuku rino, Umambo hwaMwari huchakurumidza kubvisa hurumende dzose dzenyika ino, uye ihwo huchadzitsiva dzose zvadzo. (Dhanieri 2:44) Panguva iyoyo Umambo hwaMwari huchaita kuti nyika ive paradhiso.

NYIKA ITSVA YAVA PEDYO!

15. “Nyika itsva” chii?

15 Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira [iye Mwari], uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13; Isaya 65:17) Dzimwe nguva Bhaibheri parinotaura nezve“nyika,” rinenge richitaura vanhu vanogara panyika. (Genesisi 11:1) Saka “nyika itsva” yakarurama vanhu vanofarirwa naMwari.

16. Ndechipi chipo chinokosha zvikuru chinobva kuna Mwari chichapiwa vaya vaanofarira, uye tinofanira kuitei kuti tichiwane?

16 Jesu akapikira kuti munyika itsva iri kuuya, vaya vanofarirwa naMwari vachawana chipo cho“upenyu husingaperi.” (Mako 10:30) Tapota vhura Bhaibheri rako pana Johani 3:16 uye 17:3, uverenge zvakataurwa naJesu kuti tinofanira kuita kuti tiwane upenyu husingaperi. Zvino chifunga kubva muBhaibheri zvikomborero zvichawanikwa nevaya vanonzi vakakodzera kuwana chipo ichocho chinoshamisa chinobva kuna Mwari muParadhiso yepasi pano iri kuuya.

17, 18. Tingava sei nechokwadi chokuti kwose kwose panyika kuchange kuine rugare uye kuchengeteka?

17 Uipi, hondo, kuparwa kwemhosva, uye chisimba zvichange zvisisipo. “Munhu akaipa haazovipozve . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika.” (Pisarema 37:10, 11) Rugare ruchavapo nokuti ‘Mwari achagumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.’ (Pisarema 46:9; Isaya 2:4) Panguva iyoyo “munhu akarurama achamera, uye rugare rukuru ruchavapo kusvikira mwedzi usisipo”—uye izvozvo zvinoreva kuti nokusingaperi!—Pisarema 72:7.

18 Vanamati vaJehovha vachagara vakachengeteka. Chero bedzi vaIsraeri vaiteerera Mwari munguva inotaurwa muBhaibheri, vaigara vakachengeteka. (Revhitiko 25:18, 19) Zvichava zvakanaka zvikuru sei kuva vakachengeteka zvakafanana muParadhiso!—Isaya 32:18; Mika 4:4.

19. Nei tichiziva kuti zvokudya zvichange zvakawanda munyika itsva yaMwari?

19 Hapazovi nokushomeka kwezvokudya. “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo,” akaimba kudaro munyori wepisarema. “Zvichafashukira pamusoro pemakomo.” (Pisarema 72:16) Jehovha Mwari achakomborera vanhu vake vakarurama, uye “nyika ichabereka zvibereko zvayo.”—Pisarema 67:6.

20. Nei tingava nechokwadi chokuti nyika yose ichava paradhiso?

20 Nyika yose ichava paradhiso. Misha mitsva yakanaka chaizvo uye mapaki zvichagadzirwa panyika yakanga yamboparadzwa nevanhu vane zvivi. (Isaya 65:21-24; Zvakazarurwa 11:18) Sezvo nguva inopfuura, zvikamu zvenyika zvinenge zvatokurirwa zvichawedzera kusvikira nyika yose yanaka uye yava kubereka zvibereko kufanana nomunda weEdheni. Uye Mwari haazombokundikani ‘kuvhura ruoko rwake, ogutsa zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.’—Pisarema 145:16.

21. Chii chinoratidza kuti vanhu nemhuka zvichange zviine rugare?

21 Vanhu nemhuka zvichava norugare. Mhuka dzomusango nezvipfuwo zvichafura pamwe chete. Kunyange kamwana hakazotyi mhuka dzine ngozi iye zvino.—Isaya 11:6-9; 65:25.

22. Chii chichaitika kuzvirwere?

22 Zvirwere zvichanyangarika. SoMutongi woUmambo hwaMwari hwokudenga, Jesu acharapa vanhu zvakanyanya kupfuura zvaakaita paaiva pasi pano. (Mateu 9:35; Mako 1:40-42; Johani 5:5-9) Panguva iyoyo “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24; 35:5, 6.

23. Nei rumuko ruchizoita kuti mwoyo yedu ifare?

23 Vadiwa vakafa vachadzoswa kuupenyu vaine tarisiro yokusazombofazve. Vose vaya vakarara murufu vanoyeukwa naMwari vachadzoswa kuupenyu. Zvechokwadi, “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mabasa 24:15; Johani 5:28, 29.

24. Unonzwa sei nezvokugara muParadhiso pasi pano?

24 Chokwadi iyoyo inguva yemberi inoshamisa yakamirira vaya vanosarudza kudzidza nezvoMusiki wedu Mukuru, Jehovha Mwari, uye vanosarudza kumushumira! Paakavimbisa mutadzi akafira pedyo naye kuti: “Uchava neni muParadhiso,” Jesu akanga achitaura nezveParadhiso yepasi pano iri kuuya. (Ruka 23:43) Zvinokosha kuti tidzidze zvakawanda nezvaJesu Kristu, uyo achashandiswa kuita kuti tiwane zvikomborero zvose izvi.